Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 2

Bhaibheri—Bhuku Rakabva Kuna Mwari

Bhaibheri—Bhuku Rakabva Kuna Mwari

1, 2. Ndezvipi zvatinowana muBhaibheri zvinoratidza kuti iro chipo chakanaka chinobva kuna Mwari?

UNONZWA sei ukapiwa chipo neshamwari yako usingazvitarisiri? Kana chakaputirwa unenge watononokerwa kuti uzive kuti munei, uye unenge uchifara kuti shamwari yako yakufungawo. Unomutenda chaizvo.

2 Bhaibheri chipo chakabva kuna Mwari. Rinotipa mashoko asina kumwe kwatingaawana. Rinotiudza kuti Mwari ndiye akasika denga nenyika, uye murume nemukadzi vekutanga. Rinotipa mazano anogona kutibatsira kana paine zviri kutinetsa. MuBhaibheri tinodzidza kuti Mwari achazadzisa sei chinangwa chake chekuti nyika ive nzvimbo yakanaka yekugara. Bhaibheri chipo chakazonaka!

3. Uchaziva chii paunenge uchidzidza Bhaibheri?

3 Paunenge uchidzidza Bhaibheri, uchaziva kuti Mwari anoda kuti uve shamwari yake. Paunowedzera kudzidza nezvake, ushamwari hwako naye huchawedzerawo kusimba.

4. Chii chinoita kuti uti hakuna rimwe bhuku rakaita seBhaibheri?

4 Bhaibheri rakashandurirwa mumitauro inopfuura 2 600 uye mabhiriyoni emaBhaibheri akabudiswa. Vakawanda vevanhu vari panyika pano vanokwanisa kuwana Bhaibheri mumutauro wavo. Uye vhiki rimwe nerimwe, vanhu vanopfuura miriyoni vanowana Bhaibheri! Chokwadi hakuna rimwe bhuku rakafanana neBhaibheri.

5. Nei tichiti Bhaibheri ‘rakafemerwa naMwari’?

5 Bhaibheri ‘rakafemerwa naMwari.’ (Verenga 2 Timoti 3:16.) Asi vamwe vanhu vangabvunza kuti, ‘Bhaibheri ringanzi sei rakabva kuna Mwari iro rakanyorwa nevanhu?’ Bhaibheri racho rinoti: “Vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari, vachitungamirirwa nemweya mutsvene.” (2 Petro 1:21) Izvi tinogona kuzvifananidza nemuridzi wekambani anokumbira kuti mabharani wake anyore tsamba. Tsamba iyi inonzi yabva kunaani? Inonzi yabva kumuridzi wekambani, kwete kuna mabharani. Ndizvo zvimwe chetewo neBhaibheri. Rakabva kuna Mwari, kwete kuvanhu vaakashandisa kurinyora. Mwari akavatungamirira kuti vanyore pfungwa dzake. Saka zvechokwadi Bhaibheri ‘ishoko raMwari.’—1 VaTesaronika 2:13; ona Mamwe Mashoko 2.

Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva rinowanikwa mumitauro yakawanda

BHAIBHERI RAKARURAMA

6, 7. Sei tichiti Bhaibheri rinotaura zvinhu zvinopindirana?

6 Bhaibheri rakatora makore anopfuura 1 600 richinyorwa. Vanhu vakarinyora havana kurarama panguva imwe chete. Uye vamwe vaiva vanhu vakadzidza, vamwe vakanga vasina. Mumwe wavo aiva chiremba. Vamwe vaiva varimi, vabati vehove, vafudzi, vaprofita, vatongi, uye madzimambo. Kunyange zvazvo vanyori vacho vakanga vakasiyana-siyana, mabhuku ese ari muBhaibheri anopindirana. Hariti rikataura zvakati mune chimwe chitsauko, rozotaura zvinopesana neizvozvo mune chimwewo chitsauko. *

7 Zvitsauko zvekutanga zveBhaibheri zvinotsanangura kuti matambudziko enyika akatanga sei, uye zvekupedzisira zvinotiudza kuti Mwari achaagadzirisa sei paachaita kuti nyika ive paradhiso. Bhaibheri rinotaura zvakaitika kuvanhu kwezviuru zvemakore uye rinoratidza kuti hakuna chinotadzisa Mwari kuzadzisa chinangwa chake.

