Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 15

Kunamata Mwari Nenzira Yaanoda

Kunamata Mwari Nenzira Yaanoda

1. Ndiani anofanira kutiudza manamatiro atinofanira kuita Mwari?

ZVITENDERO zvakawanda zvinoti zvinodzidzisa chokwadi pamusoro paMwari. Asi izvozvo hazviiti, nekuti zvitendero zvinodzidzisa zvakasiyana-siyana pamusoro pekuti Mwari ndiani uye kuti tinofanira kumunamata sei. Tingaziva sei nzira yechokwadi yekunamata Mwari? Jehovha chete ndiye anokwanisa kutiudza nzira yaanoda kunamatwa nayo.

2. Ungaita sei kuti uzive nzira yaunofanira kunamata nayo Mwari?

2 Jehovha akatipa Bhaibheri kuti tizive nzira yaanoda kuti timunamate nayo. Saka dzidza Bhaibheri, uye Jehovha achakubatsira kuti unzwisise zvaanodzidzisa nekuti ane hanya newe.—Isaya 48:17.

3. Mwari anoda kuti tiite sei?

3 Vamwe vanhu vanoti manamatiro ese akanaka kuna Mwari, asi izvozvo handizvo zvatakadzidziswa naJesu. Akati: “Haasi munhu wese anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muUmambo hwekudenga, asi uya chete anoita kuda kwaBaba vangu.” Saka zvinokosha kuti tidzidze nezvekuda kwaMwari, tokuita. Iyi haisi nyaya yekutamba nayo nekuti Jesu akafananidza vanhu vasingateereri Mwari nevanhu vanopara mhosva, “vasingateereri mutemo.”—Mateu 7:21-23.

4. Jesu akatii nezvekuita kuda kwaMwari?

4 Jesu akatiyambira kuti kana tichida kuita kuda kwaMwari tichasangana nematambudziko. Akati: “Pindai nepagedhi rakamanikana, nekuti gedhi rakafara nemugwagwa wakapamhama, zvinoenda mukuparadzwa, uye vazhinji ndimo mavari kupinda namo; asi gedhi rakamanikana nemugwagwa wakatetepa, zvinoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vari kuuwana.” (Mateu 7:13, 14) Mugwagwa wakamanikana, kureva kunamata Mwari nenzira yaanoda, unotungamirira kuupenyu husingaperi. Mugwagwa wakapamhamha, kureva kunamata Mwari nenzira yaasingadi, unoenda mukuparadzwa. Asi Jehovha hapana waanoda kuti afe. Anopa munhu wese mukana wekuti adzidze nezvake.—2 Petro 3:9.

KUNAMATA MWARI NENZIRA YAANODA

5. Ungaziva sei vaya vanonamata Mwari nenzira yaanoda?

5 Jesu akati tinokwanisa kuziva vanhu vanonamata Mwari nenzira yaanoda. Tinogona kuita izvi nekuongorora zvavanotenda uye zvavanoita. Akati: “Muchavaziva nemichero yavanobereka.” Uyewo akati: “Muti wese wakanaka unobereka michero yakanaka.” (Mateu 7:16, 17) Izvi hazvirevi kuti vanhu vanonamata Mwari havana kana kavanombokanganisa. Asi vashumiri vaMwari vanogara vachiedza kuita zvakanaka. Iye zvino ngationei zvinogona kutibatsira kuziva vanhu vanonamata Mwari nenzira yaanoda.

6, 7. Nei kunamata kwechokwadi kuchifanira kubva muBhaibheri? Zvaiitwa naJesu zvinotidzidzisei?

6 Manamatiro edu anofanira kuenderana nezviri muBhaibheri. Bhaibheri rinoti: “Magwaro ese akafemerwa naMwari uye anobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakurayira zvakarurama, kuti munhu waMwari ave nyanzvi, aine zvese zvaanoda pakuita mabasa ese akanaka.” (2 Timoti 3:16, 17) Muapostora Pauro akanyorera vaKristu kuti: “Pamakagamuchira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko revanhu, asi sezvariri chaizvo, seshoko raMwari.” (1 VaTesaronika 2:13) Kunamata kwechokwadi kunofanira kunyatsoenderana nezviri muShoko raMwari, Bhaibheri. Hakutorwi papfungwa dzevanhu, patsika nemagariro zvevanhu, kana pachimwewo chinhu.

7 Zvese zvakadzidziswa naJesu zvaibva muShoko raMwari. (Verenga Johani 17:17.) Aiwanzotora mashoko muMagwaro. (Mateu 4:4, 7, 10) Vanamati vaMwari vechokwadi vanotevedzera zvaiitwa naJesu vachitora zvese zvavanodzidzisa muBhaibheri.

