Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 3

‘Ndakatanga Kuona Zviratidzo zvaMwari’

‘Ndakatanga Kuona Zviratidzo zvaMwari’

EZEKIERI 1:1

ZVATICHADZIDZA: Ngoro yekudenga yakaratidzwa Ezekieri

1-3. (a) Rondedzera kuti Ezekieri akaonei uye kuti akanzwei. (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.) (b) Chii chakaita kuti Ezekieri aone zvaakaona uye zvinhu izvozvo zvakamuita kuti anzwe sei?

EZEKIERI anoramba akatarisa nechekure uko, achiedza kuona zvinhu zviri mhiri kwenzvimbo yakati sandara izere nejecha. Anotanga achiita zvekutsinzinira, ozonyatsovhura maziso ake. Anombofunga kuti zvimwe ari kurota. Kure ikoko kwaakatarisa, anoona dutu rine simba richisimuka. Iri harisi dutu rekutamba naro. Mhepo inotyisa inobva kuchamhembe painovhuvhuta ichiita seichadzura bvudzi rake nekubvarura zvipfeko zvake, anoona gore guru rakareba kuenda mudenga. Rine moto uri kupenya nechepakati paro, uye kupenya kwaro kunomuyeuchidza nezveibwe rinokosha rakanyunguduswa. Gore racho parinofamba nekukurumidza rakananga kuna Ezekieri, ruzha rwaari kunzwa runoramba ruchiwedzera, rwakaita serweuto guru riri kufamba.—Ezek. 1:4, 24.

2 Ezekieri ane makore anenge 30, uye zvinhu zvaari kuona ndizvo zvekutanga pane zvakawanda zvaachaona zvaasingazombokanganwi. Anonzwa “ruoko rwaJehovha” ruri paari, kureva simba guru remweya mutsvene waJehovha. Mweya iwoyo uchamuita kuti aone nekunzwa zvinhu zvinoshamisa kupfuura chero firimu remazuva ano rakabikwa zvemhando yepamusoro. Chiratidzo chichaonekwa naEzekieri chichamukanga mate mukanwa, osara akangopfugama, akatarisa pasi.—Ezek. 1:3, 28.

3 Asi Jehovha haasi kuda kuti murume uyu angogumira pakushamisika nezvaanoona. Kungofanana nezvimwe zviratidzo zvakanyorwa mubhuku raEzekieri, chiratidzo chekutanga chiri mubhuku iri chine zvachakabatsira Ezekieri uye chinobatsirawo vashumiri vaJehovha vakatendeka mazuva ano. Saka ngatinyatsoongorora kuti Ezekieri akaonei uye kuti akanzwei.

Mamiriro Akanga Akaita Zvinhu

4, 5. Zvinhu zvakanga zvakamira sei Ezekieri paakaona chiratidzo chake?

4 Verenga Ezekieri 1:1-3. Ngatitangei nekuedza kuyeuka mamiriro akanga akaita zvinhu. Raiva gore ra613 B.C.E. Sezvatakadzidza muchitsauko chakapfuura, Ezekieri akanga ari muBhabhironi, achigara nevamwe vaJudha vainge vatapwa pedyo nerwizi rwaKebhari. Uyu unofanira kunge waiva mugero waifambika nechikepe wakagadzirwa uchibuda murwizi rwaYufratesi, uchizonodzokera zvakare marwuri nechemberi.

Ezekieri aigara pedyo nerwizi rwaKebhari nevamwe vaJudha vainge vatapwa (Ona ndima 4)

5 VaJudha vaiva muutapwa vaiva kure nekumusha kwavo kuJerusarema nemakiromita 800. * Patemberi paimboendwa nababa vaEzekieri kunoshumira semupristi painge pasvibiswa uye pazara nezvidhori. Chigaro cheumambo chaiva muJerusarema, maitongera Mambo Dhavhidhi naSoromoni vachikudzwa, chainge chava kunyadzisa. Mambo akaipa, Jehoyakini, akanga atapwawo ari kuBhabhironi. Munhu akanga amutsiva pachigaro ainzi Zedhekiya aitonga ari pasi pamambo weBhabhironi. Naiyewo akanga akaipa.—2 Madz. 24:8-12, 17, 19.

