Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 3

Mwari Akasika Vanhu Aine Chinangwa Chei?

Mwari Akasika Vanhu Aine Chinangwa Chei?

1. Mwari akasika vanhu aine chinangwa chei?

MWARI akasika vanhu aine chinangwa chakanaka zvikuru. Akasika murume nemukadzi vekutanga, Adhamu naEvha, kuti vagare mubindu rakanaka. Chinangwa chake chaiva chekuti vave nevana, vaite kuti nyika yese ive paradhiso, uye kuti vachengete mhuka.—Genesisi 1:28; 2:8, 9, 15; ona Mamwe Mashoko 5.

2. (a) Tinozviziva sei kuti Mwari achazadzisa chinangwa chake? (b) Bhaibheri rinotii nezvekurarama nekusingaperi?

2 Unofunga kuti tichazomborarama muparadhiso here? Jehovha anotiudza kuti: “Ndine chinangwa chekuzviita, uye ndichazviita.” (Isaya 46:9-11; 55:11) Achazadzisa chinangwa chake, uye hapana chinomutadzisa. Jehovha anoti akasika nyika aine chikonzero. Haana “kungoisikira pasina.” (Isaya 45:18) Anoda kuti vanhu vazadze nyika yese. Mwari anoda kuti panyika pararame vanhu vakaita sei, uye kwenguva yakareba sei? Bhaibheri rinoti: “Vakarurama [kana kuti vanoteerera] vachagara nhaka yenyika, uye vachagara mairi nekusingaperi.”—Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:3, 4.

3. Sezvo vanhu vachirwara uye vachifa, mubvunzo upi waungava nawo?

3 Asi iye zvino vanhu vanorwara uye vanofa. Munzvimbo dzakawanda, vanorwisana uye vanourayana. Zviri pachena kuti ichi hachisi icho chaiva chinangwa chaMwari. Saka zvakafamba sei kuti zvinhu zvizova sezvazviri? Bhaibheri chete ndiro rinogona kutitsanangurira.

MUVENGI WAMWARI

4, 5. (a) Ndiani akataura naEvha achishandisa nyoka muEdheni? (b) Munhu akanaka angapedzisira sei ava mbavha?

4 Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari ane muvengi anonzi “Dhiyabhorosi uye Satani.” Satani akashandisa nyoka kutaura naEvha mumunda weEdheni. (Zvakazarurwa 12:9; Genesisi 3:1) Akaita kuti zviite sekuti nyoka yaitaura.—Ona Mamwe Mashoko 6.

5 Saka zvinoreva here kuti Mwari ndiye akasika Satani Dhiyabhorosi? Aiwa! Imwe ngirozi yakanga iri kudenga Mwari paakasika nyika kuti azoisa Adhamu naEvha pairi, yakashanduka ikazviita Dhiyabhorosi. (Jobho 38:4, 7) Izvozvo zvingaitika sei? Zvakafanana nezvinoitika kumunhu akanaka anozopedzisira ava mbavha. Munhu iyeye haana kuzvarwa ari mbavha. Asi anotanga kuchiva kana kuti kuda chinhu chisiri chake. Anoramba achifunga nezvazvo, pfungwa iyoyo yakaipa yopedzisira yadzika midzi. Kana mukana ukazongomuka anobva aba chinhu chiya. Anenge atova mbavha.—Verenga Jakobho 1:13-15; ona Mamwe Mashoko 7.

6. Imwe ngirozi yakazopedzisira sei yava muvengi waMwari?

6 Izvi ndizvo zvakaitika kungirozi iya. Jehovha paakasika Adhamu naEvha, akavaudza kuti vave nevana uye ‘vazadze nyika.’ (Genesisi 1:27, 28) Ngirozi iyoyo inogona kunge yakafunga kuti, ‘Vanhu vese ava vanogona kutondinamata panzvimbo pekunamata Jehovha!’ Kuramba ichifunga izvozvo kwaiwedzera kusimbisa chido chayo chekuda kuitirwa zvinhu zvinokodzera kuitirwa Jehovha chete. Ngirozi iyoyo yaida kuti vanhu vainamate. Saka yakanyepera Evha ikamunyengera. (Verenga Genesisi 3:1-5.) Payakaita izvozvo, yakabva yava Satani Dhiyabhorosi, muvengi waMwari.

