Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 11

Johani Mubhabhatidzi Anogadzirira Jesu Nzira

Johani Mubhabhatidzi Anogadzirira Jesu Nzira

MATEU 3:1-12 MAKO 1:1-8 RUKA 3:1-18 JOHANI 1:6-8, 15-28

  • JOHANI ANOTANGA KUDZIDZISA UYE KUBHABHATIDZA

  • VAKAWANDA VANOBHABHATIDZWA, ASI KWETE VOSE

Papfuura makore angasvika 17 kubvira paya paibvunza Jesu vadzidzisi mibvunzo mutemberi aine makore 12. Iye zvino rava gore ra29 C.E. muchirimo. Vakawanda vari kutaura nezvehama yaJesu, Johani, uyo ari kuparidza munyika yose nechekumadokero kweRwizi rwaJodhani.

Johani munhu anoshamisa zvechokwadi. Zvaari uye zvaanotaura zvinoomesa mate mukanwa. Anopfeka nguwo dzemvere dzengamera, uye anosunga bhandi reganda muchiuno. Anodya hwiza nouchi hwomusango. Ari kufamba neshoko rokutii? “Pfidzai, nokuti umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.”—Mateu 3:2.

Shoko raJohani rinofadza vakawanda vanouya kuzonzwa zvaari kutaura. Vakawanda vanoona kuti vanofanira kupfidza, kureva kuti kuchinja mafungiro avo nemararamiro, voratidza kuti mararamiro avanga vachiita akaipa. Vanouya kwaari vanobva “muJerusarema neJudhiya yose nenyika yose yakapoteredza Jodhani.” (Mateu 3:5) Vakawanda vanouya kuna Johani vanopfidza. Anovabhabhatidza nokuvanyudza murwizi rwaJodhani. Anovabhabhatidzirei?

Anobhabhatidza vanhu sechiratidzo chokuti vapfidza nemwoyo wose kutadza kwavakaita kuchengeta sungano yeMutemo waMwari. (Mabasa 19:4) Asi havasi vose vakakodzera kubhabhatidzwa. Vamwe vatungamiriri vechitendero vakadai sevaFarisi, nevaSadhusi pavanouya kwaari, Johani anovati “vana venyoka.” Anoti: “Berekai zvibereko zvakakodzera rupfidzo; uye regai kuti, ‘Abrahamu ndiye baba vedu.’ Nokuti ndinoti kwamuri Mwari anokwanisa kumutsira Abrahamu vana pamatombo aya. Demo ratova pamidzi yemiti; saka, muti wose usingabereki zvibereko zvakanaka unofanira kutemerwa pasi wokandwa mumoto.”—Mateu 3:7-10.

Vanhu vakawanda vari kuteerera Johani uye ari kuvabhabhatidza achitaura mashoko makukutu, saka vapristi nevaRevhi vanotumwa kuti vanomubvunza kuti: “Ndiwe ani?”

“Handisi Kristu,” Johani anovapindura.

“Saka? Ndiwe Eriya here?” vanomubvunza.

Anovapindura achiti: “Handisi.”

“Uri Muprofita here?,” vanomubvunza, vachireva Muprofita akataurwa naMosesi kuti achauya.—Dheuteronomio 18:15, 18.

“Aiwa!” Johani anovapindura.

Vanoramba vachimubvunza: “Ndiwe ani? kuti tinopa mhinduro vaya vakatituma. Unoti kudiniko pamusoro pako?” Johani anoti: “Ndiri inzwi romumwe munhu ari kushevedzera ari murenje, achiti, ‘Ruramisai nzira yaJehovha,’ sezvakataurwa nomuprofita Isaya.”—Johani 1:19-23.

Vanomubvunza kuti: “Saka, nei uchibhabhatidza kana iwe usiri Kristu kana kuti Eriya kana kuti Muprofita?” Anovapindura zvinonzwisisika achiti: “Ini ndinobhabhatidza nemvura. Pakati penyu pamire mumwe munhu wamusingazivi, uyo anouya shure kwangu.”—Johani 1:25-27.

Johani anobvuma kuti ari kugadzira nzira yaMesiya, uyo achava Mambo, nokuita kuti mwoyo yevanhu ive yakagadzirira kumutambira. Johani anoti nezvake: “Uyo anouya pashure pangu akasimba kupfuura zvandakaita, ane hwashu dzandisina kukodzera kubvisa.” (Mateu 3:11) Johani anototi: “Uyo anouya shure kwangu akanditangira, nokuti akavapo ini ndisati ndavapo.”—Johani 1:15.

Saka shoko raJohani rokuti “Pfidzai, nokuti umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo” rakakodzera zvechokwadi. (Mateu 3:2) Rinozivisa ruzhinji kuti ushumiri hwaJesu Kristu, uyo akasarudzwa naJehovha kuti achava Mambo, hwava kuda kutanga.