6, 7. Chii chaigona kuita kuti Ezekieri anetseke pavaiva muutapwa?

6 Sezvo Ezekieri aiva murume ane kutenda, zvinofanira kunge zvakanga zvakamuomera chaizvo kurarama panguva iyi. Vamwe vaaiva navo muutapwa vanogona kunge vaizvibvunza kuti: ‘Jehovha atisiya zvachose here? Umambo uhwu hwakaipa hweBhabhironi, navanamwari vahwo venhema vasingaverengeki, hwava kuparadza kunamata kwakachena hwobvisa zvachose vanhu vanomiririra utongi hwaJehovha panyika here?’

7 Iye zvino, zvawava kuziva mamiriro akanga akaita zvinhu, wadii kutanga kudzidza nyaya iyi nekuverenga rondedzero yaEzekieri yechiratidzo chake chekutanga? (Ezek. 1:4-28) Paunenge uchiverenga, fungidzira uri iwe Ezekieri, uchiona zvaakaona, nekunzwa zvaakanzwa.

Rwizi rwaYufratesi rwuri munharaunda iri pedyo neKakemishi (Ona ndima 5-7)

Chifambiso Chisina Chakafanana Nacho

8. Ezekieri akaonei muchiratidzo, uye zvaakaona zvaimiririrei?

8 Chii chaizvo chakaonekwa naEzekieri? Akaona chinhu chaiita sechifambiso chakakura, chinoshamisa, icho chinorondedzerwa nevamwe sengoro. Chaiva nemavhiri makurukuru mana uye pedyo nemavhiri acho paiva nezvisikwa zvemweya zvina zvinoshamisa, zvaakazoti makerubhi. (Ezek. 10:1) Nechepamusoro pemavhiri acho, paiva nechimwe chinhu chakakura chaiita sechakawaridzwa, chaiita sechando chakaoma, uye pamusoro pacho paiva nechigaro chinobwinya chaMwari, uye Jehovha pachake akanga akagara ipapo. Asi, chii chaimiririrwa nengoro iyoyo? Pane chinhu chimwe chete chingakodzera kumiririrwa nechiratidzo chaEzekieri: chikamu chekudenga chesangano raJehovha rinoshamisa. Nei tichidaro? Ona zvinhu zvitatu zvinoita kuti tidaro.

9. Mashandiro anoita Jehovha nezvisikwa zvake zvekudenga anoenderana sei netsanangudzo yezvakaita chifambiso?

9 Mashandiro anoita Jehovha nezvisikwa zvake zvekudenga. Cherechedza kuti muchiratidzo ichi, chigaro chaJehovha cheumambo chiri pamusoro pemakerubhi. Mune dzimwe ndima muShoko raMwari, Jehovha anonziwo akagara pachigaro cheumambo pamusoro pemakerubhi kana kuti pakati pemakerubhi. (Verenga 2 Madzimambo 19:15; Eks. 25:22; Pis. 80:1) Izvi hazvirevi hazvo kuti Jehovha anotogara pamusoro pemakerubhi ake, sekunge kuti anotofanira kutakurwa nezvisikwa izvozvo zvemweya zvine simba kana kutakurwa nengoro chaiyo. Chiripo ndechekuti makerubhi anotsigira uchangamire hwake, uye anogona kuatuma chero kwaanoda kuti anoita kuda kwake. Kungofanana nedzimwe ngirozi dzese dzaMwari, makerubhi anoita zvinenge zvasarudzwa naJehovha, achimushumira kana kumumiririra. (Pis. 104:4) Saka Jehovha anoita seakagara pamusoro pemakerubhi ese, achiaita kuti aende kwaanoda semutongi wawo, sekunge kuti ese zvawo anoumba chifambiso chake chimwe chete