7. (a) Nei Adhamu naEvha vakafa? (b) Nei tichichembera uye tichifa?

7 Adhamu naEvha havana kuteerera Mwari saka vakadya muchero wacho. (Genesisi 2:17; 3:6) Vakatadzira Jehovha, uye nekufamba kwenguva vakafa, sezvakanga zvataurwa naJehovha kuti ndizvo zvaizoitika. (Genesisi 3:17-19) Vana vaAdhamu naEvha vaiva vatadzi, saka vakafa. (Verenga VaRoma 5:12.) Kuti tinzwisise kuti nei vana vaAdhamu naEvha vaivawo vatadzi, ngatifungei nezvemufananidzo uyu. Fungidzira uchibikira chingwa mupani ine pamwe pakarovera pakapinda mukati. Chingwa chacho chinobuda chiine pakapinda mukati sezvakaita pani yacho. Kusateerera Mwari kwakaita Adhamu kwakaita kuti ave mutadzi. Sezvo tiri vana vaAdhamu, tese tiri vatadzi, kungofanana nezvakaita chingwa chakabva mupani iya. Uye sezvo tese tiri vatadzi, tinochembera uye tinofa.—VaRoma 3:23; ona Mamwe Mashoko 8.

8, 9. (a) Satani aida kuti Adhamu naEvha vafunge kutii nezvaJehovha? (b) Nei Jehovha asina kubva angoparadza vapanduki vacho?

8 Satani akatanga kupandukira Jehovha paakafurira Adhamu naEvha kuti vasateerere Mwari. Aida kuti Adhamu naEvha vafunge kuti Jehovha anoreva nhema, uye kuti mutongi akaipa asingadi kuti zvinhu zvivafambire. Satani aiti vanhu vanogona kuzviraramira vega vasingaudzwi naMwari zvekuita uye kuti Adhamu naEvha vaifanira kuzvisarudzira vega kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi. Saka Jehovha aizoita sei? Aigona kubva angovaparadza vese, obva agumisa kupanduka kwacho. Asi kuita izvozvo kwaizobudisa pachena kuti Satani aireva nhema here? Aiwa.

9 Saka Jehovha haana kubva angoparadza vapanduki vacho. Panzvimbo pekudaro, akaita kuti vanhu vambova nenguva yekuzvitonga vega. Izvi zvaizobudisa pachena kuti Satani aireva nhema uye kuti Jehovha anoziva zvakanakira vanhu. Tichadzidza zvakawanda nezvenyaya iyi muChitsauko 11. Asi iwe unoona sei zvakasarudzwa naAdhamu naEvha? Zvakanga zvakanaka here kuti vabvume zvakataurwa naSatani vorega kuteerera Mwari? Jehovha akanga apa Adhamu naEvha zvese zvavaiva nazvo. Akavapa upenyu hwakakwana, nzvimbo yakanaka yekugara, uye basa raivanakidza. Asi Satani haana kana chinhu chimwe chete chakanaka chaakanga avaitira. Dai waivapowo ungadai wakaita sei?

10. Mumwe nemumwe wedu anofanira kuita chisarudzo chipi chinokosha?

10 Nesuwo nhasi, mumwe nemumwe wedu anofanira kusarudza divi raari, uye ramangwana redu richabva pakuti tasarudza zvipi. Tinogona kusarudza kushumira Jehovha seMutongi wedu tobatsira pakuratidza kuti Satani murevi wenhema. Kana kuti tinogona kusarudza Satani semutongi wedu. (Pisarema 73:28; verenga Zvirevo 27:11.) Havasi vanhu vakawanda panyika pano vanoteerera Mwari. Chokwadi ndechekuti haasiri iye mutongi wenyika. Asi kana Mwari asiri iye, saka mutongi wayo ndiani?

