Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 9

“Ndichavapa Mwoyo Mumwe Chete”

“Ndichavapa Mwoyo Mumwe Chete”

EZEKIERI 11:19

ZVATICHADZIDZA: Nyaya yekudzorerwa kwekunamata kwakachena inojekeswa muuprofita hwaEzekieri

1-3. VaBhabhironi vaishora sei vanamati vaJehovha, uye nei vaidaro?

FUNGIDZIRA uri muJudha akatendeka uchigara muguta reBhabhironi. Vanhu verudzi rwako vava nemakore anenge 50 vari muutapwa. Uri kuenda kunosangana nevamwe vako kuti munamate Jehovha sezvamunogara muchiita paSabata. Pauri kupfuura nemumigwagwa yakazara nevanhu vari kuita zvakasiyana-siyana, unoona mazitemberi akakura zvinoshamisa nedzimwewo nzvimbo dzekunamatira dzisingaverengeki. Vanhu vari kudirana vachienda kunzvimbo idzi kunopa zvibayiro uye kunoimbira vanamwari vakadai saMerodhaki.

2 Wava kure nevanhu ivavo, unosvika pane kapoka kadiki kevanhu vaunonamata navo. * Munoenda pane imwe nzvimbo yakanyarara, zvimwe pedyo nemumwe mugero uri muguta, kuti munyengetere, muimbe mapisarema, uye mufungisise Shoko raMwari pamwe chete. Pamunenge muchinyengetera, munonzwa kurira kuri kuita zvikepe zvemapuranga zvakasungirirwa nechekumucheto kwemugero wacho. Unonzwa kuti sunungukei paunoona kuti kwamuri kune karunyararo. Unongoti dai pakasawana vaBhabhironi vanokuwanai vovhiringidza musangano wenyu, sezvavanogara vachiita. Vanozviitirei?

3 VaBhabhironi vagara vachizivikanwa nekukunda vavengi vavo muhondo, uye vanoti simba ravo rinobva kuna vanamwari vavo venhema. Kwavari, kuparadza kwavakaita Jerusarema kunoratidza kuti mwari wavo, Merodhaki, ane simba rinopfuura raJehovha! Saka, vanonyomba Mwari wako nevanhu vake. Dzimwe nguva vanonyomba vanhu vaMwari vachiti: “Tiimbirei rumwe rwenziyo dzekuZiyoni”! (Pis. 137:3) Pane mapisarema akawanda ekupemberera kukunda kwakaita Ziyoni vavengi vaJehovha. Zvimwe vaBhabhironi vanofarira kunyomba mapisarema akadaro. Asi mamwe mapisarema anotaura nezvevaBhabhironi pachavo. Rimwe racho rinoti: “Aita kuti Jerusarema rive murwi wematongo. . . . Vaya vakatipoteredza vanotinyomba nekutiseka.”—Pis. 79:1, 3, 4.

4, 5. Uprofita hwaEzekieri hwakapa vanhu tariro yei, uye tichakurukurei muchitsauko chino? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.)

4 Panewo vaJudha vakapanduka, vanoshora kuvimba kwaunoita naJehovha nevaprofita vake. Pasinei nekushorwa kwese uku, iwe nemhuri yako munonyaradzwa nekunamata kwakachena. Unofara pamunonyengetera uye pamunoimba pamwe chete. Kuverenga Shoko raMwari kunozorodza. (Pis. 94:19; VaR. 15:4) Chimbofungidzira kuti musi uyu, mumwe waunonamata naye auya negwaro rinokosha kumusangano wamuri kuita, gwaro rine uprofita hwaEzekieri. Kunzwa vimbiso yaJehovha yekudzorera vanhu vake kunyika yavo kunokufadza. Mwoyo wako unotutuma nemufaro panenge pachiverengwa uprofita hwacho, uye unoita seuri kutoona iwe nemhuri yako madzokera kunyika yenyu muchibatsira kutangazve kunamata kwakachena!

5 Uprofita hwaEzekieri hunodzokorora hwadzokororazve vimbiso yekuzodzorerwa kwekunamata kwakachena. Ngatimboongororai dingindira iroro rinopa tariro. Vimbiso idzodzo dzakazadziswa sei kunhapwa? Uprofita uhwu huri kuzadziswa sei mazuva ano? Pamwe pacho tichadzidza nezvekuzadziswa kuchaitwa uprofita uhwu kekupedzisira mune ramangwana.

