Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 14

“Uyu Ndiwo Mutemo Wetemberi Yacho”

“Uyu Ndiwo Mutemo Wetemberi Yacho”

EZEKIERI 43:12

ZVATICHADZIDZA: Zvakadzidzwa pachiratidzo chetemberi panguva yaEzekieri uye zvatinodzidzawo mazuva ano

1, 2. (a) Takadzidzei nezvechiratidzo chaEzekieri chetemberi muchitsauko chakapfuura? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi miviri muchitsauko chino?

SEZVATAKADZIDZA muchitsauko chakapfuura, Ezekieri haana kuona chiratidzo chetemberi huru yemweya yakazotsanangurwa nemuapostora Pauro papfuura mazana emakore. Takadzidzawo kuti chiratidzo ichi chaiva nechinangwa chekudzidzisa vanhu vaMwari kukosha kwekutevedzera zvinodiwa naJehovha pakunamata kwakachena. Kuita izvozvo chete ndiko kwaizoita kuti vanhu vakwanise kudzoka kuna Jehovha. Ndokusaka Jehovha akataura mashoko aya anokosha kaviri kese mundima imwe chete: “Uyu ndiwo mutemo wetemberi yacho.”—Verenga Ezekieri 43:12.

2 Iye zvino tava kuda kupindura mimwe mibvunzo miviri. Wekutanga: VaJudha vanofanira kunge vakawana zvidzidzo zvipi pamusoro pemanamatiro anodiwa naJehovha kubva pachiratidzo chetemberi? Mhinduro yemubvunzo uyu ichatibatsira kupindura mubvunzo wechipiri wekuti: Chiratidzo ichi chinotidzidzisei mazuva ano ekupedzisira akazara nematambudziko?

Nhapwa Dzakadzidzei Kubva Pachiratidzo Ichi?

3. Nzvimbo yaiva netemberi yakaonekwa naEzekieri muchiratidzo inofanira kunge yakaita sei kuti vanhu vanyare?

3 Kuti tipindure mubvunzo wedu wekutanga, ngatimboongorora zvimwe zvinoshamisa zvakaonekwa muchiratidzo ichi chetemberi. Gomo refu refu. Nzvimbo yaiva netemberi yakaonekwa naEzekieri muchiratidzo inogona kunge yakayeuchidza vanhu nezveuprofita hwaIsaya hunofadza hwekudzorerwa kwekunamata kwakachena. (Isa. 2:2) Asi kuona imba yaJehovha iri pagomo refu refu kwaivadzidzisei? Kwaivadzidzisa kuti kunamata kwakachena kunofanira kukwidziridzwa, kwova pamusorosoro kupfuura kumwe kunamata kwese. Ichokwadi kuti kunamata kwakachena kwagara kwakakwirira, nekuti urongwa hwacho hunobva kune uya “akakwirira kupfuura vamwe vanamwari vese nekure.” (Pis. 97:9) Asi vanhu vakanga vasiri kuita zvavaitarisirwa kuita. Kwemazana emakore, vairamba vachideredza kunamata kwakachena, vachikusvibisa, uye vachikusiya. Chokwadi kuona imba yaMwari yakwidziridzwa, uye yasimudzirwa sezvainofanira kuitwa kunofanira kunge kwakaita kuti vanhu vane mwoyo inoda kuita zvakanaka vanyare.

4, 5. Nhapwa dzinofanira kunge dzakadzidzei pamagedhi etemberi marefu refu?

4 Magedhi marefu refu. Pakutangatanga kwechiratidzo chake, Ezekieri akaona ngirozi ichiyera magedhi. Magedhi acho akanga akareba anenge mamita 30! (Ezek. 40:14) Paiva nedzimba dzevarindi pamagedhi iwayo. Zvese izvi zvinofanira kunge zvairevei kuvanhu vaiongorora purani iyi? Jehovha akaudza Ezekieri kuti: “Nyatsocherechedza masuo etemberi ekupinda nawo.” Nei akamuudza kudaro? Nekuti vaJudha vakanga vachiuya nevanhu “vane mwoyo isina kuchecheudzwa uye vane nyama isina kuchecheudzwa” muimba tsvene yaMwari. Zvavaiita zvakakonzerei? Jehovha akati: “Vanosvibisa temberi yangu.”—Ezek. 44:5, 7.

