Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 21

‘Guta Racho Richanzi Jehovha Ari Ipapo’

‘Guta Racho Richanzi Jehovha Ari Ipapo’

EZEKIERI 48:35

ZVATICHADZIDZA: Zvinorehwa neguta uye nzvimbo inobviswa semupiro

1, 2. (a) Chikamu chipi chenyika chaifanira kusiyiwa kuti chizoshandiswa pabasa rinokosha? (Ona mufananidzo uri pakavha yebhuku rino.) (b) Chiratidzo ichi chakapa nhapwa vimbiso yei?

MUCHIRATIDZO chake chekupedzisira, Ezekieri anoudzwa nezvechikamu chenyika yacho chaifanira kusiyiwa kuti chizoshandiswa pabasa rinokosha. Chikamu ichocho chaisazosiyiwa kuti chive nhaka yerimwe remadzinza evaIsraeri, asi kuti chive mupiro kuna Jehovha. Ezekieri anoudzwawo nezveguta risina rakafanana naro, rine zita rinoshamisa. Chikamu ichi chechiratidzo chinopa nhapwa vimbiso inokosha yekuti: Jehovha aizova navo pavaizodzokera kunyika yavo yavaida chaizvo.

2 Ezekieri anotipa tsanangudzo yakadzama yemupiro iwoyo. Ngationgororei tsanangudzo iyi, ine zvakawanda zvainotidzidzisa, isu vanamati vaJehovha vechokwadi.

“Mupiro Mutsvene Pamwe Chete . . . Neguta Racho”

3. Nzvimbo yakasiyiwa kuti ipiwe Jehovha yaiva nenharaunda dzipi shanu, uye nharaunda idzodzo dzaiva dzei? (Ona bhokisi rakanzi ‘Munofanira Kupa Mupiro Uyu.’)

3 Nzvimbo iyoyo inokosha yenyika yacho yakanga yakareba makubhiti 25 000 (makiromita 13) kubva kuchamhembe kusvika kumaodzanyemba uye makubhiti 25 000 kubva kumabvazuva kusvika kumavirira. Nzvimbo iyi, “mupiro wacho wese,” yakanga iine mativi mana akaenzana. Yakakamurwa kuva nharaunda nhatu. Yekutanga yacho, yaiva nechekumusoro, yaiva yevaRevhi. Yechipiri yacho, yaiva nechepakati, yakasiyiwa kuti ive yetemberi nevapristi. Zvikamu izvozvo zviri zviviri ndizvo zvainzi “mupiro mutsvene.” ‘Chikamu chakanga chasara,’ chidiki pane zvimwe, chaiva nechekuzasi, ‘chaizoshandiswa neveruzhinji.’ Chaiva cheguta racho.—Ezek. 48:15, 20.

4. Chidzidzo chipi chatinowana patsanangudzo yemupiro waifanira kupiwa Jehovha?

4 Chidzidzo chipi chatinowana patsanangudzo iyi yemupiro waifanira kupiwa Jehovha? Kusarudzwa kwakatanga kwaitwa nzvimbo yaizopiwa semupiro, madzinza asati apiwa migove yawo kunoratidza kuti Jehovha aida kuti muzinda uyu wekunamata ukosheswe kupfuura dzimwe nzvimbo dzese. (Ezek. 45:1) Hapana mubvunzo kuti nhapwa dzakadzidza zvakawanda kubva pamagoverwo aya aifanira kuitwa nyika. Vaifanira kuita kuti kunamata Jehovha kuve panzvimbo yekutanga muupenyu hwavo. Mazuva ano, isuwo tinoona zvinhu zvakadai sekudzidza Shoko raMwari, kupinda misangano yechiKristu, uye kuparidza sezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe zvese. Patinotevedzera Jehovha panyaya yekuziva zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe, tinoita kuti kunamata Jehovha kuve pekutanga muupenyu hwedu zuva nezuva.

“Pakati Payo Ndipo Pachava Neguta”

5, 6. (a) Guta rakanga riri raani? (b) Guta rakanga risiri kumiririra chii, uye nei tichidaro?

5 Verenga Ezekieri 48:15. Chii chinorehwa ‘neguta’ nenzvimbo yakanga yakaripoteredza? (Ezek. 48:16-18) Jehovha akaudza Ezekieri muchiratidzo kuti: “Munofanira kugovera guta racho . . . [kuimba] yese yaIsraeri.” (Ezek. 45:6, 7) Saka guta racho nenzvimbo yakaripoteredza zvakanga zvisingabatanidzwi ‘pamupiro mutsvene’ waifanira ‘kupiwa Jehovha.’ (Ezek. 48:9) Tichifunga nezvemusiyano uyu, ngatimboongororai kuti tingadzidzei pamusoro pezvakaita guta iri.

