Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 12

“Ndichaita Kuti Vave Rudzi Rumwe Chete”

“Ndichaita Kuti Vave Rudzi Rumwe Chete”

EZEKIERI 37:22

ZVATICHADZIDZA: Vimbiso yaJehovha yekubatanidza vanhu vake; uprofita hwetutanda twuviri

1, 2. (a) Chii chingangodaro chiri kuita kuti nhapwa dzinetseke? (b) Chii chichaita kuti nhapwa idzi dzishamisike? (c) Mibvunzo ipi yatichakurukura?

ACHITUNGAMIRIRWA naMwari, Ezekieri ataura uprofita hwakawanda kunhapwa dziri muBhabhironi achishandisa zviratidzo zvinooneka. Uprofita hwekutanga hwakaedzeserwa naEzekieri hwaiva hwekupihwa mutongo. Hwechipiri hwaiva hwekupihwa mutongo zvakare uye ndizvo zvimwe chetezvo nehwechitatu, nehumwe hwakazotevera. (Ezek. 3:24-26; 4:1-7; 5:1; 12:3-6) Tingatoti uprofita hwese hwaaedzesera kusvika pari zvino ndehwemutongo unotyisa uchapiwa vaJudha.

2 Saka chimbofunga kuti nhapwa idzi dzinonetseka sei padzinoona Ezekieri amirazve pamberi padzo, agadzirira kuedzeserazve humwe uprofita. Vanogona kunge vari kufunga kuti, ‘Mashoko api anotyisa atava kuda kuudzwa iye zvino?’ Asi zvavachaona zvichavashamisa. Uprofita hwava kutanga kuedzeserwa naEzekieri iye zvino hwakatosiyana zvachose nehwaakamboedzesera. Hahusi hwemutongo unotyisa asi hune mashoko etariro. (Ezek. 37:23) Ezekieri anoudza nhapwa idzi mashoko api? Mashoko acho anorevei? Anoshanda sei pavashumiri vaMwari mazuva ano? Ngationei.

“Vachava Vamwe Chete Muruoko Rwangu”

3. (a) Katanda “kaJudha” kaimiririrei? (b) Nei tichiti “katanda kaEfremu” kaimiririra umambo hwemadzinza gumi?

3 Jehovha akarayira Ezekieri kuti atore tutanda twuviri, onyora pane kamwe kuti “kaJudha” uye pane kamwe kacho kuti “kaJosefa, iko katanda kaEfremu.” (Verenga Ezekieri 37:15, 16.) Tutanda utwu twaimiririrei? Katanda “kaJudha” kaimiririra umambo hwemadzinza maviri aJudha naBhenjamini. Madzimambo edzinza raJudha ndiwo aimbotonga madzinza aya maviri uyewo vedzinza reupristi vaiva kudivi remadzinza aya nekuti vapristi vaishumira patemberi muJerusarema. (2 Mak. 11:13, 14; 34:30) Saka muumambo hweJudha ndimo maiva nemadzimambo edzinza raDhavhidhi uyewo upristi hwevaRevhi. “Katanda kaEfremu” kaimiririra umambo hwemadzinza gumi evaIsraeri. Katanda aka kakanga kakabatana papi naEfremu? Mambo wekutanga weumambo hwemadzinza aya aiva Jerobhoamu, wedzinza raEfremu. Nekufamba kwenguva, dzinza raEfremu ndiro rakanga rakura kupfuura mamwe muumambo hwevaIsraeri. (Dheut. 33:17; 1 Madz. 11:26) Cherechedza kuti muumambo hwemadzinza gumi evaIsraeri makanga musina madzimambo edzinza raDhavhidhi kana vapristi vedzinza raRevhi.

4. Zvakaitwa naEzekieri netutanda twuviri zvinomiririrei? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.)

4 Ezekieri akazoudzwa kuti abatanidze tutanda twacho twuviri kuti “tuve katanda kamwe chete.” Nhapwa dzacho padziri kunetseka nezviri kuitwa naEzekieri dzinomubvunza kuti: “Tiudzewo kuti zvinhu izvi zvinorevei”? Akapindura kuti zvaaiita zvairatidza zvaizoitwa naJehovha pachake. Achitaura nezvetutanda twuviri utwu, Jehovha anoti: “Ndichaita kuti kave katanda kamwe chete, uye vachava vamwe chete muruoko rwangu.”Ezek. 37:17-19.

