Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 10

“Muchava Vapenyu”

“Muchava Vapenyu”

EZEKIERI 37:5

ZVATICHADZIDZA: Chiratidzo ‘chemapfupa akaoma’ akaitwa kuti ave neupenyu uye kuzadziswa kwacho kukuru

1-3. Chii chakaita kuti zvinhu zvichinjire vaJudha vaiva muBhabhironi? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.)

ZVINHU zvachinjira vaJudha vari muBhabhironi vasingafungiri! Vanga vava nemakore mashanu vachingoudzwa naEzekieri kuti zvinhu zvavaitarisira zvaisazoitika, asi havana kumuteerera. Akavaitira zviratidzo, akataura mifananidzo, uye akavazivisa mashoko akawanda, asi pasinei nezvese izvozvo vanhu ava vari kuutapwa vakaramba kubvuma kuti Jehovha aizosiya Jerusarema richiparadzwa. Kunyange pavakaudzwa kuti guta racho rakanga rakombwa nevaBhabhironi, vaingova nechivimbo chekuti hapana chaizoitika kuvagari vemo.

2 Asi iye zvino, pashure pemakore maviri kubva pakatanga kukombwa guta, pane mupoteri anouya kuBhabhironi achibva kuJerusarema nemashoko ekuti: “Guta raputswa!” Mashoko aya anopedza nhapwa idzi simba. Dzinoshaya kuti zviri kurevei zvechokwadi: kuti guta ravo ravaida zvikuru, temberi yavo tsvene, nenyika yavo yavaifarira zvakanga zvisisiko! Tariro yavanga vava nenguva yakareba vainayo inoparara.—Ezek. 21:7; 33:21.

3 Asi panguva iyoyo vanhu pavakanga vapererwa, Ezekieri anopiwa chiratidzo chinovapa tariro. Chiratidzo chacho chine mashoko api ari kuda kusvitswa kuvanhu ava vasisina tariro? Chinei chekuita nevanhu vaMwari nhasi, uye isu pachedu tingabatsirwa sei nacho? Kuti tiwane mhinduro dzacho ngationgororei zvakaratidzwa Ezekieri naJehovha.

“Profita Kumapfupa Aya” uye “Profita Kumhepo”

4. Ndezvipi zvakanyanya kucherechedzwa pamapfupa akaonekwa naEzekieri?

4 Verenga Ezekieri 37:1-10. Muchiratidzo chaaiona, Ezekieri akaiswa mubani makazara mapfupa. Sekunge kuti aida kuti chiratidzo chacho chinyatsova nesimba mupfungwa dzaEzekieri, Jehovha akamuti ‘afambe achiona kwese kwaiva nemapfupa’ akanga akati kata kata. Paaifamba mubani umu, Ezekieri akacherechedza zvinhu zviviri zvainyanya kuoneka pamapfupa aya: mawandiro aakanga akaita uye zvaakanga akaita. Akati, “akanga akawanda chaizvo” uye “akanga akaoma chaizvo.”

5. Ezekieri akaudzwa kuti aite zvinhu zvipi zviviri, uye chii chakaitika paakazviita?

5 Jehovha akabva audza Ezekieri zvinhu zviviri zvaaifanira kuita kuti mapfupa aya avezve neupenyu zvishoma nezvishoma. Chekutanga akamuudza kuti: “Profita kumapfupa aya, uti kwaari . . . muchava vapenyu.” (Ezek. 37:4-6) Ezekieri paakangoprofita, “pakanzwika ruzha rwezvinhu zviri kurovana-rovana, uye mapfupa acho akatanga kubatana,” pashure pacho “marunda nenyama” zvakauya pamapfupa acho, “achibva avharwa neganda.” (Ezek. 37:7, 8) Chechipiri akaudzwa kuti: “Profita kumhepo.” Akabva aiudza kuti ‘ifuridze’ vanhu vacho vakaurayiwa. Ezekieri paakaprofita, “mweya wekufema wakapinda mavari vakatanga kurarama uye vakabva vasimuka. Vaiva uto rakakura kwazvo.”—Ezek. 37:9, 10.

“Mapfupa Edu Aoma Uye Hatisisina Tariro”

6. Mashoko api akabva kuna Jehovha akabatsira Ezekieri kunzwisisa chiratidzo chaakapiwa?

6 Jehovha anozoudza Ezekieri kuti chiratidzo chacho chiri kurevei, achiti: “Imba yaIsraeri yese ndiyo mapfupa aya.” Zvechokwadiwo vanhu vaiva kuutapwa pavakanzwa nezvekuparadzwa kweJerusarema, vainzwa sekuti vakanga vangofanana nevanhu vakafa. Saka vaichema vachiti: “Mapfupa edu aoma uye hatisisina tariro. Tabviswa pane vamwe tikaiswa kwedu tega.” (Ezek. 37:11; Jer. 34:20) Paakaona kuchema kwavaiita, Jehovha akabva aratidza kuti chiratidzo ichi chinosuruvarisa chemapfupa chaitova nemashoko anopa tariro kuvaIsraeri.

