Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 4

‘Zvisikwa Zvipenyu Zvine Zviso Zvina’ Zvinomiririrei?

‘Zvisikwa Zvipenyu Zvine Zviso Zvina’ Zvinomiririrei?

EZEKIERI 1:15

ZVATICHADZIDZA: Zvisikwa zvipenyu uye zvatinodzidza patinozviongorora

1, 2. Nei dzimwe nguva Jehovha aishandisa zvinhu zvinooneka pakudzidzisa vashumiri vake vepanyika chokwadi?

FUNGIDZIRA vabereki nevana vavo vadiki vakagara pamwe chete vachidzidza Bhaibheri. Baba vacho vanoratidza vana vavo mifananidzo iri nyore kunzwisisa yavakadhirowa, kuti vavabatsire kunzwisisa chimwe chokwadi chemuMagwaro. Kunyemwerera kuri kuita vana nemapinduriro avari kuita zvavanenge vabvunzwa zvinoratidza kuti vari kubata zvavari kudzidziswa. Kushandisa kwavari kuita mifananidzo kuri kubatsira vana kuti vanzwisise zvakawanda nezvaJehovha, zvavaisazombofa vakanzwisisa tichitarisa zera ravo.

2 Izvi ndizvo zvakaitwawo naJehovha. Akashandisa zvinhu zvinooneka kuti abatsire vana vake vepanyika kunzwisisa zvinhu zviriko asi zvavasingakwanisi kuona uye zvavaisazokwanisa kunzwisisa. Semuenzaniso, kuti adzidzise chokwadi chakadzama nezvake, Jehovha akaita kuti Ezekieri aone chiratidzo chainge chiine mifananidzo inoshamisa. Muchitsauko chakapfuura chebhuku rino, takakurukura mumwe mufananidzo wacho. Iye zvino ngatikurukurei chimwe chinhu chiri pachiratidzo chaEzekieri chinoshamisa, toona kuti kuchinzwisisa kunotibatsira sei kuswedera pedyo naJehovha.

“Ndakaona . . . Zvaiita Sezvisikwa Zvipenyu Zvina”

3. (a) Maererano nezviri pana Ezekieri 1:4, 5, Ezekieri akaonei? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.) (b) Chii chawacherechedza pamanyorero aiita Ezekieri zvinhu zvaakaratidzwa?

3 Verenga Ezekieri 1:4, 5. Ezekieri anorondedzera zvaakaona “zvaiita sezvisikwa zvipenyu zvina” zvakaita sengirozi, asi dzimwe nhengo dzemuviri dzichiita sedzemunhu uye dzemhuka. Cherechedza kuti Ezekieri akanyatsorondedzera nemazvo maonero aakaita achiti “zvaiita sezvisikwa” zvipenyu. Paunoverenga chiratidzo chacho chese chiri muchitsauko 1 chebhuku raEzekieri, uchaona kuti muprofita wacho anoshandisa ashandisazve mashoko akadai seekuti “yaiita kunge,” “kwaiita se-,” uye “akaita se-.” (Ezek. 1:13, 24, 26) Zviri pachena kuti Ezekieri akaziva kuti zvaaiona yaingova mifananidzo yezvinhu chaizvo zvisingaoneki zviri kudenga.

4. (a) Ezekieri akanzwa sei nezvaakaona muchiratidzo ichi? (b) Ezekieri anofanira kunge aizivei nezvemakerubhi?

4 Ezekieri anofanira kunge akashamiswa chaizvo nezvaaiona uye zvaainzwa muchiratidzo ichi. Zvisikwa zvipenyu zvina zvaakaona zvakanga zvakaita “semazimbe emoto ari kubvira.” Zvaimhanya “semheni dziri kupenya.” Kutinhira kwemapapiro azvo “kwaiita sekutinhira kwemvura zhinji iri kuyerera” uye pazvaifamba “zvaiita ruzha serweuto.” (Ezek. 1:13, 14, 24-28; ona bhokisi rakanzi “Ndakatarisa Zvisikwa Zvacho Zvipenyu.”) Mune chimwe chiratidzo chaakazoona, Ezekieri akataura kuti zvisikwa zvipenyu zvina izvi zvaiva “makerubhi,” kana kuti ngirozi dzine simba. (Ezek. 10:2) Semunhu akakurira mumhuri yevapristi, Ezekieri anofanira kunge aiziva kuti makerubhi anoshanda ari pedyo naMwari uye anomumiririra.—1 Mak. 28:18; Pis. 18:10.

