Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 8

“Ndichaapa Mufudzi Mumwe Chete”

“Ndichaapa Mufudzi Mumwe Chete”

EZEKIERI 34:23

ZVATICHADZIDZA: Uprofita huna pamusoro paMesiya uye kuzadziswa kwahunoitwa naJesu Kristu

1-3. Nei Ezekieri ari kurwadziwa, uye iye zvino anofemerwa kunyorei?

IGORE rechi6 Ezekieri ari muutapwa. * Muprofita wacho ari kurwadziwa paari kufunga nezvemamiriro akaita utongi hweJudha, nyika yake yaari kure chaizvo nayo. Aona madzimambo akasiyana-siyana achitonga.

2 Ezekieri akaberekwa panguva yaitonga mambo akatendeka, Josiya. Anofanira kunge akafara chaizvo paakanzwa nezvekuparadza kwakaita Josiya zvifananidzo achiedza kudzorera kunamata kwakachena muJudha. (2 Mak. 34:1-8) Asi zvakaitwa naJosiya hazvina kuita kuti vanhu vasiye kunamata zvidhori zvachose nekuti madzimambo akamutevera akaramba achizvinamata. Ndokusaka paitonga madzimambo aya vanhu vaitowedzera kusiya Jehovha uye kusazvibata. Pane tariro yekuti zvinhu zvichachinja here? Hongu, iripo.

3 Jehovha anofemera muprofita wake akatendeka kuti anyore uprofita hwekutanga pane hwakawanda hwaakanyora hune chekuita naMesiya, Mutongi uye Mufudzi aizouya, aizodzorera kunamata kwakachena zvachose uye aizobata makwai aJehovha neunyoro. Zvakanaka kuti tinyatsoongorora uprofita hwese ihwohwo, nekuti kuzadziswa kwahwo kune chekuita neramangwana redu. Saka, ngationgororei uprofita huna hune chekuita naMesiya hunowanikwa mubhuku raEzekieri.

“Nhungirwa” Inova “Musidhari Murefu”

4. Ezekieri anoprofita nezvei, uye Jehovha anosuma sei uprofita hwacho?

4 Munenge muna 612 B.C.E., “shoko raJehovha” rakauya kuna Ezekieri, uye akataura uprofita hunotibatsira kunzwisisa utongi hwaMesiya uye kukosha kwekuvimba neUmambo hwake. Jehovha anosuma uprofita hwacho achiudza Ezekieri kuti ataurire vaJudha vaiva muutapwa chirahwe cheuprofita chairatidza kuti madzimambo eJudha akanga asina kutendeka uye kuti paidiwa mambo akarurama, Mesiya.—Ezek. 17:1, 2.

5. Rondedzera muchidimbu chirahwe chakataurwa naEzekieri.

5 Verenga Ezekieri 17:3-10. Izvi ndizvo zvakaita chirahwe chacho muchidimbu: “Gondo guru” rinotanha nhungirwa pamusorosoro pemusidhari ronoisima “kunyika yevanotengesa.” Gondo racho rinozotora “imwe mbeu yenyika yacho” roidyara mumunda wakaorera “pane mvura zhinji.” Mbeu yacho inokura yova “muzambiringa . . . unotanda chaizvo.” Panobva pauya rimwe “gondo guru.” Muzambiringa wacho unobva ‘watambanudzira midzi yawo nechido’ kugondo rechipiri uchitsvaga kusimwazve pane imwe nzvimbo ine mvura zhinji. Jehovha anoshora zvaitwa nemuzambiringa uyu, achitaura kuti midzi yawo ichadzurwa uye kuti iwo ‘uchaoma wese.’

