Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHOKO EKUWEDZERA C

Kuitisa Chidzidzo cheBhaibheri Uchishandisa Bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!

Kuitisa Chidzidzo cheBhaibheri Uchishandisa Bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!

Hama dzakanyengetera uye dzakatsvakurudza zvakawanda padzakabudisa bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! Kuti unyatsobatsirwa nebhuku iri, shandisa mazano anotevera pakuitisa zvidzidzo.

Usati waenda kuchidzidzo chacho

  1. 1. Nyatsogadzirira. Paunenge uchigadzirira, funga nezvemudzidzi wako kuti anoda kubatsirwa papi, zvinhu zvakamumirira sei, uye kuti anotenda zvipi. Edza kufungidzira kuti ipfungwa dzipi dzaangazoda kubatsirwa kunzwisisa kana kushandisa. Ona kuti nyaya dziri pachikamu chakanzi “Wedzera Pane Zvawadzidza” dzingabatsira sei mudzidzi wacho, uye gara wakagadzirira kudzishandisa kana pakamuka imwe nyaya pamunenge muchidzidza.

Pamunenge muchidzidza

  1. 2. Tangai uye pedzisai nemunyengetero, kunze kwekunge mudzidzi wacho asingadi.

  2. 3. Ngwarira kuti usataurisa. Ingokurukura zvakanyorwa zvamuri kudzidza, uye siya mudzidzi achitaura zvaari kufunga.

  3. 4. Kana muchitanga chikamu chitsva, verengai mashoko ari pakanzi “Zvatichadzidza” ari panotangira chikamu chacho, uye unogona kutaura mimwe misoro yezvidzidzo zviri machiri.

  4. 5. Pazvikamu zvina zviri mubhuku racho, panoperera chikamu chimwe nechimwe pane mibvunzo yekudzokorora; ishandise kubatsira mudzidzi wako kuyeuka chokwadi chaakadzidza.

  5. 6. Pamunoita chidzidzo chimwe nechimwe nemunhu wauri kudzidza naye:

    1. Verengai ndima.

    2. Verengai magwaro ese akanzi “Verengai.”

    3. Verengai mamwe magwaro asina kunzi verengai aunoona kuti ane pfungwa yauri kuda kubudisa.

    4. Onai mavhidhiyo ese akanzi “Onai,” kana kuti “Ngationei” (kana uinawo).

    5. Bvunza mudzidzi mibvunzo yese iripo yekudzidzisa.

    6. Shandisa mifananidzo iri pachikamu chakanzi “Wedzera Kuongorora” uchiita kuti mudzidzi ataure nezvayo.

    7. Shandisa bhokisi rakanzi “Edza Izvi” kubatsira mudzidzi kuona kuti ari kufambira mberi zvakadii. Unogona kumukurudzira kuedza kuzadzisa chinangwa chakanyorwa mubhokisi iroro kana kuwedzera chimwe chaanogona kushandira.

    8. Bvunza mudzidzi wacho kana aine imwe nyaya kana vhidhiyo yakamunakidza pachikamu chakanzi “Wedzera Pane Zvawadzidza” paaigadzirira.

    9. Edzai kupedza chidzidzo pese pamunodzidza.

Kana wabva kuchidzidzo chacho

  1. 7. Ramba uchifunga nezvemudzidzi wacho. Nyengetera kuna Jehovha kuti akomborere mudzidzi pakufambira mberi kwaari kuita uye kuti akupe uchenjeri hwekuti uzive kuti ungamubatsira sei.