Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 11

“Ndakugadza Kuti Uve Murindi”

“Ndakugadza Kuti Uve Murindi”

EZEKIERI 33:7

ZVATICHADZIDZA: Jehovha anogadza murindi omuudza kuti achashanda sei

1. Tsanangura kuti varindi vakagadzwa naJehovha vakaita basa ripi, uye kuti chii chakazoitika.

MURINDI akamira pamasvingo eJerusarema, akaisa ruoko rwake pahuma kuti asateyiwa nezuva riri kunyura. Anotarisisa zviri nechekure uko. Anobva asimudza bhosvo rake oriridza zvakasimba achiratidza kuti kwaipa, uto revaBhabhironi riri kuuya! Asi hapasisina nguva yekuti vanhu ava vemuguta vanozvikudza vaite chimwe chinhu pavari kunzwa bhosvo iri remurindi. Varindi vakagadzwa naJehovha, kana kuti vaprofita, vava nemakore nemakore vachivayambira nezvezuva iri razosvika; asi vanhu vairamba kuteerera. Iye zvino uto reBhabhironi rakomba guta. Pashure pemwedzi yakawanda mauto akakomba guta, anopaza masvingo eguta, anoparadza temberi, uye anouraya kana kupamba vagari vemuJerusarema vasina kutenda uye vanonamata zvidhori.

2, 3. (a) Chii chava pedyo kuitika kuvagari vepanyika? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

2 Nhasi mauto aJehovha ekudenga ari kufora achigadzirira kuzorwisana nevagari vepasi pano vasina kutenda. (Zvak. 17:12-14) Kurwisana ikoko ndiko kuchange kuri danho rekupedzisira rekutambudzika kukuru kwati kwamboitika munhoroondo yevanhu. (Mat. 24:21) Asi iye zvino nguva ichiripo yekuti vakawanda vateerere kuyambirwa kwavari kuitwa nevaya vakagadzwa naJehovha kuti vaite basa remurindi.

3 Chii chakaita kuti Jehovha agadze varindi? Murindi anozivisa mashoko akaita sei? Ndivanaani vari kuita basa iri, uye isu tinovabatsira sei? Ngatikurukurei mhinduro dzemibvunzo iyi.

“Unofanira Kuvanyevera Zvandinenge Ndakuudza”

4. Nei Jehovha akagadza varindi? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.)

4 Verenga Ezekieri 33:7. Varindi chaivo vaiwanzomira pamusoro pemasvingo kuti vachengetedze vagari vemuguta. Vaiva uchapupu hwekuti mutongi weguta racho aiva nehanya nevanhu vaanotonga. Kunyange zvazvo kurira kwebhosvo kwaigona kuvhundutsa vanhu vakarara, kwaigona kuponesa vaya vanenge vateerera. Ndizvo zvazvakaitawo naJehovha. Haana kugadza varindi kuti atyisidzire vanhu nemashoko asingafadzi, asi kuti aiva nehanya nevanhu vake uye aida kuvaponesa.

5, 6. Ndepapi pamwe patinoona kutonga kwaJehovha kwakakurama?

5 Kugadza kwaakaita Ezekieri semurindi kunotidzidzisa kuti Jehovha ndiMwari werudzii. Ngatikurukurei zvinhu zviviri zvatinodzidza nezvake zvinotikurudzira.

6 Kutonga zvakarurama: Tinoona kutonga kwakarurama kunoita Jehovha pamabatiro aanotiita semunhu mumwe nemumwe asingasaruri. Semuenzaniso, kunyange zvazvo mashoko aEzekieri akanzwikwa uye akarambwa nevanhu vakawanda, Jehovha haana kubva aona rudzi rwese semhomho yakapanduka; aitarisa kuti munhu mumwe nemumwe aiita sei nemashoko iwayo. Akataura ataurazve kuti shoko rake risvitswe ‘kumunhu akaipa’ uye ‘kumunhu akarurama.’ Saka Jehovha anopa mutongo zvichienderana nekuti munhu mumwe nemumwe aita sei nemashoko aanenge audzwa.—Ezek. 33:8, 18-20.