5 Vaya vaiva ‘nenyama isina kuchecheudzwa’ vakanga vatadza kuteerera murayiro waMwari waakapa kare kare mumazuva aAbrahamu. (Gen. 17:9, 10; Revh. 12:1-3) Asi vaya vaiva ‘nemwoyo isina kuchecheudzwa’ vainge vakatonyanya kuipa. Vainge vakaoma musoro, uye vaisada kutungamirirwa naJehovha. Vanhu vakadaro vakanga vasina kutombokodzera kupinda muimba tsvene yaJehovha! Jehovha anovenga unyengeri, asi vanhu vake vakasiya unyengeri huchizara muimba yake. Magedhi nedzimba dzevarindi zvemuchiratidzo chetemberi zvinofanira kunge zvakavadzidzisa chidzidzo ichi: Vaifanira kusiya maitiro avo akaipa! Mitemo yakakwirira yezvinotarisirwa naJehovha kuvanhu vanopinda muimba yake yaifanira kutevedzerwa. Kuita izvozvo ndiko chete kwaizoita kuti kunamata kwavo kufarirwe naJehovha.

6, 7. (a) Jehovha akashandisa sei rusvingo rwakapoteredza nzvimbo yaiva netemberi kuudza vanhu vake zvaaida? (b) Vanhu vaJehovha vakanga vambobata sei imba yake? (Ona mashoko emuzasi.)

6 Rusvingo rwakapoteredza temberi. Chimwe chinhu chinoshamisa patemberi yemuchiratidzo, rusvingo rwakanga rwakapoteredza nharaunda yese yetemberi. Ezekieri anoti rusvingo rwacho kudivi rimwe nerimwe rwainge rwakareba tsanga 500, kana kuti mamita 1 555, kana kuti anoda kusvika makiromita 1,6! (Ezek. 42:15-20) Asi temberi nezvivanze zvayo zvaiva nemativi mana akaenzana, uye divi rimwe nerimwe rakareba makubhiti 500, kana kuti mamita 259. Saka paiva nenzvimbo yakakura yaipoteredza temberi, uye nzvimbo iyoyo yainge yakapoteredzwa nerusvingo urwu. * Nechikonzero chei?

7 Jehovha akati: “Zvino ngavabvise unzenza hwavo hwekunamata nezvitunha zvemadzimambo avo vazviise kure neni, uye ndichagara pakati pavo nekusingaperi.” (Ezek. 43:9) Zviri kunzi “zvitunha zvemadzimambo avo” zvinofanira kunge zvaireva zvidhori. Saka Jehovha akashandisa kufara kwakanga kwakaita nzvimbo yaiva pakati petemberi nerusvingo rwayo sekunge ari kuudza vanhu vake kuti: “Tsvina yese iyoyo ngaisatombosvika kuno. Musatombouya nayo pedyo neni.” Saka pavaizoita kuti kunamata kwavo kurambe kwakachena Jehovha aizova pakati pavo, achivakomborera.

8, 9. Vanhu vanofanira kunge vakadzidzei pakutsiura kwakaita Jehovha varume vaitungamirira?

