Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 17

“Ndiri Kukurwisa, Iwe Gogi”

“Ndiri Kukurwisa, Iwe Gogi”

EZEKIERI 38:3

ZVATICHADZIDZA: Kuziva kuti “Gogi” ndiani uye kuziva “nyika” yaanopinda kuti arwise

1, 2. Ihondo ipi huru yava pedyo, uye mibvunzo ipi yatinova nayo? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.)

NYIKA yava nezviuru zvemakore ichisvibiswa neropa rinodeurwa muhondo, kusanganisira ropa zhinji rakadeurwa muhondo yenyika yekutanga neyechipiri dzakarwiwa mumakore ekuma1900. Asi pane hondo huru inopfuura dzese yava kutosvika. Hondo iyi inenge isiri yenyika dziri kungonetsanawo zvadzo dzichirwira zvinhu zvakadzinakira. Iyi inenge iri “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.” (Zvak. 16:14) Hondo iyi ichatanga pachapinda muvengi anozvikudza munyika inokosheswa naMwari, uye Changamire Ishe Jehovha achabva aratidza simba rake rekuparadza raasati amboratidza.

2 Saka izvi zvinoita kuti tive nemibvunzo iyi: Muvengi uyu ndiani? Inyika ipi yaacharwisa? Achairwisa riini, achiirwisirei uye achairwisa sei? Sezvo zviitiko izvi zviinewo chekuita nesu, vashumiri vakachena vaJehovha vepanyika, tinofanira kuziva mhinduro dzacho. Tinodziwana muuprofita hunokurudzira huri muzvitsauko 38 ne39 zvaEzekieri.

Muvengi Wacho—Gogi weMagogi

3. Tsanangura muchidimbu uprofita hwaEzekieri pamusoro paGogi weMagogi.

 3 Verenga Ezekieri 38:1, 2, 8, 18; 39:4, 11. Uhwu ndihwo uprofita hwacho muchidimbu: “Mumakore ekupedzisira,” muvengi anonzi ‘Gogi weMagogi’ anopinda nechisimba “munyika” yevanhu vaMwari. Asi kurwisa ikoko kunotyisa kunoita kuti ‘hasha dzaJehovha dzitutume,’ orwisa Gogi omukurira. * Jehovha anobva apa chitunha chemuvengi wake nezvitunha zvevese vaanenge ainavo kuti zvive “chikafu cheshiri dzese dzinodya nyama uye chezvikara zvesango.” Anozopedzisa nekupa Gogi “nzvimbo yemakuva.” Kuti tinzwisise kuti uprofita uhwu huchazadziswa sei, tinofanira kutanga taziva kuti Gogi ndiani.

4. Tadzidzei nezvaGogi weMagogi?

4 Saka Gogi weMagogi ndiani? Kubva parondedzero yaEzekieri, tinoona kuti Gogi muvengi wevanhu vanonamata zvakachena. Gogi izita reuprofita raSatani, muvengi mukuru wekunamata kwechokwadi here? Izvi ndizvo zvaitaurwa nemabhuku edu kwemakore akawanda. Asi kuongororazve uprofita hwaEzekieri kwakaita kuti tichinje manzwisisiro edu. Nharireyomurindi yakatsanangura kuti zita rekuti Gogi weMagogi harisi rechisikwa chemweya asi remuvengi chaiye wenyama, mubatanidzwa wenyika dzicharwisa kunamata kwakachena. * Asi tisati tatsanangura kuti nei tichidaro, ngationgororei zvinhu zviviri zviri muuprofita hwaEzekieri zvinoratidza kuti Gogi haasi chisikwa chemweya.

5, 6. Ndezvipi zviri muuprofita hwaEzekieri zvinoratidza kuti Gogi weMagogi haasi chisikwa chemweya?

5 “Ndichaita kuti uve chikafu cheshiri dzese dzinodya nyama.” (Ezek. 39:4) Magwaro paanowanzotaura nezveshiri dziri kudya chitunha anenge achireva mutongo unenge uchipiwa naMwari. Mwari akamboyambira vaIsraeri nevanhu vekune dzimwe nyika achishandisa mashoko akadaro. (Dheut. 28:26; Jer. 7:33; Ezek. 29:3, 5) Asi cherechedza kuti yambiro idzodzo hadzina kupiwa zvisikwa zvemweya, asi vanhu venyama. Izvi zvine musoro nekuti shiri idzi nezvikara zvesango hazvidye mweya, asi nyama. Saka yambiro iyi yemuuprofita hwaEzekieri inoratidza kuti Gogi haasi chisikwa chemweya.