“Vachaendeswa Kuutapwa Kune Imwe Nyika”

6. Mwari akaramba achiyambira vanhu vake nenzira dzipi?

6 Achishandisa Ezekieri, Jehovha akaudza vanhu vake zvakajeka kuti aizovaranga sei nekuda kwekumupandukira kwavakaita. Jehovha akati: “Vachaendeswa kuutapwa kune imwe nyika.” (Ezek. 12:11) Sezvatakadzidza muChitsauko 6 chebhuku rino, Ezekieri akatoita zvekuenzanisira mutongo wavaizopiwa. Asi haasiriye akanga atanga kupa yambiro yakadaro. Kubvira mumazuva aMozisi, angada kusvika makore 1 000 izvi zvisati zvaitika, Jehovha akanga audza vanhu vake kuti kana vakaramba vachimupandukira, vaizotapwa. (Dheut. 28:36, 37) Vaprofita vakadai saIsaya naJeremiya vakambovayambirawo nezvenyaya iyi.—Isa. 39:5-7; Jer. 20:3-6.

7. Mwari akaranga vanhu vake sei?

7 Asi zvinorwadza kuti vanhu vakawanda havana kumboteerera. Nekufamba kwenguva, Jehovha akazorwadziwa kusvikira pekupedzisira nekuda kwekupanduka uye kusatendeka kwevanhu vake, kunamata kwavaiita zvidhori uku vachiita zvakaipa vachitungamirirwa nevafudzi vavo vakaipa. Saka akaita kuti vaziye nenzara, uye izvi zvainyadzisa sezvo nyika yavo yaimbenge ‘ichiyerera uchi nemukaka.’ (Ezek. 20:6, 7) Sezvaainge agara ataura, Jehovha akaranga vanhu vake vainge vamusiya nekuita kuti vatapwe. Muna 607 B.C.E., Nebhukadhinezari, mambo weBhabhironi, akazopedzisa chirango chacho nekuparadza Jerusarema netemberi yaro. Zviuru zvevaJudha vainge vapona zvakatapwa zvikaendeswa kuBhabhironi. Vari ikoko vaishorwa uye vaipikiswa sezvatsanangurwa patangira chitsauko chino.

8, 9. Mwari akayambira sei ungano yechiKristu nezvevanhu vaizopanduka?

8 Pane zvakamboitikawo here kuungano yechiKristu zvakafanana nekutapwa kwakaitwa vaJudha kuBhabhironi? Ehe! Kungofanana nezvakaitwa vaJudha, vateveri vaKristu vakagara vayambirwa. Jesu achiri kutanga ushumiri hwake akati: “Chenjererai vaprofita venhema vanouya kwamuri vakapfeka nguo dzemakwai, asi mukati vari mhumhi dzinoparadza.” (Mat. 7:15) Papfuura makore, muapostora Pauro akazofemerwa kuyambirawo vaKristu achiti: “Ndinoziva kuti kana ndaenda mhumhi dzinotyisa dzichapinda pakati penyu uye hadzizobati makwai neunyoro, uye pakati penyu pachamuka varume vachataura zvinhu zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere.”—Mab. 20:29, 30.

9 VaKristu vakadzidziswa kuti vangaziva sei varume vakadaro, votambira kure navo. Vakuru vechiKristu vakaudzwa kuti vabvise vanhu vaipanduka muungano. (1 Tim. 1:19; 2 Tim. 2:16-19; 2 Pet. 2:1-3; 2 Joh. 10) Kunyange zvakadaro vaKristu vakawanda vakapedzisira vasisateereri kuyambirwa kwavaiitwa, sezvakangoitwa nevaIsraeri nevaJudha. Pakazosvika gore ra100 C.E., vanhu vakapanduka vakanga vatokanganisa ungano zvisingaiti. Johani, uyo aiva wekupedzisira wevaapostora vakararama panguva iyoyo, akaona kuti ungano yakanga yakanganiswa chaizvo uye kuti vakawanda vainge vapanduka. Ndiye akanga angosara achiita kuti zvinhu izvozvo zvakaipa zvisanyanya kuenderera. (2 VaT. 2:6-8; 1 Joh. 2:18) Chii chakazoitika Johani afa?

10, 11. Mufananidzo waJesu wegorosi nemasora wakazadziswa sei kubvira mumakore ekuma100 C.E.?

10 Pashure pekufa kwaJohani, mufananidzo waJesu wegorosi nemasora wakatanga kuzadziswa. (Verenga Mateu 13:24-30.) Sezvakagara zvaonekwa naJesu, Satani akadyara “masora” kana kuti vaKristu venhema muungano, uye ungano yakashatiswa nekukurumidza. Jehovha anofanira kunge akarwadziwa zvikuru kuona ungano yainge yatangwa neMwanakomana wake ichisvibiswa nekunamata zvidhori, mazororo netsika zvechihedheni, uye dzidziso dzenhema dzaibva kuvanhu vakanga vasingadi Mwari uye vezvitendero zvaSatani! Jehovha akaita sei nazvo? Sezvaakangoita kuvaIsraeri vainge vasina kutendeka, Jehovha akaita kuti vanhu vake vatapwe. Kubvira kuma100 C.E. zvichienda mberi, zvainge zvisiri nyore kuona kuti vaKristu vakaita segorosi ndevapi nekuti vaKristu venhema vainge vakawanda. Uku ndiko kwaitova kutapwa kweungano yechiKristu chechokwadi neBhabhironi Guru, mubatanidzwa wezvitendero zvese zvenhema. VaKristu vekunyepera vakanga vatomedzwa nesangano iroro renhema. Nekuwanda kwevaKristu vekunyepera, machechi ese anozviti ndeechiKristu akabva atangawo.