10. Chii chinoratidza kuti ngoro yekudenga ine zvisikwa zvemweya zvakawanda, kwete makerubhi mana chete?

10 Chifambiso chacho hachingomiririri makerubhi mana chete. Ezekieri akaona makerubhi mana. Nhamba iyoyo inowanzoshandiswa muBhaibheri ichireva kukwana kwechinhu kana kuti ichitaura nezvechinhu chinobata munhu wese pasina anosara. Saka makerubhi mana anomiririra vanakomana vese vaJehovha vemweya vakatendeka. Cherechedzawo kuti mavhiri uye makerubhi acho pachawo akazara maziso, zvichiratidza kuti kune zvimwewo zvisikwa zvemweya zvakawanda zvinogara zvakasvinura zvakatarisa zvinenge zvichiitika. Uye rondedzero yaEzekieri yechifambiso chacho inoratidza kuti chakakura chaizvo zvekuti kunyange makerubhi iwayo anoshamisa anoita semadiki. (Ezek. 1:18, 22; 10:12) Izvi ndizvo zvakaitawo chikamu chekudenga chesangano raJehovha. Chakakura, uye chinoumbwa nezvisikwa zvakawanda, kwete makerubhi mana chete.

Ezekieri akashamiswa chaizvo nechiratidzo chengoro yaJehovha yekudenga (Ona ndima 8-10)

11. Zvii zvakaonekwa naDhanieri zvakada kufanana nezvakaonekwa naEzekieri, uye izvi zvinoita kuti titi ngoro inomiririrei?

11 Dhanieri akaonawo chiratidzo chezvakaita kudenga. Muprofita Dhanieri aivawo muguta reBhabhironi vaJudha pavakaita makore vari muutapwa, uye akaratidzwawo zvakaita kudenga. Chinoshamisa ndechekuti muchiratidzo ichocho, chigaro cheumambo chaJehovha chaivawo nemavhiri. Chiratidzo chaDhanieri chinonyanya kubudisa kukura kwakaita mhuri yaJehovha yezvisikwa zvemweya zvekudenga. Dhanieri akaona ‘chiuru chakapetwa kane chiuru uye zviuru gumi zvakapetwa kane zviuru gumi’ zvevanakomana vaMwari vemweya zvakamira pamberi paJehovha. Vanakomana vaMwari ivavo vakanga vakagara seDare rekudenga, mumwe nemumwe ari panzvimbo yake. (Dhan. 7:9, 10, 13-18) Saka zvine musoro kuti titi zvakaonekwa naEzekieri zvinomiririrawo dare iri rinoshamisa rezvisikwa zvekudenga.

12. Nei zvichitidzivirira kudzidza nezvendima dzeBhaibheri dzakadai sechiratidzo chaEzekieri chengoro yekudenga?

12 Jehovha anoziva kuti kuisa pfungwa ‘pazvinhu zvisingaoneki’ kunotidzivirira. Nei zvakadaro? Sezvo tiri zvisikwa zvenyama neropa, tinowanzoisa pfungwa ‘pazvinhu zvinooneka,’ kureva zvinhu zvatinoda pakurarama, izvo zviripo kwenguva diki. (Verenga 2 VaKorinde 4:18.) Satani anowanzoshandisa izvozvo achiedza kutinyengera kuti tive nemafungiro enyama. Asi Jehovha anotibatsira zvine rudo nekutipa ndima dzeBhaibheri dzakafanana nedzatakurukura kubva muuprofita hwaEzekieri, dzinotiyeuchidza nezvekukura kunoshamisa kwakaita mhuri yake yekudenga.

“Imi Mavhiri!”

13, 14. (a) Ezekieri akati mavhiri aakaona akaita sei? (b) Nei zvakakodzera kuti chigaro chaJehovha cheumambo chive nemavhiri?

13 Ezekieri anotanga nekurondedzera zvakaita makerubhi mana, uye muChitsauko 4 chebhuku rino, tichaona kuti tinodzidzei nezvaJehovha pazvisikwa izvozvo uye zvakaita miviri yazvo. Zvisinei, Ezekieri akaona mavhiri mana, rimwe nerimwe riri pedyo nekerubhi. Mavhiri acho akanga akamira panzvimbo ina, rimwe nerimwe riri kure nerimwe zvakaenzana uye nzvimbo yaakapoteredza yakakura. (Verenga Ezekieri 1:16-18.) Mavhiri acho aiita seane krisoriti, rumwe rudzi rwematombo anokosha anoonekera mukati akaita yero kana kuti yero inenge iine kaugirini. Izvi zvaibva zvaita kuti mavhiri acho apenye.

