Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 22

“Namata Mwari”

“Namata Mwari”

ZVAKAZARURWA 22:9

ZVATICHADZIDZA: Kudzokorora zvidzidzo zvikuru zvemubhuku raEzekieri uye kushanda kwazvinoita mazuva ano, uye kwazvichaita mune ramangwana

1, 2. (a) Munhu wese anofanira kuita chisarudzo panyaya ipi? (b) Imwe ngirozi yakatii payakada kunamatwa naJohani?

MUMWE nemumwe wedu ane mubvunzo unokosha waanofanira kupindura: Ndiani wandinofanira kunamata? Vakawanda vangapindura vachiti zviri pachena kuti tinofanira kunamata Mwari, asi nzira dzacho dzekunamata ndidzo dzakawandisa zvinovhiringidza. Asi chokwadi ndechekuti nzira idzi dzinongova mbiri chete saka zviri nyore kusarudza. Manamatiro edu acharatidza kuti tiri kunamata Jehovha Mwari here kana kuti Satani Dhiyabhorosi.

2 Satani ane shungu dzekuti anamatwe. Izvi zvakanyatsooneka paakaedza Jesu. Sezvakakurukurwa muChitsauko 1 chebhuku rino, Satani akavimbisa Jesu mubayiro wakakura, wekumupa simba paumambo hwese hwenyika. Dhiyabhorosi aida kutanga aitirwei? Akaudza Jesu kuti, “Pfugama wongondinamata kamwe chete.” (Mat. 4:9) Asi ngirozi yakatumwa kumuapostora Johani nemashoko ari muna Zvakazarurwa yakaita zvakasiyana zvachose nezvakaitwa naSatani. Yakaramba kunamatwa. (Verenga Zvakazarurwa 22:8, 9.) Johani paakada kuinamata, ngirozi iyi inozvininipisa yakati: “Usadaro!” Panzvimbo pekuti, ‘Ndinamate hako,’ yakati, “ Namata Mwari.”

3. (a) Chinangwa chebhuku rino ndechei? (b) Tichada kukurukura chii?

3 Chinangwa chebhuku rino ndechekusimbisa chido chedu chekuita zvakataurwa nengirozi iyi, kunamata Mwari mumwe chete, Jehovha. (Dheut. 10:20; Mat. 4:10) Ngatimbokurukurai muchidimbu zvatakadzidza nezvekunamata kwakachena kubva pauprofita hwaEzekieri nezviratidzo zvaakaona. Tadaro, tichazobatsirwa neMagwaro kuona zvichaitika kumberi, munhu wese anenge ari panyika paachaedzwa kekupedzisira, muedzo ucharatidza kuti ndevapi vacharamba vari panyika kuti vaone kunamata kwakachena kuchinyatsodzorerwa zvakakwana kusingazombosvibiswazve.

Zvinhu Zvitatu Zvinosimbiswa Mubhuku raEzekieri

4. Zvinhu zvipi zvitatu zvinosimbiswa mubhuku raEzekieri?

4 Bhuku raEzekieri rinotidzidzisa kuti kunamata kwakachena haisi nyaya yekungova netsika dzemanamatiro dzakarongwa dzekungopota tichitevedzera. Kunamata kwakachena kunoda (1) kuzvipira zvakazara kuna Jehovha, (2) kuramba takabatana pakunamata kusina kusvibiswa, uye (3) kuratidza kuti tinoda vamwe. Ngationei kuti uprofita hwaEzekieri uye zvaakaratidzwa zviri mubhuku rino zvinosimbisa sei zvinhu izvi zvitatu.

Chekutanga: Kuzvipira zvakazara kuna Jehovha

5-9. Takadzidzei nezvekuzvipira zvakazara kuna Jehovha?

5 Chitsauko 3: * Chiratidzo chinoshamisa chaJehovha akapoteredzwa nemuraraungu uye ari pamusoro pezvisikwa zvemweya zvine simba chinotidzidzisa chimwe chinhu chisingachinji: Wemasimbaose ndiye ega akakodzera kunamatwa.—Ezek. 1:4, 15-28.

6 Chitsauko 5: Zvaivhundutsa kuona chiratidzo chetemberi yaJehovha ichisvibiswa! Chiratidzo ichi chinobudisa pachena kuti hapana chinogona kuvanzirwa Jehovha. Anoona mabasa akaipa anoitwa nevanhu, akadai sekunamata zvidhori, kunyange vachiaita pasina munhu ari kuzviona. Anorwadziwa nemabasa akadaro uye anoranga vaya vanoaita.—Ezek. 8:1-18.