11 Mumazana ese emakore machechi anozviti ndeechiKristu paaiva nesimba, kwaivawo nevamwe vaKristu vechokwadi, vakaita ‘segorosi’ rakataurwa naJesu mumufananidzo wake. Kungofanana nezvakaita nhapwa dzechiJudha dzinotaurwa pana Ezekieri 6:9, vakayeuka Mwari wechokwadi. Vamwe vakaita ushingi hwekupikisa dzidziso dzenhema dzemachechi aizviti ndeechiKristu. Vainyombwa uye vaitambudzwa. Jehovha aizosiya vanhu vake zvachose vari murima rakadaro pakunamata here? Kwete! Sezvaakangoita kuvaIsraeri, Jehovha akaratidza hasha dzake zvaienderana nekutadza kwavo uye akazviita kwenguva yakareba zvakakodzera. (Jer. 46:28) Asi Jehovha haana kusiya vanhu vake vasina tariro. Ngatimbodzokerai kuvaJudha vaya vakatapwa kuBhabhironi tione kuti Jehovha akavapa sei tariro yekuti vaizosunungurwa.

Kwemazana emakore, vaKristu vechokwadi vakatambudzwa neBhabhironi Guru (Ona ndima 10, 11)

‘Kutsamwa Kwangu Kuchapera’

12, 13. Chii chaizoita kuti Jehovha apedzisire asisina kutsamwira vanhu vake vaiva muutapwa?

12 Jehovha akaratidza pachena kuti akanga atsamwira vanhu vake, asi akavavimbisawo kuti aisazoramba akavatsamwira. Semuenzaniso ona mashoko aya: “Kutsamwa kwangu [kuchapera], uye ndicharega kuvagumbukira, uye ndichagutsikana. Uye pandichange ndapedza kudurura kutsamwa kwangu pavari, vachaziva kuti ini, Jehovha, ndakataura, nekuti ndinoda kuzvipira kwakazara.” (Ezek. 5:13) Chii chaizoita kuti kutsamwa kwaJehovha kupedzisire kwapera?

13 Pakati pevaJudha vakanga vakatapwa paivawo nevamwe vakatendeka vakanga vaendeswa ikoko pamwe chete nehama dzavo dzakanga dzisina kutendeka. Uyewo, achishandisa Ezekieri, Mwari akanga agara ataura kuti vamwe vanhu vake vaizopfidza zvivi zvavo vari muutapwa. VaJudha ivavo vaizozvidemba nezvinhu zvinonyadzisa zvavakanga vaita vachipandukira Jehovha, voteterera kwaari kuti avaregerere uye avanzwire tsitsi. (Ezek. 6:8-10; 12:16) Ezekieri nemuprofita Dhanieri neshamwari dzake nhatu vaiva vamwe vevaya vakanga vakatendeka. Dhanieri aitovapo pakaendeswa vanhu kuutapwa uye utapwa hwacho hwakaguma achiri mupenyu. Munyengetero wake unobva pamwoyo wekuratidza kupfidza zvivi zvevaIsraeri wakanyorwa muchitsauko 9 chebhuku raDhanieri. Zviri pachena kuti zvaakataura ndizvo zvaiva pamwoyo pezviuru zvenhapwa zvaida chaizvo kuregererwa naJehovha uye kukomborerwa naye. Saka hapana mubvunzo kuti vimbiso dzaEzekieri dzekusunungurwa uye kudzorerwa kwevanhu vaMwari kunyika yavo dzaifadza chaizvo!

14. Nei Jehovha aizoita kuti vanhu vake vadzorerwe kunyika yavo?

14 Asi pane chimwe chinhu chinokosha kupfuura izvozvo chakaita kuti Jehovha asunungure uye adzorere vanhu vake kunyika yavo. Chikonzero chake chikuru chaisava chekuti vainge vakakodzera, asi kuti yaiva nguva yake yekuti atsvenese zvakare zita rake marudzi ese achizviona. (Ezek. 36:22) VaBhabhironi ivavo vaizonyatsozvionera kuti vanamwari vavo venhema vakadai saMerodhaki, vaisakwanisa kumisidzana naChangamire Ishe Jehovha! Ngatikurukurei zvinhu zvishanu zvakavimbiswa naJehovha zvaakafemera Ezekieri kuti audze vamwe vake vakanga vakatapwa. Tichatanga nekuona kuti vimbiso imwe neimwe yaizobatsira sei vanhu ivavo vakatendeka, tozoona kuzadziswa kukuru kwakazoitwa vimbiso idzodzo.