7. Jehovha akaratidza Ezekieri chii, sezvinotaurwa pana Ezekieri 37:12-14, uye zvakaita kuti vanhu vaMwari vainge vakatapwa vave nechivimbo chei?

7 Verenga Ezekieri 37:12-14. Jehovha akashandisa chiratidzo ichi kupa vanhu vaive kuutapwa chivimbo chekuti aizovaita kuti vave vapenyu zvakare, ovatungamirira achivadzosa kunyika yavo, oita kuti vagare munyika yavo. Jehovha akatotaura navo zvakare achiti “vanhu vangu.” Mashoko iwayo anofanira kunge akakurudzira chaizvo vanhu ava vakanga vasisina tariro! Vaigona sei kuva nechokwadi chekuti zvavaivimbiswa nezvekudzorerwa kunyika yavo zvaizoitika? Nekuti Jehovha pachake ndiye akanga avimbisa. Akazivisa kuti: “Ini Jehovha ndataura uye ndazviita.”

8. (a) Zvakamboitika sei kuti “imba yaIsraeri yese” iite seyafa? (b) Ezekieri 37:9 inoratidza kuti chii chakakonzera kufa kwaIsraeri kwekufananidzira? (Ona mashoko emuzasi.)

8 VaIsraeri vakanga vaona sei kuzadziswa kwechikamu chisingafadzi chechiratidzo ichi cheuprofita? Kufa kwekufananidzira kwevaIsraeri kwakanga kwatotanga kare muna 740 B.C.E. pakaparara umambo hwemadzinza gumi achiendeswa kuutapwa. Pashure pemakore angasvika 130, pakazotapwawo vanhu veJudha, “imba yaIsraeri yese” yakanga yava muutapwa. (Ezek. 37:11) Vese vakanga vaita sevasisina upenyu semapfupa emuchiratidzo chaEzekieri. * Yeukawo kuti Ezekieri haana kungoona mapfupawo zvawo asi kuti mapfupa “akaoma chaizvo,” izvo zvinoreva kuti vakanga vava nenguva vakaita sevakafa. Uye zvechokwadiwo, tikabatanidza nguva yakaita vanhu veIsraeri neveJudha vari kuutapwa, inosvika makore anopfuura 200, kubva muna 740 kusvika muna 537 B.C.E.—Jer. 50:33.

9. Zvii zvakaitika kurudzi rwevaIsraeri zvakaitikawo kuna “Israeri waMwari”?

9 Uprofita hwekudzorerwa kwevaIsraeri kunyika kwavo, hwakadai sehwakataurwa naEzekieri, hune kumwe kuzadziswa kukuru. (Mab. 3:21) Sezvakangoitikawo kurudzi rwevaIsraeri, urwo rwakaita serwaurayiwa rukaramba rwakadaro kwenguva yakareba, ungano yevaKristu vakazodzwa, iyo inonzi “Israeri waMwari,” yakaitawo seyaurayiwa ikagara muutapwa hwakaita serufu kwenguva yakareba. (VaG. 6:16) Utapwa hweungano yese yevaKristu vakazodzwa hwakatora nguva yakareba zvekuti yaigona kufananidzwa nemapfupa “akaoma chaizvo.” (Ezek. 37:2) Sezvakatsanangurwa muchitsauko chapfuura, utapwa hwevaKristu vakazodzwa hwakatanga pashure pegore ra100 C.E. uye hwakagara kwemazana emakore, sezvakanga zvaratidzwa naJesu mumufananidzo wake wegorosi nemasora.—Mat. 13:24-30.

Mapfupa “akaoma kwazvo” akaonekwa naEzekieri muchiratidzo aimiririra nguva yakareba yakaitwa nevaKristu vakazodzwa vari muutapwa vachiita sevakafa (Ona ndima 8, 9)

“Mapfupa Acho Akatanga Kubatana”

10. (a) Chii chaizoitika kuvanhu vaMwari maererano neuprofita huri pana Ezekieri 37:7, 8? (b) Ndezvipi zvakadzorera zvishoma nezvishoma tariro yevanhu vaMwari vaiva kuutapwa?