6 Kuti tione kuti tinodzidzei paguta racho, tinofanira kutanga taona kuti guta iri rakanga risiri kumiririra chii. Rakanga risiri kumiririra guta reJerusarema raizovakwazve netemberi yaro. Sei tichidaro? Nekuti guta rakaonekwa naEzekieri muchiratidzo rakanga risina temberi. Uyewo, guta iri rakanga risiri rimwe remaguta emunyika yeIsraeri aizogarwa nenhapwa padzaizobva kuutapwa. Sei tichidaro? Nekuti hapana guta rakafanana nerinotaurwa muchiratidzo ichi rakambovakwa nevaIsraeri kana nevazukuru vavo pavakabva kuutapwa. Zvakare, guta iri rakanga risiri guta rekudenga. Sei tichidaro? Nekuti rakanga rakavakirwa panzvimbo ‘yaishandiswa neveruzhinji,’ kana kuti nzvimbo isiri tsvene, kusiyana nezvimwe zvivakwa zvakavakwa panzvimbo yaingoshandiswa pakunamata chete.—Ezek. 42:20.

7. Guta rakaonekwa naEzekieri rinofanira kunge richimiririra chii? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.)

7 Saka guta rakaonekwa naEzekieri raiva chii? Yeuka kuti akaona guta iri nenyika yacho muchiratidzo chimwe chete. (Ezek. 40:2; 45:1, 6) Shoko raMwari rinoratidza kuti nyika yacho iparadhiso yemweya, saka guta racho rinofanirawo kunge riri rekufananidzira. Saka tingati shoko rekuti “guta” rinopa pfungwa yekutii? Shoko racho rinopa pfungwa yevanhu vari kugara pamwe chete vakanyatsorongwa. Saka guta rakarongeka rakaonekwa naEzekieri, iro rakanga riine mativi akaenzana, rinofanira kunge richimiririra urongwa hweutungamiriri hwakanyatsorongeka.

8. Urongwa uhwu ndehwekutungamirira vanaani, uye nei tichidaro?

8 Urongwa uhwu ndehwekutungamirira vanaani? Chiratidzo chaEzekieri chinoratidza kuti guta iri riri munyika yemweya kana kuti paradhiso yemweya. Saka urongwa uhwu ndehwekutungamirira zvese zviri kuitwa nevanhu vaMwari muparadhiso yemweya. Saka kuvakwa kweguta iri panzvimbo inoshandiswa neveruzhinji kana kuti isiri tsvene kunoratidzei? Kunotiyeuchidza kuti guta racho harisi guta rekudenga, asi urongwa hweutungamiriri hwepanyika pano, huri kubatsira vanhu vese vari muparadhiso yemweya.

9. (a) Ndivanaani vari muurongwa uhwu hwekutungamirira panyika? (b) Jesu achaitei Mumakore Ane Chiuru?

9 Ndivanaani vanotungamirira muurongwa uhwu hwepanyika? Muchiratidzo chaEzekieri, munhu aitungamirira guta racho ainzi “jinda.” (Ezek. 45:7) Aiva mutariri pakati pevanhu, asi akanga asiri mupristi kana muRevhi. Jinda iri rinoita kuti tifunge nezvevatariri vemuungano vasina kuzodzwa nemweya mutsvene. Vafudzi ava, avo vanobva pakati ‘pemamwe makwai,’ vanozvininipisa sevashumiri vepanyika vehurumende yaKristu yekudenga. (Joh. 10:16) Mumakore Ane Chiuru, Jesu achasarudza uye achagadza “munyika yese” vakuru vakakodzera, kana kuti “machinda.” (Pis. 45:16) Vachitungamirirwa neUmambo hwekudenga, vachabatsira vanhu vaMwari Mumakore Ane Chiuru.

“Jehovha Ari Ipapo”

10. Guta iri rinonzi chii, uye izvozvo zvinoratidzei?

10 Verenga Ezekieri 48:35. Guta iri rinonzi “Jehovha Ari Ipapo.” Zita iri rinoratidza kuti vanhu vaizonyatsoona vega kuti Jehovha ari pakati pavo. Jehovha paakaratidza Ezekieri guta iri raiva nechepakati, aitoita seari kuvimbisa nhapwa kuti: ‘Ndichavazve nemi!’ Izvi zvinofanira kunge zvakavasimbisa chaizvo!