7 Chitsauko 7: Mitongo yakapiwa naJehovha kumarudzi ‘aitsvinyira vaIsraeri zvisingaiti’ inoratidza kuti Jehovha achatonga vaya vanobata vanhu vake zvisina kunaka. (Ezek. 25:6) Asi tinodzidzawo chimwe chinhu pane zvaiitika pakati pevaIsraeri nemarudzi aya: Tinofanira kuva vakavimbika kuna Jehovha kupfuura chero ani zvake. Hatimbofaniri kurega kuita zvinodiwa naJehovha tichida kufadza veukama vasingashumiri Jehovha; hatifaniriwo kuvimba nepfuma kana kuzvipira kuhurumende dzevanhu, izvo zvakakodzera kuitwa kuna Jehovha chete.

8 Zvitsauko 13 ne14: Chiratidzo chetemberi iri pamusoro pegomo chinotidzidzisa kuti tinofanira kuteerera mitemo yaMwari yakakwirira, tichiziva kuti iye ndiye akakwirira kupfuura vamwe vanamwari vese.—Ezek. 40:1–48:35.

9 Chitsauko 15: Kufananidzwa kunoitwa Israeri neJudha nepfambi muuprofita kunotiyeuchidza kuti Jehovha anosemeswa zvakadini neupombwe hwekunamata.—Ezek., zvitsauko 16, 23.

Chechipiri: Kuramba takabatana pakunamata kusina kusvibiswa

10-14. Nyaya yekuti tirambe takabatana pakunamata kwakachena yakasimbiswa sei?

10 Chitsauko 8: Uprofita hunovimbisa kuti Jehovha aizoita kuti pave ‘nemufudzi mumwe chete’ aizochengeta makwai ake, hunoratidza kuti zvinokosha kuti tishande takabatana uye murugare, pasi peutungamiriri hwaJesu.—Ezek. 34:23, 24; 37:24-28.

11 Chitsauko 9: Uprofita hwaEzekieri hwekusunungurwa kwaizoitwa vanhu vaMwari kubva kuBhabhironi vachiendeswa kumusha kwavo hune chidzidzo chinobatsira vanhu vanoda kufadza Jehovha mazuva ano. Vanamati vakachena vaJehovha vanofanira kusiya zvachose chero chii zvacho chine chekuita nekunamata kwakasviba kwenhema. Pasinei nekuti tinobva kunyika dzakasiyana, uye mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, tinofanira kuramba takabatana, izvo zvinoratidza kuti tiri vanhu vaMwari.—Ezek. 11:17, 18; 12:24; Joh. 17:20-23.

12 Chitsauko 10: Nyaya yekubatana yakasimbiswa nechiratidzo chemapfupa akaoma akaitwa kuti ave neupenyu. Tine chikomborero chakakura kuva pakati peboka guru revanamati vakachena vanoshanda pamwe chete seuto!—Ezek. 37:1-14.

13 Chitsauko 12: Kubatana kwakanyatsoratidzwa kuti kwakakosha neuprofita hwetutanda twuviri twakabatanidzwa kuva katanda kamwe chete. Zvinosimbisa kutenda chaizvo kuona uprofita uhwu huchizadziswa nevakazodzwa uye mamwe makwai! Pasinei nekuti tiri kurarama munyika ine vanhu vasina kubatana nekuda kwekusiyana kwezvitendero zvavo uye mapato ezvematongerwo enyika avanotsigira, tinoramba takabatanidzwa nerudo nekuvimbika.—Ezek. 37:15-23.

14 Chitsauko 16: Chiratidzo chemurume ane nyanga yeingi nevarume vane zvombo zvekuparadza chine yambiro yakasimba yekuti pachasvika “kutambudzika kukuru” vanamati vakachena ndivo chete vachaiswa chiratidzo chekuti vapone.—Mat. 24:21; Ezek. 9:1-11.

Chechitatu: Kuratidza kuti tinoda vamwe

15-18. Nei tichifanira kuramba tichiratidza rudo, uye tingazviita sei?

15 Chitsauko 4: Chiratidzo chezvisikwa zvipenyu zvina chakatidzidzisa kuti Jehovha ndiMwari akaita sei, uye kuti rudo ndirwo rwunopfuura zvese zvaari. Patinoratidza rudo nemashoko nezviito, tinenge tichiratidza kuti Jehovha ndiye Mwari wedu.—Ezek. 1:5-14; 1 Joh. 4:8.