10 Achishandisa Ezekieri, Jehovha akataura kuti vanhu vake vaizodzorerwa kuupenyu zvishoma nezvishoma. (Ezek. 37:7, 8) Saka ndezvipi zvimwe zvezvinhu zvakadzorera zvishoma nezvishoma tariro yevanhu vaMwari yekuti vaizodzokera kunyika yavo vachibva kuutapwa? Chimwe chinofanira kunge chakavapa tariro uprofita hwakanga hwagara hwataurwa kare nevamwe vaprofita. Semuenzaniso, Isaya akanga ambotaura kuti pane “vana vatsvene” vaizosara, vodzokera kunyika yacho. (Isa. 6:13; Job. 14:7-9) Uyezve uprofita hwakawanda hwekudzorerwa kwevaIsraeri hwakanga hwanyorwa naEzekieri hunofanira kunge hwakaita kuti tariro iyoyo irambe yakasimba. Zvakare kuvapo kwevarume vakatendeka muBhabhironi vakadai semuprofita Dhanieri, uye kukundwa kwakaitwa Bhabhironi kunoshamisa muna 539 B.C.E., zvinofanira kunge zvakawedzera kusimbisa tariro yevanhu vaiva kuutapwa yekuti vaizodzokera.

11, 12. (a) Ungano yevaKristu vakazodzwa yakadzorerwa sei zvishoma nezvishoma? (Onawo bhokisi rakanzi “Kunamata Kwakachena Kunodzorerwa Zvishoma Nezvishoma.”) (b) Mashoko ari pana Ezekieri 37:10 anoita kuti tive nemubvunzo wekutii?

11 Ungano yevaKristu vakazodzwa, iyo inonziwo “Israeri waMwari,” yakadzorerwawo sei zvishoma nezvishoma? Pashure pemazana emakore vaKristu ava vakaita sevakatapwa murufu, “ruzha rwezvinhu zviri kurovana-rovana” rwakanzwika, vanhu vaitya Mwari pavaiita sevari kumuka vachitsigira kunamata kwechokwadi. Semuenzaniso, mumakore ekuma1500, William Tyndale akashandura Bhaibheri mumutauro weChirungu. Vafundisi veChechi yeRoma vakatsamwa nekuti vaiziva kuti Bhaibheri raizokwanisa kuverengwa nevanhuwo zvavo. Tyndale akaurayiwa. Kunyange zvakadaro, vamwe vanhu vaiva neushingi vakaenderera mberi nekubudisa maBhaibheri mune mimwe mitauro, uye chiedza chechokwadi chakajeka zvishoma nezvishoma munyika ine rima.

12 Nekufamba kwenguva, Charles T. Russell nevamwe vake pavakatanga kushanda nesimba pakuita kuti chokwadi cheBhaibheri chizivikanwe zvakare, zvaiita sekuti “marunda nenyama” zvainge zvava kufukidza mapfupa. Magazini yeZion’s Watch Tower nemamwe mabhuku zvakabatsira vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuti vazive chokwadi, uye zvakaita kuti vabatane nevashumiri vaMwari vakazodzwa. Kutanga kwemakore ekuma1900, vanhu vaMwari vakazodzwa vakawanazve simba pavakava nematurusi akadai sevhidhiyo inonzi “Photo-Drama of Creation” uye bhuku rinonzi The Finished Mystery. Pasina nguva izvi zvaitika, nguva yaMwari yakabva yasvika yekuti aite kuti vanhu vake ‘vasimuke.’ (Ezek. 37:10) Izvi zvakaitika sei uye riini? Pane zvakaitika kuBhabhironi zvinotibatsira kupindura mubvunzo uyu.

“Vakatanga Kurarama Uye Vakabva Vasimuka”

13. (a) Mashoko ari pana Ezekieri 37:10, 14 akazadziswa sei kutangira muna 537 B.C.E? (b) Magwaro api anoratidza kuti vamwe vaiva muumambo hwemadzinza gumi vakadzokera kuIsraeri?

13 Kutangira muna 537 B.C.E., vaJudha vaiva muBhabhironi vakaona chiratidzo chacho chichizadziswa. Chakazadziswa sei? Jehovha akavadzorera kuupenyu, akavaita kuti ‘vasimuke’ paakavabvisa muutapwa ndokuvaita kuti vadzokere kumusha kwavo. VaIsraeri vaisvika 42 360, nevamwe vasiri vaIsraeri vaisvika 7 000, vakabuda muBhabhironi kuti vaende kunovakazve Jerusarema netemberi yaro, uye kunogara muIsraeri. (Ezra 1:1-4; 2:64, 65; Ezek. 37:14) Papfuura makore angasvika 70, vamwe vaisvika 1 750 vakabatana naEzra paakadzokera kuJerusarema. (Ezra 8:1-20) Saka vaJudha vakadzoka vaipfuura 44 000, rinova “uto rakakura kwazvo.” (Ezek. 37:10) Shoko raMwari rinotiwo vamwe vaIsraeri vanobva kumadzinza gumi avo vane madzitateguru akanga aendeswa kuutapwa nevaAsiriya kuma700 B.C.E. vakadzokawo kunyika kwavo kuzobatsira pakuvakazve temberi.—1 Mak. 9:3; Ezra 6:17; Jer. 33:7; Ezek. 36:10.

