Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 20

‘Govai Nyika Kuti Ive Nhaka Yenyu’

‘Govai Nyika Kuti Ive Nhaka Yenyu’

EZEKIERI 45:1

ZVATICHADZIDZA: Zvinorehwa nekugovewa kwenyika

1, 2. (a) Jehovha akaudza Ezekieri kuti aitei? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi muchitsauko chino?

EZEKIERI achangobva kuona chiratidzo chinofanira kunge chamuyeuchidza zvakaitika makore anenge 900 akapfuura, mumazuva aMozisi naJoshua. Panguva iyoyo, Jehovha akaudza Mozisi miganhu yeNyika Yakapikirwa uye akazoudzawo Joshua kuti nyika iyoyo yaifanira kugovewa sei pakati pemadzinza aIsraeri. (Num. 34:1-15; Josh. 13:7; 22:4, 9) Asi iye zvino, mugore ra593 B.C.E., Jehovha anoudza Ezekieri nedzimwe nhapwa kuti vagove Nyika Yakapikirwa pakati pemadzinza aIsraeri zvakare!—Ezek. 45:1; 47:14; 48:29.

2 Chiratidzo ichi chiri kuudza Ezekieri nedzimwe nhapwa kutii? Nei chiratidzo ichi chichikurudzira vanhu vaMwari mazuva ano? Chichazadziswa pamwero mukuru mune ramangwana here?

Chiratidzo Chine Vimbiso Ina

3, 4. (a) Chiratidzo chekupedzisira chaEzekieri chakapa nhapwa vimbiso dzipi ina? (b) Tichakurukura vimbiso ipi muchitsauko chino?

3 Chiratidzo chekupedzisira chaEzekieri chakakura zvekuti chinowanika muzvitsauko 9 zvebhuku rake. (Ezek. 40:1–48:35) Chakapa nhapwa vimbiso ina dzinokurudzira dzezvaizoitika kuvaIsraeri pavaizodzokera kumusha kwavo. Ivimbiso dzipi idzodzo? Yekutanga ndeyekuti kunamata kwakachena kwaizodzorerwa patemberi yaMwari. Yechipiri ndeyekuti vapristi nevafudzi vakarurama vaizotungamirira vanhu ava. Yechitatu ndeyekuti munhu wese aizodzokera kuIsraeri aizowana mugove munyika yacho. Yechina ndeyekuti Jehovha aizova navo, achigara pakati pavo zvakare.

4 Zvitsauko 13 ne14 zvebhuku rino zvakaratidza kuti vimbiso mbiri dzekutanga dzaizozadziswa sei, vimbiso yekudzorerwa kwekunamata kwakachena uye yekutungamirira kwevafudzi vakarurama. Muchitsauko chino, tichakurukura nezvevimbiso yechitatu, yekuti vaIsraeri vese vaizopiwa mugove munyika yacho. Muchitsauko chinotevera, tichakurukura nezvevimbiso yekuvapo kwaJehovha.—Ezek. 47:13-21; 48:1-7, 23-29.

“Nyika Iyi . . . Maipiwa Kuti Ive Nhaka Yenyu”

5, 6. (a) Muchiratidzo chaEzekieri, inzvimbo ipi yaifanira kugovewa? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.) (b) Chinangwa chechiratidzo chekugovewa kwenyika chaiva chei?

5 Verenga Ezekieri 47:14. Jehovha akaratidza Ezekieri nyika yakanga yava pedyo kuitwa “semunda weEdheni.” (Ezek. 36:35) Jehovha akabva ati: “Nzvimbo iyi ndiyo ichava nhaka yamuchapa madzinza 12 aIsraeri.” (Ezek. 47:13) Iri kunzi “nzvimbo iyi” inyika yevaIsraeri yavaizogara kana vabva kuutapwa. Sezviri pana Ezekieri 47:15-21, Jehovha akaenderera mberi achitsanangura miganhu yekwaifanira kugumira nyika yacho yese.