8. Jesu akadzidzisa kutii nezvekunamata Jehovha?

8 Tinofanira kunamata Jehovha chete. Pana Pisarema 83:18 panoti: “Imi, mune zita rekuti Jehovha, imi mega ndimi Wekumusorosoro, kumusoro kwenyika yese.” Jesu aida kuti vanhu vanyatsoziva kuti Mwari wechokwadi ndiani, uye akadzidzisa vanhu zita raMwari. (Verenga Johani 17:6.) Jesu akati: “Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye ega waunofanira kuitira basa dzvene.” (Mateu 4:10) Saka sevashumiri vaMwari, tinotevedzera Jesu. Tinonamata Jehovha chete, tinoshandisa zita rake, uye tinodzidzisa vamwe nezvezita raMwari uye zvaachatiitira.

9, 10. Tinoratidza sei kuti tinodanana?

9 Tinofanira kuratidzana rudo rwechokwadi. Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vadanane. (Verenga Johani 13:35.) Hazvinei nekuti tinobva kupi, tiri verudzi rupi, kana kuti tiri varombo kana vapfumi. Kudanana kwedu kunofanira kutibatanidza sehama nehanzvadzi. (VaKorose 3:14) Saka hatiendi kuhondo uye hatiurayi. Bhaibheri rinoti: “Vana vaMwari nevana vaDhiyabhorosi vanoonekwa neizvi: Munhu wese asingarambi achiita zvakarurama haabvi kuna Mwari, uye ndizvo zvimwe chetewo nemunhu asingadi hama yake.” Rinozotiwo: “Tinofanira kudanana; hatifaniri kuita saKaini uyo akabva kune akaipa, akaponda munin’ina wake.”—1 Johani 3:10-12; 4:20, 21.

10 Tinoshandisa nguva yedu, simba redu, nezvinhu zvatinowana, kuti tibatsirane uye tikurudzirane. (VaHebheru 10:24, 25) Tinoitira “vese zvakanaka.”—VaGaratiya 6:10.

11. Nei tichibvuma Jesu senzira inotitungamirira kuna Mwari?

11 Tinofanira kuteerera Jesu nekuti ndiye nzira inotungamirira kuna Mwari. Bhaibheri rinoti: “Hapana mumwe angaponesa vanhu, nekuti hapana rimwe zita pasi pedenga rakapiwa vanhu ratinofanira kuponeswa naro.” (Mabasa 4:12) MuChitsauko 5 chebhuku rino, takadzidza kuti Jehovha akatuma Jesu kuti ape upenyu hwake kuti adzikinure vanhu vanoteerera. (Mateu 20:28) Jehovha akasarudza Jesu kuti atonge saMambo wenyika ino. Ndokusaka Bhaibheri richiti tinofanira kuteerera Jesu kana tichida kurarama nekusingaperi.—Verenga Johani 3:36.

12. Nei tisingapindiri mune zvematongerwo enyika?

12 Hatifaniri kupindira mune zvematongerwo enyika. Jesu haana kupindira mune zvematongerwo enyika. Paaitongwa, akaudza mutongi weRoma, Pirato, kuti: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.” (Verenga Johani 18:36.) Isu tinotevedzera Jesu pakuva vakavimbika kuUmambo hwaMwari hwekudenga, saka pasinei nekwatinogara, hatipindiri mune zvematongerwo enyika. Asi Bhaibheri rinotiudza kuti titeerere “vanhu vane masimba,” kureva hurumende. (VaRoma 13:1) Tinoteerera mitemo yemunyika matinogara. Asi kana mumwe mutemo uchipesana nemitemo yaMwari, tinotevedzera vaapostora, avo vakati: “Tinofanira kuteerera Mwari semutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29; Mako 12:17.

13. Tinoparidza kutii nezveUmambo hwaMwari?

13 Tinotenda kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchagadzirisa matambudziko ari panyika. Jesu akati “mashoko akanaka eUmambo” aizoparidzwa munyika yese. (Verenga Mateu 24:14.) Hapana hurumende yemunhu inogona kuita zvatichaitirwa neUmambo hwaMwari. (Pisarema 146:3) Jesu akatidzidzisa kunyengeterera Umambo hwaMwari paakati: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, panyika, sekudenga.” (Mateu 6:10) Bhaibheri rinotiudza kuti Umambo hwaMwari huchaparadza hurumende dzese dzevanhu uye kuti “ndihwo hwega hucharamba huripo nekusingaperi.”—Dhanieri 2:44.