“Chimwe Nechimwe Chaiva Nezviso Zvina”

5. (a) Makerubhi nezviso zvawo zvina anoratidza sei ukuru hwesimba raJehovha nekubwinya kwake? (b) Nei chikamu ichi chechiratidzo chichiita kuti tiyeuke zvinorehwa nezita raMwari? (Ona mashoko emuzasi.)

5 Verenga Ezekieri 1:6, 10. Ezekieri akacherechedzawo kuti kerubhi rimwe nerimwe raiva nezviso zvina, chemunhu, cheshumba, chemukono wemombe, uye chegondo. Kuona zviso izvi zvina kunofanira kunge kwakamuita kuti asare asina kana mubvunzo nezveukuru husingaenzaniswi hwesimba raJehovha uye kubwinya kwake. Nei tichidaro? Nekuti chimwe nechimwe chezviso izvi chaiva chechisikwa chinokudzwa uye chine simba. Shumba imhuka inokudzwa pakati pemhuka dzesango, mukono wemombe imhuka ine simba rinoshamisa, gondo ishiri ine simba, uye munhu ndicho chisikwa chinokudzwa kupfuura zvimwe zvese zvakasikwa naMwari panyika, chaakapa simba pamusoro pezvimwe zvese. (Pis. 8:4-6) Zvisinei muchiratidzo ichi, zvisikwa zvine simba, izvo zvinomiririrwa nezviso zvina zviri pakerubhi rimwe nerimwe, zviri nechepazasi pechigaro cheumambo chaJehovha, Changamire Mukuru wezvinhu zvese. Iyi inzira yakanyatsokodzera yekuratidza kuti Jehovha anogona kushandisa zvisikwa zvake kuti azadzise chinangwa chake! * Zvinonyatsoenderana nezvakataurwa nemunyori wepisarema nezvaJehovha paakati, “Ukuru hwake huri kumusoro kwenyika nedenga.”—Pis. 148:13.

Zvisikwa zvipenyu zvina nezviso zviri pazviri zvinoratidzei nezveukuru hwaJehovha, kubwinya kwake uye zvese zvaari 5, 13)

6. Chii chingave chakabatsira Ezekieri kunzwisisa zvimwe zvinomiririrwa nezviso zvina zvemakerubhi?

6 Pashure pekunge Ezekieri ambofunga nezvezvaakaona, anogona kunge akayeuka kuti vashumiri vaMwari vakararama asati aberekwa vaimbofananidza vanhu nemhuka. Semuenzaniso, Jakobho akafananidza mwanakomana wake Judha neshumba uye mwanakomana wake Bhenjamini nemhumhi. (Gen. 49:9, 27) Nei akadaro? Nekuti pane maitiro eshumba nemhumhi aizonyanya kuonekwa pavarume ava. Saka achifunga nezvemienzaniso iyi iri mumabhuku akafemerwa akanyorwa naMozisi, Ezekieri anofanira kunge akafunga kuti pane zvatinodzidza pana Jehovha nemhuri yake yekudenga zvinomiririrwa nezviso zvemakerubhi acho. Zvinomiririrei?

Zvatinodzidza Pana Jehovha Nemhuri Yake Yekudenga

7, 8. Zvinhu zvipi zvinowanzomiririrwa nezviso zvina zvemakerubhi?

