Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 18

Ndinofanira Kuzvitsaurira Kuna Mwari Ndobhabhatidzwa Here?

Ndinofanira Kuzvitsaurira Kuna Mwari Ndobhabhatidzwa Here?

1. Nekudzidza kwawaita bhuku rino, mubvunzo upi waungazvibvunza?

UNE dzidziso dzemuBhaibheri dzakawanda dzawakadzidza mubhuku rino, dzakadai sevimbiso yaMwari yekurarama nekusingaperi, mamiriro ezvinhu evakafa, uye tariro yekuti vakafa vachamuka. (Muparidzi 9:5; Ruka 23:43; Johani 5:28, 29; Zvakazarurwa 21:3, 4) Pamwe wakatotanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha uye unobvuma kuti kunamata kwavo ndikwo kwechokwadi. (Johani 13:35) Pamwe wakatotanga kuva neushamwari hwakasimba naJehovha, uye ungava wakatosarudza kuti wava kuda kumushumira. Saka unogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndingaita sei iye zvino kuti ndishumire Mwari?’

2. Chii chakaita kuti murume wekuItiopiya ade kubhabhatidzwa?

2 Ndizvo zvakabvunzwawo nemurume wekuItiopiya akararama makore akatanga chiKristu. Pati pfuurei nguva Jesu amutswa, murume uyu akaparidzirwa nemumwe mudzidzi waJesu ainzi Firipi. Firipi akamujekesera kuti Jesu ndiye aiva Mesiya. Murume uyu wekuItiopiya akabayiwa mwoyo nezvaakadzidza zvekuti akabva angoti: “Onai pano pane mvura! Chii chinganditadzisa kubhabhatidzwa?”—Mabasa 8:26-36.

3. (a) Jesu akapa vateveri vake murayiro wekutii? (b) Munhu anofanira kubhabhatidzwa sei?

3 Bhaibheri rinodzidzisa zvakajeka kuti kana uchida kushumira Jehovha, unofanira kubhabhatidzwa. Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi, muchivabhabhatidza.” (Mateu 28:19) Jesu akatiratidza nzira yekuti titevere pakuti iye pachake akabhabhatidzwawo. Akanyudzwa muviri wese mumvura, kwete kungomwayiwa mvura mumusoro. (Mateu 3:16) Mazuva ano kana muKristu achibhabhatidzwa, anofanirawo kunyudzwa muviri wese mumvura.

4. Paunobhabhatidzwa unenge uchiratidza vamwe chii?

4 Paunobhabhatidzwa, unenge uchiratidza vamwe vese kuti unoda zvechokwadi kuva shamwari yaMwari uye kumushumira. (Pisarema 40:7, 8) Saka unogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndinofanira kuitei kuti ndibhabhatidzwe?’

RUZIVO UYE KUTENDA

5. (a) Unofanira kuitei usati wabhabhatidzwa? (b) Nei misangano yechiKristu ichikosha?

5 Usati wabhabhatidzwa, unofanira kusvika pakuziva Jehovha naJesu. Wakatotanga kuita izvi nekudzidza kwauri kuita Bhaibheri. (Verenga Johani 17:3.) Asi izvozvo hazvina kukwana. Bhaibheri rinoti unofanira kuzadzwa “neruzivo rwakarurama” nezvekuda kwaJehovha. (VaKorose 1:9) Misangano yeZvapupu zvaJehovha ichakubatsira kuti uwedzere kusimbisa ushamwari hwako naJehovha. Ichi chimwe chezvikonzero zvinokosha chekuti ugare uchipinda misangano iyoyo.—VaHebheru 10:24, 25.

Usati wabhabhatidzwa, unofanira kudzidza Bhaibheri

6. Unofanira kuziva zvinhu zvakawanda sei zviri muBhaibheri usati wabhabhatidzwa?

6 Hazvirevi kuti Jehovha ari kukutarisira kuti uzive zvese zviri muBhaibheri usati wabhabhatidzwa. Aisatarisira kuti murume wekuItiopiya azive zvese asati abhabhatidzwa. (Mabasa 8:30, 31) Uye ticharamba tichidzidza nezvaMwari nekusingaperi. (Muparidzi 3:11) Asi usati wabhabhatidzwa, pane dzidziso dzemuBhaibheri dzaunofanira kutanga waziva uye kubvuma.—VaHebheru 5:12.