6 Chinangwa chechiratidzo chekugovewa kwenyika chaiva chei? Kuyerwa kwakaitwa miganhu yacho nemazvo kwakaita kuti Ezekieri nedzimwe nhapwa vave nechokwadi chekuti vaizodzorerwa kunyika yavo yavaida zvikuru. Chimbofungidzira kuti nhapwa dzinofanira kunge dzakafara sei padzakanzwa vimbiso iyi yaibva kuna Jehovha yainyatsoratidza kuti nyika yaizogovewa sei! Asi vanhu vaMwari vakazopiwa nyika iyi senhaka here? Hongu, vakaipiwa.

7. (a) Chii chakatanga kuitika muna 537 B.C.E., uye zvinotiyeuchidza nezvei? (b) Mubvunzo upi watichada kutanga tapindura?

7 Muna 537 B.C.E., makore anenge 56 pashure pekunge Ezekieri apiwa chiratidzo chake, zviuru zvenhapwa zvakatanga kudzokera kunyika yeIsraeri uye kugarako. Zviitiko izvozvo zvekare kare zvinotiyeuchidza zviri kuitikawo pakati pevanhu vaMwari mazuva ano. Tinogona kuti naivowo vane nyika yavakapiwa. Nei tichidaro? Jehovha akaita kuti vashumiri vake vapinde muparadhiso yemweya. Saka kudzorerwa kwakaitwa Nyika Yakapikirwa kunotidzidzisa zvakawanda nezvekudzorerwa kwakaitwa paradhiso yemweya yevanhu vaMwari mazuva ano. Asi tisati takurukura zvidzidzo izvi, tichada kupindura mubvunzo uyu, “Nei tichiti paradhiso yemweya iriko zvechokwadi mazuva ano?”

8. (a) Jehovha akatsiva rudzi rwevaIsraeri nerudzi rwupi? (b) Chii chinonzi paradhiso yemweya? (c) Paradhiso yemweya yakatanga kuvapo riini, uye ndivanaani vakapinda imomo?

8 Mune chimwe chiratidzo chakapiwa Ezekieri, Jehovha akaratidza kuti uprofita hwekudzorerwa kwevaIsraeri hwaizozadziswa pamwero mukuru pashure pekunge ‘mushumiri wake Dhavhidhi,’ kureva Jesu Kristu, atanga kutonga saMambo. (Ezek. 37:24) Izvi zvakaitika muna 1914. Pakazosvika nguva iyi, rudzi rwevanhu vaMwari, vaIsraeri, rwainge rwatova nemakore rwatsiviwa nerudzi rwevaIsraeri vemweya, vaKristu vakazodzwa nemweya mutsvene. (Verenga Mateu 21:43; 1 Petro 2:9.) Asi Jehovha haana kungogumira pakuita kuti rudzi rwevaIsraeri rutsiviwe nevaIsraeri vemweya; akatoitawo kuti nyika chaiyo yevaIsraeri itsiviwe neparadhiso yemweya. (Isa. 66:8) Sezvatakaona muChitsauko 17 chebhuku rino, paradhiso yemweya inoreva kunamata kuri kuitwa nevakazodzwa vachiita basa raJehovha vasina chekutya, uye vakatanga kunamata vari muparadhiso iyi muna 1919. (Ona bhokisi 9B, “Nei Tichiti Zvakaitika Muna 1919?”) Nekufamba kwenguva, vaya vane tariro yekuzorarama panyika, “mamwe makwai,” vakatangawo kupinda muparadhiso iyi yemweya. (Joh. 10:16) Paradhiso yemweya iri kuwedzera kukura iye zvino, asi vanhu varimo vachazonyatsowana makomborero ayo zvakazara pashure peAmagedhoni.