Gondo guru rekutanga raimiririra Mambo Nebhukadhinezari Mambo weBhabhironi (Ona ndima 6)

6. Tsanangura zvinorehwa nechirahwe chakataurwa naEzekieri.

6 Chirahwe ichi chairevei? (Verenga Ezekieri 17:11-15.) Muna 617 B.C.E., Mambo Nebhukadhinezari wekuBhabhironi (“gondo guru” rekutanga) akakomba Jerusarema. Akabvisa pachigaro mambo weJudha ainzi Jehoyakini (‘nhungirwa yepamusorosoro’) akaenda naye kuBhabhironi (“nyika yevanotengesa”). Nebhukadhinezari akagadza Zedhekiya (mumwe ‘wembeu yeumambo yenyika yacho’) pachigaro muJerusarema. Nebhukadhinezari akaita kuti mambo uyu mutsva weJudha apike naMwari kuti aizoramba akavimbika ari pasi pake. (2 Mak. 36:13) Asi Zedhekiya haana kuchengeta mhiko yake; akapandukira mambo weBhabhironi akatsvaga kubatsirwa nemauto aFarao mambo weIjipiti (“gondo guru” rechipiri) asi zvakashaya basa. Jehovha akashora kusavimbika kwaZedhekiya. (Ezek. 17:16-21) Zedhekiya akazopedzisira abviswa pachigaro, akafira mujeri kuBhabhironi.—Jer. 52:6-11.

7. Zvidzidzo zvipi zvatinowana pachirahwe ichi cheuprofita?

7 Zvidzidzo zvipi zvatinowana pachirahwe ichi? Chekutanga, sevanamati vakachena, tinofanira kuita zvatinenge tavimbisa. Jesu akati: “Shoko renyu rekuti ‘Hongu’ ngaringova hongu, ‘Kwete’ wenyu, kwete.” (Mat. 5:37) Kana tichifanira kupika naMwari kuti titaure chokwadi, sepaya patinenge tiri mumatare edzimhosva, hatirerutsi mhiko yakadaro. Chechipiri, tinofanira kungwarira kuti tisavimba nevanhu vasiri ivo. Bhaibheri rinotiyambira kuti: “Musavimba nemachinda, kana nemwanakomana wemunhu, asingagoni kuunza ruponeso.”—Pis. 146:3.

8-10. Jehovha anorondedzera sei zvichange zvakaita Mesiya, uye uprofita hwacho hunozadziswa sei? (Onawo bhokisi rakanzi “Uprofita hwaMesiya—Musidhari Unoyevedza.”)

8 Asi pane mumwe mambo watinogona kuvimba naye zvakazara. Pashure pekunge apedza kutaura chirahwe ichi cheuprofita chenhungirwa yakasimwa, Jehovha anoshandisa mufananidzo mumwe chete kurondedzera zvichange zvakaita utongi hwaMesiya.

9 Zvinotaurwa neuprofita hwacho. (Verenga Ezekieri 17:22-24.) Iye zvino, nhungirwa haisi kutanhwa nemakondo makuru asi naJehovha pachake. Achatanha nhungirwa ‘pamusoro pemusidhari murefu oisima mugomo refu refu.’ Nhungirwa iyi ichakura, yova “musidhari unoyevedza” unogarwa ‘neshiri dzemarudzi ese.’ Zvadaro, “miti yese yesango” ichaziva kuti Jehovha pachake ndiye akaita kuti musidhari uyu unoyevedza ukure.

10 Kuzadziswa kweuprofita hwacho. Jehovha akatanha Mwanakomana wake, Jesu Kristu, kubva mudzinza raDhavhidhi remadzimambo (“musidhari unoyevedza”) akamusima paGomo reZiyoni rekudenga (“gomo refu refu”). (Pis. 2:6; Jer. 23:5; Zvak. 14:1) Saka Jehovha akatora Mwanakomana wake, uyo aionekwa nevavengi vake ‘semunhu akaderera kupfuura vese,’ akamukwidziridza nekumupa “chigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi.” (Dhan. 4:17; Ruka 1:32, 33) Mambo Mesiya, Jesu Kristu, achaita semusidhari unoyevedza unooneka nenyika yese uye achaunza makomborero kuvanhu vese vaanenge achitonga. Uyu ndiye Mutongi watinofanira kuvimba naye. Jesu paanenge achitonga, vanhu vanoteerera vachaita sevari pasi pemumvuri weUmambo hwake ‘vakachengeteka uye havazonetseki vachitya dambudziko.’—Zvir. 1:33.