15. Chii chaizochinja pamanamatiro evaJudha vaizodzoka kubva kuutapwa?

15 VIMBISO 1. Kuguma kwekunamata zvidhori pamwe chete nedzimwe tsika dzinosemesa dzakabatana nekunamata kwenhema. (Verenga Ezekieri 11:18; 12:24.) Sezvatakadzidza muChitsauko 5 chebhuku rino, Jerusarema netemberi yaro zvainge zvasvibiswa netsika dzekunamata kwenhema, dzakadai sekunamata zvidhori. Saka vanhu vainge vaipa, vava kure naJehovha. Achishandisa Ezekieri, Jehovha akavimbisa nhapwa kuti dzaizotangazve kunamata kwakachena. Mamwe makomborero ese avaizowana vadzokera kunyika yavo aizobva pakudzorerwa kweurongwa hwaMwari hwekunamata kwakachena.

16. Jehovha akavimbisei nezvenyika yevanhu vake?

16 VIMBISO 2. Kudzokera kumusha kwavo. Jehovha akaudza nhapwa kuti: “Ndichakupai nyika yeIsraeri.” (Ezek. 11:17) Iyi yaiva vimbiso inoshamisa, nekuti vaBhabhironi, avo vaishora vanhu vaMwari vavainge vakatapa, vaisambovapa tariro yekuti vaizofa vakadzokera kumusha kwavo kwavaida zvikuru. (Isa. 14:4, 17) Uyewo vaIsraeri pavaizodzokera kumusha kwavo, voramba vakatendeka, nyika yaizovapa zvekudya zvakawanda nebasa rinogutsa. Kunyadzisa kwavakanga vava kuita nekuda kwekushaiwa zvekudya kwaizopera.—Verenga Ezekieri 36:30.

17. Chii chaizoitika panyaya yekupa zvibayiro kuna Jehovha?

17 VIMBISO 3. Kutangazve kupa zvibayiro paatari yaJehovha. Sezvatakaona muChitsauko 2 chebhuku rino, muMutemo waMozisi, kupa zvibayiro kwaikosha chaizvo pakunamata kwakachena. VaIsraeri pavaizodzokera kumusha kwavo, voramba vachiteerera uye vasinganamati vamwe vanamwari, Jehovha aizogamuchira zvibayiro zvavo. Saka vanhu vaizoregererwa zvivi zvavo voramba vari pedyo naMwari wavo. Jehovha akavimbisa kuti: “Ndichashumirwa nevanhu veimba yese yaIsraeri, vese zvavo vari munyika yacho. Ndichakufarirai uye ndichada kuti mundipe zvipo zvenyu imomo nemipiro yenyu yakanakisisa, zvinhu zvenyu zvese zvitsvene.” (Ezek. 20:40) Zvechokwadi kunamata kwakachena kwaizodzorerwa, kwounza makomborero kuvanhu vaMwari.

18. Jehovha aizofudza sei vanhu vake?

18 VIMBISO 4. Kubviswa kwevafudzi vakaipa. Chikonzero chikuru chakaita kuti vanhu vaMwari vasvike pakuita zvinhu zvakaipa zvakadaro, kutungamirirwa kwavaiitwa nevarume vakaipa. Jehovha akavimbisa kuti aisazosiya zvakadaro. Achitaura nezvevafudzi ivavo vakaipa, akati: “Ndichaita kuti varege kufudza makwai angu . . . Ndichanunura makwai angu pamiromo yavo.” Asiwo akavimbisa vanhu vake vakatendeka kuti: “Ndichachengeta makwai angu.” (Ezek. 34:10, 12) Aizozviita sei? Aizoita kuti varume vakatendeka uye vakavimbika vave vafudzi.

19. Jehovha akavimbisei nezvekubatana?

19 VIMBISO 5. Kubatana kwevanamati vaJehovha. Chimbofungidzira kushungurudza kwazvaiita vanamati vakatendeka pavaiona kusabatana kwakanga kwakaita vanhu vaMwari panguva yavainge vasati vatapwa. Vachitungamirirwa nevaprofita venhema nevafudzi vakaipa, vanhu vakapandukira vaprofita vakatendeka vaimiririra Jehovha. Vanhu vakasvika pakuita mapoka aipikisana. Saka chimwe chezvinhu zvinofadza pakudzorerwa kwevanhu vaMwari ivimbiso yakafemerwa Ezekieri yaiti: “Ndichavapa mwoyo mumwe chete, uye ndichaisa mweya mutsva mavari.” (Ezek. 11:19) VaJudha pavaizoramba vakabatana pachavo uye naJehovha Mwari, hapana muvengi aizovakunda. Serudzi, vaikwanisa kuzoita kuti Jehovha akudzwe pane kumuzvidzisa.