Kugova Nyika Nemazvo Uye Zvakaenzana

9. Jehovha akaudza vanhu kuti vagovane nyika sei?

9 Verenga Ezekieri 48:1, 28. Pashure pekunge aratidza Ezekieri miganhu yekwaigumira nyika yacho, Jehovha akazonyatsotsanangura kuti yaizogovewa sei. Akataura kuti madzinza 12 aifanira kuwana nhaka dzakaenzana kubva kuchamhembe kusvika kumaodzanyemba, vachitanga nedzinza raDhani, kuchamhembe, uye vachizopedzisa nedzinza raGadhi, kumuganhu wekumaodzanyemba. Dzinza rega rega rakawana nhaka yenyika yaitangira kumuganhu wekumabvazuva wenyika yacho uchinoperera kumavirira, kwaiva neGungwa Guru kana kuti Gungwa reMedhitereniyeni.—Ezek. 47:20.

10. Chikamu ichi chechiratidzo chaEzekieri chinofanira kunge chakapa nhapwa vimbiso dzipi?

10 Chikamu ichi chechiratidzo chaEzekieri chinofanira kunge chakapa nhapwa vimbiso dzipi? Rondedzero yakapiwa naEzekieri yekugovewa kwenyika yacho inofanira kunge yakaita kuti nhapwa dzione kuti nyika yacho yaizogovewa zvakarongeka. Uyewo kugovaniswa kwakaitwa nyika iyoyo zvakaenzana pakati pemadzinza 12 kwairatidza kuti nhapwa dzese dzaizowana mugove. Pavanhu vese vaizodzokera kunyika yavo, hapana aizosara asina munda kana pekugara.

11. Zvidzidzo zvipi zvatinowana pachiratidzo cheuprofita chekugovewa kwenyika yacho? (Ona bhokisi rakanzi “Kugovewa Kwenyika Yacho.”)

11 Zvidzidzo zvipi zvinosimbisa zvatinowana muchiratidzo ichi? Nyika Yakapikirwa yakaonekwa naEzekieri haina kungopiwa vapristi, vaRevhi, nemachinda chete, asi yakagovewawo kuvamwe vanhu vese vemadzinza 12 aIsraeri. (Ezek. 45:4, 5, 7, 8) Ndozvakaitawo paradhiso yemweya; haisi yevakazodzwa vachiri pano panyika chete nevaya vanotungamirira pakati ‘peveboka guru,’ asi inosanganisirawo vamwe vese veboka guru. * (Zvak. 7:9) Pasinei nekuti tinoita basa rei musangano raJehovha, tese zvedu tine nzvimbo yedu uye tine basa rinokosha muparadhiso yemweya. Izvi zvinosimbisa zvechokwadi!

Pasinei nekuti tinoita mabasa api musangano rake, Jehovha anokoshesa zvese zvatinoedza kuita (Ona ndima 11)

Kusiyana Kwakaita Zvakaudzwa Mozisi Nezvakaudzwa Ezekieri Kunotidzidzisei?

12, 13. Jehovha akaudza Ezekieri kuti chii nezvekupa migove kumadzinza evaIsraeri?

12 Zvimwe zvinhu zvakaudzwa Ezekieri nezvemagoverwo aifanira kuitwa nyika zvinogona kunge zvakamushamisa nekuti zvainge zvakasiyana nezvakaudzwa Mozisi. Ngatimboonai misiyano miviri. Mumwe wacho une chekuita nenyika yacho; uye mumwe, nevagari venyika yacho.

13 Musiyano wekutanga: Nyika yacho. Mozisi akaudzwa kuti ape madzinza aiva nevanhu vakawanda nyika yakakura kupfuura yemadzinza madiki. (Num. 26:52-54) Asi muchiratidzo chaEzekieri, Jehovha anonyatsotaura zvakajeka kuti madzinza ese agoverwe “nharaunda dzakaenzana.” (Ezek. 47:14) Saka nharaunda dzemadzinza ese ari 12 dzaifanira kunge dzakareba zvakaenzana kubva kumuganhu wekuchamhembe kusvika kumuganhu wekumaodzanyemba. MuIsraeri wese, pasinei nekuti aiva wedzinza ripi, aizokwanisa kuwana zvakaenzana nezvaiwanikwawo nevamwe pazvibereko zvakawanda zvaizobva munyika iyi yaizova nemvura yakawanda.