NDIANI ARI KUTONGA NYIKA YESE?

Dai umambo hwese hwenyika hwakanga husiri hwaSatani, angadai akahushandisa here pakuedza Jesu?

11, 12. (a) Kuedza kwakaita Satani kupa Jesu umambo hwese hwenyika kunotidzidzisei? (b) Magwaro api anoratidza kuti Satani ndiye mutongi wenyika?

11 Jesu aiziva kuti ndiani ari kutonga nyika. Mumwe musi Satani akamuratidza “umambo hwese hwenyika nekubwinya kwahwo.” Satani akabva ati kuna Jesu: “Ndichakupa zvinhu zvese izvi kana ukapfugama wongondinamata kamwe chete.” (Mateu 4:8, 9; Ruka 4:5, 6) Unofunga kuti dai umambo hwese ihwohwo hwakanga husiri hwaSatani, angadai akahushandisa here pakuedza Jesu? Aiwa. Saka zvakaitwa naSatani zvinoratidza kuti hurumende dzese ndedzake.

12 Unogona kubvunza kuti: ‘Satani anganzi sei ndiye mutongi wenyika? Handiti Jehovha Mwari Wemasimbaose ndiye akasika zvinhu zvese?’ (Zvakazarurwa 4:11) Ehe ndizvozvo, asi Jesu akanyatsotaura zvakajeka kuti Satani ndiye “mutongi wenyika ino.” (Johani 12:31; 14:30; 16:11) Muapostora Pauro akati Satani Dhiyabhorosi ‘ndimwari wenyika ino.’ (2 VaKorinde 4:3, 4) Uye muapostora Johani akanyora kuti “nyika yese iri musimba reakaipa.”—1 Johani 5:19.

NYIKA YASATANI ICHAPARADZWA SEI?

13. Nei tichida nyika itsva?

13 Nyika ino iri kuramba ichiwedzera kuipa. Hondo, uori, unyengeri, nekurwisana, zvakangozara kwese kwese. Kunyange zvazvo vanhu vachiedza zvakaoma kubvisa matambudziko aya, havaakwanisi. Asi Mwari ava kuda kuparadza nyika ino yakaipa pahondo yake yeAmagedhoni, oitsiva nenyika itsva yakarurama.—Zvakazarurwa 16:14-16; ona Mamwe Mashoko 9.

14. Mwari akasarudza ani kuti ave Mambo muUmambo hwake? Bhaibheri rakataura kutii nezvaJesu?

14 Jehovha akasarudza Jesu Kristu kuti ave Mambo muhurumende yake yekudenga, kana kuti Umambo. Zviuru zvemakore zvakapfuura, Bhaibheri rakataura kuti Jesu aizotonga ‘seMuchinda weRugare’ uye kuti hurumende yake inenge isina magumo. (Isaya 9:6, 7) Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengeterere hurumende iyoyo paakati: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, panyika, sekudenga.” (Mateu 6:10) Muchitsauko 8, tichadzidza kuti Umambo hwaMwari huchatsiva sei hurumende dzenyika. (Verenga Dhanieri 2:44.) Umambo hwaMwari huchabva hwaita kuti nyika ive paradhiso inoyevedza.—Ona Mamwe Mashoko 10.

NYIKA ITSVA YAVA PEDYO!

15. Chii chinonzi “nyika itsva”?

15 Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira” uye “imomo muchagara muine kururama.” (2 Petro 3:13; Isaya 65:17) Dzimwe nguva kana Bhaibheri richiti “nyika” rinenge richitaura nezvevanhu vanogara panyika. (Genesisi 11:1) Saka parinoti “nyika itsva” yakarurama rinenge richireva vanhu vese vanoteerera Mwari uye vaanokomborera.

16. Vanhu vachagara munyika itsva yaMwari vachapiwa chipo chipi, uye tinofanira kuitei kuti tichiwane?

16 Jesu akavimbisa kuti vaya vachagara munyika itsva yaMwari vachapiwa “upenyu husingaperi.” (Mako 10:30) Tinofanira kuitei kuti tigamuchire chipo ichi? Verenga pana Johani 3:16 uye 17:3 kuti uwane mhinduro yacho. Iye zvino ngationei kuti Bhaibheri rinoti upenyu huchange hwakaita sei kana nyika yava Paradhiso.