14. Unofunga kuti ndivanaani vanonamata Mwari nenzira yaanoda?

14 Pashure pekudzidza kwawaita pfungwa idzi, zvibvunze kuti: ‘Ndivanaani vanotora zvavanodzidzisa muBhaibheri? Ndivanaani vanoudza vamwe nezvezita raMwari? Ndivanaani vanoratidzana rudo rwechokwadi uye vanotenda kuti Mwari akatuma Jesu kuzotiponesa? Ndivanaani vasingapindiri mune zvematongerwo enyika? Ndivanaani vanoparidza kuti Umambo hwaMwari chete ndihwo hunogona kugadzirisa matambudziko edu?’ Zvapupu zvaJehovha chete ndizvo zvinodaro.—Isaya 43:10-12.

UCHAITA SEI?

15. Tinofanira kuita sei kana tichida kuti Mwari agamuchire kunamata kwedu?

15 Hazvina kukwana kungotenda kuti Mwari ariko. Kunyange madhimoni anotenda kuti Mwari ariko, asi haamuteereri. (Jakobho 2:19) Kana tichida kuti Mwari agamuchire kunamata kwedu, hatifaniri kungogumira pakutenda kuti ariko asi tinofanirawo kuita zvaanotaura.

16. Nei tichifanira kusiyana nekunamata kwenhema?

16 Kuti Mwari agamuchire kunamata kwedu tinofanira kusiyana nekunamata kwenhema. Muprofita Isaya akanyora kuti: “Budai mariri, rambai makachena.” (Isaya 52:11; 2 VaKorinde 6:17) Ndokusaka tichifanira kusiyana nezvese zvine chekuita nekunamata kwenhema.

17, 18. Chii chinonzi “Bhabhironi Guru,” uye nei uchifanira kubuda mariri nekukurumidza?

17 Chii chinonzi chitendero chenhema? Ichi chitendero chipi zvacho chinodzidzisa kuti tinamate nenzira inopesana neShoko raMwari. Bhaibheri rinodana zvitendero zvese zvenhema kuti “Bhabhironi Guru.” (Zvakazarurwa 17:5) Nei zvichipiwa zita iroro? Pashure peMafashamo epanguva yaNoa, dzidziso dzenhema dzakawanda dzakatangira muguta reBhabhironi. Dzidziso idzodzo dzakapararira nenyika yese. Vanhu vaigara muBhabhironi vainamata mubatanidzwa wavanamwari vatatu. Nhasiwo zvitendero zvakawanda zvinodzidzisa kuti Mwari mubatanidzwa wevanhu vatatu, asi Bhaibheri rinodzidzisa zvakajeka kuti kunongova naMwari mumwe chete wechokwadi, Jehovha, uye kuti Jesu Mwanakomana wake. (Johani 17:3) Vanhu vaigara muBhabhironi vaitendawo kuti munhu ane chimwe chinhu chiri maari chinoramba chiri chipenyu kana nyama yafa uye kuti chinenge chasara ichocho chinogona kunotsva. Idzodzo inhema.—Ona Mamwe Mashoko 13, uye 16.

18 Mwari akataura kare kuti zvitendero zvese zvenhema zvichaparadzwa munguva pfupi iri kutevera. (Zvakazarurwa 18:8) Uri kuona here kuti nei uchifanira kubuda muchitendero chenhema nekukurumidza? Jehovha Mwari anoda kuti udaro nguva isati yapera.—Zvakazarurwa 18:4.

Kana ukanamata Jehovha wakabatana nevanhu vake uchava mumhuri inowanika pasi rese

19. Paunosarudza kushumira Jehovha, achakubatsira sei?

19 Kana ukasarudza kusiya chitendero chenhema woshumira Jehovha, dzimwe shamwari dzako nevemumhuri mako vanogona kusanzwisisa kuti uri kuitei uye vanogona kutoomesa upenyu hwako. Asi Jehovha haazokusiyi. Uchava mumhuri inowanika pasi rese yemamiriyoni evanhu vanonyatsodanana, uye uchava netariro yekurarama nekusingaperi munyika itsva yaMwari. (Mako 10:28-30) Pamwe dzimwe shamwari dzako nevamwe vemumhuri vari kukupikisa kuti usashumira Jehovha vachasarudzawo kudzidza Bhaibheri.

20. Nei zvichikosha kuti tinamate Mwari nenzira yaanoda?

20 Munguva pfupi iri kutevera, Mwari achaparadza uipi hwese uye Umambo hwake huchatonga pasi pano. (2 Petro 3:9, 13) Iyoyo ichava nguva inofadza zvikuru! Munhu wese achanamata Jehovha nenzira yaanoda kuti timunamate. Saka zvinokosha kuti utoona zvekuita iye zvino wonamata Mwari sezvaanoda.