Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 1

Mwari Ndiani?

Mwari Ndiani?

1, 2. Vanhu vanowanzobvunza nezvei?

VANA vanobvunza mibvunzo yakawanda. Unogona kuvatsanangurira chimwe chinhu, asi kazhinji vanokubvunza mumwe mubvunzo. Ukaedza kuvapindura, vanogona kubvunzazve mumwe mubvunzo.

2 Tingava tiri vakuru kana vadiki, tese tinobvunza mibvunzo. Tinogona kuzvibvunza kuti todyei, topfekei, kana kuti totengei. Tinogonawo kuva nemibvunzo inokosha pamusoro peupenyu uye ramangwana. Asi kana tikashaya mhinduro dzinotigutsa dzemibvunzo iyi, tinogona kurega kutsvaga mhinduro dzacho.

3. Nei vanhu vakawanda vachifunga kuti havakwanisi kuwana mhinduro dzemibvunzo yavo inokosha?

3 Kuti muBhaibheri mungava nemhinduro dzemibvunzo inokosha yatinobvunza? Vamwe vanhu vanofunga kuti dzirimo, asi vanoona sekuti dzakaoma kunzwisisa. Vanogona kufunga kuti mhinduro dzacho dzinongozivikanwa nevadzidzisi kana vafundisi chete. Uye vamwe vanonyara kubvuma kuti havazivi mhinduro dzacho. Ko iwe unotiwo kudii?

4, 5. Mibvunzo ipi inokosha yauinayo? Nei uchifanira kuramba uchitsvaga mhinduro dzacho?

4 Pamwe uri kutsvaga mhinduro dzemibvunzo yakadai sekuti: Ndiri kuitei panyika pano? Chii chichaitika kwandiri kana ndafa? Mwari akaita sei? Jesu, uyo aiva Mudzidzisi akakurumbira, akati: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaga, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa.” (Mateu 7:7) Usarega kutsvaga kusvikira wawana mhinduro dzinokugutsa.

5 Saka kana ‘ukaramba uchitsvaga’ muBhaibheri, uchawana mhinduro dzacho. (Zvirevo 2:1-5) Mhinduro idzi hadzina kuoma kunzwisisa. Zvauchadzidza zvichaita kuti uve neupenyu hunofadza iye zvino uye uve neramangwana rakazonaka. Ngatimbotaurai nezvemumwe mubvunzo unotambudza vanhu vakawanda.

MWARI ANE UTSINYE HERE KANA KUTI ANE HANYA NESU?

6. Nei vamwe vanhu vachifunga kuti Mwari haana hanya nekutambura kwavo?

6 Vanhu vakawanda vanofunga kuti Mwari haana hanya nesu. Vanofunga kuti dai Mwari aine hanya nesu zvechokwadi, nyika ingadai yakasiyana nezvairi. Nyika yakazara hondo, ruvengo, uye nhamo. Vanhu vanorwara, vanotambura, uye vanofa. Vamwe vanobvunza kuti, ‘Kana Mwari aine hanya nesu, anoregererei kumisa kutambura kwese uku?’

7. (a) Mashoko api anotaurwa nevatungamiriri vemachechi anoita kuti vanhu vafunge kuti Mwari ane utsinye? (b) Tinoziva sei kuti Mwari haasi iye anokonzera zvinhu zvakaipa?

7 Dzimwe nguva vatungamiriri vemachechi ndivo vanoita kuti vanhu vafunge kuti Mwari ane utsinye. Kana pakaitika chimwe chinhu chakaipa, vanoti Mwari aita kuda kwake. Vanoti ndizvo zvaanga akaronga. Pavanotaura izvozvo, vanenge vachitopa Mwari mhosva. Asi Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari haatombokonzeri zvakaipa. Jakobho 1:13 inotiudza kuti Mwari haaedzi chero ani zvake nezvinhu zvakaipa. Inoti: “Munhu paanenge achiedzwa ngaarege kuti: ‘Ndiri kuedzwa naMwari.’ Nekuti hapana angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa, uye iye haaedzi munhu.” Izvi zvinoreva kuti kunyange zvazvo Mwari asati amisa zvinhu zvakaipa, haatombokonzeri kuti zviitike. (Verenga Jobho 34:10-12.) Ngationei muenzaniso.