7. Jehovha paanotonga vanhu, anotarisei?

7 Tinoonawo kururama kwaJehovha pamatongero aanoita vanhu. Haatongeri munhu zvaakaita kare asi zvaanoita paanenge achiyambirwa. Jehovha akaudza Ezekieri kuti: “Kana ndikati kumunhu akaipa: ‘Chokwadi uchafa,’ iye osiya chivi chake, oita zvakanaka uye zvakarurama, . . . acharamba achirarama.” Jehovha akazowedzera mashoko anokosha ekuti: “Hapana zvivi zvaakaita zvaachatongerwa.” (Ezek. 33:14-16) Asiwo vaya vaiita zvakarurama kare havafaniri kufunga kuti zvavakaita kare zvichavaponesa kana vakazopanduka. Jehovha akataura kuti kana munhu akavimba “nekururama kwake, oita zvakaipa, hapana zvakarurama zvaakaita zvichayeukwa, asi achafira zvakaipa zvake.”—Ezek. 33:13.

8. Yambiro dzatinowana muuprofita dzinotidzidzisei nezvekutonga kwakarurama kunoita Jehovha?

8 Tinoona zvakare kutonga kwaJehovha zvakarurama pakuti anogara apa yambiro asati apa chirango. Ezekieri akatanga basa rake makore angasvika 6 uto reBhabhironi risati raparadza Jerusarema. Asi akanga asiri iye wekutanga kuudza vanhu vaMwari kuti vaizotongerwa zvavaiita. Kwemakore anopfuura zana Jerusarema risati raparadzwa, Jehovha akatuma vaprofita vakadai saHosiya, Isaya, Mika, Odhedhi, naJeremiya kuti vashande sevarindi. Jehovha akaita kuti Jeremiya ayeuchidze vaIsraeri kuti: “Ndakagadza varindi avo vakati, ‘Teererai kurira kwehwamanda!’” (Jer. 6:17) VaBhabhironi vakazounza mutongo waJehovha, vanhu vakawanda vakafa. Iyi yakanga isiri mhosva yaJehovha kana yevarindi ivavo.

9. Jehovha akaratidza sei rudo rusingachinji?

9 Rudo: Jehovha akaratidza rudo rusingachinji paakatuma varindi kuti vazoyambira vakarurama. Asi haana kugumira ipapo. Akatoyambirawo kunyange vakaipa, vacho vakamurwadzisa uye vakasvibisa zita rake. Imbofunga nezvazvo. VaIsraeri vaizivikanwa sevanhu vaJehovha asi vaigara vachimupira gotsi vachienda kuna vanamwari venhema! Jehovha akaratidza kurwadziwa kwake nekufananidza kusatendeka kwavo nezvinoitwa nemukadzi anoita upombwe. (Ezek. 16:32) Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kukurumidza kuvarasa. Aitsvaga kuyanana navo kwete kuvatsiva. Paaiona zvimwe zvese zvaramba ndipo paaizovaunzira bakatwa rekuvatonga. Nei aidaro? Akaudza Ezekieri kuti: “Handifariri kuti munhu akaipa afe, asi ndinoda kuti asiye nzira yake, oramba achirarama.” (Ezek. 33:11) Jehovha ainzwa saizvozvo kare ikako, uye nanhasi ndizvo zvaari.—Mar. 3:6.

10, 11. Tinodzidzei pamabatiro aiita Jehovha vanhu vake?

10 Tingadzidzei pamabatiro akarurama uye anoratidza rudo akaita Jehovha vanhu vake? Chimwe chidzidzo ndechekuti tinofanira kuona vanhu vatinoparidzira semunhu mumwe nemumwe. Kungava kukanganisa kwakakura kana tikafunga kuti munhu haana kukodzera kuparidzirwa nemhaka yezvaakamboita kana kuti nemhaka yerudzi rwake, dzinza rake, mutauro wake kana kuti mamiriro ake ezvinhu panyaya dzemari! Jehovha akadzidzisa muapostora Petro chidzidzo chichiri kukosha nanhasi chekuti: “Mwari haasaruri, asi anogamuchira vanhu vanobva mumarudzi ese vanomutya uye vanoita zvakarurama.”—Mab. 10:34, 35.