8 Kutsiurwa kwakasimba kwakaitwa varume vaitungamirira. Jehovha akatsiurawo zvakasimba asi zvine rudo varume vaitungamirira. Vanhu pavakanga vanyura mukunamata zvidhori, akatsiura zvakasimba vaRevhi vakanga vatsauka vachienda kure naye, asi akarumbidza vanakomana vaZadhoki, “avo vaiita mabasa emunzvimbo [yake] tsvene pakatsauka vaIsraeri.” Akaratidza tsitsi uye akabata mapoka aya maviri zvakakodzera, zvichienderana nezvavakanga vaita. (Ezek. 44:10, 12-16) Ndizvo zvaakaitawo nemachinda evaIsraeri ayo aakatsiurawo zvakasimba.—Ezek. 45:9.

9 Saka Jehovha akaratidza zvakajeka kuti varume vaitungamirira vaifanira kuzvidavirira kwaari pamaitiro avaiita mabasa avo. Hapana ainzi uyu haatsiurwe, haaruramiswe, kana kupiwa chirango. Asi vaifanira kutungamirira pakutsigira mitemo yaJehovha!

10, 11. Uchapupu hupi hunoratidza kuti dzimwe nhapwa dzakadzokera kuJerusarema dzakashandisa zvadzakadzidza muchiratidzo chaEzekieri?

10 Nhapwa dzakadzokera kuJerusarema dzakashandisa zvadzakadzidza muchiratidzo chaEzekieri here? Tingasaziva zvedu kuti varume nevakadzi vakatendeka kare ikako vaifungei nezvechiratidzo ichi chinoshamisa. Asi Shoko raMwari rinotiudza zvakawanda nezvezvakaitwa nevaIsraeri vakadzokera kuJerusarema uye kuti vakanga vava kuona sei nyaya yekunamata Jehovha zvakachena. Vakashandisa zvidzidzo zvavakawana muchiratidzo chaEzekieri here? Tinogona kuti vakazvishandisa, kana tichivaenzanisa nemadzitateguru avo akapanduka akararama vanhu vasati vaendeswa kuutapwa.

11 Varume vakatendeka vakadai semuprofita Hagai, muprofita Zekariya, mupristi uye munyori Ezra, nagavhuna Nehemiya vakashanda nesimba pakudzidzisa vanhu zvidzidzo zvimwe chete zvatinowana pachiratidzo chetemberi chaEzekieri. (Ezra 5:1, 2) Vakadzidzisa vanhu kuti kunamata kwakachena kunofanira kukwidziridzwa uye kuva panzvimbo yekutanga kupfuura kutsvaga pfuma kana zvimwewo zvinhu. (Hag. 1:3, 4) Vakasimbisa kuti vanhu vaite zvinotarisirwa naMwari pakunamata kwakachena. Semuenzaniso, Ezra naNehemiya vakatsamwira vanhu vakanga vakaroora madzimai ekune dzimwe nyika uye vakavaudza kuti vaparadzane navo nekuti vakadzi ivavo vaitadzisa vanhu kuva neushamwari hwakasimba naMwari. (Verenga Ezra 10:10, 11; Neh. 13:23-27, 30) Ko panyaya yekunamata zvidhori? Kunenge kuti pashure peutapwa, vaIsraeri vakazosvika pakuvenga chivi ichocho chaigara chichivatadzisa kunamata zvakachena kwemazana emakore. Ko vapristi nemachinda? Sezvakaratidzwa muchiratidzo chaEzekieri, vapristi nemachinda ndevamwe vakatsiurwa nekururamiswa naJehovha. (Neh. 13:22, 28) Vakawanda vavo vakazvininipisa vakateerera zvavakaudzwa.—Ezra 10:7-9, 12-14; Neh. 9:1-3, 38.