7 Vanyori veBhaibheri vakararama nguva yaEzekieri isati yasvika vaizivei nezveshumba, gondo, uye mukono wemombe? Ona mashoko aya emuBhaibheri: “Murume akashinga ane mwoyo wakaita seweshumba.” (2 Sam. 17:10; Zvir. 28:1) ‘Gondo rinobhururuka richienda kumusoro’ uye “maziso aro anoona zviri kure kure.” (Job. 39:27, 29) “Simba remikono yemombe rinoita kuti goho riwande.” (Zvir. 14:4) Kubva pamavhesi akaita seaya, chiso cheshumba chinomiririra kutonga zvakarurama uko kunoda ushingi sehweshumba; chiso chegondo chinomiririra uchenjeri hwekuona zvinhu zvichiri kure; chiso chemukono wemombe chinomiririra simba guru, sekutaurwa kwazvinowanzoitwa mumabhuku edu.

8 Ko ‘chiso chemunhu’ chinomiririrei? (Ezek. 10:14) Zvachinomiririra zvinofanira kunge zviri zvinhu zvinongokwanisa kuitwa nevanhu chete, avo vakasikwa nemufananidzo waMwari, kwete nemhuka. (Gen. 1:27) Panyika, vanhu chete ndivo vanokwanisa kuteerera zvinosimbiswa nemirayiro yaMwari yekuti: “Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese” uye “ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Dheut. 6:5; Revh. 19:18) Patinoteerera mirayiro iyi nekuratidza rudo tichifungawo zvakanakira vamwe, tinenge tichitevedzera rudo rwaJehovha. Sezvakanyorwa nemuapostora Johani, “tine rudo nekuti Mwari ndiye akatanga kutida.” (1 Joh. 4:8, 19) Saka ‘chiso chemunhu,’ chinomiririra rudo.

9. Ndiani ane unhu hunofananidzwa nezviso zvemakerubhi?

9 Ndiani ane unhu huri kufananidzirwa nezviso izvi zvina? Sezvo zviso zvacho zviri zvemakerubhi, uye makerubhi acho achimiririra mhuri yaJehovha yekudenga yezvisikwa zvemweya zvakatendeka, vese vari mumhuri iyi vane unhu uhwu. (Zvak. 5:11) Uyewo, sezvo upenyu hwemakerubhi aya huchibva kuna Jehovha, ndiye akaita kuti ave neunhu uhwu. (Pis. 36:9) Saka zviso zviri pamakerubhi aya zvinoratidza unhu hwaJehovha pachake kana kuti zvaari. (Job. 37:23; Pis. 99:4; Zvir. 2:6; Mika 7:18) Ndedzipi dzimwe nzira dzinoratidzwa nadzo unhu uhwu naJehovha?

10, 11. Ndedzipi dzimwe nzira dzatiri kubatsirwa nadzo nekutonga zvakarurama kunoita Jehovha, rudo rwake, uchenjeri nesimba?

10 Kutonga Zvakarurama. Sezvo ari Mwari “anoda kutonga zvakarurama,” Jehovha haana “waanosarura.” (Pis. 37:28; Dheut. 10:17) Saka tese zvedu tine mukana wekuva vashumiri vake uye wekuwana makomborero asingaperi, pasinei nekuti tiri vanaani kana kuti tinobva kupi. Uchenjeri. Sezvo ari Mwari “ane mwoyo wakachenjera,” Jehovha akatipa bhuku rakazara “uchenjeri hunobatsira.” (Job. 9:4; Zvir. 2:7) Kushandisa mazano euchenjeri ari muBhaibheri kunotibatsira kuziva zvekuita kana tiri mumatambudziko, uye kurarama upenyu hune chinangwa. Simba. SaMwari “ane simba guru,” Jehovha anoshandisa mweya mutsvene wake kuti atipe “simba rakawedzerwa pane ratagara tiinaro.” Izvi zvinotisimbisa kuti tikwanise kutsungirira miedzo yakaoma uye inorwadza yatingasangana nayo.—Nah. 1:3; 2 VaK. 4:7; Pis. 46:1.

11 Rudo. Sezvo ari Mwari “azere nerudo rusingachinji,” Jehovha haambosiyi vanhu vake vakatendeka. (Pis. 103:8; 2 Sam. 22:26) Saka kunyange zvazvo tingashaya mufaro nemhaka yekuti kurwara kana kukwegura kuri kutitadzisa kuita zvataimboita pakushumira Jehovha, tinonyaradzwa nekuti Jehovha anoyeuka mabasa ekubatsira vamwe atakamboita. (VaH. 6:10) Zviri pachena kuti tiri kutobatsirwa chaizvo nekutonga kwakarurama kunoitwa naJehovha, rudo rwake, simba neuchenjeri, uye mune ramangwana, ticharamba tichibatsirwa nezvinhu izvi zvina zvinonyanya kuoneka paunhu hwake.