17, 18. Tinozviziva sei kuti nyika yese ichange yava nerugare uye kuti tinenge tisina chekutya?

17 Uipi, hondo, kuparwa kwemhosva, uye mhirizhonga zvichange zvisisipo. Panyika pachange pasina vanhu vakaipa. (Pisarema 37:10, 11) Mwari ‘achagumisa hondo munyika yese.’ (Pisarema 46:9; Isaya 2:4) Nyika ichazara nevanhu vanoda Mwari uye vanomuteerera. Panyika pachava nerugare nekusingaperi.—Pisarema 72:7.

18 Vanhu vaJehovha vachagara vasina chavanotya. Munguva dzevaIsraeri, pavaiteerera Mwari vaigara vasina chekutya nekuti Mwari aivadzivirira. (Revhitiko 25:18, 19) MuParadhiso, panenge pasina chinhu chingativhundutsa kana munhu angativhundutsa. Tichange tisina chekutya nguva dzese!—Verenga Isaya 32:18; Mika 4:4.

19. Nei tiine chokwadi chekuti munyika itsva yaMwari muchange muine zvekudya zvakawanda?

19 Zvekudya zvichange zvakawanda. “Panyika pachava nezvirimwa zvakawanda chaizvo; zvichafashukira pamusoro pemakomo.” (Pisarema 72:16) Jehovha, “iye Mwari wedu, achatikomborera,” uye “nyika ichabereka zvibereko zvayo.”—Pisarema 67:6.

20. Tinoziva sei kuti nyika ichava paradhiso?

20 Nyika yese ichava paradhiso. Vanhu vachava nemisha yakanaka ine miti nemaruva zvinoyevedza. (Verenga Isaya 65:21-24; Zvakazarurwa 11:18.) Nyika yese ichange ichiyevedza sezvaiita munda weEdheni. Jehovha achagara achitipa zvese zvatinoda. Bhaibheri rinoti nezvake: “Munovhura ruoko rwenyu mogutsa zvido zvezvinhu zvese zvipenyu.”—Pisarema 145:16.

21. Tinoziva sei kuti vanhu vachagarisana zvakanaka nemhuka?

21 Vanhu vachagarisana zvakanaka nemhuka. Mhuka dzichange dzisingachakuvadzi vanhu. Vana vachange vasingatyi kunyange mhuka dzinoruma kana kuti dzinodya vanhu iye zvino.—Verenga Isaya 11:6-9; 65:25.

22. Jesu achaitirei vaya vanorwara?

22 Hapana achange achirwara. Jesu paaiva pasi pano, akaporesa vanhu vakawanda. (Mateu 9:35; Mako 1:40-42; Johani 5:5-9) SaMambo muUmambo hwaMwari, achatoporesa munhu wese. Hapana munhu achazombotizve: “Ndiri kurwara.”—Isaya 33:24; 35:5, 6.

23. Mwari achaitirei vaya vakafa?

23 Vakafa vachararamazve. Mwari anovimbisa kuti achamutsa zviuru nezviuru zvevanhu vakafa. “Kuchava nekumuka kwevakarurama nevasina kururama.”—Verenga Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15.

24. Unonzwa sei nezvekurarama muParadhiso?

24 Tese tinofanira kusarudza kuti tinoda zvipi. Tinogona kusarudza kudzidza nezvaJehovha tomushumira, kana kuti tinogona kungoita zvatinoda. Kana tikasarudza kushumira Jehovha tichava neramangwana rakazonaka. Mumwe murume paakakumbira Jesu kuti azomuyeukawo kana afa, Jesu akamuvimbisa kuti: “Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:43) Ngatidzidzei zvakawanda nezvaJesu Kristu uye kuti achaita sei kuti zvinhu zvakavimbiswa naMwari zvizadziswe.