Tinoona vanhu semaonerwo avanoitwa naJehovha here? (Ona ndima 10)

11 Chimwe chidzidzo chinokosha ndechekuti tinoda kugara tichizvingwarira; zvinhu zvakanaka zvatakaita kare hazvidzimi zvakaipa zvatinenge tichiita. Tinofanira kuyeuka kuti takazvarwa tiine chivi sezvakangoitawo vanhu vatinoparidzira. Zano rakapiwa ungano yeKorinde nemuapostora Pauro rinoshandawo kwatiri rekuti: “Anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa. Hapana muedzo wakauya pamuri kunze kweyagara ichisangana nevanhu.” (1 VaK. 10:12, 13) Hatidi kuva uya ‘anovimba nekururama kwake,’ tichifunga kuti tinogona kuita zvakaipa tisingarangwi nekuti tinomboitawo zvakarurama. (Ezek. 33:13) Pasinei nekuti tava nenguva yakadini tichishumira Jehovha, zvinokosha kuti tirambe tichizvininipisa uye tichiteerera.

12. Kana takamboita zvivi zvakakura kare, chii chatinofanira kuyeuka?

12 Ko kana takamboita zvivi zvakakura asi iye zvino tava kuzvidemba? Mashoko aEzekieri anotidzidzisa kuti Jehovha acharanga vatadzi vasingapfidzi. Asi tinodzidzawo kuti Jehovha anonyanya kuzivikanwa saMwari werudo, kwete wekutsiva. (1 Joh. 4:8) Kana tikaratidza nezviito zvedu kuti tiri kupfidza, hatifaniri kutombofunga kuti Mwari haakwanisi kutiregerera. (Jak. 5:14, 15) Jehovha akanga akagadzirira kuregerera vaIsraeri vaiita upombwe hwekunamata, uye akagadzirira kutiregererawo.—Pis. 86:5.

“Taura Nevanakomana Vevanhu Vekwako”

13, 14. (a) Varindi vaifanira kuzivisa vanhu mashoko akaita sei? (b) Isaya akazivisa mashoko ekutii?

13 Verenga Ezekieri 33:2, 3. Varindi vakatumwa naJehovha vaifanira kuzivisa shoko rakaita sei? Chikurukuru chavaifanira kuita kuyambira vanhu. Asi vaizivisawo mashoko akanaka. Ngationei mimwe mienzaniso.

14 Isaya, uyo akashumira kubva munenge muna 778 kusvika muna 732 B.C.E., akapa yambiro yekuti vaBhabhironi vaizokunda Jerusarema voenda nevagari varo kuutapwa. (Isa. 39:5-7) Asi akafemerwawo kunyora kuti: “Teerera! Varindi vako vanoshevedzera. Vanoshevedzera pamwe chete vachifara, nekuti vachanyatsozviona, Jehovha paachaunganidzazve Ziyoni.” (Isa. 52:8) Isaya akazivisa mashoko akanakisisa ekuti kunamata kwechokwadi kwaizodzorerwa!

15. Jeremiya akazivisa mashoko ekutii?

15 Jeremiya, uyo akashumira kubva muna 647 kusvika muna 580 B.C.E., anowanzotorwa semuzivisi wematambudziko, asi chaizvoizvo handizvo zvaaiva. Hapana mubvunzo kuti akaita basa rakakura rekuyambira vaIsraeri vakaipa nezvematambudziko avaizounzirwa naJehovha. * Asi akazivisawo mashoko akanaka, achiudza vanhu vaMwari kuti vaizodzoka kunyika yavo votangazve kunamata kwakachena.—Jer. 29:10-14; 33:10, 11.

16. Mashoko aEzekieri akabatsira sei nhapwa dzaiva kuBhabhironi?

16 Ezekieri akagadzwa semurindi muna 613 B.C.E., uye akaramba ari pabasa rake kusvika munenge muna 591 B.C.E. Sezvatakakurukura muZvitsauko 5 ne6 zvebhuku rino, Ezekieri akashingaira kuyambira vaIsraeri nezvekuparadzwa kwaizoitwa guta ravo, zvikaita kuti asava nemhaka yeropa revanhu vaizourayiwa. Kuyambira kwaaiita vanhu vaiva kuutapwa achivaudza kuti Jehovha aizoranga vanhu vaiva kuJerusarema vakanga vapanduka, kwaibatsirawo nhapwa idzodzo kuti dzirambe dzakasimba pakunamata kuti dzizokodzera basa radzaizopiwa. Paizopera makore 70, Jehovha aizodzorera vanenge vasara vavo munyika yeIsraeri. (Ezek. 36:7-11) Vakawanda vevaizodzokera ava vaizova vana nevazukuru vevaya vainge vateerera mashoko aEzekieri. Sezvinosimbiswa nezvimwe zvitsauko zveChikamu 3 chebhuku rino, Ezekieri aiva nemashoko akanaka akawanda ekuudza vanhu, airatidza kuti kunamata kwakachena kwaizodzorerwa kuJerusarema.