11. Chidzidzo chipi chinokosha chatinowana pauprofita hune chekuita ‘nenhungirwa’ inozova “musidhari unoyevedza”?

11 Zvatinodzidza pauprofita uhwu. Uprofita ‘hwenhungirwa’ inozova “musidhari unoyevedza” hunotibatsira kupindura mubvunzo unokosha wekuti: Ndiani watinofanira kuvimba naye? Kuvimba nehurumende dzevanhu nemauto adzo ane simba upenzi chaihwo. Kana tichida kuchengetedzwa zvechokwadi, tinofanira kuvimba zvizere naMambo Mesiya, Jesu Kristu. Hurumende yekudenga iri pasi pake ndiyo chete inogona kupedza matambudziko evanhu.—Zvak. 11:15.

“Ane Kodzero Yepamutemo”

12. Jehovha akaratidza sei zvakajeka kuti akanga asina kusiya sungano yake naDhavhidhi?

12 Kubva patsanangudzo yakapiwa naMwari yechirahwe cheuprofita chemakondo maviri, Ezekieri akanzwisisa kuti Zedhekiya, mambo asina kutendeka wedzinza reumambo raDhavhidhi aizobviswa pachigaro, otapwa achiendwa naye kuBhabhironi. Zvimwe muprofita wacho akanetseka kuti, ‘Ko sungano yaMwari yaakaita naDhavhidhi yaivimbisa kuti paizova namambo wedzinza raDhavhidhi aizotonga nekusingaperi ichafamba sei?’ (2 Sam. 7:12, 16) Kana Ezekieri akambofunga zvakadaro, haana kuita nguva refu asati awana mhinduro. Munenge muna 611 B.C.E., gore rechi7 vaJudha vatapwa, Zedhekiya paakanga achiri kutonga muJudha, “shoko raJehovha rakabva rauya” kuna Ezekieri. (Ezek. 20:2) Jehovha akamupa humwe uprofita hwekuti ataure hune chekuita naMesiya, hwaijekesa kuti Mwari akanga asina kusiya sungano yake naDhavhidhi. Uprofita hwacho hwakaratidza kuti Mesiya aizova nekodzero yepamutemo yekutonga pachigaro cheumambo chaDhavhidhi.

13, 14. Rondedzera muchidimbu uprofita hwakanyorwa pana Ezekieri 21:25-27 uye kuti hwakazadziswa sei.

13 Zvinotaurwa neuprofita hwacho. (Verenga Ezekieri 21:25-27.) Achitaura nemashoko akajeka, Jehovha anoshandisa Ezekieri kutaura ‘nejinda rakaipa reIsraeri’ rava pedyo kurangwa. Jehovha anoudza mutongi uyu akaipa kuti aizotorerwa “ngowani” uye “korona” (zviratidzo zvesimba reumambo). Zvadaro, masimba eumambo akanga “akaderera” aizokwidziridzwa, uye aya “akakwirira” aizoderedzwa. Masimba iwayo akakwidziridzwa aizotonga, kusvikira “ane kodzero yepamutemo asvika,” Jehovha ozopa iyeye Umambo.

14 Kuzadziswa kweuprofita hwacho. Muna 607 B.C.E., pakaparadzwa Jerusarema, umambo ‘hwakakwirira’ hweJudha, hwaiva nemuzinda wahwo imomo hwakaderedzwa. Izvi zvakaitika pakaparadzwa guta iroro nevaBhabhironi vachibva vabvisa Mambo Zedhekiya pachigaro ndokumutapa. Sezvo pakanga pasisina mambo wemudzinza raDhavhidhi aitonga muJerusarema, umambo hwemamwe marudzi “akaderera” hwakakwidziridzwa, hukatanga kutonga, asi zvaizova zvenguva pfupi. “Nguva yemamwe marudzi” yakaguma muna 1914 Jehovha paakapa Jesu Kristu umambo. (Ruka 21:24) Sezvo aiva wedzinza raMambo Dhavhidhi, Jesu akanga aine “kodzero yepamutemo” yekutonga muUmambo hwaMesiya. * (Gen. 49:10) Saka Jehovha paakagadza Jesu, akazadzisa vimbiso yake kuna Dhavhidhi yekuti aizova nemunhu wedzinza rake aizotonga muUmambo hunogara nekusingaperi.—Ruka 1:32, 33.

