Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 19

“Zvinhu Zvese Zviri Kunosvika Rukova Rwacho Zvichararama”

“Zvinhu Zvese Zviri Kunosvika Rukova Rwacho Zvichararama”

EZEKIERI 47:9

ZVATICHADZIDZA: Kuzadziswa kwechiratidzo cherwizi rwuri kuyerera, munguva yevaIsraeri, iye zvino, uye mune ramangwana

1, 2. Maererano naEzekieri 47:1-12, Ezekieri anoonei uye anoudzwei? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.)

EZEKIERI anoonazve chimwe chinhu chinoshamisa muchiratidzo chake chetemberi: Pane rwizi rwuri kuyerera ruchibva pachivakwa ichi chitsvene! Chimbofungidzira achitevedza rwizi irworwo rune mvura yakachena zvekuti aigona kuona zviri pasi. (Verenga Ezekieri 47:1-12.) Mvura yerwizi rwacho iri kusinina ichibva pamusuo wetemberi; rwizi urwu runozobuda muchivanze chetemberi pedyo negedhi rekumabvazuva. Ngirozi iri kutenderera naEzekieri inobva naye patemberi, ichiyera kureba kwerwizi rwacho pavanenge vachifamba. Ngirozi yacho inoita kuti Ezekieri apote achiyambuka rwizi rwacho, uye muprofita wacho anoona kuti rwuri kuenda ruchidzika zvekuti asati atomboenda kure anenge ava kutofanira kuita zvekushambira!

2 Ezekieri anoudzwa kuti rwizi rwacho rwuri kuyerera ruchinodira muGungwa Rakafa uye kwese kunosvika mvura yacho inoporesa mvura ine munyu uye isina upenyu mugungwa iri, rozara nehove. Uye anoona miti yakawanda yakasiyana-siyana iri mumahombekombe erwizi rwacho. Miti yacho inobereka michero mwedzi nemwedzi uye ine mashizha anoporesa. Kuona zvese izvi, kunofanira kunge kwakanyaradza Ezekieri uye kwakamupa tariro. Asi Ezekieri nevamwe vaJudha vaiva muutapwa vakadzidzei pachikamu ichi chechiratidzo chetemberi? Uye isu tinodzidzei mazuva ano?

Nhapwa Dzakadzidzei Pachiratidzo Cherwizi?

3. Nei vaJudha vakanzwisisa kuti rwizi rwakaonekwa naEzekieri muchiratidzo rwaisava rwizi chairwo?

3 Hapana mubvunzo kuti vaJudha vemunguva yaEzekieri vakanzwisisa kuti urwu rwaisava rwizi chairwo. Chiratidzo ichi chinofanira kunge chakavayeuchidza nezvehumwe uprofita hwekudzorerwa kwekunamata kwakachena hwainge hwanyorwa nemuprofita Joeri makore anopfuura 200 akanga adarika. (Verenga Joeri 3:18.) Nhapwa dzechiJudha padzaiverenga mashoko aJoeri akafemerwa, dzaisatarisira kuti mumakomo chaimo ‘muchururuke waini inotapira’ kana kuti muzvikomo ‘muyerere mukaka’; dzaisatarisirawo kuona chitubu chaicho ‘chichiyerera chichibva mumba maJehovha.’ Saka vaJudha vanofanirawo kunge vakanzwisisa kuti chiratidzo chaEzekieri chakanga chisiri kutaura nezverwizi chairwo. * Kana zvakadaro, Jehovha akanga achivaudza kuti chii? Magwaro anotibatsira kunzwisisa zvimwe zviri muchiratidzo ichi. Asi iye zvino, ngatikurukurei vimbiso nhatu dzakajeka dzinoratidza rudo rwaJehovha dzatinowana pauprofita uhwu.

4. (a) Rwizi rwakaonekwa naEzekieri muchiratidzo runofanira kunge rwakaita kuti vaJudha vatarisire kuwana makomborero api kubva kuna Jehovha? (b) Kushandiswa kunoitwa mashoko ekuti “rwizi” uye “mvura” muBhaibheri kunoratidza sei kuti Jehovha achakomborera vanhu vake? (Ona bhokisi rakanzi “Nzizi Dzemakomborero Anobva Kuna Jehovha.”)