12. Tinofanira kuyeukei nezvekunzwisisa kwatinoita unhu hwaJehovha?

12 Asi tinofanira kuyeuka kuti zvatinokwanisa kunzwisisa isu vanhu nezveunhu hwaJehovha “zvinongova mupendero wenzira dzake.” (Job. 26:14) “Hatikwanisi kunzwisisa Wemasimbaose,” nekuti “ukuru hwake hahugoni kuongororwa.” (Job. 37:23; Pis. 145:3) Saka tinoziva kuti hatigoni kungogumira pakuti Jehovha ane rudo, uchenjeri, simba, anotonga zvakarurama, nezvimwe zvakadaro, tichiita zvekuverenga. (Verenga VaRoma 11:33, 34.) Tingatoti chiratidzo chaEzekieri pachacho chinotoratidza izvozvo. (Pis. 139:17, 18) Chikamu chipi chechiratidzo ichi chinobudisa chokwadi ichocho chinokosha?

‘Zviso Zvina, Mapapiro Mana, Mativi Mana’

13, 14. Zviso zvina zvemakerubhi zvinomiririrei, uye nei tichidaro?

13 Muchiratidzo, Ezekieri akaona kuti rimwe nerimwe remakerubhi acho rakanga riine zviso zvina, kwete chiso chimwe chete. Izvi zvinoratidzei? Yeuka kuti muShoko raMwari, zvinhu pazvinowanzotaurwa zviri zvina zvinenge zvichimiririra kukwana kwechinhu kana kuti chinhu chinobatanidza zvinhu zvese. (Isa. 11:12; Mat. 24:31; Zvak. 7:1) Muchiratidzo ichi, Ezekieri akatotaura mashoko ekuti mana kana kuti zvina kanosvika ka11! (Ezek. 1:5-18) Saka tingati chii nezvezviso izvi zvina? Sezvo makerubhi mana achimiririra zvimwe zvisikwa zvese zvemweya zvakatendeka, zviso zvina zvemakerubhi zviri zvese pamwe chete hazvingomiririri rudo rwaJehovha, uchenjeri hwake, simba rake uye kutonga zvakarurama kwaanoita, asi zvinomiririra zvese zvaari. *

14 Kuti uone kuti nei tichiti zviso zvina zvemakerubhi hazvingomiririri rudo, simba, uchenjeri, uye kutonga zvakarurama chete, funga nezvezvinoitika kumavhiri mana akaonekwa muchiratidzo ichi. Vhiri rimwe nerimwe rakakura zvinoshamisa, asi patinoatarisa ese ari mana, pfungwa dzedu hadziende pavhiri rimwe nerimwe asi dzinoenda pabasa rinokosha raari kuita ese ari mana pangoro yacho. Saka patinotarisawo zviso zvacho zvina zviri pamwe chete, hazvingomiririri rudo rwaJehovha, uchenjeri hwake, simba rake uye kutonga zvakarurama kwaanoita chete, asi zvese zvaari.

