Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 13

‘Tsanangura Zvakaita Temberi’

‘Tsanangura Zvakaita Temberi’

EZEKIERI 43:10

ZVATICHADZIDZA: Zvinorehwa nechiratidzo chetemberi inoshamisa yakaonekwa naEzekieri

1-3. (a) Nei zvinganzi Ezekieri anofanira kunge akanyaradzwa nechiratidzo chetemberi yainge yakakura chaizvo? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.) (b) Tichadzidzei muchitsauko chino?

FUNGIDZIRA Ezekieri achitarisa shure makore 25 aanga ari muutapwa. Iye zvino ava nemakore 50. Temberi yaiva kuJerusarema yatova nemakore iri dongo. Kana Ezekieri aiva netarisiro yekuti achakwanisa kuzoshumira patemberi iyoyo semupristi, ava kutoona kuti hazvifi zvakaitika. Pachiine makore 56 kuti utapwa hupere, saka Ezekieri anofanira kunge ari kutoona kuti haasi kuzorarama zvekuzoona vanhu vaJehovha vachidzokera kunyika yavo, ndoda kutozoona temberi ichivakwazve. (Jer. 25:11) Pfungwa idzi dzinoita kuti asuwe here?

2 Chokwadi Jehovha ane tsitsi zvikuru pakuti anosarudza nguva iyi kuti aratidze Ezekieri chiratidzo chine zvinhu zvakawanda, chiratidzo chichamunyaradza nekumupa tariro. Muchiratidzo ichi, Mwari anodzosa muprofita uyu kunyika yake, omuendesa pagomo refu refu. Ari pamusoro pegomo racho, anosangana ‘nemurume anopenya semhangura.’ Ngirozi iyi inomutungamirira ichitenderera naye ichimuratidza temberi yakakura zvekukura zviya. (Verenga Ezekieri 40:1-4.) Anoona sezviri kunyatsoitika! Chiratidzo ichi chinofanira kunge chakasimbisa kutenda kwaEzekieri, uye pamwe chakatombomupedza mate mukanwa. Kunyange zvazvo temberi yaari kuona iine zvakawanda zvaanoziva, yakasiyana nekure netemberi yaaiziva yekuJerusarema.

3 Chiratidzo ichi chinokanga mate mukanwa ndicho chinotsanangurwa muzvitsauko 9 zvekupedzisira zvebhuku raEzekieri. Iye zvino ngatikurukurei kuti tinofanira kunzwisisa sei chiratidzo ichi patinenge tichichidzidza. Uye tichazoonawo kuti temberi yakaonekwa naEzekieri ndiyo temberi huru yemweya here yakatsanangurwa nemuapostora Pauro mazana emakore akazotevera. Tichazopedzisa nekuona kuti chiratidzo ichi chairevei kuna Ezekieri nedzimwe nhapwa.

Nei Taifanira Kuchinja Manzwisisiro Edu?

4. Kare tainzwisisa sei chiratidzo chetemberi, asi mazuva ano takaona kuti tinofanira kuita sei kuti tichinzwisise?

4 Kare mabhuku edu aiti Ezekieri akaona temberi huru yaJehovha yemweya, yakafemerwa muapostora Pauro kuti anyore nezvayo mutsamba yake kuvaHebheru. * Saka zvaiita sezvine musoro kuti titaure kuti zvinhu zvakawanda zvepatemberi yemuchiratidzo chaEzekieri zvaiva nezvazvaimiririra, tichitanga kuzvitorera pakutsanangura kwakaita Pauro tebhenekeri. Asi pashure pekunyatsodzidza tichifungisisa takaona kuti tinofanira kuva netsanangudzo iri nyore yechiratidzo chetemberi yakaonekwa naEzekieri.

5, 6. (a) Muapostora Pauro akaratidza sei kuzvininipisa paaitaura nezvetebhenekeri? (b) Pauro akatii nezvezvimwe zvinhu zvepatebhenekeri, uye tingashandisa sei zvaakataura patinenge tichiedza kunzwisisa temberi yemuchiratidzo chaEzekieri?