6 “Ndichapa Gogi nzvimbo yemakuva muIsraeri.” (Ezek. 39:11) Magwaro haatauri nezvezvisikwa zvemweya zvichivigwa panyika. Satani nemadhimoni ake vanonzi vachakandwa mugomba rakadzikadzika kwemakore 1 000, vozokandirwa mugungwa remoto nesarufa, izvo zvinofananidzira kuparadzwa zvachose. (Ruka 8:31; Zvak. 20:1-3, 10) Gogi anonzi achapiwa “nzvimbo yemakuva” panyika, saka haasi chisikwa chemweya.

7, 8. Kungofanana naGogi weMagogi, “mambo wekuchamhembe” achasvika sei pamagumo ake?

7 Saka kana Gogi asiri chisikwa chemweya, ndiani muvengi uyu acharwisa vanhu vanonamata zvakachena pakupedzisira? Ngatimboonai uprofita huviri hunotibatsira kuziva kuti Gogi weMagogi ndiani.

8 “Mambo wekuchamhembe.” (Verenga Dhanieri 11:40-45.) Dhanieri akagara ataura madzimambo aizova nesimba kupfuura mamwe ese panyika, kubvira munguva yake kusvikira munguva yedu. Uprofita hwacho hunotaurawo nezvemadzimambo maviri anorwisana, “mambo wekumaodzanyemba” ‘namambo wekuchamhembe,’ uye madzimambo aya anga achichinja-chinja mumazana emakore apfuura, sezvo madzimambo akasiyana-siyana anga achirwira kuti atonge mamwe ese. Achitaura nezvekurwisa kwekupedzisira kwamambo wekuchamhembe “munguva yekuguma,” Dhanieri akati: “Achaenda akatsamwa kwazvo kunoparadza uye kunotsakatisa vanhu vazhinji.” Vashumiri vaJehovha ndivo vanenge vachinyanya kudiwa namambo uyu wekuchamhembe. * Asi kungofanana naGogi weMagogi, mambo wekuchamhembe “achasvika pamagumo ake” paachakundikana kuparadza vanhu vaMwari.

9. Zvichaitika kuna Gogi weMagogi nezvichaitika ‘kumadzimambo enyika yese’ zvakafanana papi?

9 “Madzimambo enyika yese.” (Verenga Zvakazarurwa 16:14, 16; 17:14; 19:19, 20.) Bhuku raZvakazarurwa rakataura kuti “madzimambo enyika” acharwisa Jesu, “Mambo wemadzimambo” wekudenga. Asi sezvo vasingagoni kusvika kudenga, vapanduki ava vacharwisa vanhu vanotsigira Umambo hwake. Madzimambo aya enyika acharakashwa pahondo yeAmagedhoni. Cherechedza kuti achaparadzwa pashure pekurwisa vanhu vaJehovha. Izvi ndizvo zvimwe chete zvinotaurwawo nezvaGogi weMagogi. *

10. Nezvatakurukura, tingati chii nezvaGogi weMagogi?

10 Nezvatakurukura izvi, tingati chii nezvaGogi? Chekutanga, Gogi haasi chisikwa chemweya. Chechipiri, Gogi anomiririra nyika dzicharwisa vanhu vaMwari munguva pfupi iri kuuya. Hapana mubvunzo kuti nyika idzi dzichava nenzira yadzichabatana nayo pakuita izvi. Nei tichidaro? Sezvo vanhu vaMwari vachiwanika pasi rese, nyika idzi dzichafanira kutobatana pachinangwa chimwe chete chekuvarwisa. (Mat. 24:9) Zviri pachena kuti Satani ndiye anenge aronga kurwisa uku kweutsinye. Agara achiita kuti nyika dzipikise kunamata kwechokwadi. (1 Joh. 5:19; Zvak. 12:17) Asi mashoko euprofita hwaEzekieri paanotaura nezvaGogi weMagogi anenge achisimbisa zvichaitwa nenyika dzepasi pano pakurwisa vanhu vaJehovha. *

“Nyika” Yacho Inomiririrei?