4 Rwizi rwunounza makomborero. MuBhaibheri, nzizi uye mvura zvinowanzoshandiswa kuratidza kuyerera kwemakomborero anobva kuna Jehovha. Ezekieri akaona rwizi rwakadaro ruchiyerera kubva patemberi, saka chiratidzo chacho chinofanira kunge chakaita kuti vanhu vaMwari vatarisire kuti Jehovha aizovakomborera pakunamata chero bedzi vaizoramba vachinamata zvakachena. Vaizokomborerwa sei? Vapristi vaizotangazve kuvadzidzisa nezvaJehovha. Uye sezvo zvibayiro zvaizotangazve kupiwa patemberi, vaigona kuva nechokwadi chekuti zvivi zvavo zvaizoyananisirwa. (Ezek. 44:15, 23; 45:17) Saka vaizova vakachena zvakare, sekunge kuti vagezwa nemvura yakachena iri kubuda mutemberi.

5. Chiratidzo cherwizi chakanyaradza sei vamwe vangangodaro vaityira kuti makomborero aisazokwanira munhu wese?

5 Paizogara paine makomborero anokwana munhu wese here? Kana paine aityira izvi, aigona kunyaradzwa nekuyeuka kuti mvura yerwizi rwacho yaiita ichiwanda zvinoshamisa, kubva patumvura tushoma twaisinina zvishoma nezvishoma tuchibva pasi ichizova mafashamo yangoti pfuurei makiromita maviri! (Ezek. 47:3-5) VaJudha vaizodzorerwa kunyika yavo vaigona kuzoberekana vowanda; asi makomborero aJehovha aizowedzerawo zvichienderana nekuwanda kwavo. Rwizi urwu rwairatidza kuti makomborero aizowanda zvekufashukira!

6. (a) Chiratidzo ichi cheuprofita chaipa vanhu vimbiso yei? (b) Iyambiro ipi yaipiwa nechiratidzo ichi? (Onawo mashoko emuzasi.)

6 Mvura inopa upenyu. Muchiratidzo chaEzekieri, rwizi rwacho rwaiyerera ruchinodira muGungwa Rakafa, zvichiita kuti zvinhu zvitange kurarama imomo. Cherechedza kuti mvura iyi yakaita kuti muGungwa Rakafa muve nehove dzakawanda dzemarudzi akasiyana-siyana sedziya dzaiwanikwa muGungwa Guru, rinonziwo Gungwa reMedhitereniyeni. Paitova nebhizinesi rekutengesa hove raibudirira chaizvo pamhenderekedzo yeGungwa Rakafa, pakati pemaguta maviri akanga akaparadzana nechinhambwe chakati kurei. Ngirozi yacho yakati: “Zvinhu zvese zviri kunosvika rukova rwacho zvichararama.” Izvi zvinoreva here kuti mvura yaibva muimba yaJehovha yaisvika munzvimbo dzese dzeGungwa Rakafa? Aiwa. Ngirozi yacho yakatsanangura kuti pane dzimwe nzvimbo dzine machakwi dzisina kusvikwa nemvura iyi inopa upenyu. Nzvimbo idzodzo ‘dzaizongoramba dziine munyu.’ * (Ezek. 47:8-11) Vimbiso yaipiwa nechiratidzo ichi cheuprofita ndeyekuti kunamata kwakachena kwaizopa vanhu upenyu, kuchivaita kuti vabudirire. Asi chaivawo neyambiro iyi yekuti: Havasi vese vaizogamuchira makomborero anobva kuna Jehovha; uye havasi vese vaizorapwa.

7. Miti yemuchiratidzo chaEzekieri yaiva mumahombekombe erwizi yakapa nhapwa dzechiJudha chivimbo chei?

7 Miti yemichero ine mashizha anorapa. Ngatimbokurukura nezvemiti iya yaiva kumahombekombe erwizi. Ichokwadi kuti miti iyi inoita kuti rwizi rwacho ruyevedze. Asi ine zvayakabatsirawo nhapwa kunzwisisa. Hapana mubvunzo kuti Ezekieri nevamwe vekumusha kwake vaifara pavaifungidzira vachidya michero inonaka yemiti iyoyo yaiberekwa mwedzi nemwedzi! Kufunga izvozvo kwaivapa chivimbo chekuti Jehovha aizovapa zvekudya zvinosimbisa pakunamata. Chii chimwe chavaigona kudzidza? Cherechedza kuti mashizha emiti iyoyo ‘aizorapa vanhu.’ (Ezek. 47:12) Jehovha aiziva kuti chainyanya kudiwa nevanhu vaibva kuutapwa kupfuura zvimwe zvese kwaiva kurapwa panyaya dzekunamata, saka akavimbisa kuti aizovaitira izvozvo. Takakurukura kuti Jehovha akaita sei izvi patakaongorora humwe uprofita hwekudzorerwa kwevanhu vake muChitsauko 9 chebhuku rino.