8. Taura mienzaniso inoratidza kuti Bhaibheri rakarurama panyaya dzesainzi.

8 Bhaibheri harina kunyorwa seBhuku resainzi kana kuti sebhuku rekuchikoro, asi zvarinotaura panyaya dzesainzi zvakarurama. Izvi ndizvo zvatinotarisira pabhuku rinobva kuna Mwari. Zvimwe zvacho tinozviona mubhuku raRevhitiko iro rine mashoko aiudzwa vaIsraeri naMwari pamusoro pezvavaifanira kuita kuti zvirwere zvisapararira. Mashoko aya akanyorwa kare vanhu vasati vava kutomboziva nezvekuti utachiona hunokonzera sei zvirwere. Bhaibheri rinotaurawo chokwadi parinoti nyika yakarembera pasina chinhu. (Jobho 26:7) Uye vanhu vakawanda pavaifunga kuti nyika yakangoti sandara, Bhaibheri rakati yaiva denderedzwa.—Isaya 40:22.

9. Kuvimbika kwevanyori veBhaibheri kunoratidzei?

9 Nguva dzese Bhaibheri parinotaura zvakaitika kare, rinonyatsotaura zvakaitika chaizvo. Asi mabhuku akawanda ezvakaitika kare, haatauri zvakaitika chaizvo nekuti vanyori vacho vakanga vasina kuvimbika. Kashoma pavainyora nezvekukundwa kwakaitwa nyika dzavo muhondo. Asi vanyori veBhaibheri vakanga vakavimbika, vachitonyora nezvekukundwa kwevaIsraeri. Vainyorawo zvavaikanganisa ivo pachavo. Mubhuku raNumeri, Mozisi akatiudza nezvechikanganiso chikuru chaakaita akarangwa naMwari. (Numeri 20:2-12) Kuvimbika kwevanyori veBhaibheri kunoratidza kuti rinobva kuna Mwari. Saka tinogona kuvimba neBhaibheri.

BHUKU RAKAZARA NEMAZANO AKANAKA

10. Nei mazano emuBhaibheri achishanda kwatiri mazuva ano?

10 Bhaibheri ‘rakafemerwa naMwari uye rinobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, nepakururamisa zvinhu.’ (2 Timoti 3:16) Izvi zvinoreva kuti mazano ari muBhaibheri anoshanda kwatiri mazuva ano. Jehovha ndiye akatisika, saka anonzwisisa zviri mupfungwa dzedu uye mumwoyo medu. Anotiziva kupfuura zvatinozviita, uye anoda kuti tifare. Anoziva zvakatinakira uye zvakatiipira.

11, 12. (a) Mazano api akapiwa naJesu ari muna Mateu chitsauko 5 kusvika ku7? (b) Zvii zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?

11 Muna Mateu chitsauko 5 kusvika ku7 mune mazano akanaka akapiwa naJesu pamusoro pekuti tingaita sei kuti tifare, tiwirirane nevamwe, tinganyengetera sei, uye maonero atinofanira kuita pfuma. Kunyange zvazvo akapa mazano aya makore 2 000 akapfuura, mazano acho achiri kungoshanda uye anobatsira mazuva ano.

12 MuBhaibheri, Jehovha anotidzidzisa zvinhu zvinotibatsira kuva nemhuri dzinofara, kuva vashandi vakanaka, uye kugarisana nevamwe zvakanaka. Zviri muBhaibheri zvinoshanda kwatiri pasinei nekuti tiri vanaani, tinobva kupi, kana kuti tiri mumatambudziko akaita sei.—Verenga Isaya 48:17.

UNOGONA KUVIMBA NEUPROFITA HURI MUBHAIBHERI

Mumwe munyori weBhaibheri, Isaya, akaprofita kuti Bhabhironi raizokundwa

13. Isaya akataura kuti chii chaizoitika kuguta reBhabhironi?

13 Uprofita hwakawanda hwemuBhaibheri hwakazadziswa. Mumwe muenzaniso ndeweuprofita hwaIsaya hwekuti Bhabhironi raizoparadzwa. (Isaya 13:19) Akanyatsorondedzera makundirwo aizoitwa guta racho. Guta racho raiva nemagedhi akakura uye rakadzivirirwa nerwizi. Asi Isaya akataura kuti rwizi rwacho rwaizoomeswa uye magedhi acho aizosiyiwa akavhurika. Guta iri raizotorwa pasina hondo. Isaya akatotaura kuti Bhabhironi raizokundwa nemunhu anonzi Koreshi.—Verenga Isaya 44:27–45:2; ona Mamwe Mashoko 3.

14, 15. Uprofita hwaIsaya hwakazadziswa sei?