5. Zvakaitwa naEzekieri zvinorevei? (Onawo bhokisi rakanzi “Kubatanidzwa Kwetutanda Twuviri.”)

5 Zvadaro, Jehovha anotsanangura zvinorehwa nekubatanidzwa kwetutanda twacho twuviri. (Verenga Ezekieri 37:21, 22.) Nhapwa dzaibva kumadzinza maviri aJudha nedzaibva kumadzinza gumi aIsraeri (Efremu) dzaizounzwa kunyika yeIsraeri, dzova “rudzi rumwe chete.”—Jer. 30:1-3; 31:2-9; 33:7.

6. Uprofita hupi hunopindirana huri muchitsauko 37 chaEzekieri?

6 Chokwadi uprofita hunopindirana hwemapfupa akaoma nehwetutanda twuviri hunowanika muna Ezekieri 37 hunoshamisa! Jehovha aisazogumira pakudzorera upenyu chete (mavhesi 1-14) asi aizoitawo kuti vanhu vake vabatanezve (mavhesi 15-28). Zvinhu zvinofadza zvinorehwa neuprofita uhwu huviri ndeizvi: Vakafa vanokwanisa kumutswa, uye vanhu vasina kubatana, vanogona kubatanidzwazve.

Jehovha ‘Akavaunganidza’ Sei?

7. Nyaya iri pana 1 Makoronike 9:2, 3 inoratidza sei kuti “zvinhu zvese zvinobvira kuna Mwari”?

7 Kuvanhu zvaiita sekuti zvakanga zvisingatomboiti kuti nhapwa dzisunungurwe uye dzibatanezve. * Asi, “zvinhu zvese zvinobvira kuna Mwari.” (Mat. 19:26) Jehovha akazadzisa uprofita hwake. Pakapera utapwa muBhabhironi muna 537 B.C.E., vanhu vaibva kuumambo hwaJudha nevamwe vaibva kuna Efremu vakaenda kuJerusarema kunodzorera kunamata kwakachena. Nhoroondo yakafemerwa inoratidza kuti ndizvo zvakaitika painoti: “Vamwe vanhu vekwaJudha, nevekwaBhenjamini, nevekwaEfremu, nevekwaManase vakanogara muJerusarema.” (1 Mak. 9:2, 3; Ezra 6:17) Sezvakanga zvataurwa naJehovha, vanhu vaibva kuumambo huviri uhwu vakabatanidzwa.

8. (a) Isaya akaprofita nezvei? (b) Ndezvipi zvinhu zviviri zvinokosha zvatinowana pana Ezekieri 37:21?

8 Makore anenge 200 akanga adarika, muprofita Isaya akanga aprofita nezvezvaizoitika kuvaIsraeri nevaJudha pashure peutapwa. Akataura kuti Jehovha aizotanga kuunganidza “vaIsraeri vakapararira” uye “vaJudha vakapararira achivabvisa kumativi mana enyika,” kusanganisira “kuAsiriya.” (Isa. 11:12, 13, 16) Uye sezvaakanga agara ataura, Jehovha akatora “vaIsraeri kubva kumarudzi.” (Ezek. 37:21) Ona zvinhu izvi zviviri zvinokosha: Iye zvino, Jehovha akanga asingachadani nhapwa idzi kuti “Judha” uye “Efremu” asi akanga ava kudziti “vaIsraeri,” kureva kuti dzakanga dzava boka rimwe chete. Uyewo, vaIsraeri vakanzi vaibva “kumativi ese,” kwete kunyika imwe chete, kuBhabhironi.

9. Jehovha akabatsira sei nhapwa dzakadzokera kuJerusarema kuti dzibatane?

9 Pashure pekunge nhapwa dzadzokera kuIsraeri, Jehovha akadzibatsira sei kuti dzibatane? Akavapa vafudzi vakadai saZerubhabheri, Mupristi Mukuru Joshua, Ezra, naNehemiya. Mwari akagadzawo Hagai, Zekariya, naMaraki sevaprofita. Varume vese ava vakatendeka vakashanda nesimba kuti vakurudzire vaIsraeri kuteerera mirayiro yaMwari. (Neh. 8:2, 3) Uyewo, Jehovha akadzivirira vaIsraeri paaiita kuti mazano airukwa nevavengi vavo asabudirire.—Est. 9:24, 25; Zek. 4:6.