Jesu ane kodzero yepamutemo yekuva Mambo weUmambo hwaMwari (Ona ndima  15)

15. Nei tichigona kuvimba zvakazara naMambo Jesu Kristu?

15 Zvatinodzidza pauprofita uhwu. Tinogona kuva nechivimbo chakazara muna Mambo Jesu Kristu. Nei tichidaro? Nekuti iye akasiyana nevatongi variko iye zvino, avo vanogona kuita zvekusarudzwa nevamwe vanhu kana kuita zvekubvuta chigaro. Jesu akasarudzwa naJehovha uye “akapiwa . . . umambo” hwaaine kodzero yepamutemo. (Dhan. 7:13, 14) Hatingambotadzi kuvimba naMambo akasarudzwa naJehovha pachake!

“Mushumiri Wangu Dhavhidhi . . . Achava Mufudzi Wawo”

16. Jehovha anonzwa sei nezvemakwai ake, uye ‘vafudzi veIsraeri’ vakararama panguva yaEzekieri vaibata sei makwai?

16 Jehovha, Mufudzi Mukuru, anoda chaizvo kuti makwai ake, (vashumiri vake vepanyika) abatwe zvakanaka. (Pis. 100:3) Paanoisa makwai ake mumaoko evafudzi vari pasi pake, (vaya vanotungamirira) anonyatsotarisa kuti vari kuabata sei. Saka chimbofunga kuti Jehovha akanzwa sei ‘nezvevafudzi veIsraeri’ vakararama panguva yaEzekieri. Vatungamiriri ivavo vakanga vasinganyari kutonga vanhu ‘neutsinye vachivarwadzisa.’ Izvi zvakaita kuti makwai atambure, akawanda acho achitosiya kunamata kwakachena.—Ezek. 34:1-6.

17. Jehovha akanunura sei makwai ake?

17 Jehovha aizoita sei nazvo? Akataura nezvevatongi veIsraeri vane utsinye achiti: “Ndichabvunza makwai angu kwavari.” Akabva avimbisa kuti: “Ndichanunura makwai angu.” (Ezek. 34:10) Jehovha anogara achiita zvaanenge avimbisa. (Josh. 21:45) Muna 607 B.C.E., akanunura makwai ake paakashandisa vaBhabhironi kubvisa vafudzi ivavo vakaipa pazvigaro. Pashure pemakore 70, akanunura vanhu vake vakaita semakwai kubva muBhabhironi akavadzorera kunyika yavo kuti vanotangazve kunamata kwechokwadi. Asi makwai aJehovha akaramba akaomerwa nekuti aizoramba achitongwa nemamwe marudzi. “Nguva yemamwe marudzi” yaizoramba iripo kwemazana emakore.—Ruka 21:24.

18, 19. Ezekieri akaprofita nezvei muna 606 B.C.E.? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.)

18 Muna 606 B.C.E., rinenge gore pashure pekuparadzwa kweJerusarema uye makumi emakore vaIsraeri vasati vanunurwa kubva muutapwa muBhabhironi, Jehovha akafemera Ezekieri kuti ataure humwe uprofita. Uprofita hwacho hunoratidza kuti Jehovha, Mufudzi Mukuru, anoda kuti zvinhu zvinakire makwai ake nekusingaperi. Hunorondedzera kuti Mesiya achafudza sei makwai aJehovha.