20, 21. Vimbiso dzaMwari dzakazadziswa sei kuvanhu vake vainge vabva kuutapwa?

20 VaJudha vakadzoka vachibva kuutapwa vakaona vimbiso idzodzo shanu dzichizadziswa here? Tinofanira kuyeuka mashoko akambotaurwa naJoshua, murume akatendeka, ekuti: “Pane zvese zvamakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu hapana kana shoko rimwe chete rakakundikana. Zvese zvakaitika muchizviona. Hapana kana shoko rimwe chete pavimbiso idzodzo rakakundikana.” (Josh. 23:14) Zvakangoitika mumazuva aJoshua ndizvo zvakaitikawo kuvaIsraeri pavakadzoka kumusha kwavo.

21 VaJudha vakasiya kunamata zvidhori nedzimwe tsika dzinosemesa dzekunamata kwenhema izvo zvainge zvavaparadzanisa naJehovha. Kunyange zvazvo zvaiita sezvisingaiti, vakatangazve kugara munyika yavo, vachiirima uye vachirarama upenyu hune chiyamuro. Chimwe chezvinhu zvekutanga zvavakaita kwaiva kuvakazve atari yaJehovha muJerusarema uye kupira zvibayiro zvaigamuchirwa naJehovha ipapo. (Ezra 3:2-6) Jehovha akavakomborera nekuvapa vafudzi vakatendeka vakadai saEzra, mupristi uyo aivawo munyori, gavhuna Nehemiya naZerubhabheri, Mupristi Mukuru Joshua, uye vaprofita vakashinga vakadai saHagai, Zekariya, naMaraki. Vanhu vaizoramba vakabatana kupfuura zvavainge vati vamboita, chero bedzi vairamba vachiteerera Jehovha, vachibvuma kutungamirirwa naye.—Isa. 61:1-4; verenga Jeremiya 3:15.

22. Tinoziva sei kuti kuzadziswa kweuprofita hwekudzorerwa kwevanhu vaMwari kwaingoratidza kuzadziswa kukuru kwaizoitwa vimbiso idzi?

22 Hapana mubvunzo kuti kuzadziswa kwakaitwa vimbiso idzi kwaikurudzira zvikuru! Asi kuzadziswa uku kwaingoratidza kuzadziswa kukuru kwaizoitwa vimbiso idzi. Tinozviziva sei? Jehovha aizongoramba achipa vanhu vake makomborero aakanga avavimbisa kana vakaramba vachimuteerera. Nekufamba kwenguva vaJudha vakatangazve kusateerera uye kupandukira Jehovha. Asi sezvakataurwa naJoshua, zvinotaurwa naJehovha hazvikundikani. Saka vimbiso idzi dzaizozadziswa pamwero mukuru, uye zvisingazodzokeri kumashure. Regai tione kuti izvi zvakaitika sei.

“Ndichakufarirai”

23, 24. ‘Nguva yekudzorerwa kwezvinhu zvese’ yakatanga riini uye zvakaitika sei?

23 Sevadzidzi veBhaibheri, tinoziva kuti mazuva ekupedzisira enyika ino yakaipa akatanga muna 1914. Asi kuvashumiri vaJehovha, iyi haisi nguva yekusuruvara. Bhaibheri rinotoratidza kuti 1914 raizova gore rekutanga kwenguva inofadza, ‘nguva yekudzorerwa kwezvinhu zvese.’ (Mab. 3:21) Tinozviziva sei? Chii chakaitika kudenga muna 1914? Jesu Kristu akagadzwa saMambo Mesiya! Nei tichiti chiitiko ichi kwaiva kutanga kwekudzorerwa kwezvinhu zvese? Yeuka kuti Jehovha akavimbisa Mambo Dhavhidhi kuti umambo hwaizoramba huri mudzinza rake nekusingaperi. (1 Mak. 17:11-14) Umambo ihwohwo hwakambomiswa mugore ra607 B.C.E. pakaparadzwa Jerusarema nevaBhabhironi vakagumisa kutonga kwemadzimambo edzinza raDhavhidhi.

24 “Mwanakomana wemunhu,” Jesu, aiva wedzinza raDhavhidhi saka aiva nekodzero yepamutemo yekugara pachigaro cheumambo chaDhavhidhi. (Mat. 1:1; 16:13-16; Ruka 1:32, 33) Muna 1914, pakapiwa Jesu chigaro chekudenga naJehovha, ‘nguva yekudzorerwa kwezvinhu zvese’ yakatanga! Saka iye zvino yakanga yava nguva yekuti Jehovha ashandise Mambo iyeye asina chivi kuti aenderere mberi nebasa rekudzorera zvinhu zvese pazvaiva.