11. Uprofita hwaEzekieri hunotsanangura sei “nyika” icharwiswa naGogi?

11 Sezvatadzidza  mundima 3, Gogi weMagogi achaita kuti hasha dzaJehovha dzitutume paachapinda munyika inokosheswa naJehovha. Inyika ipi iyoyo? Ngatimbodzokai kuuprofita hwaEzekieri. (Verenga Ezekieri 38:8-12.) Hunoti Gogi ‘achapinda nechisimba munyika yevanhu vakadzoswa uye vakaunganidzwa kubva kune mamwe marudzi.’ Cherechedzawo zvahunotaura nezvevanhu vakadzoswa vanogara munyika iyi: ‘Vagere zvakanaka; misha yavo haina kukomberedzwa nemasvingo, haina mazariro kana magedhi uye vari kuunganidza pfuma.’ Iyi ndiyo nyika inogarwa nevanamati vakachena vaJehovha pasi rese. Tingaziva sei kuti inyika yerudzii iyoyo?

12. Chii chakadzorerwa munyika yeIsraeri pakapera utapwa hwevanhu vaMwari?

12 Kuti tiwane mhinduro, ngatimboongorora zvakaitika vanhu vaMwari pavakadzokera kunyika yavo yeIsraeri, nyika yavaigara, mavaishandira, uye mavainamatira kwemazana emakore. VaIsraeri pavakapanduka, Jehovha akaita kuti Ezekieri aprofite kuti nyika yavo yaizoparadzwa yoitwa dongo. (Ezek. 33:27-29) Asi Jehovha akaprofitawo kuti pane vashoma vaizopfidza, vodzokera kunyika kwavo vachibva kuBhabhironi, kuti vanodzorera kunamata kwakachena. Jehovha aizokomborera nyika yeIsraeri oita kuti ive “semunda weEdheni.” (Ezek. 36:34-36) Izvi zvakatanga kuitika kubvira muna 537 B.C.E. nhapwa dzechiJudha padzakadzokera kuJerusarema kunotangazve kunamata kwechokwadi munyika yavo yavaida zvikuru.

13, 14. (a) Chii chinonzi nyika yemweya? (b) Nei nyika iyi ichikosheswa naJehovha?

13 Izvi zvakaitikawo kuvanamati vaMwari vakachena mazuva ano. Sezvatakadzidza muChitsauko 9 chebhuku rino, pakazosvika 1919, vanhu vaMwari vakanga vasunungurwa pakutapwa kwavainge vakaitwa kwenguva refu neBhabhironi Guru. Mugore iroro, Jehovha akadzorera vanhu vake munyika yemweya. Nyika iyoyo iparadhiso yemweya, matinonamata Mwari wechokwadi tiri, tisina chekutya uye takagara zvakanaka panyaya dzekunamata. Tiri munyika iyi, tinogarisana pamwe chete tisina chekutya, pfungwa dzedu nemwoyo zvakagadzikana. (Zvir. 1:33) Tinopiwa zvekudya zvemweya zvakawanda, uye tine basa rakawanda rinogutsa rekuzivisa Umambo hwaMwari. Tinonyatsozvionera kuti chirevo ichi ndechechokwadi chinoti: “Kukomborera kwaJehovha ndiko kunoita kuti munhu apfume, uye haaiti kuti kuuye nemarwadzo.” (Zvir. 10:22) Pasinei nekwatinogara pano panyika, tinenge tiri munyika iyi, paradhiso yemweya, chero bedzi tichitsigira kunamata kwakachena nemashoko edu nezviito.

