Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 4

“Ndichashingaira Pakurwira Zita Rangu Dzvene”—Kunamata Kwakachena Kunorwiswa Asi Kwokunda

“Ndichashingaira Pakurwira Zita Rangu Dzvene”—Kunamata Kwakachena Kunorwiswa Asi Kwokunda

EZEKIERI 39:25

ZVATICHADZIDZA: Jehovha anodzivirira vanhu vake pakutambudzika kukuru

Jehovha anoda vanhu, asi anoita kuti tizvidavirire kwaari pane zvatinoita. Anonzwa sei nezvevanhu vanoti vanomunamata asi vachiita zvinopesana nekuda kwake? Achasarudza sei vanhu vachapona pakutambudzika kukuru? Uye chii chichaita kuti Jehovha, Mwari werudo, aparadze zviuru nezviuru zvevanhu vakaipa?

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHITSAUKO 15

“Ndichapedza Upfambi Hwako”

Tinodzidzei parondedzero yepfambi dzinotaurwa mubhuku raEzekieri neraZvakazarurwa?

CHITSAUKO 16

‘Isa Chiratidzo Pahuma Dzevanhu’

Kuiswa chiratidzo kwakaitwa vanhu vakatendeka mumazuva aEzekieri kuti vapone kune zvakunotidzidzisa.

CHITSAUKO 17

“Ndiri Kukurwisa, Iwe Gogi”

Gogi weMagogi ndiani uye inyika ipi yaanorwisa?

CHITSAUKO 18

“Hasha Dzangu Dzichatutuma”

Kurwisa kwaGogi kuchamutsa hasha dzaJehovha zvomuita kuti adzivirire vanhu vake.