KUDZOKERA KUVANHU VAKARATIDZA KUFARIRA
CHIDZIDZO 7
Usaneta
Rugwaro rwuri kutungamirira: “Vakaramba vachidzidzisa nekuzivisa mashoko akanaka . . . . vasingaregi.”—Mab. 5:42.
Pauro Akazviratidza Sei?
1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Mabasa 19:8-10, woedza kupindura mibvunzo inotevera:
Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naPauro?
2. Kudzokera kuvanhu vanofarira uye kutanga zvidzidzo zveBhaibheri kunotoda kuti tizvipire kushandisa nguva yedu nesimba.
Tevedzera Pauro
3. Ronga nguva yako uchifunga nezvemunhu wacho. Zvibvunze kuti: ‘Inguva ipi yakanyanya kumunakira? Ndekupi kwandingamuonera kuri nyore kukurukura naye?’ Dzokera kumunhu anofarira kunyange kana nguva yacho isinganyatsokuitira.
4. Rangana naye kuti mungazoonana riini zvakare. Nguva dzese pamunopedza kukurukura, edza kunyatsova nenguva yamungarangana kuti muzoonana zvakare. Usazorega kuita zvawavimbisa.
5. Ramba uine tariro. Usakurumidza kufunga kuti kana munhu asingawanzowanika pamba kana kuti achiwanzogara akabatikana zviri kureva kuti haafariri. (1 VaK. 13:4, 7) Asi ngwarirawo kungosimbirira pamunhu ari kukudyira nguva pasina zvinobuda.—1 VaK. 9:26.