14. Zvakaudzwa Ezekieri nezvevatorwa zvaipfuura papi zvainge zviri muMutemo waMozisi?

14 Musiyano wechipiri: Vagari venyika yacho. Mutemo waMozisi waidzivirira vatorwa uye vaikwanisawo kunamata Jehovha, asi vaisawana mugove munyika yacho. (Revh. 19:33, 34) Asi zvakazotaurwa naJehovha kuna Ezekieri zvaipfuura zvaainge ataura muMutemo. Jehovha akati: “Munofanira kupa mutorwa nhaka munharaunda yedzinza raanogara naro.” Nemashoko aya, Jehovha akabvisa musiyano mukuru waiva pakati ‘pezvizvarwa zvevaIsraeri’ nevatorwa. (Ezek. 47:22, 23) Munyika yakaratidzwa Ezekieri, akaona kuti vagari vacho vaiwana zvinhu zvakaenzana uye vakanga vakabatana pakunamata.—Revh. 25:23.

15. Ichokwadi chipi chinogara nekusingaperi chatinodzidza nezvaJehovha chatinowana pane zvaakataura nezvenyika nevagari vayo?

15 Zvinhu izvi zviviri zvakaudzwa Ezekieri nezvenyika yacho nevagari vayo zvinofanira kunge zvakasimbisa nhapwa. Dzaiziva kuti Jehovha aizopa vanhu vese migove yakaenzana, pasinei nekuti munhu aiva muIsraeri kana kuti mutorwa ainamata Jehovha. (Ezra 8:20; Neh. 3:26; 7:6, 25; Isa. 56:3, 8) Zvakasimbisawo chimwe chokwadi chinokurudzira uye chinogara nekusingaperi, chekuti Jehovha anokoshesa vashumiri vake zvakaenzana. (Verenga Hagai 2:7.) Mazuva ano, tinokoshesa chokwadi ichi pasinei nekuti tine tariro yekurarama kudenga kana kuti panyika.

16, 17. (a) Tinobatsirwa sei nekudzidza nezvenyika iyi nevagari vayo? (b) Tichadzidzei muchitsauko chinotevera?

16 Tinobatsirwa sei nekudzidza nezvenyika iyi nevagari vayo? Zvinotiyeuchidza kuti musangano raJehovha pasi rese, chinhu chikuru chinofanira kuonekwa kubatana zvakaenzana uye tisingaiti zvemapoka. Jehovha haasaruri. Tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndinotevedzerawo Jehovha pakusasarura here? Ndinoremekedza vandinonamata navo zvichibva pamwoyo here, pasinei nekuti vanobva kupi kana kuti zvinhu zvakavamirira sei muupenyu?’ (VaR. 12:10) Tinofara kuti Jehovha akapa tese zvedu mukana wakaenzana wekupinda muparadhiso yemweya, matinoshumira nemwoyo wese Baba vedu vekudenga, tichiwana makomborero avanotipa.—VaG. 3:26-29; Zvak. 7:9.

Tinotevedzera Jehovha here pakusasarura uye pakuremekedza vamwe zvichibva pamwoyo? (Ona ndima 15, 16)

17 Iye zvino ngatikurukurei vimbiso yechina yakapiwa Ezekieri muchikamu chekupedzisira chechiratidzo chake chekupedzisira, vimbiso yekuti Jehovha aizova nenhapwa. Tinodzidzei pavimbiso iyoyo? Tichawana mhinduro yacho muchitsauko chinotevera.

^ ndima 11 Kuti uone kutsanangurwa kwenzvimbo inokosha uye basa rinokosha izvo Jehovha akapa kuvapristi uye kujinda muparadhiso yemweya, ona Chitsauko 14 chebhuku rino.