17. Jehovha aigadza varindi panguva dzipi?

17 Vaprofita ava vakataura nevanhu vaMwari makore akaparadzwa Jerusarema ndivo vega here vakashandiswa naJehovha sevarindi? Mhinduro ndeyekuti kwete. Padanho rimwe nerimwe rinokosha rekuzadzisa chinangwa chake, Jehovha aigadza varindi kuti vayambire vanhu vakaipa uku vachizivisawo mashoko akanaka.

Varindi Vaivako Makore Akatanga chiKristu

18. Johani Mubhabhatidzi akaita basa rei?

18 Makore akararama Jesu Kristu, Johani Mubhabhatidzi akaita basa remurindi. Akayambira veimba yaIsraeri kuti vakanga vava pedyo kurambwa. (Mat. 3:1, 2, 9-11) Asi haana kugumira ipapo. Jesu akati Johani ndiye aiva “nhume” yakanga yagara yataurwa yakagadzirira Mesiya nzira. (Mar. 3:1; Mat. 11:7-10) Basa iroro raisanganisira kuzivisa mashoko akanaka ekuti Jesu, “Gwayana raMwari,” akanga auya uye aizobvisa “chivi chenyika.”—Joh. 1:29, 30.

19, 20. Jesu nevadzidzi vake vakashanda sei sevarindi?

19 Pavarindi vese vakambovapo, Jesu ndiye ari pamberi. Kufanana naEzekieri, akatumwa naJehovha ‘kuimba yaIsraeri.’ (Ezek. 3:17; Mat. 15:24) Jesu akayambira kuti rudzi rwevaIsraeri rwakanga rwava pedyo kurambwa uye kuti Jerusarema raizoparadzwa. (Mat. 23:37, 38; 24:1, 2; Ruka 21:20-24) Asi basa rake guru raiva rekuzivisa mashoko akanaka.—Ruka 4:17-21.

20 Paaiva panyika, Jesu akaudza vadzidzi vake zvakajeka kuti: “Rambai makarinda.” (Mat. 24:42) Vakateerera mashoko aya uye vakashanda sevarindi, vachizivisa vanhu kuti Jehovha ainge aramba rudzi rwevaIsraeri uye guta reJerusarema. (VaR. 9:6-8; VaG. 4:25, 26) Vaizivisawo mashoko akanaka, kufanana nevamwe vakamboitawo basa remurindi. Zvimwe zvavaifanira kuzivisa vanhu mashoko anokosha ekuti vanhu vemamwe marudzi vaizovawo pakati paIsraeri waMwari, uye vaizova nechikomborero chekubatsira Kristu kudzorera kunamata kwakachena panyika.—Mab. 15:14; VaG. 6:15, 16; Zvak. 5:9, 10.

21. Tinodzidzei pane zvakaitwa naPauro?

21 Pavarindi vaivako makore akatanga chiKristu, muapostora Pauro muenzaniso wakazonaka. Aikoshesa basa rake zvikuru. Kungofanana naEzekieri, aiziva kuti kana akasaita basa rake aizova nemhaka yeropa. (Mab. 20:26, 27) Achitevedzera zvakaitwa nevamwe varindi, Pauro aiyambira vanhu uye aivazivisawo mashoko akanaka. (Mab. 15:35; VaR. 1:1-4) Achitungamirirwa nemweya mutsvene akataura zviri muuprofita hwaIsaya hunoti: “Dzakanaka sei mumakomo tsoka dzeuya ari kuuya nemashoko akanaka,” uye akashandisa mashoko iwayo paaitaura nezvebasa revateveri vaKristu rekuparidza Umambo hwaMwari.—Isa. 52:7, 8; VaR. 10:13-15.