14 Nyika iyi yemweya inokosheswa naJehovha. Nei tichidaro? Kwaari, vanhu vanogara imomo “zvinhu zvinokosha zvinobva kumarudzi ese,” nekuti akadana mumwe nemumwe wavo kuti azomunamata zvakachena. (Hag. 2:7; Joh. 6:44) Vari kuedza nemwoyo wese kupfeka unhu hutsva, hwakafanana nehwaMwari. (VaEf. 4:23, 24; 5:1, 2) Sezvo vari vanamati vechokwadi, vanozvipira kuita basa rake nenzira dzinoita kuti akudzwe uye dzinoratidza kuti vanomuda. (VaR. 12:1, 2; 1 Joh. 5:3) Jehovha anofanira kunge achifara zvekufara zviya paanoona vanhu vanomunamata vachiita zvese zvavanogona kuti paradhiso iyi iyevedze. Chimbozvifunga: Paunoisa kunamata kwakachena pekutanga muupenyu hwako, unenge uchitoita kuti paradhiso yemweya iyevedze uye unenge uchifadza mwoyo waJehovha!—Zvir. 27:11.

Pasinei nekwatinogara pano panyika, tinenge tiri munyika iyi, paradhiso yemweya, chero bedzi tichitsigira kunamata kwakachena (Ona ndima 13, 14)

Gogi Acharwisa Riini Nyika Yacho, Achiirwisirei, Uye Achairwisa Sei?

15, 16. Gogi weMagogi acharwisa nyika yedu yemweya riini?

15 Kuziva kuti nyika dzichabatana pakurwisa nyika yedu yemweya munguva pfupi iri kuuya kunogona kuita kuti tidzamise pfungwa. Sezvo kurwisa uku kwakanangana nesu, vanhu vanonamata Jehovha zvakachena, tine zvakawanda zvatinoda kuziva. Ngatimbokurukurai mibvunzo mitatu.

16 Gogi weMagogi acharwisa nyika yedu yemweya riini? Uprofita hwacho hunoti: “Mumakore ekupedzisira uchapinda nechisimba munyika [yacho].” (Ezek. 38:8) Mashoko aya anoratidza kuti zvichaitika pedyo nekuguma kwenyika ino. Yeuka kuti kutambudzika kukuru kuchatanga pachaparadzwa Bhabhironi Guru, zvitendero zvese zvenhema. Pashure pekuparadzwa kwemasangano ezvitendero zvenhema, asi Amagedhoni isati yatanga, Gogi acharwisa zvakasimba vanamati vechokwadi kekupedzisira.

17, 18. Jehovha achatungamirira sei zvinhu panguva yekutambudzika kukuru?

17 Gogi acharwisirei nyika yemweya yevanamati vaJehovha vakachena? Uprofita hwaEzekieri hunoratidza zvikonzero zviviri. Chekutanga, kutungamirira kuchaita Jehovha zvinhu, uye chechipiri, ivavariro yakaipa yaGogi.

18 Kutungamirira kuchaita Jehovha zvinhu. (Verenga Ezekieri 38:4, 16.) Cherechedza kuti Jehovha anoudza Gogi kuti: ‘Ndichaisa zvirauro mushaya dzako ndoita kuti iwe uuye kuzorwisa nyika yangu.’ Mashoko aya anoreva here kuti Jehovha achamanikidza nyika idzi kuti dzirwise vanamati vake? Aiwa! Haangambokonzeri kuti vanhu vake vaitirwe zvakaipa. (Job. 34:12) Asi Jehovha anoziva kuti vavengi vake vachavenga vanamati vechokwadi uye kuti pavachawana mukana wekuvaparadza, vachatoti vaushandise. (1 Joh. 3:13) Sekunge kuti aisa zvirauro mushaya dzaGogi, achimuzvuva, Jehovha achaita kuti zvinhu zviitike maererano nekuda kwake uye nenguva yake. Pashure pekuparadzwa kweBhabhironi Guru, Jehovha anogona kuita kuti nyika dzifunge kuita zvagara zviri mumwoyo madzo. Saka Jehovha achagadzirira zvese zvichaita kuti Amagedhoni, hondo isina imwe yaingaenzaniswa nayo panyika, izotanga. Zvadaro achanunura vanhu vake, achakwidziridza uchangamire hwake uye achatsvenesa zita rake dzvene.—Ezek. 38:23.