14 Chinhu chinonyanya kubudiswa pachiratidzo chaEzekieri mavhiri engoro yacho. Zvinhu zvaakaona zvinoshamisa zvechokwadi nekuti hazvina kujairika kuona chigaro cheumambo chine mavhiri. Tinowanzofunga nezvechigaro cheumambo chiri panzvimbo imwe chete, nekuti nzvimbo dzinotongwa nemadzimambo epanyika dzine padzinogumira. Asi uchangamire hwaJehovha hwakatosiyana nehurumende dzevanhu. Sezvakazoratidzwa Ezekieri, simba reuchangamire hwaJehovha harina parinogumira. (Neh. 9:6) Changamire Jehovha anogona kutonga chero kwaada!

15. Ezekieri akacherechedzei pamagadzirirwo akanga akaitwa mavhiri uye makuriro awo?

15 Ezekieri akashamiswa nekukura kwakanga kwakaita mavhiri acho. Akanyora kuti: “Marimu [awo] akanga akakura zvinoshamisa.” Tinogona kufungidzira Ezekieri achisimudza musoro wake achitarisa marimu iwayo aipenya akanga akareba achienda mudenga. Uye anowedzera kutsanangura kuti: ‘Marimu emavhiri acho mana akanga azere nemaziso kumativi ese.’ Asi pamwe chaitonyanya kushamisa kutaridzika kwaiita mavhiri acho. Akatsanangura kuti: “Kutaridzika kwawo nekugadzirwa kwawo kwakanga kwakaita sekuti ivhiri riri mukati merimwe vhiri.” Izvi zvairevei?

16, 17. (a) Zvinorevei kuti mavhiri engoro airatidzika sekuti vhiri rimwe raiva mukati merimwe? (b) Mavhiri engoro anoratidzei nezvekufamba kunokwanisa kuita chifambiso chaJehovha?

16 Vhiri rimwe nerimwe rakaonekwa naEzekieri rinofanira kunge raiva mubatanidzwa wemavhiri maviri, rimwe racho rakaita zvekuchinjika pane rimwe. Ndokusaka mavhiri aya aikwanisa kufamba sezvakataurwa naEzekieri paakati: “Paaifamba, aikwanisa kuenda chero divi pamativi acho mana asina kumbochinja kwaakatarisa.” Mavhiri aya anotiudzei nezvechifambiso chekudenga chakaonekwa naEzekieri?

17 Mavhiri akareba kudaro akangotenderera kamwe chete, anosvika kure. Chifambiso chacho chinotonzi chaimhanya semheni! (Ezek. 1:14) Uyewo chifambiso ichi chine mavhiri anogona kuenda chero divi, zvekuti mainjiniya haambofi akakwanisa kugadzira chinhu chinofamba zvakadaro. Chinogona kuchinja kwachiri kuda kuenda chisina kumbodzora mamhanyiro achinenge chichiita kana kukona! Asi hachingofambi chisiri kuona kwachiri kuenda. Kuzara kwakaita maziso pamarimu acho kunonyatsoratidza kuti chinogona kuona zvese zvinenge zvakachipoteredza.

Mavhiri acho ainge akakura zvinotyisa uye aimhanya zvinoshamisa (Ona ndima 17)

18. Kukura kwakaita mavhiri engoro uye kuwanda kwakaita maziso ari paari kunotidzidzisei?

18 Saka Jehovha aida kuti Ezekieri adzidzei nezvechikamu chekudenga chesangano rake, uye vamwe vanhu vese vakatendeka vanogona kudzidzei? Chimbofunga zvatatodzidza. Chinobwinya uye chinoshamisa, sezvinoratidzwa nekupenya kwaiita mavhiri uye kukura kwaakaita. Chinoona zvinhu zvese, sezvinoratidzwa nekuwanda kwakaita maziso pamavhiri acho. Maziso aJehovha pachake anoona zvinhu zvese. (Zvir. 15:3; Jer. 23:24) Uyewo, ane mamiriyoni engirozi dzaanogona kutumira chero kwaanenge achida, uye dzinogona kunyatsoongorora zvinhu dzodzoka dzichimuudza zvadzinenge dzaona.—Verenga VaHebheru 1:13, 14.