5 Zvinoita sezvine musoro kuti tirege kufunga kuti chinhu chimwe nechimwe chepatemberi yakaratidzwa Ezekieri chine zvachinomiririra. Nei tichidaro? Chimbofunga nezvemuenzaniso uyu unovhura maziso. Pauro paaitsanangura nezvetebhenekeri uye temberi yemweya, akataura zvinhu zvaiva patebhenekeri zvakadai semudziyo wegoridhe wekupisira zvinonhuhwirira, chekukwidibirisa areka, uye chirongo chegoridhe chaiva nemana. Akataura kuti zvinhu izvi zvaiva nezvazvaimiririra here? Zviri pachena kuti mweya mutsvene hauna kumuita kuti ataure izvozvo. Pane kudaro, Pauro akanyora kuti: “Iye zvino haisi nguva yekudonongodza zvese izvi.” (VaH. 9:4, 5) Pauro aida kutungamirirwa nemweya mutsvene uye kumirira Jehovha achizvininipisa.—VaH. 9:8.

6 Aya ndiwo maonero atinogonawo kuita chiratidzo chetemberi chakaonekwa naEzekieri. Naichowo chine zvinhu zvakawanda. Uye kana paine pamwe pachiri kufanira kujekeswa, zvakanaka kumirira Jehovha. (Verenga Mika 7:7.) Asi tingabva here tati mweya waJehovha hauna zvawakawedzera kutijekesera pachiratidzo ichi? Tine zvakatowanda zvatakajekeserwa!

Ezekieri Akaona Temberi Huru Yemweya Here?

7, 8. (a) Chii chakachinja pamanzwisisiro ataiita? (b) Temberi yemuchiratidzo chaEzekieri yakasiyana papi netemberi yemweya yakatsanangurwa naPauro?

7 Sezvatambotaura, kwemakore akawanda mabhuku edu aitsanangura kuti Ezekieri akaona temberi huru yaJehovha yemweya yakafemerwa Pauro kutsanangura nezvayo mutsamba yaakanyorera vaHebheru. Asi kuwedzera kwatakaita kudzidza nezvenyaya iyi kwakaita kuti tinzwisise kuti Ezekieri haana kuona temberi huru yemweya. Nei tichidaro?

8 Chekutanga, temberi yakaratidzwa Ezekieri haienderani netsanangudzo yakanyorwa naPauro afemerwa naMwari. Chimbofunga izvi: Muapostora Pauro akataura zvakajeka kuti tebhenekeri yemumazuva aMozisi yaiva mumvuri uye yaimiririra zvimwe zvinhu zvikuru. Tebhenekeri yaiva neyainzi “Nzvimbo Tsvenetsvene,” kungofanana netemberi yaSoromoni neyaZerubhabheri, idzo dzainge dzakavakwa zvakati fananei nayo. Pauro akati iyi yaiva “nzvimbo tsvene yakagadzirwa nemaoko,” achitsanangura kuti yaiva mufananidzo ‘wechinhu chaicho,’ kwete chinhu chacho. Chinhu chacho chaicho chaiva chipi? Pauro akatsanangura kuti: “Kudenga chaiko.” (VaH. 9:3, 24) Ezekieri akaona kudenga here? Aiwa. Hapana chiri muchiratidzo chaEzekieri chinoratidza kuti akaona zvinhu zvekudenga.—Enzanisa naDhanieri 7:9, 10, 13, 14.

9, 10. Panyaya yezvibayiro, temberi yemuchiratidzo chaEzekieri yakasiyana papi netemberi huru yemweya yakatsanangurwa naPauro?