Jehovha akaita kuti pave nevafudzi vanobatsira vanhu vake kuti vabatane (Ona ndima 9)

10. Satani akazobudirira kuitei?

10 Asi pasinei nezvese zvavakaitirwa naJehovha, vaIsraeri vakawanda vakakundikana kuramba vachinamata zvakachena. Zvavakaita zvakanyorwa mumabhuku eBhaibheri akanyorwa pashure pekunge vadzokera kunyika yavo. (Ezra 9:1-3; Neh. 13:1, 2, 15) Pasati patombopera makore 100 kubva pavakabva kuutapwa, vaIsraeri vakanga vatsauka pakunamata kwakachena zvekuti Jehovha akatosvika pakuvateterera achiti: “Dzokai kwandiri.” (Mar. 3:7) Jesu paakazouya panyika, chitendero chechiJudha chakanga chatopatsanuka kuva mapoka akasiyana-siyana aitungamirirwa nevafudzi vasina kutendeka. (Mat. 16:6; Mako 7:5-8) Satani akanga abudirira pakutadzisa vanhu vaMwari kunyatsobatana. Asi uprofita hwaJehovha hwekubatanidza vanhu vake hwaitozozadziswa chete. Zvaizoitika sei?

“Mushumiri Wangu Dhavhidhi Achava Mambo Wavo”

11. (a) Jehovha akaratidzei nezveuprofita hwekubatana kwevanhu vake? (b) Satani akaedza kuitei zvakare paakadzingwa kudenga?

11 Verenga Ezekieri 37:24. Jehovha akaratidza kuti uprofita hwake hwekubatanidza vanhu vake hwaizongozadziswa chete kana ‘mushumiri wake Dhavhidhi,’ kureva Jesu, atanga kutonga saMambo, izvo zvakaitika muna 1914. * (2 Sam. 7:16; Ruka 1:32) Panguva iyoyo, rudzi rwevaIsraeri rwakanga rwatsiviwa ‘naIsraeri waMwari.’ (Jer. 31:33; VaG. 3:29; 6:16) Satani, zvikurukuru paakadzingwa kudenga, akatangazve kuedza kuparadza kubatana kwevanhu vaMwari. (Zvak. 12:7-10) Semuenzaniso, pashure perufu rwaHama Russell muna 1916, Satani akatoona uri mukana wekuparadzanisa vakazodzwa achishandisa vanhu vakanga vatsauka pakutenda. Asi pasina nguva, vanhu ivavo vakasiya sangano. Satani akabudirirawo pakuita kuti hama dzaitungamirira panguva iyoyo dzikandwe mujeri, asi kunyange izvozvo hazvina kuparadza vanhu vaJehovha. Hama dzakazodzwa dzakaramba dzakatendeka uye dzakabatana.

12. Nei Satani akakundikana kuparadzanisa Israeri waMwari?

12 Saka Israeri waMwari akaratidza kuti akasiyana nerudzi rwevaIsraeri pakuti akakurira mazano aSatani ekuparadzanisa vanhu. Nei Satani akakundikana? Nekuti vakazodzwa vakaita zvese zvavaigona kuti varambe vachiteerera mirayiro yaJehovha. Izvi zvakaita kuti vadzivirirwe naMambo wavo, Jesu Kristu, uyo ari kuramba achikunda Satani.—Zvak. 6:2.

Jehovha Achaita Kuti Vanamati Vake Vave “Vamwe Chete”

13. Ichokwadi chipi chinokosha chatinodzidza pauprofita hwekubatanidzwa kwetutanda twuviri?

13 Uprofita hwekubatanidzwa kwetutanda twuviri hunorevei mazuva ano? Yeuka kuti chinangwa cheuprofita uhwu ndechekuenzanisira kuti mapoka maviri aizobatanidzwa sei. Chikuru ndechekuti uprofita hwacho hunoratidza kuti Jehovha ndiye aizoita kuti kubatana uku kuvepo. Saka ichokwadi chipi chinokosha chatinodzidza pauprofita uhwu hwekubatanidzwa kwetutanda twuviri? Tinodzidza izvi: Jehovha pachake ndiye achaita kuti vanamati vake vave “vamwe chete.”—Ezek. 37:19.