8. Tinoziva sei kuti chiratidzo chaEzekieri chaizova nekuzadziswa kukuru?

8 Asi sezvatakakurukura muChitsauko 9, vanhu vakabva kuutapwa vakangoona uprofita uhwu huchizadziswa zvishoma. Vanhu vacho pachavo ndivo vakaita kuti uprofita uhwu husazadziswa zvakazara. Jehovha aizovakomborera sei zvakazara ivo vairamba vachidzokera pakuita zvakaipa, vasingamuteereri, uye vachisiya kunamata kwakachena? Vanhu vakatendeka vairwadziwa uye vaiodzwa mwoyo nezvaiitwa nevamwe vaJudha. Asi vashumiri vaJehovha vakavimbika vaiziva kuti vimbiso dzake hadzimbokundikani; dzinototi dzizadziswe kunyange zvodini. (Verenga Joshua 23:14.) Saka rimwe zuva, paizova nekuzadziswa kukuru kwechiratidzo chaEzekieri. Asi zvaizoitika riini?

Rwizi Rwacho Rwuri Kuyerera Mazuva Ano!

9. Chiratidzo chaEzekieri chetemberi chaizova nekuzadziswa kukuru riini?

9 Sezvatakaona muChitsauko 14 chebhuku rino, chiratidzo chetemberi yakaonekwa naEzekieri chaizova nekuzadziswa kukuru “mumazuva ekupedzisira,” kunamata kwakachena kwakwidziridzwa zvakusati kwamboitwa. (Isa. 2:2) Chikamu ichi chechiratidzo chaEzekieri chiri kuzadziswa sei mazuva ano?

10, 11. (a) Makomborero api ari kuyerera serwizi achiuya kwatiri mazuva ano? (b) Makomborero anobva kuna Jehovha ari kuwedzera sei kuti aenderane nekuwanda kuri kuita vanhu mazuva ano musangano rake?

10 Rwizi rwunounza makomborero. Mvura yaiyerera ichibva mumba maJehovha inotiyeuchidza nezvemakomborero api mazuva ano? Tinoyeuchidzwa nezvezvinhu zvese zvatinopiwa naJehovha zvinotivaka uye zvinotisimbisa pakunamata. Chikuru chacho rudzikinuro rwaKristu, urwo rune simba rekutichenesa pazvivi zvedu. Chokwadi chiri muShoko raMwari chinofananidzwawo nemvura inotichenesa uye inopa upenyu. (VaEf. 5:25-27) Makomborero iwayo ari kuyerera sei mazuva ano?

11 Muna 1919 kwaingova nezviuru zvishoma zvevashumiri vaJehovha, uye vaifara chaizvo pavaitsanangurirwa chokwadi cheBhaibheri. Mumakore akazotevera, vakaramba vachiwedzera kuwanda. Iye zvino, vanhu vaMwari vava kutopfuura mamiriyoni 8 nekure. Ko kuyerera kwemvura yacho yakachena kwakawedzerawo here kuti kuenderane nekuwanda kwevanhu? Hongu! Tine chokwadi chakawanda chatiri kutsanangurirwa. Mabhiriyoni emaBhaibheri, mabhuku, magazini, nezvimwe zvinyorwa zvinotsanangura Bhaibheri zvanga zvichiita sezviri kuyerera zvichienda kuvanhu vaMwari mumakore zana apfuura. Kungofanana nerwizi rwakaonekwa naEzekieri muchiratidzo, chokwadi chakawedzera kuyerera kuti chienderane nekuwanda kwevanhu vane nyota yekuziva Mwari pasi rese. Mabhuku anotsanangura Bhaibheri akaprindwa ava nemakore achiwanika. Iye zvino, mabhuku aya ava kuwanika pajw.org mumitauro inopfuura 900! Mvura yakadaro yechokwadi inoita kuti vanhu vane mwoyo inoda chokwadi vanzwe sei?