11. Zvidzidzo zvipi zvatinowana pachiratidzo chaEzekieri cheguta uye zita raro rine zvarinoreva?

11 Tinodzidzei pachikamu ichi cheuprofita hwaEzekieri? Zita reutungamiriri uhwu hwakafanana neguta rinoita kuti vashumiri vaMwari vave nechokwadi chekuti Jehovha anogara aine vashumiri vake vakatendeka mazuva ano uye kuti acharamba ainavo. Zita iri rine zvarinoreva, rinosimbisa chimwe chokwadi chinokosha: Chinangwa cheguta iri chaisava chekupa masimba kune vaya vaitungamirira asi kuita kuti vashandise nzira dzaJehovha dzerudo uye dzinoratidza kunzwisisa. Jehovha anotarisira kuti vaya vanenge vachiita zvaanenge achida kuti zviitwe, vazviite maererano nekuda kwake. Semuenzaniso, Jehovha haana kupa vaitungamirira simba rekugovera vanhu nyika vachishandisa zvemumusoro mavo. Asi aitarisira kuti vaitungamirira vape vanhu vese migove, kusanganisira ‘vakaderera,’ sezvaaida iye.—Zvir. 19:17; Ezek. 46:18; 48:29.

12. (a) Chii chimwe chatinocherechedza paguta iri, uye izvi zvinoratidzei? (b) Izvi zvinoyeuchidzei vatariri vechiKristu mazuva ano?

12 Chii chimwe chatinocherechedza paguta iri rinonzi “Jehovha Ari Ipapo”? Maguta ekare aiva nemasvingo aidzivirira uye magedhi mashomanana, asi guta iri rine magedhi 12! (Ezek. 48:30-34) Kuwanda kwemagedhi aya (matatu kudivi rimwe nerimwe reguta iri rine mativi mana) kunoratidza kuti vatungamiriri veguta iri vakasununguka uye kuti vashumiri vaMwari vese vanokwanisa kutaura navo. Uye magedhi 12 eguta iri anoratidza kuti munhu wese anogona kupinda mariri, “imba yese yaIsraeri.” (Ezek. 45:6) Kuwanda kwemagedhi eguta iri, kunoyeuchidza vatariri vechiKristu chimwe chinhu chinokosha. Jehovha anoda kuti vatariri vave vanhu vakasununguka, vanotaurika navo, uye vakagadzirira kubatsira vanhu vese vari muparadhiso yemweya.

Vatariri vechiKristu vakasununguka uye vanotaurika navo (Ona ndima 12)

Vanhu vaMwari ‘Vanouya Kuzonamata’ Uye ‘Vanoshanda Muguta Racho’

13. Jehovha akatii nezvemabasa akasiyana-siyana aizoitwa nevanhu?

13 Ngatimbodzokerai munguva yaEzekieri, kuti tiwane zvimwe zvaakanyora nezvechiratidzo ichi chaiva nezvakawanda chekugovewa kwenyika. Jehovha anotaura nezvevanhu vanenge vachiita mabasa akasiyana-siyana. Vapristi, ‘avo vaishumira panzvimbo tsvene,’ vaifanira kupa zvibayiro uye kuenda pedyo naJehovha kuti vamushumire. Uye vaRevhi ‘avo vaishumira patemberi yacho,’ vaifanira ‘kuona nezvekushanda kwayo uye zvinhu zvese zvinofanira kuitwa mairi.’ (Ezek. 44:14-16; 45:4, 5) Uyewo, pane vamwe vashandi vaizoita basa pedyo neguta iri. Vashandi ivavo ndivanaani?

14. Vashandi vaiva pedyo neguta vanotiyeuchidza nezvei?

14 Vashandi vari pedyo neguta iri vanobva “kumadzinza ese aIsraeri.” Basa ravo nderekutsigira zvinoitwa muguta. Vanorima zvekudya ‘zvevaya vanoshanda muguta racho.’ (Ezek. 48:18, 19) Urongwa uhwu hunotiyeuchidza nezvemukana watiinawo mazuva ano. Vanhu vese vari muparadhiso yemweya vane mukana wekutsigira basa riri kuitwa nehama dzaKristu dzakazodzwa uye basa riri kuitwa nevamwe ‘veboka guru’ vakagadzwa naJehovha kuti vatungamirire. (Zvak. 7:9, 10) Nzira huru yatinovatsigira nayo ndeyekuteerera zvatinoudzwa nemuranda akatendeka.