25, 26. (a) Utapwa hwevanhu vaMwari muBhabhironi Guru hwakapera riini, uye tinozviziva sei? (Onawo bhokisi rakanzi “Nei Tichiti Zvakaitika Muna 1919?”) (b) Uprofita hupi hwakatanga kuzadziswa kubvira muna 1919 zvichienda mberi?

25 Chimwe chezvinhu zvakatanga kuitwa naKristu agadzwa saMambo kwaiva kushanda naBaba vake pakuongorora urongwa hwekunamata kwakachena panyika. (Mar. 3:1-5) Sezvakanga zvataurwa naJesu mumufananidzo wake wegorosi nemasora, kwenguva yakareba zvakanga zvakaoma kusiyanisa gorosi nemasora, kureva vaKristu vakazodzwa zvechokwadi nevanyengeri. * Asi iye zvino pakasvika mwaka wekukohwa mugore ra1914, musiyano wacho wainge wava pachena. Kwemakumi emakore 1914 asati asvika, Vadzidzi veBhaibheri vakatendeka vaifumura dzidziso dzemachechi aizviti ndeechiKristu uye vakanga vava kutanga kuzviparadzanisa nemasangano iwayo akashata. Yakanga yava nguva yekuti Jehovha adzorere kunamata kwakachena zvakazara. Saka kutanga kwegore ra1919, makore mashomanana “mwaka wekukohwa” watanga, vanhu vaMwari vakasunungurwa kubva muutapwa hweBhabhironi Guru. (Mat. 13:30) Ndopakaperera utapwa!

26 Uprofita hwaEzekieri hwekudzorerwa kwekunamata kwakachena hwakatanga kuzadziswa pamwero mukuru, kupfuura kuzadziswa kwahwainge hwamboitwa kare. Iye zvino ngationei kuzadziswa kukuru kwakaitwa vimbiso shanu dzatambokurukura.

27. Mwari akachenesa sei vanhu vake panyaya yekunamata zvidhori?

27 VIMBISO 1. Kuguma kwekunamata zvidhori pamwe chete nedzimwe tsika dzinosemesa dzakabatana nekunamata kwenhema. Pakapera makore ekuma1800 uye pakatanga makore ekuma1900, vaKristu vakatendeka vaiungana pamwe chete uye vakatanga kusiya tsika dzechitendero chenhema. Dzidziso yeUtatu, yekuti mweya wemunhu haufi uye yekuti vanhu vakaipa vanonopiswa dzakasiyiwa dzaonekwa kuti ndedzemuchitendero chenhema, kwete muBhaibheri. Kushandisa zvifananidzo pakunamata kwakaonekwa kuti kunamata zvidhori. Nekufamba kwenguva vanhu vaMwari vakasvika pakuona kuti kushandisa muchinjikwa kunotova kunamata zvidhori.—Ezek. 14:6.

28. Nei zvinganzi Jehovha akadzorera vanhu vake kunyika yavo?

28 VIMBISO 2. Kudzorerwa kwevanhu vaMwari kunyika yavo yekufananidzira. Pavaibuda muBhabhironi Guru, vaKristu vakatendeka vaiita sekunge vatopinda munyika yavo pachavo, mavaikomborerwa naMwari, vasingambofi nenzara yekuziva Mwari. (Verenga Ezekieri 34:13, 14.) Sezvatichazoona muChitsauko 19 chebhuku rino, Jehovha akakomborera nyika iyi yekufananidzira nezvekudya zvekunamata zvakawanda kupfuura zvaati amboita.—Ezek. 11:17.

29. Basa rekuparidza rakawedzera sei kubvira muna 1919?

29 VIMBISO 3. Kutangazve kupa zvibayiro paatari yaJehovha. Pakatanga chiKristu, vaKristu vakadzidziswa kupa Mwari zvipo zvaitokosha kupfuura zvibayiro zvemhuka, mashoko ekurumbidza Jehovha uye kuparidzira vamwe nezvake. (VaH. 13:15) Kwemazana emakore vaKristu vari muutapwa, pakanga pasina urongwa hwekupa zvibayiro zvakadaro. Asi pavakanga vava pedyo nekubuda muutapwa, vanhu vaMwari vakanga vava kutopa zvibayiro zvakadaro zvekurumbidza. Vakanga vari mushishi kuita basa rekuparidza uye vaifara vachirumbidza Mwari pamisangano yavo. Kubvira muna 1919, “muranda akatendeka, akangwara” akatanga kusimbisa nyaya yekuti vanhu vaite basa rekuparidza uye akaita kuti riitwe zvakanyatsorongeka. (Mat. 24:45-47) Saka zvaiita sekuti atari yaJehovha yakanga yazara nezvibayiro zvaipiwa neuto rakanga richikura revanhu vairumbidza zita rake dzvene!