19 Zvinotaurwa neuprofita hwacho. (Verenga Ezekieri 34:22-24.) Mwari achapa makwai ake “mufudzi mumwe chete,” waanodana kuti “mushumiri wangu Dhavhidhi.” Kushandiswa kwakaitwa mashoko ekuti “mufudzi mumwe chete” pamwe chete nerekuti “mushumiri,” kureva munhu mumwe chete, kunoratidza kuti Mutongi uyu akanga asiri kuzomutsidzira utongi hwemadzimambo anotevedzana emudzinza raDhavhidhi, asi mambo mumwe chete aizogara pachigaro chaDhavhidhi nekusingaperi. Mufudzi uyu, anova Mutongi zvakare, achapa makwai aMwari zvekudya ova ‘jinda pakati pawo.’ Jehovha achaita “sungano yerugare” nemakwai ake. “Makomborero achanaya [pavari] semvura” uye vachafara vasina kana chavanotya, zvinhu zvichivafambira zvakanaka. Pachange paine rugare, kunyange pakati pevanhu nemhuka!—Ezek. 34:25-28.

20, 21. (a) Uprofita hwekuti “mushumiri wangu Dhavhidhi,” hwakazadziswa sei? (b) Mashoko aEzekieri ‘esungano yerugare’ anotiudzei nezveramangwana?

20 Kuzadziswa kweuprofita hwacho. Paakadana Mutongi uyu kuti “mushumiri wangu Dhavhidhi,” Mwari aitoprofita nezvaJesu, wedzinza raDhavhidhi uyo ane kodzero yepamutemo yekutonga. (Pis. 89:35, 36) Paakanga ari panyika, Jesu akaratidza kuti aiva “mufudzi akanaka,” uye akapa upenyu hwake “nekuda kwemakwai.” (Joh. 10:14, 15) Asi iye zvino ava kufudza ari kudenga. (VaH. 13:20) Muna 1914, Mwari akagadza Jesu saMambo akamupa basa rekufudza uye kupa zvekudya makwai aMwari panyika. Muna 1919, Mambo mutsva uyu akagadza “muranda akatendeka, akangwara” kuti ape zvekudya “veimba,” vashumiri vaMwari vakavimbika vane tariro yekurarama kudenga kana panyika. (Mat. 24:45-47) Achitungamirirwa naKristu, muranda akatendeka ari kuramba achipa vanhu vaMwari zvekudya zvekunamata. Zvekudya izvi zviri kuvabatsira kuti vave nerugare naMwari nevavanonamata navo sekunge kuti vatori muparadhiso chaiyo.

21 Zvakataurwa naEzekieri ‘nezvesungano yerugare’ uye makomborero anonaya semvura zviri kutiudzei nezveramangwana? Munyika itsva iri kuuya, vanamati vaJehovha vepanyika vachazonyatsowana makomborero ese anobva ‘pasungano yerugare.’ Muparadhiso chaiyo yepanyika, vanhu vakatendeka vanenge vasisina chekutya nekuti zvinhu zvakadai sehondo, kuparwa kwemhosva, nzara, uye urwere zvinenge zvisisiko uye mhuka dzemusango dzinenge dzisisakuvadze. (Isa. 11:6-9; 35:5, 6; 65:21-23) Unonzwa sei paunofunga nezvekurarama nekusingaperi muparadhiso panyika, makwai aMwari ‘paachagara zvakanaka pasina anoatyisa?’—Ezek. 34:28.

Paanofudza makwai ari kudenga, Jesu anocherechedza kuti makwai aMwari ari kubatwa sei (Ona ndima 22)