7. Kudzidza kwawaita Bhaibheri kwakubatsira sei?

7 Bhaibheri rinoti: “Pasina kutenda hazviiti kunyatsofadza Mwari.” (VaHebheru 11:6) Saka unofanira kuva nekutenda usati wabhabhatidzwa. Bhaibheri rinotiudza kuti vamwe vanhu vekuKorinde vakanzwa zvaidzidziswa nevateveri vaJesu uye “vakatanga kutenda, vakabhabhatidzwa.” (Mabasa 18:8) Iwewo kudzidza kwawaita Bhaibheri kwakubatsira kuti uve nekutenda muzvinhu zvakavimbiswa naMwari uye simba rechibayiro chaJesu, icho chinogona kutiponesa pachivi nerufu.—Joshua 23:14; Mabasa 4:12; 2 Timoti 3:16, 17.

UDZA VAMWE CHOKWADI CHEBHAIBHERI

8. Chii chichaita kuti uve nechido chekuudza vamwe zvawakadzidza?

8 Pauri kudzidza Bhaibheri, uchiona kubatsira kwariri kukuita muupenyu hwako, kutenda kwako kuchawedzera kusimba. Uchatanga kuva nechido chekuudza vamwe zvauri kudzidza. (Jeremiya 20:9; 2 VaKorinde 4:13) Asi unofanira kuudza ani?

Kutenda kunofanira kukubatsira kuti uudze vamwe zvauri kudzidza

9, 10. (a) Vanhu vapi vaungatanga kuudza zvinhu zvawakadzidza? (b) Ungazvifambisa sei kana uchida kuparidza neungano?

9 Unogona kuva nechido chekutaura zvauri kudzidza kuvanhu vemumhuri mako, shamwari, vavakidzani, kana kuti vaunoshanda navo. Izvozvo zvakanaka, asi unofanira kutaura navo zvakanaka uye zvinoratidza rudo. Nekufamba kwenguva unenge wava kukwanisa kuparidza neungano. Paunenge wava kuda kuparidza neungano, unogona kuudza Chapupu chiri kudzidza newe Bhaibheri kuti ndizvo zvawava kuda. Kana munhu ari kukudzidzisa achiona sekuti wava kukwanisa uye kuti wava kurarama zvinoenderana nezviri muBhaibheri, mese muri vaviri muchagara pasi nevakuru vaviri vemuungano.

10 Pamusangano wacho panenge pachikurukurwei? Vakuru vachataura newe kuti vaone kana wava kunzwisisa uye uchibvuma dzidziso dzinokosha dzemuBhaibheri. Vachaonawo kana uchitevedzera zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwako, uye kana uchinyatsoda zvechokwadi kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Yeuka kuti vakuru vane hanya nemunhu mumwe nemumwe ari muungano, kusanganisira iwe, saka usatya kutaura navo. (Mabasa 20:28; 1 Petro 5:2, 3) Kana mapedza kutaura nevakuru, vachabva vakuudza kana uchikwanisa kutanga kuparidza neungano.

11. Nei zvichikosha kuti ugadzirise zvimwe zvinhu usati watanga kuparidza neungano?

11 Vakuru vanogona kukuudza zvimwe zvinhu zvaunofanira kugadzirisa usati watanga kuparidza neungano. Nei zvichikosha kuti ugadzirise zvinhu izvi? Nekuti patinoparidza, tinenge tichimiririra Jehovha, saka tinofanira kurarama nenzira inomukudza.—1 VaKorinde 6:9, 10; VaGaratiya 5:19-21.

PFIDZA ZVIVI ZVAKO UTENDEUKE

12. Nei vanhu vese vachifanira kupfidza zvivi zvavo?

12 Pane chimwezve chinhu chaunofanira kuita usati wabhabhatidzwa. Muapostora Petro akati: “Pfidzai zvivi zvenyu, mutendeuke kuti zvivi zvenyu zvidzimwe.” (Mabasa 3:19) Kupfidza zvivi kuita sei? Kunzwa urombo pamusoro pezvawakatadza. Kana kuri kuti waiva netsika yekuita upombwe, unofanira kupfidza zvivi zvako. Uye kunyange waiedza kuita zvakanaka kweupenyu hwako hwese, unofanira kupfidza zvivi zvako nekuti tese tinotadza uye tinofanira kukumbira Mwari ruregerero.—VaRoma 3:23; 5:12.