Mavhiri acho anogona kuenda chero divi nyore nyore (Ona ndima 17, 19)

19. Mamhanyiro anoita ngoro yaJehovha uye kuenda kwainoita chero divi nyore nyore zvinotidzidzisei nezvaJehovha uye chikamu chekudenga chesangano rake?

19 Uyewo, tinoona kuti ngoro yacho inomhanya zvinoshamisa uye inogona kuenda chero divi nyore nyore. Chimbofunga kuti chikamu chekudenga chesangano raJehovha chakasiyana papi nemasangano evanhu uye hurumende dzevanhu. Vanhu vanongoita zvinhu vasingafungi zvinozoitika, vachitadza kufambirana nekuchinja kunenge kuchiita zvinhu, kusvikira vanyura mumatope kana kuti mazano avo asisashandi. Asi ngoro yaJehovha inonyatsoratidza kunzwisisa kunoita Mwari uye kukwanisa kwaanoita kuchinja kuti aenderane nezvinenge zviripo. Sezvinorehwa nezita rake, anogona kuva chero zvinenge zvichidiwa kuti azadzise chinangwa chake. (Eks. 3:13, 14) Semuenzaniso, anogona kukurumidza kuchinja ova Murwi ane simba anorwira vanhu vake, asi pakare ipapo anogona kuchinja oregerera uye onyaradza kunyange mutadzi akaora mwoyo zvikuru anenge apfidza.—Pis. 30:5; Isa. 66:13.

20. Nei tichifanira kuremekedza ngoro yaJehovha zvakadzama?

20 Zvataona muchiratidzo chaEzekieri kusvika pari zvino zvinogona kutiita kuti tizvibvunze kuti, ‘Ndinoremekedza zvakadzama ngoro yaJehovha here?’ Tinofanira kuyeuka kuti ngoro iyi inomirira zvinhu zviri kudenga zvinotovako. Hatitombofaniri kufunga kuti zvimwe Jehovha, Mwanakomana wake, nengirozi dzake dzese havasi kuona dambudziko riri kutiodza mwoyo. Uyewo hatifaniri kunetseka kuti Mwari wedu achanonoka kutipa zvatinoda kana kuti sangano rake richakundikana kuchinja kuti ritibatsire pamatambudziko anenge amuka munyika ino isina kugadzikana. Tinofanira kuyeuka kuti sangano raJehovha ragara richifamba. Ezekieri akatonzwa inzwi richibva kudenga richiti: “Imi mavhiri!” Uyu unogona kunge waiva murayiro wekuti mavhiri acho atange kufamba. (Ezek. 10:13) Zvechokwadi, tinoshamiswa patinofunga nezvemafambisiro anoita Jehovha zvinhu musangano rake! Asi tinotonyanya kushamiswa patinofunga nezvaJehovha pachake.

Mutyairi Wengoro Yacho

21, 22. Chii chinoita kuti zvese zviri pangoro zvirambe zviri panzvimbo yazvo?

21 Ezekieri anobvisa maziso ake pamavhiri, otarisa nechepamusoro pawo paanoona ‘chinhu chakaita sechakawaridzwa, chichipenya sechando chakaoma chinoyevedza.’ (Ezek. 1:22) Nechepamusoro pemakerubhi, paiva nechinhu chaiita sechakawaridzwa, chaipenya uye chiedza chaikwanisa kupfuura nemachiri. Asi iye zvino munhu anoziva mashandiro anoita michina anogona kunge atova nemibvunzo yakawanda pamusoro pechifambiso ichi. Semuenzaniso, vamwe vangabvunza kuti: ‘Chinhu ichocho chiri nechepamusoro pemavhiri chakabatirira nei paari? Mavhiri aya anofamba sei asina maekisero anoabatanidza?’ Yeuka kuti chifambiso ichi hachidzorwi nemitemo inoshanda pazvinhu zviri panyika sezvo chichimiririra zvinhu zviri kudenga. Cherechedzawo mashoko aya anokosha: “Mumavhiri acho maivawo nemweya waishanda pazvisikwa zvipenyu.” (Ezek. 1:20, 21) Mweya upi waishanda pamakerubhi iwayo uye pamavhiri engoro?