Nehemiya akadzidzisa vanhu nezvekunamata kwakachena achishanda pamwe chete navo (Ona ndima 11)

12. Jehovha akakomborera sei nhapwa padzakadzokera kunyika kwadzo?

12 Jehovha paakaona izvi, akakomborera vanhu vake. Vanhu vakava neushamwari hwakasimba naye, utano hwakanaka, uye munyika yavo makanga mava nerugare, izvo zvakanga zvava nemakore zvisati zvamboitika. (Ezra 6:19-22; Neh. 8:9-12; 12:27-30, 43) Nei zvakadaro? Nekuti vanhu vakanga vatanga kuteerera mitemo yaJehovha yakarurama yezvaanotarisira pakunamata kwakachena. Zvidzidzo zvaiva muchiratidzo chaEzekieri zvakabaya mwoyo yevakawanda vaida kuteerera. Saka muchidimbu tinogona kuti chiratidzo chaEzekieri chetemberi chakabatsira nhapwa munzira mbiri dzinokosha. (1) Chakavapa zvidzidzo zvinoshanda panyaya yemitemo yaJehovha yezvaanotarisira pakunamata kwakachena uye zvavaifanira kuita kuti vatsigire mitemo iyoyo. (2) Chakavapa chivimbo chekuti kunamata kwakachena kwaizodzorerwa, uye chakavaratidzawo kuti Jehovha aizokomborera sei vanhu vake pavaizoramba vachimunamata zvakachena. Asi iye zvino tava kuda kuona kuti chiratidzo ichi chiri kuzadziswawo mazuva ano here?

Zvatinodzidza Pachiratidzo chaEzekieri Mazuva Ano

13, 14. (a) Tinoziva sei kuti chiratidzo chetemberi yakaonekwa naEzekieri chiri kuzadziswawo munguva yedu? (b) Tinobatsirwa sei nechiratidzo ichi? (Onawo bhokisi 13A, “Temberi Dzakasiyana, Zvidzidzo Zvakasiyana.”)

13 Chiratidzo chetemberi yakaonekwa naEzekieri chinoshandawo kwatiri here? Hongu! Yeuka kufanana kuri pakati pechiratidzo chaEzekieri cheimba tsvene yaMwari iri “pagomo refu refu” neuprofita hwaIsaya hwekuti “gomo reimba yaJehovha” ‘raizonyatsosimbiswa pamusoro pemakomo.’ Isaya anonyatsotiudza kuti uprofita hwake hwaizozadziswa “mumazuva ekupedzisira.” (Ezek. 40:2; Isa. 2:2-4; onawo Mika 4:1-4.) Uprofita uhwu hwanga huchizadziswa mazuva ekupedzisira kubvira muna 1919, pakadzorerwa kunamata kwakachena, kukakwidziridzwa sekunge kuti kwaiswa pagomo refu refu. *

14 Saka zviri pachena kuti chiratidzo chaEzekieri chiri kuzadziswa pakunamata kwakachena mazuva ano. Sekubatsirawo kwachakaita vaJudha kare, chiratidzo ichi chinotibatsirawo munzira mbiri. (1) Chinotidzidzisa zvatingaita kuti titsigire mitemo yaJehovha yezvaanotarisira pakunamata kwakachena. (2) Chinotivimbisa kuti kunamata kwakachena kuchadzorerwa uye kuti Jehovha achatikomborera.

Mitemo Yezvinotarisirwa Pakunamata Kwakachena Mazuva Ano

15. Chii chatinofanira kuyeuka patiri kutsvaga zvidzidzo patemberi yakaonekwa naEzekieri?

15 Iye zvino ngatichiongororai zvatinodzidza patemberi yemuchiratidzo chaEzekieri. Fungidzira tichitendererawo naEzekieri tichiona temberi iyoyo inoshamisa. Yeuka kuti hatisi kuona temberi huru yemweya; asi tiri kungoda kuwana zvidzidzo zvatinogona kushandisa pakunamata kwedu mazuva ano. Ngationei zvimwe zvacho.

16. Tinodzidzei pazvinhu zvakawanda zvakayerwa nengirozi muchiratidzo chaEzekieri? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.)