22. Jesu anonzwa sei nezvemakwai aJehovha, uye vaya vari kushumira sevafudzi vari pasi pake vangamutevedzera sei?

22 Zvatinodzidza pauprofita uhwu. Sezvinongoita Baba vake, Jesu anoda chaizvo kuti makwai abatwe zvakanaka. Mufudzi uyu anoona kuti makwai aBaba vake awana zvekudya zvaanoda pakunamata uye kuti ane rugare uye akachengetedzwa sekunge kuti atori muparadhiso. Kutongwa neMufudzi akadaro kunoita kuti tinzwe takagadzikana chaizvo! Vaya vari kushumira sevafudzi vari pasi paJesu vanofanira kuva nehanya nemakwai sezvaanoita iye. Vakuru vanofanira kufudza makwai “zvichibva pamwoyo” uye “nemwoyo wese” uye kuratidza muenzaniso wakanaka kumakwai. (1 Pet. 5:2, 3) Mukuru haatombofaniri kubata gwai raMwari zveutsinye! Yeuka mashoko aJehovha kuvafudzi veIsraeri vaiva neutsinye vakararama panguva yaEzekieri ekuti: “Ndichabvunza makwai angu kwavari.” (Ezek. 34:10) Jehovha, Mufudzi Mukuru, anogara achitarisa kuti makwai ake ari kubatwa sei uye ndizvo zvinoitawo Mwanakomana wake.

“Mushumiri Wangu Dhavhidhi Achava Jinda Ravo Nekusingaperi”

23. Jehovha akavimbisei nezvekubatanidza rudzi rwaIsraeri uye akazvizadzisa sei?

23 Jehovha anoda kuti vanamati vake vamushumire vakabatana. Mune humwe uprofita hwekudzorerwa kwekunamata kwakachena, Mwari akavimbisa kuti aizounganidza vanhu vake, (vamiririri vemadzinza maviri eumambo hweJudha uye vemadzinza gumi eumambo hweIsraeri,) ovabatanidzazve kuva “rudzi rumwe chete,” sekunge kuti ari kuita kuti “tutanda” twuviri tuve “katanda kamwe chete” muruoko rwake. (Ezek. 37:15-23) Uprofita uhwu hwakazadziswa Mwari paakadzorera vaIsraeri kuNyika Yakapikirwa serudzi rwakabatana muna 537 B.C.E. * Asi kubatana uku kwaingoratidza kumwe kubatana kwaizopfuura nekure kubatana kwakaitika panguva iyi. Pashure pekuvimbisa kuti aizoita kuti Israeri ibatane, Jehovha akaudza Ezekieri uprofita hune chekuita nekuti Mutongi aizouya aizobatanidza sei vanhu panyika nekusingaperi.

24. Jehovha anorondedzera sei zvichange zvakaita Mesiya uye zvichange zvakaita utongi hwake?

24 Zvinotaurwa neuprofita hwacho. (Verenga Ezekieri 37:24-28.) Jehovha anodanazve Mutongi uyu Mesiya achimuti “mushumiri wangu Dhavhidhi,” “mufudzi mumwe chete,” uye “jinda,” asi iye zvino anowedzerawo kumuti “mambo.” (Ezek. 37:22) Utongi hwaMambo uyu huchange hwakaita sei? Utongi hwake huchagara nekusingaperi. Kushandiswa kweshoko rekuti “nekusingaperi” kunopa pfungwa yekuti makomborero anobva pautongi hwake acharamba aripo kusvikira narini narini. * Utongi hwake huchaita kuti vanhu vese vabatane. Pavanenge vachitongwa “namambo [wavo] mumwe chete,” vanhu vakavimbika vachatevedzera “mitongo,” yakafanana uye “vachagara munyika” pamwe chete. Utongi hwake huchaita kuti vaanotonga vaswedere pedyo naJehovha Mwari. Jehovha achaita “sungano yerugare” nevanhu ava. Jehovha achava Mwari wavo, uye vachava vanhu vake. Uye nzvimbo yake tsvene ichava “pakati pavo nekusingaperi.”

25. Uprofita hune chekuita naMambo Mesiya hunozadziswa sei?

25 Kuzadziswa kweuprofita hwacho. Muna 1919, vakazodzwa vakatendeka vakabatana vachitungamirirwa “nemufudzi [wavo] mumwe chete,” Mambo Mesiya, Jesu Kristu. Pava paya, “boka guru” rinobva “kumarudzi ese nemadzinza nevanhu nendimi” rakabatana nehama dzakazodzwa. (Zvak. 7:9) Pamwe chete vava “boka rimwe chete” rine “mufudzi mumwe chete.” (Joh. 10:16) Pasinei nekuti tariro yavo ndeyekurarama kudenga kana panyika, vese vanotevedzera mitongo yaJehovha. Izvi zvinoita kuti vagare pamwe chete vaine rugare naMwari nevavanonamata navo munyika yese, sekunge kuti vatori muparadhiso chaiyo. Jehovha anovapa rugare, uye nzvimbo yake tsvene inomiririra kunamata kwakachena, iri pakati pavo. Jehovha ndiMwari wavo, uye vanodada kuti vanomunamata iye zvino, uye vacharamba vachimunamata nekusingaperi!