22 Zviri pachena kuti uyu waiva mweya mutsvene waJehovha, simba risina rakaenzana naro pasi nekudenga. Simba iroro ndiro rinoita kuti chifambe, uye ndiro rinoita kuti zvese zviri pachifambiso ichi zvirambe zviri panzvimbo yazvo, zvichipindirana pakufamba kwazvo. Tiine pfungwa idzi, ngatichionai zviri kuonekwa naEzekieri paanotarisa wacho ari kutyaira ngoro iyi.

23. Ezekieri anoshandisa mashoko akaita sei kuti aedze kutsanangura zvakaita Jehovha uye nei achidaro?

23 Verenga Ezekieri 1:26-28. Paanorondedzera zvaakaona muchiratidzo ichi, Ezekieri anowanzoshandisa mashoko akadai seekuti “akaita se-,” “chakaita se-,” “chakafanana ne-,” uye “chinhu chaiita se-.” Asi mumavhesi aya, mashandisiro aanoita mashoko aya anotowedzera. Anoita seari kutsvaga mashoko ekurondedzera zvinhu zvaari kuona nekuti zviri kumuomera kuzvitsanangura. Akaona “chinhu chakaita sedombo resafaya, uye chakanga chakafanana nechigaro cheumambo.” Fungidzira zidombo rebhuruu resafaya rakavezwa kuti rive chigaro cheumambo. Uye pachigaro chacho pane akanga akagarapo, “akaita semunhu.”

Ezekieri aitoita zvekutsvaga mashoko ekutsanangura zvinhu zvaaiona

24, 25. (a) Muraraungu wakapoteredza chigaro chaJehovha cheumambo unotiyeuchidza nezvei? (b) Varume vaiva nekutenda vakanzwa sei pavakaona zviratidzo zvekudenga zvakaita sechakaonekwa naEzekieri?

24 Haana kuona zvakanyatsoita Jehovha, uyo akanga akagara ipapo, nekuti paiva nemarimi emoto aipenya kubva muchiuno zvichidzika, uye kubva muchiuno zvichikwira. Tinogona kufungidzira muprofita wacho achitsinzinira uye achiisa ruoko rwake pahuma achitarisa uya akanga agere pachigaro. Ezekieri anozopedzisira nekuona zvinhu izvi zvinoyevedza: “Kumativi ake ese kwaipenya chaizvo semuraraungu uri mugore pakunenge kuchinaya mvura zhinji.” Wakamboona kufadza kwazvinoita kuona muraraungu here? Muraraungu chinhu chinonyatsooneka chinotiyeuchidza nezvekunaka kweMusiki wedu. Muraraungu nemavara awo akanaka unogona kutiyeuchidzawo nezvesungano yerugare yakaitwa naJehovha pashure peMafashamo. (Gen. 9:11-16) Kunyange zvazvo aine simba, Wemasimbaose ndiMwari werugare. (VaH. 13:20) Mumwoyo make muzere nerugare, uye runoyerera ruchienda kune vese vanomunamata vakatendeka.

Muraraungu unoyevedza wakapoteredza chigaro chaJehovha unotiyeuchidza kuti tinoshumira Mwari werugare (Ona ndima 24)

25 Ezekieri akanzwa sei paakaona chiratidzo chekubwinya kwaJehovha Mwari? Akanyora kuti: “Ndakapfugama, ndikadzikisa musoro wangu.” Akashamiswa uye akatya Mwari zvekuti akagwadama. Ndizvo zvakaitwawo nevamwe vaprofita pavakaona zviratidzo zvaJehovha; zvavakaona zvinofanira kunge zvakaita kuti vazvininipise kunyange kutopedzwa simba chaiko. (Isa. 6:1-5; Dhan. 10:8, 9; Zvak. 1:12-17) Asi nekufamba kwenguva, varume ivavo vakasimbiswa zvikuru nezvavakanga varatidzwa naJehovha. Zviri pachena kuti ndizvo zvakaitikawo kuna Ezekieri. Saka, isuwo patinoverenga nyaya dziri muMagwaro dzakaita seidzi, tinofanira kunzwa sei?