15, 16. (a) Chii chimwe chatinogona kudzidza muchiratidzo chaEzekieri? (b) Mukana upi watiinawo wekuita mabasa akafanana neaiitwa nevanhu vemuchiratidzo chaEzekieri?

15 Pane chimwe chinhu chiri muchiratidzo chaEzekieri chinotipa chidzidzo paushumiri hwedu. Chii ichocho? Jehovha anotaura kuti vanhu vemumadzinza 12 asiri evaRevhi vaizoshanda munharaunda mbiri: muchivanze chetemberi uye mumafuro eguta. Vaiita basa rei munharaunda idzi? Muchivanze chetemberi, madzinza ese ‘aiuya kuzonamata’ achipa zvibayiro kuna Jehovha. (Ezek. 46:9, 24) Munharaunda yakapoteredza guta racho, madzinza ese aiuya kuzotsigira guta kuburikidza nekurima. Tinodzidzei pavashandi ava?

16 Mazuva ano, veboka guru vane mukana wekuita mabasa akafanana neaiitwa nevanhu vemuchiratidzo chaEzekieri. Vanonamata Jehovha “mutemberi yake” vachimupa zvibayiro zvekurumbidza. (Zvak. 7:9-15) Vanoita izvi pavanoparidza uye pavanotaura kutenda kwavo pamisangano yechiKristu. Vanoona kunamata kwavanoita Jehovha sechinhu chinokosha kupfuura zvimwe zvese. (1 Mak. 16:29) Uye vakawanda pakati pevanhu vaMwari vanotsigira sangano raMwari nenzira dzakawanda. Semuenzaniso, vanobatsira pakuvaka nekugadziridza dzimba dzeUmambo nemahofisi emapazi, uye vanobatsirawo pakuita mamwe mabasa akawanda musangano raJehovha. Vamwewo vanotsigira mabasa aya nemari. Pavanoita izvi, vanenge vachiita sevari kuita basa rekurima, “kuti Mwari akudzwe.” (1 VaK. 10:31) Vanoita basa ravo vachishingaira uye vachifara nekuti vanoziva kuti Jehovha “anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.” (VaH. 13:16) Uri kunyatsoshandisa mikana yese iyi here?

Tinodzidzei patsanangudzo yaEzekieri yemabasa aiitwa mumagedhi eguta uye nzvimbo dzakapoteredza? (Ona ndima 14-16)

“Kune Matenga Matsva Nenyika Itsva Zvatakamirira”

17. (a) Kuzadziswa kupi kukuru kwechiratidzo chaEzekieri kwatichaona mune ramangwana? (b) Mumakore Ane Chiuru, ndivanaani vachabatsirwa neurongwa hweutungamiriri hwakafanana neguta?

17 Munguva iri kuuya, tichaona kuzadziswa kukuru kwechiratidzo chaEzekieri chemupiro here? Hongu! Chimbofunga izvi: Ezekieri akaona kuti nharaunda yainzi “mupiro mutsvene” yaiva nechepakati penyika yacho. (Ezek. 48:10) Ndizvowo zvichaitika pashure peAmagedhoni; pasinei nekuti tinenge tichigara kupi pano panyika, Jehovha anenge ainesu. (Zvak. 21:3) Mumakore Ane Chiuru, utungamiriri hwakafanana neguta, kureva vaya vachagadzwa kuti vatungamirire vanhu vaMwari, vachatungamirira nerudo vanhu vese vanenge vari “munyika itsva.”—2 Pet. 3:13.

18. (a) Nei tichigona kuva nechokwadi chekuti urongwa hweutungamiriri hwakaita seguta huchaita zvinoenderana neutongi hwaMwari? (b) Zita reguta iri rinoita kuti tive nechokwadi chei?

18 Chii chinoita kuti tive nechokwadi chekuti utungamiriri hwakafanana neguta huchaita zvinoenderana neutongi hwaMwari? Chikonzero chacho ndechekuti Shoko raMwari rinotaura zvakajeka kuti guta iri repanyika rakafanana neguta rekudenga rine magedhi 12, Jerusarema Idzva, iro rinoumbwa nevanhu 144 000 vachatonga naKristu. (Zvak. 21:2, 12, 21-27) Izvi zvinoratidza kuti utungamiriri hwepanyika huchaita zvisarudzo zvinoenderana nezvinenge zvatongwa neUmambo hwaMwari kudenga. Zvechokwadi zita reguta iri, “Jehovha Ari Ipapo,” rinoita kuti mumwe nemumwe wedu ave nechokwadi chekuti kunamata kwakachena kucharamba kuripo uye kuchibudirira nariini muParadhiso. Tine ramangwana rakazonaka!