30. Zvii zvakaitwa naJesu kuti vanhu vake vave nevafudzi vakanaka?

30 VIMBISO 4. Kubviswa kwevafudzi vakaipa. Kristu akasunungura vanhu vaMwari pavafudzi venhema, vakaipa, vemachechi aizviti ndeechiKristu, avo vaingodya vega vachinyima makwai. Muungano yaKristu, vafudzi vaiita saizvozvo vakatorerwa basa ravo. (Ezek. 20:38) Jesu, Mufudzi Akanaka, akava nechokwadi chekuti makwai ake ari kuchengetwa zvakanaka. Muna 1919 akagadza muranda akatendeka, akangwara. Boka iroro diki revaKristu vakazodzwa raitungamirira pakupa zvekudya zvekunamata, saka vanhu vaMwari havana kumbofa nenzara. Nekufamba kwenguva, vakuru vakadzidziswa kubatsira pakuchengeta “boka raMwari.” (1 Pet. 5:1, 2) Mashoko akafemerwa ari pana Ezekieri 34:15, 16 anowanzoshandiswa pakuyeuchidza vafudzi vechiKristu zvavanotarisirwa naJehovha Mwari naJesu Kristu kuti vaite.

31. Jehovha akazadzisa sei uprofita huri pana Ezekieri 11:19?

31 VIMBISO 5. Kubatana kwevanamati vaJehovha. Kwemazana emakore, machechi anozviti ndeechiKristu anga achipatsanurana kusvikira pakuva zviuru nezviuru zvemachechi, kusanganisira mapoka madiki asingaverengeki asingambofi akawirirana. Kusiyana neizvi, Jehovha akaitira vanhu vake chimwe chinhu chinoshamisa. Vimbiso yaakapa achishandisa Ezekieri yekuti, “ndichavapa mwoyo mumwe chete,” yakazadziswa zvinoshamisa. (Ezek. 11:19) Pasi rese, Kristu ane mamiriyoni evanhu vanomutevera vanobva kumarudzi akasiyana-siyana uye vane mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Asi vese vanodzidziswa dzidziso dzakafanana, uye vanoita basa rimwe chete vachipindirana zvinoshamisa. Pausiku hwake hwekupedzisira pano panyika, Jesu akanyengeterera vateveri vake nemwoyo wese kuti varambe vakabatana. (Verenga Johani 17:11, 20-23.) Mazuva ano, Jehovha ari kupindura munyengetero iwoyo pamwero mukuru.

32. Unonzwa sei nezvekuzadziswa kweuprofita hwekudzorerwa kwekunamata kwakachena? (Ona bhokisi rakanzi “Uprofita Hwekutapwa Nekudzorerwa Kwevanhu vaMwari.”)

32 Haunzwewo kufara here kurarama panguva ino iri kudzorerwa zvinhu pazvaiva pakutanga? Tinoona kuzadziswa kweuprofita hwaEzekieri pazvese zvatinoita pakunamata mazuva ano. Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha paanotarisa vanhu vake anofara navo, sezvaakagara ataura achishandisa Ezekieri kuti: ‘Ndichakufarirai.’ (Ezek. 20:41) Unoziva here kuti une chikomborero chakakura chekuva pakati pevanhu vaMwari vakabatana vari pasi rese, vanopiwa zvekudya zvakawanda uye vari kurumbidza Jehovha, vanhu vakasunungurwa pashure pekunge vaita mazana emakore vari muutapwa hwekunamata? Asi pane humwe uprofita hwaEzekieri hwekudzorerwa kwezvinhu zvese huchazadziswa pamwero mukuru munguva iri kuuya.

“Semunda weEdheni”

33-35. (a) VaJudha vaiva muutapwa vainzwisisa sei uprofita huri pana Ezekieri 36:35? (b) Tinonzwisisa sei uprofita ihwohwo mazuva ano? (Ona bhokisi rakanzi “Nguva Yekudzorerwa Kwezvinhu Zvese.”)

33 Sezvataona, ‘nguva yekudzorerwa kwezvinhu zvese’ yakatanga nekudzorerwa kweumambo hwedzinza raDhavhidhi, pakagadzwa Jesu pachigaro cheumambo hwacho muna 1914. (Ezek. 37:24) Jehovha akabva apa Kristu simba rekudzorera kunamata kwakachena pakati pevanhu vake pashure pemazana emakore vari muutapwa muBhabhironi Guru. Asi basa raKristu rekudzorera kunamata kwakachena rinoperera ipapo here? Kwete! Basa iri richaramba richienderera mberi zvinoshamisa mune ramangwana uye uprofita hwaEzekieri hune mashoko anofadza anoratidza kuti izvi zvichaitika sei.