16 Nei zvinhu zvakawanda kudaro zvakayerwa? Ezekieri paanenge akatarisa, anoona ngirozi inopenya semhangura ichiyera temberi, kusanganisira madziro, magedhi, dzimba dzevarindi, zvivanze, neatari. Kuwanda kwezvinhu zvakayerwa kunogona kutovhiringidza muverengi. (Ezek. 40:1–42:20; 43:13, 14) Asi funga nezvezvidzidzo zvinokosha zvatinogona kuwana pamashoko iwayo. Jehovha aitoratidza kuti zvaanotarisira kuti vanhu vaite pakunamata hazvifaniri kurerutswa. Ndiye pachake anotaura manamatiro aanoda kuitwa, kwete vanhuwo zvavo. Vaya vanoti Mwari anogona kungonamatwa chero nenzira yawada, vakarasika zvinosiririsa. Uyewo, Jehovha paakaita kuti temberi iyerwe, pasina kana chinosiyiwa, aitovimbisa kuti kunamata kwakachena kuchatodzorerwa chete. Kuyerwa kwakaitwa temberi nemazvo kunoratidza kuti zvakavimbiswa naMwari zvichatoti zvizadziswe. Saka Ezekieri ari kuratidza kuti kunamata kwakachena hakuzombotadzi kudzorerwa mumazuva ano ekupedzisira!

Unodzidzei pakuyerwa kwakaitwa temberi nemazvo? (Ona ndima 16)

17. Rusvingo rwakapoteredza temberi rwunotiyeuchidzei mazuva ano?

17 Rusvingo rwakapoteredza temberi. Sezvatambokurukura, Ezekieri akaona rusvingo rwakatenderera nzvimbo yese yakapoteredza temberi. Rusvingo urwu rwaiva chiyeuchidzo chakasimba kuvanhu vaMwari chekuti zvinhu zvese zvine chekuita nekunamata kwakasviba zvaifanira kuva kure neimba yaMwari, kuti zvisaisvibisa. (Verenga Ezekieri 43:7-9.) Mazuva ano, zvakakoshawo kuti tiyeuke chidzidzo ichocho! Pashure pekunge vanhu vaMwari vasunungurwa kubva muutapwa hwemazana emakore muBhabhironi Guru, Kristu akagadza muranda akatendeka, akangwara muna 1919. Kubvira ipapo, vanhu vaMwari vanga vachishanda nesimba kuti vasiyane nedzidziso dzenhema uye tsika dzine chekuita nekunamata zvidhori nedzechihedheni. Tinongwarira kuti kunamata kusina kuchena kuve kure nekunamata kwakachena. Uyewo, hatitomboiti zvebhizinesi paDzimba dzoUmambo; tinoita kuti zvinhu izvozvo zvisingakoshi zvisatombosangana nekunamata kwedu.—Mako 11:15, 16.

18, 19. (a) Tinodzidzei pamagedhi marefu refu etemberi yemuchiratidzo? (b) Tinofanira kuita sei nezvinotaurwa nevanhu vanorerutsa zvinotarisirwa naJehovha kuvanamati vake? Taura muenzaniso.

18 Magedhi marefu refu. Tinodzidzei patinoongorora magedhi iwayo marefu refu akaonekwa naEzekieri? Zviri pachena kuti magedhi iwayo akadzidzisa nhapwa dzechiJudha kuti Jehovha anotarisira kuti vanhu vake vave netsika dzakakwirira uye dzakarurama. Kana zviri izvo zvaaitarisira kare ikako, ko mazuva ano? Sezvo tiri kunamata mutemberi huru yaJehovha yemweya, handizvo here kuti tinotofanira kunyanya kukoshesa tsika dzakarurama uye kusava neunyengeri? (VaR. 12:9; 1 Pet. 1:14, 15) Mumazuva ano ekupedzisira, Jehovha anga achitungamirira vanhu vake zvishoma nezvishoma kuti vawedzere kutevedzera mitemo yake panyaya dzekuzvibata. * Semuenzaniso, vatadzi vasingapfidzi vanobviswa muungano. (1 VaK. 5:11-13) Chinotonyanya kukosha ndechekuti dzimba dzevarindi dzaiva pamagedhi dzinogona kutiyeuchidza kuti mazuva ano, hapana munhu anobvumirwa kupinda mutemberi huru yaJehovha yemweya kana asingafarirwi naye. Semuenzaniso, munhu anoti uku ari kuda zvekunamata uku achiita zvivi anogona kupinda muImba yoUmambo asi Jehovha haamufariri kusvikira achinja mararamiro ake. (Jak. 4:8) Uhwu hurongwa hunoshamisa zvechokwadi hunodzivirira kunamata kwakachena kuti kusasvibiswa nenyika ino yakaora!