26. Ungaitei kuti usimbise kubatana kwevanhu vaMwari?

26 Zvatinodzidza pauprofita uhwu. Takakomborerwa kuva vanhu vakabatana sehama munyika yese tichinamata Jehovha zvakachena. Asi chikomborero ichi hachingouyi chega. Tinofanirawo kuita zvinhu zvinoita kuti tirambe takabatana. Saka tese tinofanira kuita pedu kuti tirambe tiine kutenda kumwe chete uye tichizvibata zvakafanana. (1 VaK. 1:10) Kuti izvi zviitike tinoita zvese zvatinogona kuti tidye patafura imwe chete yaJehovha, titevedzere tsika dzakafanana dzekuzvibata dzinotaurwa muBhaibheri, uye tiite basa rinokosha rekuparidza mashoko eUmambo uye rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. Asi chikuru chinoita kuti tirambe takabatana rudo. Patinoedza kuratidza rudo munzira dzakasiyana-siyana, kusanganisira kunzwira vamwe tsitsi nekuregerera vamwe, tinenge tichitosimbisa kubatana kwedu. Bhaibheri rinoti, “Rudo . . . chisungo chakakwana chekubatana.”—VaK. 3:12-14; 1 VaK. 13:4-7.

Jehovha anokomborera sangano revanamati vake vemarudzi ese (Ona ndima  26)

27. (a) Uprofita hune chekuita naMesiya huri mubhuku raEzekieri hunoita kuti unzwe sei? (b) Tichaongororei muzvitsauko zvinotevera?

27 Tinotenda chaizvo kuti mubhuku raEzekieri mune uprofita hunotaura nezvaMesiya. Kuverenga uye kufungisisa uprofita ihwohwo kunotidzidzisa kuti Mambo wedu watinoda, Jesu Kristu, anofanira kuvimbwa naye, ane kodzero yepamutemo yekutonga, anotifudza neunyoro, uye achatichengetedza takabatana nekusingaperi. Takakomborerwa chaizvo kutongwa naMambo Mesiya! Ngatiyeukei kuti uprofita uhwu hune chekuita naMesiya chikamu chedingindira rebhuku raEzekieri rekudzorerwa kwekunamata kwakachena. Jesu ndiye anoshandiswa naJehovha kuunganidza vanhu uye kudzorera kunamata kwakachena. (Ezek. 20:41) Muzvitsauko zvinotevera zvebhuku rino, tichaongorora dingindira iroro rekudzorerwa kwekunamata kwakachena uye kuti rinobudiswa sei mubhuku raEzekieri.

^ ndima 1 Gore rekutanga reutapwa rakatanga muna 617 B.C.E., pakaendeswa nhapwa dzekutanga dzevaJudha kuBhabhironi. Saka gore rechi6 rakatanga muna 612 B.C.E.

^ ndima 14 Dzinza raJesu kubva kuna Dhavhidhi rakanyatsorongwa munhoroondo yakafemerwa yaMateu neyaRuka.—Mat. 1:1-16; Ruka 3:23-31

^ ndima 23 Uprofita hwaEzekieri hwetutanda twuviri uye kuzadziswa kwahwakaitwa huchakurukurwa muChitsauko 12 chebhuku rino.

^ ndima 24 Richitaura nezveshoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “nekusingaperi,” rimwe bhuku rinoti: “Shoko iri rinopa pfungwa yechinhu, chisingasakari uye chisingachinjiki.”