14. Kubvira muna 1919, uprofita hwekubatanidzwa kwetutanda twuviri hwanga huchizadziswa sei pamwero mukuru?

14 Kubvira muna 1919, pashure pekunge vanhu vaMwari vacheneswa panyaya dzekunamata uye vatanga kupinda muparadhiso yemweya, kuzadziswa kukuru kweuprofita hwekubatanidzwa kwetutanda twuviri kwakatanga. Panguva iyoyo, vakawanda vevaya vakabatanidzwa vaiva netariro yekuva madzimambo nevapristi kudenga. (Zvak. 20:6) Vakazodzwa ava vakanga vakaita sekatanda “kaJudha,” rudzi rwaiva nemadzimambo edzinza raDhavhidhi uye upristi hwevaRevhi. Asi nekufamba kwenguva, vanhu vakawanda vaiva netariro yekurarama pasi pano vakabatana nevaJudha ava vemweya. Vanhu ivavo vakanga vakaita ‘sekatanda kaEfremu,’ rudzi rwakanga rusina madzimambo edzinza raDhavhidhi nevapristi vedzinza raRevhi. Mapoka aya maviri anoshumira akabatana sevanhu vaJehovha vari pasi paMambo wavo mumwe chete, Jesu Kristu.—Ezek. 37:24.

‘Vachava Vanhu Vangu’

15. Uprofita huri pana Ezekieri 37:26, 27 huri kuzadziswa sei mazuva ano?

15 Uprofita hwaEzekieri pachahwo hunoratidza kuti vanhu vakawanda vaizova nechido chekubatana nevakazodzwa pakunamata kwakachena. Jehovha akataura nezvevanhu vake achiti: “Ndichaita . . . kuti vawande” uye, “tende rangu richava pamusoro pavo.” (Ezek. 37:26, 27; mashoko emuzasi.) Mashoko aya anotiyeuchidza zvakaprofitwa kumuapostora Johani makore anenge 700 pashure penguva yaEzekieri, zvekuti “iye agere pachigaro cheumambo [aizotambanudza] tende rake” pamusoro ‘peboka guru.’ (Zvak. 7:9, 15) Mazuva ano, vakazodzwa neveboka guru vanogara serudzi rumwe chete, uye vese vanhu vaMwari vaanodzivirira mutende rake.

16. Zekariya akaprofitei nezvekubatana kwaIsraeri waMwari nevaya vane tariro yekurarama panyika?

16 Kubatanidzwa kwevaJudha vemweya nevaya vane tariro yekuzorarama pano panyika kwakagara kwataurwawo nemuprofita Zekariya, uyo aivawo nhapwa yakadzokera kuJerusarema. Akati “varume gumi vemitauro yese yemarudzi” ‘vaizonyatsobata nguo yemuJudha’ vachiti: “Tinoda kuenda nemi, nekuti takanzwa kuti Mwari anemi.” (Zek. 8:23) Shoko rekuti “muJudha” harireve munhu mumwe chete, asi boka revanhu, nekuti panozonzi “anemi,” kureva vakazodzwa vachiri pasi pano. (VaR. 2:28, 29) “Varume gumi” vanomiririra vanhu vane tariro yekurarama panyika. ‘Vanonyatsobata’ vakazodzwa, ‘voenda navo.’ (Isa. 2:2, 3; Mat. 25:40) Mashoko ekuti, “vachanyatsobata” uye “tinoda kuenda nemi” anoratidza kunyatsobatanidzwa kwemapoka aya maviri.

17. Jesu akarondedzera sei kubatana kwatakaita mazuva ano?

17 Jesu paakati aiva mufudzi anotungamirira makwai ake, (vakazodzwa) uye “mamwe makwai” (vaya vane tariro yekurarama panyika) kuti vave “boka rimwe chete,” anofanira kunge aifunga nezveuprofita uhwu hwaEzekieri. (Joh. 10:16; Ezek. 34:23; 37:24, 25) Mashoko aya aJesu neevaprofita vekare anonyatsorondedzera kubatana kwatakaita mazuva ano sevanhu vaMwari, pasinei nekuti tine tariro yekurarama kudenga kana panyika. Chitendero chenhema pachiri kupatsanuka-patsanuka kuva mapoka asingaverengeki, isu takabatana zvinoshamisa.