9 Mumwe musiyano wakanyatsojeka uripo pakati pechiratidzo chaEzekieri netsanangudzo yaPauro une chekuita nezvibayiro. Ezekieri akanzwa vanhu, machinda, nevapristi vachipiwa mirayiridzo yakawanda yekutevedzera panyaya yekupa zvibayiro. Vaifanira kupa zvibayiro kuti vakanganwirwe zvivi zvavo. Vaifanirawo kupa zvibayiro zverugare, izvo zvavaigona kudyawo nevapristi mudzimba dzekudyira dzepatemberi. (Ezek. 43:18, 19; 44:11, 15, 27; 45:15-20, 22-25) Asi zvibayiro zvakadaro zvaifanira kugara zvichipiwa zvinopiwawo mutemberi huru yemweya here?

Temberi yakaonekwa naEzekieri muchiratidzo haisi temberi huru yemweya

10 Mhinduro yacho iri pachena uye iri nyore. Pauro akatsanangura kuti: “Kristu paakauya semupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvakatoitika, akapfuura nemutende guru uye rakanyatsokwana risina kugadzirwa nemaoko, kureva kuti, risina kuita sezvinhu zvakasikwa zvepasi pano. Haana kupinda munzvimbo tsvene neropa rembudzi neremikono midiki yemombe, asi neropa rake pachake, kamwe chete zvikabva zvakwana, akaita kuti tiwane kununurwa kusingaperi.” (VaH. 9:11, 12) Saka mutemberi huru yemweya, munongova nechibayiro chimwe chete chakapiwa, zvikabva zvakwana. Chibayiro ichi rudzikinuro, uye chakapiwa neMupristi Mukuru anopfuura vese, Jesu Kristu pachake. Zviri pachena kuti temberi yakaonekwa naEzekieri, nezvibayiro zvakawanda zvembudzi nemombe zvinopiwa ipapo, haisi temberi huru yemweya.

11. Mumazuva aEzekieri, nei nguva yaMwari yekubudisa chokwadi nezvetemberi huru yemweya yakanga isati yasvika?

11 Izvi zvinotisvitsa pachikonzero chechipiri chinoita kuti titi Ezekieri anofanira kunge asina kuona temberi huru yemweya: Nguva yaMwari yekubudisa chokwadi ichi yakanga isati yasvika. Yeuka kuti chiratidzo chaEzekieri chakatanga kupiwa chakanangana nevaJudha vaiva muutapwa muBhabhironi. Vaiva pasi peMutemo waMozisi. Paingopera utapwa, vaifanira kuzodzokera kuJerusarema vonovakazve temberi neatari yayo, votanga kushandisa Mutemo iwoyo pakunamata kwakachena. Zvadaro vaizoenderera mberi nekupa zvibayiro ipapo, uye ndizvo zvakazoitika kwemakore angada kusvika 600. Imbofungidzira kuti vaJudha vangadai vakanzwa sei kudai chiratidzo chaEzekieri chaiva chetemberi yemweya, temberi yaiva nemupristi mukuru akapa upenyu hwake sechibayiro, zvikabva zvagumisa kupiwa kwezvimwe zvibayiro zvese! Vaizonzwisisa sei chiratidzo chakadaro? Zvaisazoita here kuti vasateerera Mutemo waMozisi zvakanyatsokwana? Sezvaagara achiita, Jehovha anoita kuti vanhu vanzwisise chokwadi panguva yakakodzera uye pavanenge vagadzirira kuchigamuchira.

12-14. Temberi yemuchiratidzo chaEzekieri netsanangudzo yaPauro yetemberi yemweya zvinofambirana sei? (Ona bhokisi rakanzi “Temberi Dzakasiyana, Zvidzidzo Zvakasiyana.”)