8, 9. Taura muenzaniso unoratidza kuti nei tisingafaniri kupa Mwari mhosva yematambudziko edu.

8 Funga nezvemwanakomana anogara nevabereki vake pamba. Baba vake vanomuda zvikuru uye vakamudzidzisa mararamiro akanaka. Mwana wacho anobva apandukira baba vake obva pamba. Anotanga kuita zvakaipa opinda mumatambudziko. Ungati iyoyo imhosva yababa vacho here nekuti havana kurambidza mwana wavo kubva pamba? Haungambofungi zvakadaro! (Ruka 15:11-13) Mwari akafanana nababa ivavo pakuti haana kurambidza vanhu pavakasarudza kumupandukira vakatanga kuita zvakaipa. Saka kana pakaitika zvakaipa, tinofanira kuyeuka kuti haasi Mwari aita kuti zviitike. Kana tichipa Mwari mhosva yezvinhu izvozvo tinenge tichikanganisa.

9 Pane chikonzero chakanaka chakaita kuti Mwari ambomira kubvisa zvinhu zvakaipa. Uchadzidza zvinotaurwa neBhaibheri panyaya iyi muChitsauko 11. Asi iva nechivimbo kuti Mwari anotida uye haasi iye anokonzera matambudziko edu. Tingatoti ndiye chete anogona kuapedza.—Isaya 33:2.

10. Chii chinotipa chivimbo chekuti Mwari achagadzirisa zvese zviri kukonzerwa nevanhu vakaipa?

10 Mwari mutsvene. (Isaya 6:3) Zvese zvaanoita zvakachena uye zvakanaka. Saka tinogona kuvimba naye. Izvi handizvo zvakaita vanhu. Dzimwe nguva vanoita zvinhu zvakaipa. Uye kunyange mutongi akavimbika haana simba rekugadzirisa zvese zviri kukonzerwa nevanhu vakaipa. Hapana munhu ane simba seraMwari. Mwari anogona kugadzirisa zvese zviri kukonzerwa nevanhu vakaipa uye ndizvo zvaachaita. Achabvisa zvakaipa zvese zvachose.—Verenga Pisarema 37:9-11.

MWARI ANONZWA SEI KANA VANHU VACHITAMBURA?

11. Mwari anonzwa sei kana uchitambura?

11 Mwari anonzwa sei kana achiona zviri kuitika munyika uye matambudziko auri kusangana nawo? Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari anoda “zvakarurama.” (Pisarema 37:28) Saka anofara zvikuru kana pachiitwa zvakarurama uye anorwadziwa kana pachiitwa zvakaipa. Anovenga kuona vanhu vachitambura. Bhaibheri rinoti paakaona nyika yazara nezvakaipa, “mwoyo wake wakarwadziwa.” (Genesisi 6:5, 6) Mwari haana kuchinja. (Maraki 3:6) Bhaibheri rinoti Mwari ane hanya newe zvikuru.—Verenga 1 Petro 5:7.

Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jehovha ndiye Musiki ane rudo wezvinhu zvese

12, 13. (a) Chii chinoita kuti tide vamwe uye tive nehanya navo, uye tinonzwa sei nekutambura kuri munyika? (b) Chii chinoita kuti tive nechokwadi kuti Mwari achabvisa kutambura kwese neudzvinyiriri?

12 Bhaibheri rinotiwo Mwari akatisika nemufananidzo wake. (Genesisi 1:26) Izvi zvinoreva kuti Mwari akatisika tichikwanisa kuita zvakanaka sezvaanoita iye. Saka kana uchirwadziwa nekuona vanhu vasina mhosva vachitambura, Mwari anorwadziwa zvakatonyanya! Tinoziva sei izvozvo?