Mazuva ano, vakazodzwa uye “mamwe makwai,” vanonamata Jehovha vakabatana ‘seboka rimwe chete’ (Ona ndima  17)

‘Nzvimbo Yangu Tsvene Iri Pakati Pavo Nekusingaperi’

18. Sezvinoratidzwa pana Ezekieri 37:28, nei zvakakosha kuti vanhu vaMwari ‘vasave venyika’?

18 Mashoko ekupedzisira euprofita hwaEzekieri hwekubatanidzwa kwevanhu vaMwari anoratidza zvinoita kuti tirambe takabatana. (Verenga Ezekieri 37:28.) Vanhu vaJehovha vakabatana nekuti nzvimbo yake tsvene iri “pakati pavo,” kureva kunamata kwakachena. Uye nzvimbo yake tsvene inoramba iri pakati pavo chero bedzi vachiramba vari vatsvene, kana kuti vakazviparadzanisa nenyika yaSatani. (1 VaK. 6:11; Zvak. 7:14) Jesu akasimbisa kukosha kwekuti tirambe tisiri venyika. Akanyengeterera vadzidzi vake achiti: “Baba Vatsvene, vachengetedzei nekuda kwezita renyu . . . kuti vave vamwe . . . Havasi venyika . . . Vaitei vatsvene muchishandisa chokwadi.” (Joh. 17:11, 16, 17) Cherechedza kuti Jesu akabatanidza nyaya yekuva “vamwe” nekuva ‘vasiri venyika.’

19. (a) Tinoratidza sei kuti tiri “vatevedzeri vaMwari”? (b) Jesu akasimbisa chokwadi chipi chinokosha nezvekubatana usiku hwekupedzisira asati afa?

19 MuMagwaro, apa ndipo pega Jesu paakataura nezvaMwari achimuti “Baba Vatsvene.” Jehovha akachena uye akarurama zvakakwana. Jehovha akarayira vaIsraeri kuti: “Munofanira kuva vatsvene, nekuti ini ndiri mutsvene.” (Revh. 11:45) Sezvo tiri “vatevedzeri vaMwari,” tinoda kuteerera murayiro iwoyo pane zvese zvatinoita. (VaEf. 5:1; 1 Pet. 1:14, 15) Vanhu pavanonzi “vatsvene” zvinoreva kuti “vakaparadzaniswa nevamwe.” Ndokusaka, usiku hwekupedzisira asati afa, Jesu akasimbisa kuti vadzidzi vake vaizoramba vakabatana chero bedzi vakazviparadzanisa nenyika ino nemweya wayo wekuparadzanisa vanhu.

“Muvachengetedze Pane Akaipa”

20, 21. (a) Chii chinoita kuti chivimbo chedu chekuti Jehovha anotidzivirira chisimbe? (b) Unoda kuvavarira kuitei?

20 Kubatana kunoshamisa kwakaita Zvapupu zvaJehovha pasi rese kunoratidza kuti Jehovha akapindura chikumbiro chaJesu chekuti: “Muvachengetedze pane akaipa.” (Verenga Johani 17:14, 15.) Kuona kuti Satani akakundikana kuparadza kubatana kwevanhu vaMwari kunosimbisa chaizvo chivimbo chedu chekuti Mwari anotidzivirira. Muuprofita hwaEzekieri, Jehovha akataura kuti tutanda twuviri twakava kamwe chete muruoko rwake. Saka Jehovha pachake ndiye akaita chishamiso chekubatanidza vanhu vake, achivadzivirira neruoko rwake kuti Satani asavaparadzanisa.

21 Saka chii chatinofanira kuvavarira kuita? Tinofanira kushanda nesimba kuti tiitewo pedu, kuitira kuti tisimbise kubatana kwatakaita. Inzira ipi inokosha yatingaita izvi semunhu mumwe nemumwe? Ndeyekugara tichinamata Jehovha zvakachena patemberi yake yemweya. Tichakurukura kuti kunamata ikoko kunosanganisirei muzvitsauko zvinotevera.

^ ndima 7 Makore angasvika 200 Ezekieri asati apiwa uprofita uhwu, vanhu vaigara munharaunda yeumambo hwemadzinza gumi eIsraeri (“katanda kaEfremu”) vakatorwa nevaAsiriya senhapwa.—2 Madz. 17:23.

^ ndima 11 Uprofita uhwu hunonyatsotsanangurwa muChitsauko 8 chebhuku rino.