22. Chii chakaitika pashure pekufa kwevaapostora?

22 Pashure pekufa kwevaapostora, vanhu vaitsauka pakutenda vakatanga kuwanda muungano yechiKristu. (Mab. 20:29, 30; 2 VaT. 2:3-8) Mumwaka wakareba wekukura kwegorosi, vaKristu vekunyepera vakaita semasora vakanga vawanda kupfuura vateveri vaKristu vakavimbika vakaita segorosi, uye chokwadi chakajeka cheUmambo hwaMwari chakafusirwa nedzidziso dzenhema. (Mat. 13:36-43) Asi nguva yaJehovha yekuti apindire payakanga yava kusvika, akaratidzazve rudo rwake uye kururama kwake paakagadza varindi kuti vayambire vanhu zvakajeka uku vachizivisawo mashoko akanaka. Varindi ivavo ndivanaani?

Jehovha Anogadzazve Varindi Kuti Vayambire Vakaipa

23. C. T. Russell nevamwe vake vakaita basa rei?

23 Gore ra1914 rava kuda kusvika, Charles Taze Russell nevamwe vake vakashanda ‘senhume yaizovhurira nzira’ Umambo hwaMesiya. * (Mar. 3:1) Boka iroro rakaitawo basa remurindi richishandisa magazini yainzi Zion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence kuti riyambire vanhu nezvemutongo waMwari, richizivisawo vanhu vakawanda mashoko akanaka eUmambo hwaMwari.

24. (a) Muranda akatendeka ari kushanda sei semurindi? (b) Wadzidzei pamuenzaniso wevarindi vekare? (Ona chati yakanzi “Varindi Vakaita Zvakanaka.”)

24 Pashure pekugadzwa kweUmambo, Jesu akagadza boka diki revarume kuti rishande semuranda akatendeka. (Mat. 24:45-47) Kubvira ipapo, muranda akatendeka, uyo watava kuziva seDare Rinotungamirira, ari kuita basa remurindi. Haangogumiri pakuyambira vanhu ‘nezvezuva rekutsiva’ chete, asi anotungamirirawo pakuzivisa “nezvegore rekufarirwa naJehovha.”—Isa. 61:2; onawo 2 VaKorinde 6:1, 2.

25, 26. (a) Muranda akatendeka ari kutungamirira pabasa ripi uye tinoratidza sei kuti tiri kumutsigira? (b) Tichadzidzei muchitsauko chinotevera?

25 Kunyange zvazvo muranda akatendeka ari iye ari kutungamirira pabasa remurindi, Jesu akaudza vateveri vake “vese” kuti ‘varambe vakarinda.’ (Mako 13:33-37) Tinoteerera murayiro uyu nekuramba takamuka panyaya dzekunamata, tichitsigira murindi ariko mazuva ano takavimbika. Tinoratidza kuti takamuka nekuita basa redu rekuparidza. (2 Tim. 4:2) Chii chinotipa simba rekuita basa iri? Chimwe chacho ndechekuti tinoda kuti vanhu vapone. (1 Tim. 4:16) Munguva pfupi iri kuuya, vanhu vakawanda vachafa nenyaya yekuti havana kuteerera yambiro yavaipiwa nemurindi wemazuva ano. (Ezek. 3:19) Asi chinangwa chedu chikuru ndechekuudza vanhu mashoko akanakisisa, ekudzorerwa kwekunamata kwakachena! Iye zvino, ‘mugore rekufarirwa naJehovha,’ mukana uchakazaruka wekuti vakawanda vabatane nesu pakunamata Mwari wedu ane rudo uye akarurama, Jehovha. Mumazuva mashoma ari kuuya vese vari panyika vanenge vapona pachaguma nyika ino yakaipa vachawana makomborero anobva kumutongi ane tsitsi, Mwanakomana waMwari, Kristu Jesu. Hatingambotadzi kubatsira murindi wemazuva ano pakuzivisa vanhu mashoko akanaka kudaro!—Mat. 24:14.

Tinofara kuparidza mashoko akanaka tichibatsira murindi wemazuva ano (Ona ndima 25)

26 Kunyange iye zvino nyika ino yakaipa isati yaguma, Jehovha akatoita kuti vanhu vake vabatane nenzira inoshamisa. Chitsauko chinotevera chichatsanangura uprofita hwetutanda twuviri twakashandiswa pakuenzanisira maitikiro azvakaita.

^ ndima 15 Shoko rekuti “dambudziko” rinowanika kanopfuura ka60 mubhuku raJeremiya.

^ ndima 23 Kuti uwane kutsanangurwa kweuprofita uhwu nekuzadziswa kwahwo, ona bhuku rinonzi Umambo hwaMwari Huri Kutonga!, chitsauko 2, “Umambo Hunozvarwa Kudenga.”