12. (a) Tiri kuona sei chokwadi chichipa vanhu upenyu? (b) Chiratidzo ichi chinotipa yambiro ipi mazuva ano? (Onawo mashoko emuzasi.)

12 Mvura inopa upenyu. Ezekieri akaudzwa kuti: “Zvinhu zvese zviri kunosvika rukova rwacho zvichararama.” Funga nezvekuti mashoko echokwadi akayerera sei achisvika kune vaya vakauya muparadhiso yedu yemweya. Chokwadi cheBhaibheri chiri kuita sechiri kupa vanhu upenyu pachinosvika pamwoyo yavo chovabatsira kuti vave nekutenda muna Jehovha. Asi chiratidzo ichi chinopawo yambiro yakakodzera yekuti: Havasi vese vanoramba vari muchokwadi. Kungofanana nenzvimbo dzine machakwi dzemuGungwa Rakafa dzakaonekwa naEzekieri muchiratidzo, pane vamwe vanopedzisira vaomesa mwoyo yavo, vasisagamuchiri chokwadi ichi kana kuchishandisa. * Hatitombodi kuti izvozvo zvife zvakaitika kwatiri!—Verenga Dheuteronomi 10:16-18.

13. Zvidzidzo zvipi zvatinowana pamiti yemuchiratidzo chaEzekieri?

13 Miti yemichero ine mashizha anorapa. Mazuva ano, pane zvidzidzo zvinokurudzira zvatinowana pamiti yemuchiratidzo chaEzekieri yaiva pamahombekombe erwizi here? Hongu! Yeuka kuti miti iyoyo yaibereka michero inonaka mwedzi nemwedzi, uye mashizha ayo airapa vanhu. (Ezek. 47:12) Saka inotiyeuchidza kuti tinoshumira Mwari anotipa zvekudya zvinotisimbisa pakunamata uye anotibatsira kuti tipore kana tarwara pakunamata. Hapana zvimwe zvinokosha kupfuura izvi. Vanhu vari munyika vari kurwara uye vari kuziya nenzara pakunamata. Asi funga nezvezvinhu zvatinopiwa naJehovha. Unowanzonzwa sei paunopedza kuverenga imwe nyaya mumagazini yedu, kuimba rwiyo rwekupedzisira pagungano, kana kuona JW Broadcasting? Haunzwe wakakomborerwa here? Tinogara takaguta zvechokwadi! (Isa. 65:13, 14) Zvekudya zvedu zvemweya zvinotipa utano panyaya dzekunamata here? Mazano anovaka atinopiwa, ayo anobva muShoko raMwari, anotibatsira kurwisa zvinhu zvinotikanganisa pakunamata zvakadai seunzenza, makaro, uye kusava nekutenda. Jehovha akaitawo urongwa hwekubatsira vaKristu kuti vapore pakunamata kana vaita zvivi zvakakura. (Verenga Jakobho 5:14.) Chokwadi takakomborerwa, sezvinoratidzwa nechiratidzo chaEzekieri chemiti.

14, 15. (a) Tinodzidzei panzvimbo dzine machakwi dzisina kuporeswa dzemuchiratidzo chaEzekieri? (b) Rwizi rwakaonekwa naEzekieri muchiratidzo runotibatsira sei mazuva ano?

14 Uye tine chimwe chidzidzo chatinowana panzvimbo dziya dzine machakwi dzisina kuporeswa. Hatimbodi kuramba kuti makomborero aJehovha ayerere muupenyu hwedu. Tinenge tazvipinza mungozi chaiyo kana tikasaporeswa sezvakaita vakawanda vari munyika ino. (Mat. 13:15) Pane kudaro, tinofara kubatsirwa nemakomborero anoyerera kwatiri serwizi. Patinonyatsonwa mvura yakachena yechokwadi cheShoko raMwari, patinoparidza tichiudza vamwe chokwadi ichi, patinotungamirirwa nevakuru vakadzidziswa nemuranda akatendeka vachitibatsira uye vachitinyaradza, tinogona kubva tafunga nezverwizi rwakaratidzwa Ezekieri. Rwunopa upenyu uye rwunoporesa kwese kwarunosvika!

15 Asi chiratidzo cherwizi urwu chichazadziswa sei mune ramangwana? Sezvatichaona, rwizi urwu ruchanyatsoyerera zvakakwana muParadhiso yatakamirira.