34 Semuenzaniso, funga nezvemashoko aya akafemerwa ekuti: “Vanhu vachati: ‘Nyika iya yaiva dongo yaita semunda weEdheni.’” (Ezek. 36:35) Ezekieri nevamwe vake vaiva muutapwa vainzwisisa sei mashoko aya? Zviri pachena kuti vakanga vasingatarisire kuti vimbiso iyi izadziswe zvakazara zvekuti nyika yavo yaizonyatsofanana nemunda weEdheni kana kuti Paradhiso, iya yakadyarwa naJehovha pachake! (Gen. 2:8) Asi vanofanira kunge vakanzwisisa kuti Jehovha aivavimbisa kuti nyika yavo yaizova yakanaka ichibereka zvekudya zvakawanda.

35 Ko isu tinonzwisisa sei vimbiso iyi mazuva ano? Hatitarisiri kuti paradhiso chaiyo iveko iye zvino, munyika yakaipa iri kutongwa naSatani Dhiyabhorosi. Asi tinonzwisisa kuti mashoko aya ari kuzadziswa panyaya dzekunamata mazuva ano. Sevashumiri vaJehovha, tinoita setakadzorerwa munyika yedu matinoshumira Jehovha tichikoshesa kuita basa rake dzvene kupfuura zvimwe zvese. Paradhiso iyi yemweya iri kuramba ichikura. Ko mune ramangwana?

36, 37. Ivimbiso dzipi dzichazadziswa muParadhiso yatakamirira?

36 Pashure pehondo huru yeAmagedhoni, Jesu achaitawo kuti nyika idzorerwe pakuva sezvayaiva pakutanga. Paachatonga kwemakore 1 000, achaita kuti vanhu vaite kuti nyika ino yese iite semunda weEdheni, kana kuti paradhiso, sezvagara zvichidiwa naJehovha! (Ruka 23:43) Panguva iyoyo vanhu vese vachange vabatana, vachiita kuti nyika irambe yakanaka. Kuchange kusisina chinhu chinokuvadza kana kutyisa. Fungidzira kuti zvinhu zvichange zvakaita sei pachazadziswa vimbiso iyi: “Ndichaita sungano yerugare navo, uye ndichabvisa zvikara zvinotyisa munyika yacho, kuti vagare murenje vasina chekutya uye varare mumasango.”—Ezek. 34:25.

37 Chimbozvifunga. Uchange wava kukwanisa kuenda chero kwawada pasi pano, usingatombotyi. Hapana kana mhuka ichakukuvadza. Hapana chingaitika chingakutorera rugare rwako. Uchange wava kukwanisa kufamba uri wega musango dema dema, uchinakidzwa nezvinhu zvakanaka zvirimo, kana kutoraramo usingatyi kuti pane chingakuwana!

Fungidzira nguva yekuti hauzotyi kunyange ‘kurara mumasango’ (Ona ndima 36, 37)

38. Unonzwa sei nezvetariro yekuona vimbiso iri pana Ezekieri 28:26 ichizadziswa?

38 Tichaonawo vimbiso iyi ichizadziswa: “Vachagara [munyika] vasina chekutya, vovaka dzimba nekudyara minda yemizambiringa. Vachagara vasina chekutya pandichaita zvandakatongera vaya vese vakavapoteredza vari kuvazvidza; uye vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.” (Ezek. 28:26) Pashure pekunge vavengi vese vaJehovha vabviswa, tichava nerugare panyika yese uye tichange tisisina chekutya. Patichange tichishanda kuti nyika irambe yakanaka, tichange tichichengetawo mhuri dzedu, tichivaka dzimba dzakanaka uye kudyara minda yemizambiringa.

39. Chii chinoita kuti uve nechokwadi chekuti uprofita hwaEzekieri hune chekuita neParadhiso huchazadziswa?

39 Unoona vimbiso idzi sezvinhu zvisingambofi zvakaitika here? Kana zviri izvo, yeuka zvawatoona zvichiitika munguva ino ‘yekudzorerwa kwezvinhu zvese.’ Pasinei nekupikiswa zvinotyisa naSatani, Jesu akapiwa simba rekudzorera kunamata kwakachena panguva yakanga yakazara kunamata kwenhema. Hakuna uchapupu hwakasimba hunopfuura ihwohwo hunoratidza kuti zvese zvakavimbiswa naMwari achishandisa Ezekieri zvichazadziswa!

^ ndima 2 Nhapwa dzakawanda dzechiJudha dzaigara mumisha yaiva pedyo neguta reBhabhironi. Semuenzaniso Ezekieri aigara pakati pevaJudha pedyo nerwizi rwaKebhari. (Ezek. 3:15) Asi paivawo nedzimwe nhapwa shomanana dzaigara muguta racho chaimo. Vaisanganisira “veimba yeumambo uye vemhuri dzinoremekedzwa.”—Dhan. 1:3, 6; 2 Madz. 24:15.

^ ndima 25 Semuenzaniso, hatizivi kuti pakati pevanhu vaipikisa chechi yeRoma uye vakabuda mairi mumakore ekuma1500, ndevapi vangangodaro vaiva vaKristu vakazodzwa.