14 Pashure pemakore 200 kubvira pakanyorwa uprofita uhwu, mauto akasvika kuti arwise Bhabhironi. Ndiani aiatungamirira? NdiKoreshi, mambo wePezhiya, sezvakanga zvataurwa muuprofita hwacho. Zvimwe zvese zvakataurwa muuprofita uhwu zvakabva zvatanga kuzadziswa.

15 Usiku hwakarwiswa guta racho, vaBhabhironi vakanga vachiita mabiko. Vaifunga kuti hapana chinovawana nekuti guta ravo raiva nemasvingo akakura uye rwizi rwaidzivirira. Asi kunze kweguta, Koreshi neuto rake vaichera mugero kuti mvura yemurwizi idzikire. Rwizi rwakaserera zvekuti varwi vePezhiya vakanga vava kukwanisa kufamba marwuri. Asi mauto acho aizoita sei kana asvika pamasvingo eBhabhironi? Sezvakanga zvataurwa muuprofita, magedhi acho akangosiyiwa akavhurika, saka mauto akapinda muguta racho asingaite zvekurwa.

16. (a) Isaya akaprofita kuti chii chaizoitika kuBhabhironi? (b) Tinoziva sei kuti uprofita hwaIsaya hwakazadziswa?

16 Isaya akaprofita kuti nekufamba kwenguva Bhabhironi raizopedzisira risisagarwi zvachose. Akanyora kuti: “Harizombofi rakagarwa, uyewo harizovi nzvimbo yekugara kwezvizvarwa nezvizvarwa.” (Isaya 13:20) Izvozvo zvakazoitika here? Paimbova neBhabhironi makiromita anenge 80 kumaodzanyemba kweBaghdad, kuIraq, angova matongo chete. Saka kunyange nanhasi, nzvimbo iyoyo haigarwi. Jehovha akatsvaira Bhabhironi “nemutsvairo wekutsakatisa.”—Isaya 14:22, 23.

Matongo eBhabhironi

17. Nei tingavimba nezvese zvakavimbiswa naMwari?

17 Kana uprofita hwemuBhaibheri hwese uhwu hwakazadziswa, zvinoreva kuti tinogona kuvimba nezvinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana. Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achazadzisa zvaakataura zvekuti nyika ichava paradhiso. (Verenga Numeri 23:19.) Tine tariro “yeupenyu husingaperi yakavimbiswa kare kare naMwari, uyo asingagoni kureva nhema.”—Tito 1:2. *

BHAIBHERI RINOGONA KUCHINJA UPENYU HWAKO

18. Pauro akatsanangura sei “shoko raMwari”?

18 Tadzidza kuti hakuna rimwe bhuku rakafanana neBhaibheri. Rinopindirana, uye pese parinotaura nezvesainzi kana kuti zvinhu zvakaitika kare, rinenge rakarurama. Rinotipawo mazano akanaka uye rine uprofita hwakawanda hwakatozadziswa. Asi Bhaibheri rinotoita zvinopfuura izvozvo. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba.” Zvinorevei izvozvo?—Verenga VaHebheru 4:12.

19, 20. (a) Bhaibheri ringakubatsira sei kuziva kuti uri munhu akaita sei? (b) Ungaratidza sei kuti unotenda chipo chawakapiwa cheBhaibheri?

19 Bhaibheri rinogona kuchinja upenyu hwako. Rinogona kukubatsira kuziva kuti uri munhu akaita sei. Rinogona kukubatsira kunzwisisa pfungwa dzako dzakadzama uye zviri mumwoyo mako. Semuenzaniso, tinogona kufunga kuti tinoda Mwari. Asi kuti tiratidze kuti tinomuda tinofanira kushandisa zvatinodzidza muBhaibheri.

20 Zvechokwadi Bhaibheri ibhuku rakabva kuna Mwari. Anoda kuti uriverenge, uridzidze, uye uride. Ratidza kuti unotenda kupiwa kwawakaitwa chipo ichi, uye ramba uchiridzidza. Izvi zvichaita kuti unzwisise kuti Mwari akasika vanhu aine chinangwa chei. Muchitsauko chinotevera tichadzidza zvakawanda nezvechinangwa ichocho.

^ ndima 6 Vamwe vanhu vanoti Bhaibheri rinozvipikisa, asi ichocho hachisi chokwadi. Ona chitsauko 7 chebhuku rinonzi Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 17 Kuparadzwa kweBhabhironi handihwo hwega uprofita hwakazadziswa. Unogona kuwana mamwe mashoko nezveuprofita pamusoro paJesu Kristu muMamwe Mashoko 4.