Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 44

Jesu Anonyaradza Dutu Mugungwa

Jesu Anonyaradza Dutu Mugungwa

MATEU 8:18, 23-27 MAKO 4:35-41 RUKA 8:22-25

  • JESU ANONYARADZA DUTU MUGUNGWA REGARIREYA

Jesu aswera akabatikana uye aneta. Ava manheru, anoudza vadzidzi vake kuti vabve muKapenaume achiti: “Ngatiyambukirei mhiri.”—Mako 4:35.

Kumhenderekedzo yekumabvazuva kweGungwa reGarireya kune nzvimbo yevaGerasa. Nzvimbo iyi inonziwo Dhekaporisi. Mumaguta eDhekaporisi, tsika nemagariro zvechiGiriki zvakadzika midzi, kunyange zvazvo muchigarawo vaJudha vakawanda.

Jesu paanobuda muKapenaume vamwe vanhu vanozvicherechedza. Pane zvimwe zvikepe zvinobva zvayambukawo naye. (Mako 4:36) Gungwa reGarireya, iro rine mvura isina munyu, harina haro kunyanya kukura. Rakareba makiromita anenge 21 chete uye pakanyanya kupamhama pacho pangakwana makiromita 12. Asi rakadzika.

Kunyange zvazvo Jesu ari munhu akakwana, zvinonzwisisika kuti aneta semunhu aswera akabatikana neushumiri. Saka chikepe pachinotanga kufamba, anotora chekutsamira orara nechekumashure kwacho, okotsira.

Vakawanda vevaapostora inyanzvi dzekukwasva zvikepe asi rwendo urwu harusi kuzova nyore. Pane makomo akakomberedza gungwa racho, uye mvura inenge ichiti dziyei nechepamusoro. Dzimwe nguva mhepo inotonhora inobva mumakomo painosangana nemvura inodziya iri pamusoro pegungwa, inonyandura mvura yokonzera kuti pave nemadutu anotyisa. Izvi ndizvo zvinobva zvaitika. Mafungu egungwa anobva atanga kurova igwa racho. Rinotanga kuzara “nemvura uye kuva pangozi.” (Ruka 8:23) Kunyange zvakadaro, Jesu anoramba akarara.

Vaapostora vanorwisana nedutu vachikwasva chikepe, vachiedza kushandisa ruzivo rwavainarwo rwekukwasva mumadutu. Asi apa zvaramba. Vachityira kuti pavo papera, vanomutsa Jesu vachiti: “Ishe, tiponesei, tava kuda kuparara!” (Mateu 8:25) Vadzidzi vava kutya kuti vava kunyura.

Jesu paanomuka, anoudza vaapostora kuti: “Nei muchitya, imi mune kutenda kuduku?” (Mateu 8:26) Jesu anobva audza mhepo negungwa kuti: “Shii! Nyarara!” (Mako 4:39) Mhepo ine simba inonyarara, gungwa robva radzikama. (Mako naRuka vanorondedzera chiitiko ichi chinoshamisa, vachiratidza kuti Jesu akatanga aita chishamiso chekudzikamisa gungwa asati audza vadzidzi kuti havana kutenda.)

Chimbofunga kuti vadzidzi vanonzwa sei nazvo! Gungwa ranga raviruka iye zvino rati zii. Vanotanga kutya zvavasati vamboita. Vanotaurirana vachiti: “Iyeyu anombova ani, nokuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?” (Mako 4:41–5:1) Vanosvika kumhiri pasina chaitika. Pamwe zvimwe zvikepe zvanga zvasimuka zvadzokera kumahombekombe ekumavirira.

Zvinotisimbisa zvikuru kuziva kuti Mwanakomana waMwari ane simba pamamiriro ekunze. Kana ava kutonga nyika yose muUmambo hwake, vanhu vose vachange vasina chekutya, nokuti panenge pasisina njodzi dzinongoitika dzoga dzinotyisa!