Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 137

Mazana Evadzidzi Anomuona Asati Akwira Kudenga

Mazana Evadzidzi Anomuona Asati Akwira Kudenga

MATEU 28:16-20 RUKA 24:50-52 MABASA 1:1-12; 2:1-4

  • JESU ANOZVIRATIDZA KUVANHU VAKAWANDA

  • ANOKWIRA KUDENGA

  • JESU ANODURURA MUDZIMU MUTSVENE PAVADZIDZI 120

Pashure pokumutswa kwake, Jesu anorangana nevaapostora vake 11 kuti vanosangana pane rimwe gomo muGarireya. Vamwe vadzidzi vangasvika 500 varipowo, uye pakati pavo pane vamwe vasina chokwadi kuti akamutswa. (Mateu 28:17; 1 VaKorinde 15:6) Asi zvinozotaurwa naJesu iye zvino zvinovasiya vasina mubvunzo nezvokumutswa kwake.

Jesu anotsanangura kuti Mwari akamupa simba rose kudenga nepanyika. Anokurudzira vadzidzi vake achiti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:18-20) Jesu mupenyu zvechokwadi uye achiine chido chokuona mashoko akanaka achiparidzwa.

Vateveri vose vaJesu, varume, vakadzi, nevana vanopiwa basa irori rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. Vanhu vanovapikisa vangaedza kumisa basa ravo rokuparidza nokudzidzisa, asi Jesu anovavimbisa kuti: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepanyika.” Izvozvo zvinorevei kuvateveri vake? Anovaudza kuti: “Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” Jesu haatauri kuti vose vachaita basa rokuparidza mashoko akanaka vachapiwa simba rokuita zvishamiso. Kunyange zvakadaro, vachange vachitsigirwa nomudzimu mutsvene.

Mumazuva “makumi mana” pashure pekumutswa kwake, Jesu anozviratidza kuvadzidzi vake. Anozviratidza aine miviri yakasiyana-siyana achivaratidza kuti “mupenyu achishandisa uchapupu huzhinji,” achivadzidzisa ‘nezvoumambo hwaMwari.’—Mabasa 1:3; 1 VaKorinde 15:7.

Zvichida vaapostora vachiri muGarireya, Jesu anovaudza kuti vadzokere kuJerusarema. Paanoonana navo muguta iri, anoti kwavari: “Musabva muJerusarema, asi rambai makamirira chinhu chakapikirwa naBaba, chamakanzwa nezvacho kubva kwandiri; nokuti chokwadi, Johani akabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa nomudzimu mutsvene kusati kwapera mazuva mazhinji pashure peizvi.”—Mabasa 1:4, 5.

Jesu anozoonanazve nevaapostora vake. Anoenda navo “kuBhetani,” nechekumabvazuva kweGomo reMiorivhi. (Ruka 24:50) Pasinei nezvinhu zvese zvavaudzwa naJesu nezvekuenda kwake, vachiine kapfungwa kekuti Umambo hwake huchava pano panyika.—Ruka 22:16, 18, 30; Johani 14:2, 3.

Vaapostora vanobvunza Jesu kuti: “Ishe, mava kudzorera umambo kuna Israeri panguva ino here?” Anongoti: “Hazvisi zvenyu kuti muzive nezvenguva kana mwaka zvakaiswa naBaba musimba ravo.” Achisimbisazve nezvebasa ravari kufanira kuita anoti: “Muchagamuchira simba kana mudzimu mutsvene wasvika pamuri, uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.”—Mabasa 1:6-8.

Jesu nevaaapostora vake vari paGomo reMiorivhi. Anotanga kukwira kudenga uye pasina nguva anofukidzwa negore votadza kumuona. Kubva paakamutswa, Jesu anga achipfeka miviri yenyama. Asi apa anopfekenura muviri wenyama waanga ainawo ozokwira kudenga ava nemuviri usingaoneki. (1 VaKorinde 15:44, 50; 1 Petro 3:18) Vaapostora vakatendeka pavanosara vakangoti nde-e, ‘varume vaviri vakapfeka nguo chena’ vanomira pedyo navo. Ingirozi dzapfeka miviri yenyama uye dzinovabvunza kuti: “Varume vokuGarireya, makamirirei makatarira kudenga? Uyu Jesu akwidzwa kudenga achibva kwamuri achauya saizvozvo sokumuona kwamaita achienda kudenga.”—Mabasa 1:10, 11.

Jesu akabva pasi pano asingaonekwe neruzhinji rwevanhu, achingoonekwa nevateveri vake vakatendeka chete. Achadzoka “saizvozvo,” asingaonekwe neruzhinji, vateveri vake vakatendeka vari ivo bedzi vachacherechedza kuvapo kwake musimba reUmambo.

Vaapostora vanodzokera kuJerusarema. Pamazuva anozotevera, vanoungana nevamwe vadzidzi kusanganisira “Mariya amai vaJesu nevanun’una vake.” (Mabasa 1:14) Boka iri rinoramba richinyengetera. Imwe nyaya yavanonyengeterera ndeyekutsvaga mudzidzi achatsiva Judhasi Iskariyoti kuitira kuti vaapostora vavezve 12. (Mateu 19:28) Vari kutsvaga mudzidzi akaona mabasa akaitwa naJesu uye kumutswa kwake. Vanokanda mijenya kuti vaone kuti Mwari anoti kudii panyaya yacho, uye apa ndipo panopedzisira kutaurwa nyaya yekushandisa mijenya muBhaibheri. (Pisarema 109:8; Zvirevo 16:33) Matiyasi, uyo angangova aiva pakati pevanhu 70 vakatumwa kunoparidza naJesu, ndiye anosarudzwa obva “averengwa pamwe chete nevaapostora vane gumi nomumwe chete.”—Mabasa 1:26.

Pashure pemazuva gumi Jesu akwira kudenga, mutambo wechiJudha wePendekosti ya33 C.E. unoitwa. Vadzidzi vanoda kusvika 120 vaungana mune imwe imba yepamusoro muJerusarema. Mumba umu munobva mangonzwika ruzha runenge rwemhepo iri kuvhuvhuta nesimba. Panotanga kuoneka marimi akaita seemoto pamusoro pemumwe nemumwe wavo. Vadzidzi vose vanobva vatanga kutaura mitauro yakasiyana-siyana. Uku ndiko kudururwa kwemudzimu mutsvene kwakavimbiswa naJesu!—Johani 14:26.