13 Bhaibheri rinotidzidzisa kuti “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Zvese zvaanoita zvinobva parudo rwake. Saka nesuwo tine rudo nekuti Mwari ane rudo. Chimbofunga izvi: Dai waiva nesimba rekubvisa kutambura kwese uye udzvinyiriri zviri munyika, waingozvisiya zvakadaro here? Waisambodaro nekuti unoda vanhu. Kana iwe uchifunga saizvozvo, ko kuzoti Mwari? Iye ane simba, uye achabvisa kutambura kwese neudzvinyiriri nekuti anotida. Unogona kuva nechivimbo chekuti zvese zvakavimbiswa naMwari zviri kwekutanga kwebhuku rino zvichaitika! Asi kuti uve nechokwadi kuti zvakavimbiswa izvi zvichaitika, une zvimwe zvaunofanira kuziva nezvaMwari.

MWARI ANODA KUTI UMUZIVE

Kana uchida kushamwaridzana nemumwe munhu, unomuudza zita rako. Mwari anotiudza zita rake muBhaibheri

14. Zita raMwari ndiani, uye tinoziva sei kuti tinofanira kurishandisa?

14 Kana uchida kushamwaridzana nemumwe munhu, unowanzotanga kumuudza chii? Zita rako. Mwari ane zita here? Machechi akawanda anoti zita rake ndiMwari kana kuti Ishe, asi aya haasi mazita chaiwo. Anongovawo mazita ekuremekedza, sekuti “mambo” kana kuti “purezidhendi.” Mwari akatiudza kuti zita rake rinonzi Jehovha. Pisarema 83:18 inoti: “Vanhu ngavazive kuti imi, mune zita rekuti Jehovha, imi mega ndimi Wekumusorosoro, kumusoro kwenyika yese.” Vanyori veBhaibheri vakashandisa zita raMwari kakawanda pavainyora Bhaibheri. Jehovha anoda kuti uzive zita rake uye kuti urishandise. Anokuudza zita rake kuti uve shamwari yake.

15. Zita rekuti Jehovha rinorevei?

15 Zita raMwari, rekuti Jehovha, rine zvarinoreva zvinokosha. Rinoreva kuti Mwari anogona kuzadzisa zvese zvaakavimbisa uye anogona kuzadzisa chinangwa chake. Hapana chinomutadzisa. Jehovha chete ndiye akakodzera kuva nezita iroro. *

16, 17. Mazita ekuremekedza anotevera anorevei? (a) “Wemasimbaose.” (b) “Mambo asingagumi.” (c) “Musiki.”

16 Sezvatamboverenga, Pisarema 83:18 inoti nezvaJehovha: “Imi mega ndimi Wekumusorosoro.” Uyewo Zvakazarurwa 15:3 inoti: “Jehovha Mwari Wemasimbaose, mabasa enyu makuru uye anoshamisa. Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, imi Mambo asingagumi.” Zita rekuremekedza rekuti “Wemasimbaose” rinorevei? Rinoreva kuti Jehovha ane simba kupfuura chero ani zvake pasi nekudenga. Uye rekuti “Mambo asingagumi” rinoreva kuti agara achingovako. Pisarema 90:2 inotsanangura kuti agara ariko kubvira nariini kusvikira nariini. Izvi zvinoshamisa, handizvo here!

17 Jehovha chete ndiye Musiki. Zvakazarurwa 4:11 inoti: “Jehovha, Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nekuremekedzwa nesimba, nekuti makasika zvinhu zvese, uye nekuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” Izvi zvinoreva kuti kubvira kungirozi dziri kudenga kusvika kunyeredzi uye michero iri mumiti nehove dziri mugungwa, zvese zvakasikwa naJehovha!

ZVINGAITA HERE KUTI UVE SHAMWARI YAJEHOVHA?

18. Chii chingaita kuti vamwe vanhu vafunge kuti havakodzeri zvachose kuva shamwari yaMwari? Bhaibheri rinotii nezvenyaya iyoyo?

18 Vamwe vanhu pavanoverenga nezveukuru hwaJehovha hunoshamisa, vanotya uye vanoti, ‘Mwari ane simba, anokosha uye ari kure, zvekuti haangambovi nebasa neniwo zvangu.’ Asi Mwari anoda kuti tifunge saizvozvo here? Kana! Jehovha anoda kuva pedyo nesu. Bhaibheri rinotaura kuti Mwari haasi “kure nemumwe nemumwe wedu.” (Mabasa 17:27) Mwari anoda kuti uswedere pedyo naye uye anovimbisa kuti “iye achaswedera pedyo” newe.—Jakobho 4:8.