13. ‘Kutendeuka’ kuita sei?

13 Unofanira kungogumira pakunzwa urombo pamusoro pezvawaiita here? Aiwa. Petro akati unofanirawo ‘kutendeuka.’ Izvi zvinoreva kuti unofanira kusiya mararamiro ese akaipa awaiita, wotanga kuita zvakarurama. Ngatizvifananidzei nekuti uri kuenda kune imwe nzvimbo yausati wamboenda. Wati fambei, unoona kuti watora nzira isiri iyo. Unoita sei? Unomira, wotendeuka, wonanga kwauri kuda kuenda chaiko. Zvakafananawo nekudzidza kwauri kuita Bhaibheri. Unogona kuona kuti pane zvimwe zvinhu zvawaiita muupenyu hwako zvawava kufanira kuchinja. Usazeza ‘kutendeuka,’ kureva kusiya mararamiro akaipa, wotanga kuita zvakanaka.

TSAURIRA UPENYU HWAKO KUNA MWARI

Wakavimbisa Jehovha kuti uchamushumira here?

14. Unozvitsaurira sei kuna Mwari?

14 Rimwe danho rinokosha raunofanira kutora usati wabhabhatidzwa nderekutsaurira upenyu hwako kuna Jehovha. Unozvitsaurira kuna Jehovha kuburikidza nekunyengetera kuna Jehovha uchivimbisa kuti uchanamata iye chete uye kuti uchaita kuti kuda kwake kuve chinhu chinokosha kupfuura zvese muupenyu hwako.—Dheuteronomi 6:15.

15, 16. Chii chinoita kuti munhu azozvitsaurira kuna Mwari?

15 Kuvimbisa kushumira Jehovha chete kwakafanana nekuvimbisa munhu waunoda kuti uchada kugara naye kweupenyu hwako hwese. Ngatitii pane mukomana nemusikana vari kudanana. Mukomana paanowedzera kuziva nezvemusikana wake, anowedzerawo kumuda uye anenge ava kuda kumuroora. Kunyange zvazvo riri danho risiri rekutamba naro, mukomana anosarudza kumuroora nekuti anomuda.

16 Paunoramba uchidzidza nezvaJehovha, unotanga kumuda uye unoda kuita zvese zvaunogona kuti umushumire. Izvi zvichaita kuti unyengetere kwaari uchivimbisa kumushumira. Bhaibheri rinoti munhu wese anoda kutevera Jesu anofanira ‘kuzviramba.’ (Mako 8:34) Zvinorevei izvozvo? Zvinoreva kuti kuteerera Jehovha ndicho chinhu chaunoisa pekutanga muupenyu hwako. Zvinodiwa naJehovha ndizvo zvinokosha kupfuura zvaunoda iwewe kana kuti zvinangwa zvako.—Verenga 1 Petro 4:2.

USATYA KUTI UNOZOKUNDIKANA

17. Nei vamwe vanhu vasingazvitsauriri kuna Jehovha?

17 Vamwe vanhu havazvitsauriri kuna Jehovha nekuti vanenge vachitya kuti vanozotadza kuzadzisa zvavakavimbisa. Havadi kugumbura Jehovha, kana kuti vanogona kufunga kuti kana vakasazvitsaurira kwaari, Jehovha haazovatongi pane zvavanoita.

18. Chii chichakubatsira kuti usatya kuti unozokundikana worwadzisa Jehovha?

18 Kuda Jehovha kuchakubatsira kuti usatya kuti unozokundikana womurwadzisa. Uchaedza kuita zvese zvaunogona kuti uzadzise zvawakamuvimbisa nekuti unomuda. (Muparidzi 5:4; VaKorose 1:10) Hauzofungi kuti zvakaoma kuita kuda kwaJehovha. Muapostora Johani akanyora kuti: “Kuda Mwari kunooneka nekuchengeta mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.”—1 Johani 5:3.

