Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 3

‘Ndichakuunganidzai’—Uprofita Hwekudzorerwa Kwekunamata Kwakachena

‘Ndichakuunganidzai’—Uprofita Hwekudzorerwa Kwekunamata Kwakachena

EZEKIERI 20:41

ZVATICHADZIDZA: Uprofita hwaEzekieri hunoratidza kuti kunamata kwakachena kuchadzorerwa

Israeri yaparara. Kupanduka kwayakaita ichisiya kunamata kwakachena kwaita kuti vanhu vayo vasabatane. Vari kukohwa zvavakadyara; vakasvibisa kunamata kwakachena uye vakashoresa zita raMwari. Panguva iyi yavasisina kana tariro, Jehovha anoita kuti Ezekieri ataure uprofita hunotevedzana hunopa tariro. Achishandisa mifananidzo nezviratidzo zvinoshamisa, Jehovha anokurudzira vaIsraeri vari muutapwa nevamwe vese vane chido chekuona kunamata kwakachena kuchidzorerwa.

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHITSAUKO 8

“Ndichaapa Mufudzi Mumwe Chete”

Mwari anofemera Ezekieri kuprofita nezvaMesiya, Mutongi uye Mufudzi wevanhu vaJehovha, aizodzorera zvachose kunamata kwakachena.

CHITSAUKO 9

“Ndichavapa Mwoyo Mumwe Chete”

Uprofita hwakapiwa vaJudha vakatendeka muBhabhironi hune zvahunoreva kwatiri here?

CHITSAUKO 10

“Muchava Vapenyu”

Ezekieri akaona chiratidzo chebani rizere nemapfupa akazova neupenyu. Chinorevei?

CHITSAUKO 11

“Ndakugadza Kuti Uve Murindi”

Basa remurindi uyu nderei? Iyambiro ipi yaanofanira kuzivisa vanhu?

CHITSAUKO 12

“Ndichaita Kuti Vave Rudzi Rumwe Chete”

Jehovha anovimbisa kubatanidza vanhu vake.

CHITSAUKO 13

‘Tsanangura Zvakaita Temberi’

Chiratidzo chetemberi yakaonekwa naEzekieri chinorevei?

CHITSAUKO 14

“Uyu Ndiwo Mutemo Wetemberi Yacho”

VaJudha vemunguva yaEzekieri vanofanira kunge vakadzidzei pachiratidzo chetemberi. Chiratidzo ichi chinotidzidzisei mazuva ano?