Kuzadziswa Kuchaitwa Chiratidzo Ichi muParadhiso

16, 17. (a) Rwizi rwemakomborero ruchafashukira sei muParadhiso? (b) Tichabatsirwa sei nemakomborero erwizi irworwo muParadhiso?

16 Unombofungidzira uri muParadhiso uchifara nehama neshamwari here? Kudzidza chiratidzo chaEzekieri cherwizi kunogona kukubatsira kuti unyatsozviona urimo. Nei tichidaro? Ngatimbokurukurai zvakare zvinhu zvitatu zvakajeka zviri muchiratidzo ichi zvinoratidza rudo rwaMwari.

17 Rwizi rwunounza makomborero. Rwizi urwu rwekufananidzira ruchanyatsofashukira muParadhiso, nekuti rwunenge ruchibatsira pakunamata uye rwuchiporesa vanhu pazvirwere chaizvo. Jesu paanenge achitonga kwemakore 1 000, Umambo hwaMwari huchaita kuti vanhu vakatendeka vanyatsobatsirwa nerudzikinuro. Zvishoma nezvishoma vachabvisirwa chivi! Kunenge kusisina zvirwere, vanachiremba, vanamukoti, zvipatara, kana zvekupota uchibhadhara mari yekuti uzorapwa kana warwara! Mvura iyoyo yeupenyu ichayerera kumamiriyoni evanhu vachapona paAmagedhoni, “boka guru” richabuda “mukutambudzika kukuru.” (Zvak. 7:9, 14) Kunyange zvazvo rwizi urwu ruchaunza makomborero akawanda chaizvo, runenge ruchingova tumvura twuri kusinina kana tichienzanisa nezvaruchazoenderera mberi ruchiita. Kungofanana nekuyerera kwarwaiita muchiratidzo chaEzekieri, rwizi urwu ruchaita ruchikura kuti rubatsire vanhu vakawanda.

MuParadhiso, rwizi rwemakomborero ruchaita kuti munhu wese adzokere pakuva nesimba reudiki neutano hwakanaka (Ona ndima 17)

18. “Rwizi rwemvura yeupenyu” ruchafashukira sei mumakore 1 000?

18 Mvura inopa upenyu. Mumakore 1 000, “rwizi rwemvura yeupenyu” ruchafashukira. (Zvak. 22:1) Mabhiriyoni evanhu achamutswa kubva kuvakafa, opiwa mukana wekurarama nekusingaperi muParadhiso! Makomborero achaunzwa naJehovha achishandisa Umambo achasanganisira kumutsa vanhu vazhinjizhinji vakafa, vava nenguva refu varere muguruva renyika. (Isa. 26:19) Asi vanhu vese vachamutswa vachararama nekusingaperi here?

19. (a) Chii chinoratidza kuti muParadhiso chokwadi chitsva chichayerera semvura chichibva kuna Jehovha? (b) Sei tichiti vamwe vachaita ‘sevasiyiwa vaine munyu’ mune ramangwana?

19 Munhu ega ega achafanira kuzvisarudzira. Pane magwaro matsva achavhurwa panguva iyoyo. Saka mvura inozorodza inobva kuna Jehovha ichasanganisira chokwadi chitsva, mirayiridzo mitsva ine chekuita nekunamata. Haunzwiwo kufara here paunofunga izvi? Asi pane vamwe vacharamba chikomborero ichi, vosarudza kusateerera Jehovha. Vamwe vanhu vanogona kupanduka mumakore 1 000, asi havazosiyiwi vachivhiringidza runyararo rwemuParadhiso. (Isa. 65:20) Izvi zvinogona kutiyeuchidza nezvechiratidzo chaEzekieri, chenzvimbo dzine machakwi dzakaramba dzisina upenyu, ‘dzakangoramba dziine munyu.’ Hunenge huri upenzi chaihwo kuomesa musoro, toramba kunwa mvura yeupenyu! Pashure pemakore 1 000, pane vamwe vachapanduka, votsigira Satani. Vese vanenge varamba utongi hwakarurama hwaJehovha vachaparadzwa nekusingaperi.—Zvak. 20:7-12.