Nyika dzichaedza kutitadzisa kunamata Jehovha nekuti dzinovenga kunamata kwakachena nevese vanokusimudzira

19. Chii chichaita kuti Gogi ade kutitadzisa kunamata zvakachena?

19 Vavariro yakaipa yaGogi. Nyika ‘dzicharuka zano rakaipa.’ Sezvo dzagara dzichivenga uye dzichiitira hasha vanamati vaJehovha, dzichavarwisa panguva yavanenge vaita sevakazviyanika, sekunge kuti ‘vari mumisha isina kukomberedzwa nemasvingo, mazariro kana magedhi.’ Nyika idzi dzichatsvagawo ‘kupamba zvinhu zvakawanda kune vaya vari kuunganidza pfuma.’ (Ezek. 38:10-12) ‘Ipfuma’ ipi iyoyo? Vanhu vaJehovha vane pfuma yakawanda chaizvo yemweya; pfuma yedu inonyanya kukosha ndiko kunamata kwedu kwakachena, kwatinopa Jehovha chete. Nyika dzichaita zvese zvadzinogona kuti dzititadzise kunamata Jehovha zvakachena nekuti dzinovenga kunamata kwakachena nevese vanokusimudzira.

Gogi ‘acharuka zano rakaipa’ rekuda kutsakatisa kunamata kwakachena, asi achakundikana (Ona ndima 19)

20. Gogi acharwisa sei nyika yemweya, kana kuti paradhiso yemweya?

20 Gogi acharwisa sei nyika yemweya kana kuti paradhiso yemweya? Nyika dzinogona kuedza kuvhiringidza mararamiro edu zvotitadzisa kunamata. Kuti dziite izvi, pamwe dzichaedza kuita kuti tisawane zvekudya zvemweya, kutitadzisa kupinda misangano, kuparadza kubatana kwatakaita, uye kumisa basa ratinoshingaira kuita rekuzivisa mashoko aMwari. Zvese izvi ndizvo zvakabata paradhiso yedu yemweya. Dzichikuchidzirwa naSatani, nyika dzichaedza kutsvaira vanamati vese vechokwadi panyika, kuti kunamata kwakachena kutsakatike.

21. Nei uchitenda kuti Jehovha akagara atiudza nezvezviitiko zviri mberi?

21 Kurwisa kwaGogi weMagogi kuchange kwakanangana nevaKristu vese vechokwadi munyika yemweya yavakapiwa naMwari. Tinotenda chaizvo kuti Jehovha akatizivisa nezvezviitiko izvi zvava pedyo! Asi patiri kumirira kutambudzika kukuru kuri kuuya, ngatisamborega kutsigira kunamata kwakachena, tichikuisa pekutanga muupenyu hwedu. Patinodaro, tinenge tichitoita kuti nyika yedu yemweya iyevedze. Izvi zvichaita kuti tizoona zvimwe zvinhu zvinoshamisa zvava pedyo kuitika: Kurwira kuchaita Jehovha vanhu vake uye kutsvenesa kwaachaita zita rake paAmagedhoni, sezvatichakurukura muchitsauko chinotevera.

^ ndima 3 Muchitsauko chinotevera chebhuku rino, tichakurukura kuti Jehovha acharatidza sei Gogi weMagogi hasha dzake, uye kuti achazviita riini, tozoona kuti zvichabatsira sei vanamati vechokwadi.

^ ndima 4 Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaMay 15, 2015, peji 29-30.

^ ndima 8 Dhanieri 11:45 inoratidza kuti mambo wekuchamhembe achati nanga-nanga nevanhu vaMwari, nekuti inoti mambo uyu “achadzika matende ake eumambo pakati pegungwa guru [Medhitereniyeni] negomo dzvene Rekushongedza [paimbova netemberi yaMwari uye painamatira vanhu vaMwari].”

^ ndima 9 Bhaibheri rinotaurawo nezvekurwisa ‘kwemuAsiriya’ wemazuva ano, uyo achada kuparadza vanhu vaMwari. (Mika 5:5) Kurwiswa kwakataurwa kuti kwaizoitwa vanhu vaMwari naGogi weMagogi, namambo wekumusoro, nemadzimambo epanyika, uye nemuAsiriya, kunogona kunge kuri kurwisa kumwe chete asi kuchitaurwa kuri pamatanho akasiyana-siyana.

^ ndima 10 Ona Chitsauko 22 chebhuku rino kuti uzive kuti ndiani “Gogi naMagogi” anotaurwa pana Zvakazarurwa 20:7-9.