19. Nei usingafaniri kutya kuzvitsaurira kuna Jehovha?

19 Hazvirevi kuti unofanira kuva munhu asina kana kaanombokanganisa kuti uzvitsaurire kuna Jehovha. Haatarisiri kuti tiite zvatisingagoni kuita. (Pisarema 103:14) Achakubatsira kuti uite zvakarurama. (Isaya 41:10) Vimba naJehovha nemwoyo wako wese, uye “iye acharuramisa makwara ako.”—Zvirevo 3:5, 6.

KUZIVISA PACHENA KUTI UWANE RUPONESO

20. Kana wazvitsaurira kuna Mwari, nderipi danho rinotevera?

20 Unofunga kuti wagadzirira here kuzvitsaurira kuna Jehovha? Kana wazvitsaurira kuna Jehovha, unenge wagadzirira kutora danho rinotevera. Unofanira kubhabhatidzwa.

21, 22. Ungazivisa sei pachena kutenda kwako?

21 Udza murongi mudare revakuru vemuungano yenyu kuti wakazvitsaurira kuna Jehovha uye kuti wava kuda kubhabhatidzwa. Achabva aita kuti vamwe vakuru vakurukure newe dzidziso dzinokosha dzeBhaibheri. Kana vakaona kuti wagadzirira kubhabhatidzwa, vachakuudza kuti unogona kubhabhatidzwa pagungano reZvapupu zvaJehovha rinotevera. Pagungano pacho pachapiwa hurukuro ichatsanangura zvinorehwa nerubhabhatidzo. Mukurukuri wacho achabva abvunza vacho vagadzirira kubhabhatidzwa mibvunzo miviri iri nyore. Paunopindura mibvunzo iyoyo unenge ‘uchizivisa pachena’ kutenda kwako.—VaRoma 10:10.

22 Uchabva wabhabhatidzwa. Uchanyudzwa muviri wese mumvura. Kubhabhatidzwa kwauchaitwa kucharatidza munhu wese kuti wakazvitsaurira kuna Jehovha uye kuti wava mumwe weZvapupu zvaJehovha.

ZVINOREHWA NERUBHABHATIDZO RWAKO

23. Zvinorevei kubhabhatidzwa “muzita raBaba nereMwanakomana neremweya mutsvene”?

23 Jesu akataura kuti vadzidzi vake vanofanira kubhabhatidzwa “muzita raBaba nereMwanakomana neremweya mutsvene.” (Verenga Mateu 28:19.) Zvinorevei izvozvo? Zvinoreva kuti uri kubvuma nzvimbo yaJehovha yakakwirira uye basa raJesu muchinangwa chaMwari uye kuti Mwari anoshandisa sei mweya mutsvene wake kuti kuda kwake kuitwe.—Pisarema 83:18; Mateu 28:18; VaGaratiya 5:22, 23; 2 Petro 1:21.

Paunobhabhatidzwa, unenge uchiratidza pachena kuti unoda kuita kuda kwaMwari

24, 25. (a) Kubhabhatidzwa kunomiririrei? (b) Tichakurukurei muchitsauko chekupedzisira?

24 Kubhabhatidzwa kunomiririra chimwe chinhu chinokosha chaizvo. Paunonyudzwa mumvura, zvinoreva kuti wafa kumararamiro awaimboita kana kuti wasiyana nawo. Paunobuda mumvura, unenge wava kutanga upenyu hutsva uchiita kuda kwaMwari. Unenge uchiratidza kuti uchashumira Jehovha kubva zvino zvichienda mberi. Yeuka kuti hauna kuzvitsaurira kune mumwe munhu kana sangano kana basa. Wazvitsaurira kuna Jehovha.

25 Kuzvitsaurira kuchakubatsira kuti uwedzere kuva neushamwari hwepedyo naMwari. (Pisarema 25:14) Izvi hazvirevi kuti munhu achabva aponeswa nekungoti chete abhabhatidzwa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rambai muchishandira kuponeswa kwenyu nekutya nekudedera.” (VaFiripi 2:12) Kubhabhatidzwa anongova mavambo. Asi ungaitei kuti urambe uri pedyo naJehovha? Chitsauko chekupedzisira chebhuku rino chichapindura mubvunzo iwoyo.