Mwari Akatisika Aine Chinangwa Chei?
PAUNOVERENGA pepanhau, kana kuona terevhizheni, kana kuteerera redhiyo, unoona uye unonzwa nyaya dzakawanda dzekuparwa kwemhosva, hondo, uye ugandanga. Pamwe iwe pachako une chirwere chiri kukutambudza kana kuti wakafirwa nemumwe munhu wawaida.
Zvibvunze kuti:
-
Mwari anoda kuona izvi zvichiitika kwandiri nekumhuri yangu here?
-
Ndekupi kwandingawana rubatsiro rwekuti nditsungirire matambudziko angu?
-
Kuchazombova nerunyararo rwechokwadi here?
Bhaibheri rinopindura mibvunzo iyoyo zvinogutsa.
BHAIBHERI RINODZIDZISA KUTI MWARI ACHAITA ZVINHU ZVINOSHAMISA PANYIKA.
-
Vanhu vanenge vasisarwadziwi, kuchembera, kana kufa.—Zvakazarurwa 21:4
-
“Munhu akaremara achakwakuka.”—Isaya 35:6
-
“Maziso emapofu achasvinudzwa.”—Isaya 35:5
- Vakafa vachamutswa.—
-
Hapana achange achirwara.—Isaya 33:24
-
Vanhu vese vari panyika vachange vaine zvekudya zvakawanda.—Pisarema 72:16
BATSIRWA NEZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
Zviri nyore kufunga kuti zvauchangobva kuverenga zvinhu zvisingafi zvakaitika. Asi Mwari ava pedyo kuzadzisa zvaakavimbisa kuti achagadzirisa panyika, uye Bhaibheri rinotsanangura kuti achazviita sei.
Bhaibheri haringotauri izvozvo chete. Rinotiudza zvatinofanira kuziva kuti tinyatsofara muupenyu uye kuti tinakidzwe neupenyu iye zvino. Chimbofunga nezvezvinhu zvinokunetsa. Izvi zvinogona kusanganisira nyaya dzemari kana kuti dzemhuri, utano husina kunaka, kana kuti kufirwa nemunhu waunoda. Bhaibheri rinogona kukubatsira kutsungirira matambudziko aya, uye rinogona kukunyaradza nekupindura mibvunzo yakadai seiyi:
-
Nei tichigona kuvimba kuti Mwari achazadzisa zvese zvaakavimbisa?
Kuverenga kwauri kuita bhuku rino kunoratidza kuti unoda kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri. Bhuku rino richakubatsira. Ndima dzacho dzine mibvunzo ichakubatsira kuwedzera kunzwisisa Bhaibheri. Vanhu vakawanda vari kubatsirwa nekudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Tinovimba uchabatsirwawo. Mwari ngaakukomborere pakudzidza kwauchaita Bhaibheri uchiona zvarinodzidzisa!