12 Saka temberi yemuchiratidzo chaEzekieri netsanangudzo yaPauro yetemberi yemweya zvinobatana papi? Yeuka kuti Pauro haana kutorera tsanangudzo yake kubva pachiratidzo chaEzekieri chetemberi; asi patebhenekeri yemumazuva aMozisi. Ichokwadi hacho kuti Pauro akataura zvinhu zvaiva mutemberi yaSoromoni uye yaZerubhabheri, zvaiwanikawo mutemberi yakaratidzwa Ezekieri. Asi Ezekieri naPauro pavakanyora nezvetemberi, vaitaura zvinhu zvakasiyana. * Kunyange zvazvo vakanyora zvinhu zvisina kufanana, zvinofambirana. Nei tichidaro?

13 Tinogona kufunga nezvekufambirana kunoita nhoroondo idzi mbiri dzeBhaibheri nenzira iyi: Kubva kuna Pauro, tinodzidza nezveurongwa hwaJehovha hwekunamata, asi kubva kuna Ezekieri tinodzidza zvinotarisirwa naJehovha pakunamata kwatinoita. Kuti atidzidzise nezveurongwa hwaJehovha hwekunamata kwakachena, Pauro anotaura zvinomiririrwa nezvinhu zvepatemberi yemweya zvakadai sezvibayiro, mupristi mukuru, atari, neNzvimbo Tsvenetsvene. Asi kuti tinyatsonzwisisa zvinotarisirwa naJehovha pakunamata kwakachena, chiratidzo chaEzekieri chinotipa tsanangudzo yakadzama yezvinotarisirwa naJehovha.

14 Saka tingati kudii nekunzwisisa kwatava kuita iye zvino? Hazvirevi hazvo kuti chiratidzo chaEzekieri hachichakoshi kwatiri mazuva ano. Kuti tione kuti chiratidzo ichi chinotibatsira sei, ngatimboongorora kuti chinofanira kunge chakabatsira sei vaJudha vakatendeka mumazuva aEzekieri nemakore akazotevera.

Chiratidzo Ichi Chairevei Kunhapwa dzechiJudha?

15. (a) Muchidimbu, Jehovha aida kuudza nhapwa chii nechiratidzo chaEzekieri? (b) Musiyano upi watinowana patinoenzanisa chitsauko 8 chaEzekieri nezvitsauko 40 kusvika ku48 zvaEzekieri?

15 Kuti tiwane mhinduro yeBhaibheri yemubvunzo uyu, ngatimbokurukura mibvunzo ichatibatsira kuti tinyatsonzwisisa nyaya yacho yese. Wekutanga, tingati Jehovha aida kuudza nhapwa idzi chii nechiratidzo ichi? Muchidimbu, tingangoti aida kuti dzizive kuti kunamata kwakachena kwaizodzorerwa! Ezekieri ainyatsonzwisisa izvi. Ainge atonyora kare mashoko atinowana muchitsauko 8 chaEzekieri, paakaratidzwa naJehovha zvinhu zvese zvinosemesa zvaiitwa patemberi yemuJerusarema. Uye Ezekieri anofanira kunge akafara kunyora nezvekuchinja kunoshamisa kwaizoita zvinhu patemberi, sezvatinowana muzvitsauko 40 kusvika ku48. Muzvitsauko izvi hationi kunamata kwakasvibiswa, asi kunamata kwakachena sezvakwaifanira kunge kwakaita maererano neMutemo waMozisi.

16. Chiratidzo chaEzekieri chetemberi chinopindirana sei nezvainge zvataurwa naIsaya pachiine makore zana?

16 Kuti Jehovha atangezve kunamatwa sezvaaimboitwa, kunamata kwacho kwaifanira kutanga kwakwidziridzwa. Makore anopfuura zana izvi zvisati zvaitika, muprofita Isaya akafemerwa kunyora kuti: “Mumazuva ekupedzisira, gomo reimba yaJehovha richanyatsosimbiswa pamusoro pemakomo, uye richakwidziridzwa kupfuura zvikomo, uye marudzi ese achadirana achienda kwariri.” (Isa. 2:2) Isaya akaratidzwa zvakajeka kuti kunamatwa kwakachena kwaJehovha kwaizodzorerwa uye kwaizokwidziridzwa, sekunge kwaiswa pamusoro pegomo refu refu. Ko iye zvino muchiratidzo ichi Ezekieri akamira pai? Ari “pagomo refu refu” achiona imba yaJehovha! (Ezek. 40:2) Saka chiratidzo chaEzekieri chakasimbisa kuti kunamata kwakachena kwaizodzorerwa.