14. (a) Mashoko ari pana Ezekieri 37:24 anotibatsira sei kuziva nguva yakazadziswa uprofita hwacho pamwero mukuru? (b) Chii chakaitika muna 1919? (Onawo bhokisi rakanzi “‘Mapfupa Akaoma’ Uye ‘Zvapupu Zviviri’—Zvakafanana Uye Zvakasiyana Papi?”)

14 Chikamu ichi cheuprofita hwaEzekieri chakazozadziswa sei pamwero mukuru? Sezvakaratidzwa Ezekieri naJehovha mune humwe uprofita hunoenderana neuhwu, kuzadziswa kukuru kweuprofita hwekudzorerwa kwezvinhu zvese kwaizoitika kana Dhavhidhi Mukuru, Jesu Kristu, atanga kutonga saMambo. * (Ezek. 37:24) Uye zvechokwadiwo muna 1919, Jehovha akaisa mweya wake pavanhu vake. Izvi zvakaita kuti ‘vatange kurarama’ uye vakasunungurwa muutapwa muBhabhironi Guru. (Isa. 66:8) Pashure pacho, Jehovha akaita kuti vaite sevava “munyika” yavo, muparadhiso yemweya. Asi vanhu vaJehovha vakasvika sei pakuva “uto rakakura kwazvo” mazuva ano?

15, 16. (a) Vanhu vaJehovha mazuva ano vakasvika sei pakuva “uto rakakura”? (b) Uprofita uhwu hwaEzekieri hunotibatsira sei kutsungirira matambudziko emuupenyu? (Ona bhokisi rakanzi “Kubatsirwa Kwatinoitwa Kuti Tisimuke.”)

15 Pasina nguva yakareba Kristu agadza muranda akatendeka muna 1919, vashumiri vaMwari vakatanga kuona zvakataurwa naZekariya zvichiitika. Zekariya, muprofita akashumira pakati pevaJudha vakanga vadzoka, akanga ataura kuti: “Vanhu vazhinji nemarudzi ane simba vachauya kuzotsvaga Jehovha.” Muprofita wacho akafananidza vanhu ivavo vaizotsvaga Jehovha ‘nevarume gumi vemitauro yese yemarudzi.’ Varume ivavo vaizobatisisa “muJudha,” kureva Israeri waMwari, vachiti: “Tinoda kuenda nemi, nekuti takanzwa kuti Mwari anemi.”—Zek. 8:20-23.

16 Nhasi uno, Israeri waMwari (vaKristu vakazodzwa vachiri pasi pano), uye “varume gumi” (mamwe makwai) vakabatana pamwe chete vanoumba “uto rakakura kwazvo” riri kusvika kumamiriyoni. (Ezek. 37:10) Semasoja aKristu ari muuto iri riri kuramba richikura, tinonyatsotevera Mambo wedu, Jesu, takananga kuzvikomborero zviri mberi kwedu.—Pis. 37:29; Ezek. 37:24; VaF. 2:25; 1 VaT. 4:16, 17.

17. Tichadzidzei muchitsauko chinotevera?

17 Kudzorerwa uku kwekunamata kwakachena kwaizopa vanhu vaMwari basa rinokosha. Ibasa rei? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, tinofanira kudzokera kumashure toongorora basa rakapiwa Ezekieri naJehovha Jerusarema risati ratomboparadzwa. Tichaita izvozvo muchitsauko chinotevera.

^ ndima 8 Mapfupa akaonekwa naEzekieri muchiratidzo aisava mapfupa evanhu vakangofawo vega, asi vanhu “vakaurayiwa.” (Ezek. 37:9) “Imba yaIsraeri yese” yakaita seyaurayiwa, vaAsiriya pavakakurira ndokutapa vagari vemuumambo hwemadzinza gumi evaIsraeri, uye vaBhabhironi vachibva vazokurirawo vagari vemuumambo hwemadzinza maviri aJudha ndokuvatapa.

^ ndima 14 Uprofita uhwu hwaMesiya hwakakurukurwa muChitsauko 8 chebhuku rino.