19 Bhaibheri rakagara rataura kuti tsika dzevanhu vemunyika dzaizowedzera kufumuka kuguma kusati kwasvika. Tinoverenga kuti: “Vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa vamwe uye ivo vachitsauswawo.” (2 Tim. 3:13) Vanhu vakawanda mazuva ano vari kutsauswa vopedzisira vava kufunga kuti zvinotarisirwa naJehovha panyaya dzekuzvibata ndezvekungoomeserana, ndezvechinyakare, kana kuti hazvina kunaka. Ko iwe uchatsauswawo here? Semuenzaniso, ko kana mumwe munhu akakuudza kuti kurambidza kunoita Mwari ungochani kwakaipa, uchabvumirana naye here? Kana kuti uchabvumirana here nezvinotaurwa naJehovha Mwari muShoko rake paanoti vanhu vanoita izvozvo vari ‘kuita zvinhu zvinonyadzisa’? Mwari anotikurudzira kuti tisatsigira vanhu vasingazvibati. (VaR. 1:24-27, 32) Patinosangana nezvinhu zvakadaro, ngatiyeukei chiratidzo chetemberi yakaonekwa naEzekieri nemagedhi iwayo marefu refu, toyeuka kuti: Jehovha haaderedzi zvaanotarisira pavanhu vake, pasinei nekuti nyika inoramba ichichinja maonero ayo panyaya dzetsika. Tinobvumirana nezvinotaurwa naBaba vedu vekudenga here, tichitsigira zvakarurama?

Tinopa “chibayiro chekurumbidza” patinoita zvinhu zvine chekuita nekunamata kwakachena

20. Vaya ‘veboka guru’ vanokurudzirwa sei nezviyeuchidzo zviri muchiratidzo chaEzekieri?

20 Zvivanze. Ezekieri paakaona chivanze chekunze chetemberi chakakura kudaro, anofanira kunge akafara chaizvo achifunga nezvekuwanda kwevanamati vaJehovha vaikwanisa kuungana imomo. Mazuva ano, vaKristu vari kunamata munzvimbo tsvene kupfuura temberi iyoyo. Vaya ‘veboka guru’ avo vanoshumira vari muchivanze chekunze chetemberi huru yaJehovha yemweya vanokurudzirwa chaizvo nezviyeuchidzo zviri muchiratidzo chaEzekieri. (Zvak. 7:9, 10, 14, 15) Ezekieri akaona kuti muzvivanze maiva nedzimba dzekudyira, mavaigona kudyira zvibayiro zverugare zvavainge vauya nazvo kutemberi. (Ezek. 40:17) Zvaiita sekuti vaitodya naJehovha, zvichiratidza kuti vaiva nerugare naye! Mazuva ano, hatipi zvibayiro sezvaiitwa nevaJudha vaiva pasi peMutemo waMozisi. Asi tinopa “chibayiro chekurumbidza” patinoita zvinhu zvine chekuita nekunamata kwakachena zvakadai sekupindura pamisangano tichiratidza kutenda kwedu kana kuti patinoparidza. (VaH. 13:15) Tinobatsirwawo chaizvo nezvatinopiwa naJehovha zvinotisimbisa pakunamata. Hapana mubvunzo kuti tinonzwa sezvakaitwa nevanakomana vaKora avo vakaimbira Jehovha vachiti: “Zuva rimwe chete muzvivanze zvenyu rinopfuura ane chiuru kune imwe nzvimbo!”—Pis. 84:10.