Temberi yakaonekwa naEzekieri yaiva panzvimbo yakakwirira chaizvo (Ona ndima 16)

17. Taura muchidimbu zviri muzvitsauko 40 kusvika ku48 zvaEzekieri.

17 Ona muchidimbu zvinhu zvakaonekwa naEzekieri uye zvaakanzwa, sekunyorwa kwazvakaitwa muzvitsauko 40 kusvika ku48 zvebhuku rake. Akaona ngirozi ichiyera magedhi, madziro, zvivanze, uye nzvimbo tsvene nenzvimbo tsvenetsvene zvetemberi. (Ezek. 40-42) Panobva pazova nechiitiko chinofadza zvikuru: Jehovha anouya patemberi yacho! Anobva atsiura vanhu vake vakapanduka, vapristi, uye machinda. (Ezek. 43:1-12; 44:10-31; 45:9-12) Ezekieri akaona rwizi rwuchiyerera kubva mutemberi, ruchiunza upenyu nemakomborero parwainodira muGungwa Rakafa. (Ezek. 47:1-12) Akaona nyika yacho yakaganhurwa-ganhurwa, uye kunamata kwakachena kuchiitwa nechepakati payo. (Ezek. 45:1-8; 47:13–48:35) Saka zvese izvi zvairevei? Zviri pachena kuti Jehovha aivimbisa vanhu vake kuti kunamata kwakachena kwaizodzorerwa uye kwaizokwidziridzwa. Aizokomborera imba yake yekunamatira nekuvapo kwake patemberi, uye aizoita kuti makomborero ayerere achibva mutemberi yacho, achiunza kuporeswa, upenyu, nerunyararo munyika yacho.

Temberi inoshamisa yakaonekwa naEzekieri yakaratidza kuti Jehovha aizodzorera sei kunamata kwakachena (Ona ndima 17)

18. Chiratidzo chaEzekieri chaiva chetemberi chaiyo yaizovakwa here? Tsanangura.

18 Wechipiri, chiratidzo ichi chaiva chetemberi chaiyo yaizovakwa here? Aiwa. Ezekieri nedzimwe nhapwa dzaakatsanangurira chiratidzo chake vanofanira kunge vakabva vangoziva kuti chiratidzo ichi chaisafanira kutorwa sezvachiri. Nei tichidaro? Yeuka kuti Ezekieri akati akaona temberi iyi iri “pagomo refu refu.” Kunyange zvazvo izvi zvaienderana neuprofita hwaIsaya, zvaisaenderana nepakanga pakavakirwa temberi. Temberi yaSoromoni yaiva paGomo reMoriya muJerusarema, uye ndipo payaizovakwazve. Asi raiva “gomo refu refu” here? Aiwa. Gomo reMoriya rakatokomberedzwa nemamwe makomo akaenzana naro kana kuti akareba kutoripfuura. Uyewo temberi yakaonekwa naEzekieri yainge yakakura zvekukura zviya. Nekukura kwayainge yakaita, yakakomberedzwa nemasvingo, yaisambokwana pamusoro peGomo reMoriya. Yakanga yakatokura kupfuura guta reJerusarema mumazuva aSoromoni! Uyewo, chokwadi nhapwa dzaisazotarisira kuti rwizi chairwo ruyerere ruchibva patemberi ruchinodira muGungwa Rakafa, rwoporesa mvura iyoyo yaisava neupenyu. Chekupedzisira, sezvo Nyika Yakapikirwa yainge yakazara makomo zvaisaita kuti madzinza ave nemiganhu yakati twasu inotsanangurwa muchiratidzo chacho. Saka chiratidzo ichi hachifaniri kutorwa sezvachiri.