26. Chiratidzo chaEzekieri chinofanira kunge chakamusimbisa zvakadini?

26 Kana kuri kuti Ezekieri aimboona sekuti Mwari ainge asiya vanhu vake vaiva muutapwa muBhabhironi, chiratidzo ichocho chinofanira kunge chakamusimbisa. Zviri pachena kuti zvaisava nebasa kuti vanhu vaMwari vakatendeka vaiva kupi, kungava kuJerusarema, kuBhabhironi, kana kune imwe nzvimbo. Ngoro yaJehovha yaisazombotadza kusvika kwavari! Hapana hurumende iri pasi paSatani yaikwanisa kumirisana naMwari anotungamirira zvisikwa zvake zvakatendeka zvemweya. (Verenga Pisarema 118:6.) Ezekieri akaonawo kuti chifambiso chacho chekudenga chaisava kure nevanhu, pakuti mavhiri acho aitofambawo panyika chaipo! (Ezek. 1:19) Saka Jehovha akanga asina kukanganwa vanhu vake vakatendeka vaiva muutapwa. Baba vavo vane rudo vaizoramba vainavo vachivabatsira!

Unodzidzei Pangoro Iyi?

27. Chiratidzo chaEzekieri chinotidzidzisei mazuva ano?

27 Pane zvatinodzidza here mazuva ano pane zvakaonekwa naEzekieri? Ehe, zviripo! Yeuka kuti Satani ari kuwedzera kurwisa vanhu vari kunamata Jehovha zvakachena. Anoda kuti tifunge kuti tiri tega, uye kuti tiri kure kusingakwanisi kusvikwa naBaba vedu vekudenga nesangano ravo. Usambofa wakarega nhema idzodzo dzichipinda mumwoyo mako kana mupfungwa dzako! (Pis. 139:7-12) Kungofanana naEzekieri, hatingambotadza kushamiswa nezvakaita ngoro yaJehovha. Tingasapfugama hedu takatarisa pasi sezvakaita Ezekieri. Asi hatifaniri here kushamiswa neukuru nesimba zvine chikamu chekudenga chesangano raJehovha, kumhanya kwachinoita, mafambisiro achinoita zvinhu nenzira iri nyore, uye machinjiro achinoita kuti chienderane nezvinenge zvamuka?

28, 29. Zvii zvakaitika makore zana apfuura zvinoratidza kuti ngoro yaJehovha yanga ichifamba?

28 Yeukawo kuti sangano raJehovha rine chikamu chepanyika. Kunyange zvazvo chikamu ichi chepanyika chiine vanhu vakaberekwa vaine chivi, Jehovha ari kuita zvinhu zvakawanda achichishandisa. Pasi rese, Jehovha ari kuita kuti vanhu ava vaite zvinhu zvavaisambokwanisa kuita kudai vaizviita nesimba ravo vega. (Joh. 14:12) Zvatinoverenga mubhuku raUmambo hwaMwari Huri Kutonga! zvinogona kutiyeuchidza nezvebasa guru rekuparidza rakaitwa mumakore zana apfuura. Tinogona kuyeukawo zvakaitwa nesangano raJehovha pakudzidzisa vaKristu vechokwadi, kukunda mumatare, uye kushandisa zvinhu zvemazuva ano kuti basa raMwari rifambire mberi!

29 Patinofunga zvese zvakaitwa pakudzorera kunamata kwakachena mumazuva ano ekupedzisira enyika ino yakaipa, zvinobva zvanyatsova pachena kuti ngoro yaJehovha iri kufamba. Takakomborerwa zvikuru kuva musangano rino uye kushumira Mwari akadaro!—Pis. 84:10.

Chikamu chepanyika chesangano raJehovha chiri kuramba chichifamba (Ona ndima 28, 29)

30. Tichakurukurei muchitsauko chinotevera?

30 Asi tine zvimwe zvatinodzidza pachiratidzo chaEzekieri. Muchitsauko chinotevera, tichanyatsoongorora makerubhi aya kana kuti “zvisikwa zvipenyu” zvina. Anotidzidzisei nezvaChangamire wedu anoshamisa, Jehovha Mwari?

^ ndima 5 Uyu ndiwo mufambo uripo kana munhu achiita zvekudimburira, asi vanhu vakatapwa vanofanira kunge vakashandisa nzira yaitenderera zvekuti mufambo wacho wakanga wakareba zvakapetwa kaviri.