21. VaKristu vakazodzwa vangadzidzei pavapristi vanotaurwa muchiratidzo chaEzekieri?

21 Vapristi. Ezekieri akaona kuti vapristi nevaRevhi vaipinda muchivanze chemukati nepamagedhi akafanana neaishandiswa nevamwe vaIsraeri vese kupinda muchivanze chekunze. Iyi yaiva nzira yaishanda yekuyeuchidza vapristi nevaRevhi kuti naivowo vaifanira kutevedzera mitemo yezvinotarisirwa naJehovha pakunamata kwakachena. Ko mazuva ano? Hakusisina dzinza rinoshanda sevapristi pakati pevashumiri vaMwari, asi vaKristu vakazodzwa vanoudzwa kuti: “Muri ‘rudzi rwakasarudzwa, vapristi uye madzimambo.’” (1 Pet. 2:9) Vapristi vemunguva yevaIsraeri vaishumira vari muchivanze chavo vega. Mazuva ano, vaKristu vakazodzwa havashumiri vari kune imwe nzvimbo yakasiyana nevamwe vashumiri vaMwari asi vane ushamwari hwepedyo naJehovha sevana vaakatora kuti vave vake. (VaG. 4:4-6) Uyewo, vakazodzwa vanogona kuwana zviyeuchidzo zvinobatsira muchiratidzo chaEzekieri. Semuenzaniso, vanoona kuti vapristi vaigonawo kutsiurwa uye kururamiswa. VaKristu vese vanofanira kuyeuka kuti ‘iboka rimwe’ rinoshumira pasi ‘pemufudzi mumwe chete.’—Verenga Johani 10:16.

22, 23. (a) Vakuru veungano mazuva ano vanodzidzei pajinda rinotaurwa muchiratidzo chaEzekieri? (b) Chii chinogona kuitika mune ramangwana?

22 Jinda. Muchiratidzo chaEzekieri, jinda rine chinzvimbo chinokosha. Harisi redzinza reupristi saka paraishanda riri patemberi raizviisa pasi pevapristi. Asi, zviri pachena kuti rinoshanda semutungamiriri wevanhu uye rinovabatsira pakupa zvibayiro. (Ezek. 44:2, 3; 45:16, 17; 46:2) Saka rinoratidza muenzaniso wakanaka kuvarume vechiKristu vanotungamirira muungano. Vakuru vechiKristu, kusanganisira vatariri vematunhu, vanofanira kuramba vachizviisa pasi pemuranda akatendeka, akazodzwa naJehovha. (VaH. 13:17) Vakuru vanoshanda nesimba pakubatsira vanhu vaMwari kupa zvibayiro zvavo zvekurumbidza pamisangano yechiKristu uye muushumiri. (VaEf. 4:11, 12) Uye vakuru vanogonawo kuona kuti Jehovha akatsiura sei machinda evaIsraeri paakashandisa simba rawo zvisiri izvo. (Ezek. 45:9) Saka vakuru havafaniri kufunga kuti vakanyanya kukwirira zvekuti havangatsiurwi kana kururamiswa. Pane kudaro, vanokoshesa chero mukana wavainawo wekudzidziswa naJehovha kuti vawedzere kuva vafudzi uye vatungamiriri vakanaka.—Verenga 1 Petro 5:1-3.