20. Urongwa hupi huchatibatsira huchaitwa mumakore 1 000 hunotiyeuchidza nezvemiti yemuchiratidzo chaEzekieri?

20 Miti yemichero ine mashizha anorapa. Jehovha haana waanoda kuti arasikirwe neupenyu husingaperi. Kuti atibatsire kubatisisa mukana uyu waanotipa, achava nechokwadi chekuti aitazve humwe urongwa hwakafanana nehwemiti iya yakaonekwa naEzekieri. Asi muParadhiso, Jehovha achatibatsira pane zvekunamata uye pane zvatinoda kuti tirarame zvakanaka. Jesu Kristu nevamwe vake 144 000 vachatonga semadzimambo vari kudenga kwemakore 1 000. Seboka revapristi, vane 144 000 vachaita kuti vanhu vakatendeka vanyatsobatsirwa nerudzikinuro rwaKristu kuburikidza nekuvabvisira chivi. (Zvak. 20:6) Urongwa uhwu hwekuporesa vanhu pakunamata uye pakurwara hunotiyeuchidza nezvemiti iya yakaonekwa naEzekieri kumahombekombe erwizi, miti yaibereka michero inopa utano uye yaiva nemashizha anorapa. Chiratidzo chaEzekieri chakafanana nemamwe mashoko euprofita anofadza chaizvo akanyorwa nemuapostora Johani. (Verenga Zvakazarurwa 22:1, 2.) Mashizha emiti yakaonekwa naJohani aiva “ekurapa marudzi.” Vanhu vasingaverengeki vakatendeka vachabatsirwa nekushanda kuchaita vapristi ava 144 000.

21. Unonzwa sei paunofunga nezverwizi rwemuchiratidzo chaEzekieri, uye chii chatichakurukura muzvitsauko zvinotevera? (Ona bhokisi rakanzi “Tumvura Twuri Kusinina Twunova Mafashamo!”)

21 Paunofunga nezverwizi rwemuchiratidzo chaEzekieri, handizvo here kuti unonzwa wava nerugare uye tariro yako yasimbiswa? Kune zvinhu zvakanaka zviri mberi kwedu. Chimbofunga izvi: Pachiine zviuru zvemakore, Jehovha akazivisa mashoko anotibatsira kufungidzira kunaka kuchange kwakaita Paradhiso, uye akatiitira mwoyo murefu achitikoka kuti tizoonawo kuzadziswa kukuru kwemashoko acho. Uchange uripowo here? Zvimwe unombofunga kuti uchakwanisawo here kupinda muParadhiso. Ngationei kuti zvitsauko zvekupedzisira zveuprofita hwaEzekieri zvinotisimbisa sei.

^ ndima 3 Uyewo, vaJudha ivavo pavaiyeuka zvakanga zvakaita nyika yavo, vanofanira kunge vaiziva kuti zvaisaita kuti rwizi urwu rwuve rwizi chairwo nekuti rwaiyerera ruchibva patembri iri pamusoro pegomo refu refu, iro ravaiziva kuti rakanga risipo panzvimbo yaitsanangurwa. Uyezve Ezekieri anogona kunge akaratidzwa rwizi rwaiyerera rwakati twasu ruchienda kuGungwa Rakafa, izvo zvisingaiti sezvo paine dzimwe nzvimbo dzine mikwidza nezvikomo tisati tasvika kuGungwa Rakafa.

^ ndima 6 Vamwe vaongorori vanoona izvi sechinhu chakanaka nekuti vanoti bhizinesi remunyu wekurungisa rava nenguva yakareba richibudirira chaizvo munharaunda yeGungwa Rakafa. Asi cherechedza kuti uprofita hwacho hwakanyatsotaura kuti nzvimbo idzodzo dzine machakwi ‘dzaizongoramba dzakadaro.’ Dzaizoramba dzisina upenyu, dzisina kuporeswa nekuti mvura inopa upenyu inobva muimba yaJehovha yaisazosvika kwadziri. Saka nzvimbo idzi dzine machakwi padzinonzi dzakaramba dziine munyu, chaisava chinhu chakanaka.—Pis. 107:33, 34; Jer. 17:6.

^ ndima 12 Izvi zvakafanana nezvinoratidzwa nemufananidzo waJesu wemambure ekukukudzisa. Hove dzakawanda dzinobatwa mumambure acho asi hadzisi dzese dzinonzi “dzakanaka.” Dzisina kukodzera dzacho dzaitofanira kuraswa. Apa Jesu aitoyambira kuti vakawanda vevaya vakambobatana nesangano raJehovha vaigona kuzoratidza kuti havana kutendeka.—Mat. 13:47-50; 2 Tim. 2:20, 21.