19. (a) Ungaita sei kuti uve shamwari yaMwari? (b) Chii chinonyanya kukufadza pana Jehovha?

19 Ungaita sei kuti uve shamwari yaMwari? Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kusvika pakukuzivai, imi Mwari mumwe chete wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.” (Johani 17:3) Ramba uchidzidza nezvaJehovha naJesu, uye uchasvika pakuvaziva. Uchabva wava nemukana wekuwana upenyu husingaperi. Zvimwe zvatatodzidza kare ndezvekuti “Mwari rudo.” (1 Johani 4:16) Asi hazvisiri izvo zvega. Bhaibheri rinotiudzawo kuti Jehovha “ane ngoni netsitsi, anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji, nechokwadi.” (Eksodho 34:6) Jehovha ‘akanaka uye akagadzirira kukanganwira.’ (Pisarema 86:5) Mwari ane mwoyo murefu uye akavimbika. (2 Petro 3:9; Zvakazarurwa 15:4) Uchadzidza zvakatowanda zvakanaka nezvake paunoverenga nezvake muBhaibheri.

20-22. (a) Tingava sei pedyo naMwari isu tisingamuoni? (b) Unofanira kuita sei kana vamwe vachida kuti urege kudzidza kwauri kuita Bhaibheri?

20 Ungava sei pedyo naMwari iwe usingamuoni? (Johani 1:18; 4:24; 1 Timoti 1:17) Paunoverenga nezvaJehovha muBhaibheri, unosvika pakumuziva sezvaunongoita munhu waunoona. (Pisarema 27:4; VaRoma 1:20) Ukaramba uchidzidza nezvaJehovha, kumuda kwako kuchawedzera uye uchanzwa wava pedyo naye.

Baba vanoda vana vavo, asi Baba vedu vekudenga vanotida kupfuura ipapo

21 Uchanzwisisa kuti Jehovha ndiBaba vedu. (Mateu 6:9) Akatipa upenyu uye anodawo kuti tive neupenyu hwakanakisisa. Baba vakanaka vanoda kuti vana vavo vave neupenyu hwakadaro. (Pisarema 36:9) Saka Bhaibheri rinodzidzisa kuti unogona kuva shamwari yaJehovha. (Jakobho 2:23) Imbozvifunga. Jehovha, Musiki wezvinhu zvese, anoda kuti uve shamwari yake!

22 Vamwe vanhu vanogona kukuti urege kudzidza kwauri kuita Bhaibheri. Vanogona kutyira kuti uchachinja chechi yaunopinda. Asi usarega chero ani zvake achikutadzisa kuva shamwari yaJehovha. Iyi ndiyo shamwari yakanakisisa yaunogona kuva nayo.

23, 24. (a) Nei uchifanira kuramba uchibvunza mibvunzo? (b) Tichadzidza nezvei muchitsauko chinotevera?

23 Pauchange uchidzidza Bhaibheri, pachava nezvimwe zvinhu zvausinganzwisisi. Usanyara kubvunza mibvunzo kana kukumbira rubatsiro. Mwari anoda kuti uwane mhinduro dzacho. Jesu akati tinofanira kuzvininipisa sevana vadiki. (Mateu 18:2-4) Vana vanobvunza mibvunzo yakawanda. Saka nyatsodzidza Bhaibheri kuti uve nechokwadi chekuti zvauri kudzidza ndicho chokwadi.—Verenga Mabasa 17:11.

24 Nzira yakanakisisa yekudzidza nayo nezvaJehovha ndeyekudzidza Bhaibheri. Muchitsauko chinotevera tichada kuona kuti nei Bhaibheri rakasiyana nemamwe mabhuku ese.

^ ndima 15 Kana Bhaibheri rako risina zita rekuti Jehovha uye kana uchida kuziva zvakawanda nezvekuti zita raMwari rinorevei uye kuti rinodudzwa sei, ona pakanzi “Mamwe Mashoko 1.”