Jehovha Ari Pedyo Nevashumiri Vake Vakavimbika

15. Ichokwadi chipi chinokurudzira chakadzidzwa naEzekieri muchiratidzo chekutanga chaakapiwa?

15 Chiratidzo ichi chekutanga chakadzidzisa Ezekieri imwe pfungwa inokosha uye inokurudzira nezveushamwari hwake naJehovha. Ipfungwa ipi iyoyo? Tinoona pfungwa iyi mumashoko ekutanga ebhuku rakanyorwa nemuprofita uyu. Pashure pekutaura kuti akanga ari “munyika yevaKadheya,” Ezekieri akataura zvakaitika kwaari achiti: “Ruoko rwaJehovha rwakauya paari ari ikoko.” (Ezek. 1:3) Cherechedza kuti Ezekieri akati akapiwa chiratidzo chacho, ari ikoko kuBhabhironi, kwete kuJerusarema. * Izvi zvaimuratidzei? Zvaimuratidza kuti kunyange zvazvo aiva nhapwawo zvayo uye aparadzaniswa neJerusarema netemberi yaro, akanga asina kuparadzaniswa naJehovha uye akanga achiri kukwanisa kumunamata. Kuzviratidza kwakaita Jehovha kuna Ezekieri ari muBhabhironi kwairatidza kuti kunamata Mwari zvakachena hakunei nekuti aiva kunzvimbo ipi kana kuti aionekwa sei nevanhu. Asi chaikosha mwoyo wake uye chido chake chekushumira Jehovha.

16. (a) Ipfungwa ipi inonyaradza yatinowana muchiratidzo chaEzekieri? (b) Chii chinoita kuti ushumire Jehovha nemwoyo wako wese?

16 Nei zvakadzidzwa naEzekieri zvichitinyaradzawo zvikuru mazuva ano? Zvinotipa chivimbo chekuti Jehovha anoramba ari pedyo nesu patinomushumira nemwoyo wese pasinei nekuti tinogara kupi, tiri kunetseka zvakadini, kana kuti zvinhu zvakatimirira sei muupenyu. (Pis. 25:14; Mab. 17:27) Sezvo achiratidza mushumiri wake mumwe nemumwe rudo rusingachinji, Jehovha haambosiyi vanhu vake. (Eks. 34:6) Saka, hapana kwatingaenda kana chingaitika kwatiri zvekuti Jehovha angatadza kutiratidza rudo rwake rusingachinji. (Pis. 100:5; VaR. 8:35-39) Uyewo, chiratidzo ichi chinoshamisa cheutsvene hwaJehovha nesimba rake guru chinotiyeuchidza kuti Jehovha akakodzera kuti timunamate. (Zvak. 4:9-11) Tinotenda chaizvo kuti Jehovha akashandisa zviratidzo zvakadaro kuti atibatsire kunzwisisa chimwe chokwadi nezvake uye nezveunhu hwake! Kuwedzera kunzwisisa unhu hwaJehovha kunotiswededza pedyo naye uye kunotiita kuti timurumbidze, timushumire nemwoyo wedu wese uye nesimba redu rese.—Ruka 10:27.

Hapana kwatingaenda kana chingaitika kwatiri zvekuti Jehovha angatadza kutiratidza rudo rwake rusingachinji (Ona ndima 16)

17. Mibvunzo ipi yatichakurukura muzvitsauko zvinotevera?

17 Asi zvinosuwisa kuti mumazuva aEzekieri, kunamata kwakachena kwakanga kwasvibiswa. Kwakasvibiswa sei? Jehovha akaita sei nazvo? Uye mazuva ano pane zvatinodzidza here pane zvakaitika panguva iyoyo? Mibvunzo iyi ichakurukurwa muzvitsauko zvinotevera.

^ ndima 5 Kutsanangura kwakaita Ezekieri zvisikwa izvi kunotiyeuchidza nezvezita raMwari, Jehovha, iro ratinonzwisisa kuti rinoreva kuti “Anoita Kuti Zviitike.” Sezvinoratidzwa nezvimwe zvinorehwa nezita raMwari, Jehovha anogona kuva chero zvinenge zvichidiwa kuti azadzise chinangwa chake.—Ona Mashoko Ekuwedzera A4 muShanduro Yenyika Itsva.

^ ndima 13 Kwemakore, mabhuku edu akatsanangura maitiro aJehovha anenge 50.—Ona Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza, pakanzi Jehovha,” pamusoro wakanzi “Unhu hwaJehovha.”

^ ndima 15 Mumwe muongorori weBhaibheri akati shoko rimwe chete iri rekuti “ikoko,” rinoratidza “kushamisika kwaakaita panguva iyoyo, uye hapana rimwe shoko riri nani kupfuura raakashandisa. . . . Mwari ari ikoko kuBhabhironi! Zvakamunyaradza zvikuru!”