23 MuParadhiso iri kuuya, Jehovha acharamba achiita kuti vanhu vake vave nevatungamiriri vakanaka uye vane rudo. Iye zvino vakuru vakawanda vari kutodzidziswa kuti vazova vakuru vakanaka muParadhiso. (Pis. 45:16) Hazvifadzi here kufunga nezvekubatsirwa kwatichaitwa nevarume ivavo munyika itsva? Nekufamba kwenguva, kunzwisisa kwatinoita chiratidzo chaEzekieri kunogona kuwedzera kujeka uye ndizvo zvinogona kuitikawo pamanzwisisiro atinoita humwe uprofita hwekudzorerwa kwekunamata kwakachena. Pamwe pane zvimwe zviri muchiratidzo ichi zvatichaona zvichizadziswa mune ramangwana, zvatisingakwanisi kunzwisisa mazuva ano. Tichange tichiona kuti zvichafamba sei.

Magedhi marefu refu uye zvivanze zvinotidzidzisei nezvekunamata kwedu? (Ona ndima 18-21)

Kunamata Kwakachena Kunokomborerwa naJehovha

24, 25. Zvakaonekwa naEzekieri zvinoratidza sei kuti Jehovha aikomborera vanhu vake pavairamba vachitsigira kunamata kwakachena?

24 Ngatipedzisei nekumbodzosa pfungwa pachiitiko chikuru chemuchiratidzo chaEzekieri? Jehovha anouya kutemberi, uye anovimbisa vanhu vake kuti acharamba aripo chero bedzi vachiteerera mitemo yake yezvaanotarisira pakunamata kwakachena. (Ezek. 43:4-9) Chii chaizoitika kuvanhu nenyika yavo kana Jehovha akaramba ari pakati pavo?

25 Chiratidzo chacho chinorondedzera makomborero avaizopiwa naMwari chichishandisa mifananidzo miviri inoti: (1) Rwizi rwunoyerera ruchibuda mutemberi, ruchiunza upenyu uye ruchiita kuti nyika ibereke; uye (2) nyika inoganhurwa-ganhurwa zvakanyatsorongeka uye zvakanyatsoyerwa, uye temberi nezvivanze zvayo zviri nechepakati. Mifananidzo iyi inorevei kwatiri mazuva ano? Munguva yatiri kurarama, Jehovha akatopinda mutemberi yake huru yemweya, akaichenesa, uye akaratidza kuti akafarira nzira yekunamata iri kuitwa imomo, iyo inopfuura nekure yaiitwa nevaJudha. (Mar. 3:1-4) Tichakurukura mifananidzo iyoyo miviri muzvitsauko 19 kusvika ku21 zvebhuku rino.

^ ndima 6 Apa Jehovha ari kuratidza kusiyana kwemabatiro aimboita vanhu imba yake tsvene nezvaizoitika. Akati: “Vakasvibisa zita rangu dzvene nezvinhu zvinosemesa zvavakaita, pavakaisa chidimbati chavo pedyo nechangu, uye gwatidziro rangu pedyo neravo, pakati pangu navo pachingova nechidziro chete.” (Ezek. 43:8) MuJerusarema, maingova nemadziro aiganhura temberi yaJehovha nedzimba dzevanhu. Vanhu pavaisiya mitemo yaJehovha yakarurama, vachinamata zvidhori uye vachiita zvinhu zvisina kuchena, vaisvibisa imba yaJehovha. Jehovha haana kusiya zvinhu zvakadaro zvichiramba zvichiitika!

^ ndima 13 Chiratidzo chetemberi yakaonekwa naEzekieri chinopindiranawo nehumwe uprofita hwekudzorerwa kwekunamata kwakachena hwakazadziswa mumazuva ano ekupedzisira. Semuenzaniso, ona kupindirana kunoita Ezekieri 43:1-9 naMaraki 3:1-5; Ezekieri 47:1-12 naJoeri 3:18.

^ ndima 18 Temberi yemweya yakavapo muna 29 C.E. pakabhabhatidzwa Jesu akatanga basa rake seMupristi Mukuru. Asi kwemazana emakore pashure pekufa kwevaapostora vaJesu, vanhu vakawanda vakasiya kunamata kwakachena. Kunamata kwechokwadi kwakatozotanga kukwidziridzwa kubvira muna 1919.