19-21. Jehovha aida kuti vaIsraeri vaite sei pavaizoudzwa nezvechiratidzo chaEzekieri, uye nei zvaifanira kuita kuti vadaro?

19 Wechitatu, Jehovha aida kuti vaIsraeri vaite sei pavaizoudzwa nezvechiratidzo ichi? Vanhu vaifanira kunyara pavaizofunga nezvemitemo yakakwirira yezvinotarisirwa naJehovha pakunamata kwakachena. Jehovha akaudza Ezekieri kuti, “tsanangurira vanhu veIsraeri zvakaita temberi.” Ezekieri aifanira kunyatsotsanangura zvakaita temberi iyi, achinyatsodonongodza twese zvekuti vaIsraeri vaitozokwanisa ‘kuongorora purani yayo.’ Nei vanhu vaifanira kuongorora temberi iyoyo? Sezvatatoona, chinangwa chakanga chisiri chekuti vazoivaka. Asi sezvakataurwa naJehovha, vaifanira kuzviita “kuti vanyare nekukanganisa kwavo.”—Verenga Ezekieri 43:10-12.

20 Nei chiratidzo ichi chaigona kuita kuti vanhu vane mwoyo inoda kuita zvakanaka vanyare? Ona mashoko aya akaudzwa Ezekieri: “Mwanakomana wemunhu, isa pfungwa dzako pazvinhu izvi, tarisa, unyatsoteerera zvese zvandinokuudza pamusoro pemirau uye mitemo yetemberi yaJehovha.” (Ezek. 44:5) Ezekieri akaudzwa audzwazve nezvemirau nemitemo. (Ezek. 43:11, 12; 44:24; 46:14) Ezekieri akayeuchidzwawo kakawanda nezvekuti Jehovha anotarisira kuti vanhu vake vaite zvakarurama kusanganisira kunyange mapimiro nemayerero avaifanira kuita zvinhu. (Ezek. 40:5; 45:10-12; enzanisa naZvirevo 16:11.) Izvi zvinooneka pakuti muchiratidzo ichi chete, Ezekieri akashandisa mashoko echiHebheru anoreva ‘chiyero’ uye ‘kuyera’ kanopfuura ka50!

21 Jehovha paaitaura nezvezviyero, matombo ekuyeresa, mitemo, uye mirau aiudza vanhu vake kutii? Kunenge kuti aishandisa mashoko akasimba kuvayeuchidza nezvechokwadi ichi chinokosha: Jehovha ndiye chete anogadza mitemo yezvaanotarisira kuti vanhu vaite pakumunamata. Vaya vainge vasiya mitemo iyoyo vaifanira kunyara! Asi chiratidzo ichi chakapa sei vaJudha ava zvidzidzo izvi? Muchitsauko chinotevera, tichakurukura mimwe mienzaniso inoratidza izvi. Kukurukura izvi kuchatibatsira kunyatsoona kuti chiratidzo ichi chinoshamisa chinorevei kwatiri mazuva ano.

Nei chiratidzo chetemberi chaizoita kuti vanhu vane mwoyo inoda kuita zvakanaka vanyare? (Ona ndima 19-21)

^ ndima 4 Temberi yemweya urongwa hwaJehovha hwekunamata kwakachena hwakaitwa kuti huvepo nechibayiro cherudzikinuro chaJesu Kristu. Tinonzwisisa kuti yakatanga kuvapo muna 29 C.E.

^ ndima 12 Semuenzaniso Pauro akanyanya kutsanangura nezvemupristi mukuru uye basa raaiita paZuva Rekuyananisira. (VaH. 2:17; 3:1; 4:14-16; 5:1-10; 7:1-17, 26-28; 8:1-6; 9:6-28) Asi muchiratidzo chaEzekieri, hapana panotaurwa nezvemupristi mukuru kana Zuva Rekuyananisira.