16 Zvitsauko 6 ne11: Rudo rwaMwari rwakaita kuti agadze varindi vakadai saEzekieri. Mwari rudo, saka hapana waanoda kuti aparadzwe paachagumisa nyika ino iri kutongwa naSatani. (2 Pet. 3:9) Tine chikomborero chekutevedzera rudo rwaMwari kuburikidza nekutsigira basa remurindi wemazuva ano.—Ezek. 33:1-9.

17 Zvitsauko 17 ne18: Jehovha anoziva kuti vakawanda vachaomesa musoro iye achida kuvanzwira tsitsi uye vachaedza kutotsvaira vashumiri vake vakavimbika. Rudo ruchaita kuti Jehovha adzivirire vanhu vake vakavimbika pavacharwiswa ‘naGogi wenyika yeMagogi.’ Kuda vamwe kunoita kuti tiyambire vakawanda tichivaudza kuti Jehovha achaparadza vaya vanodzvinyirira vanhu vake.—Ezek. 38:1–39:20; 2 VaT. 1:6, 7.

18 Zvitsauko 1920, ne21: Tinonyatsoona kuda kunoita Jehovha vanhu pachiratidzo cherwizi rwemvura inopa upenyu uye chekugovewa kwenyika. Zvakaonekwa naEzekieri zvinoratidza makomborero anobva parudo rusingaenzaniswi rwakaratidzwa naJehovha, paakapa upenyu hweMwanakomana wake kuti tiregererwe zvivi zvedu uye tirarame tisina chivi senhengo dzemhuri yaMwari. Imwe yenzira dzakanakisisa dzekuratidza vamwe rudo ndeyekuvaudza nezvemakomborero anobva kuna Jehovha aachapa vaya vanotenda muMwanakomana wake.—Ezek. 45:1-7; 47:1–48:35; Zvak. 21:1-4; 22:17.

Kuzvininipisa Kunoshamisa Pashure Pemakore 1 000 Ekutonga kwaKristu

19. Jesu achaitei paachatonga kwemakore ane chiuru? (Ona bhokisi rakanzi “Kutarisana Nemuedzo Wekupedzisira.”)

19 Mumakore ane chiuru ekutonga kwake, Jesu achamutsa mabhiriyoni evakafa uye achatiporesa pamarwadzo anokonzerwa ‘nemuvengi, rufu.’ (1 VaK. 15:26; Mako 5:38-42; Mab. 24:15) Upenyu hwevanhu pasi pano hwanga huchingova misodzi yega yega nekusuruvara. Asi chizvarwa chimwe nechimwe pachinenge chichimutswa, Jesu achange achidzima ndangariro dzese idzodzo achipa vanhu mukana wekutanga patsva upenyu husina misodzi kana kusuruvara. Achishandisa chibayiro cherudzikinuro, achabvisa matambudziko ese akakonzerwa nezvirwere, hondo, uye nzara. Achatoita zvinopfuura ipapo. Achatibatsira kudzura mudzi wematambudziko edu, chivi chakabva kuna Adhamu. (VaR. 5:18, 19) Jesu ‘achaputsa mabasa aDhiyabhorosi.’ (1 Joh. 3:8) Chii chinozoitika pashure peizvi?

Vanhu vachamutswa vachava nemukana wekutanga patsva upenyu husina misodzi kana kusuruvara

20. Jesu nevamwe vake 144000 vacharatidza sei kuzvininipisa kunoshamisa? Tsanangura. (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.)

20 Verenga 1 VaKorinde 15:24-28. Vanhu vese pavanenge vasisina chivi, uye nyika yavazve Paradhiso sezvaidiwa naMwari pakutanga, Jesu nevaachatonga navo 144 000, vacharatidza kuzvininipisa kunoshamisa; vachadzorera Umambo kuna Jehovha. Vachaita izvi pachaguma makore 1 000 pasina kumanikidzwa uye zvine rugare. Zvese zvinenge zvaitwa neUmambo uhwu zvichagara nekusingaperi.

Muedzo Wekupedzisira

21, 22. (a) Nyika ichange yaita sei pachapera makore 1 000? (b) Nei Jehovha achasunungura Satani nemadhimoni?

21 Jehovha achabva aita chimwe chinhu chinoshamisa chinoratidza kuti anonyatsovimba nevanhu vepanyika vaanenge achitonga. Achaita kuti Satani nemadhimoni vasunungurwe mugomba rakadzikadzika mavanga vakavharirwa kwemakore 1 000. (Verenga Zvakazarurwa 20:1-3.) Vachaona nyika yasiyana zvikuru neyavaimboziva. Amagedhoni payainge isati yaitika, vanhu vakawanda vaitsauswa naSatani uye vaiparadzaniswa neruvengo nerusarura. (Zvak. 12:9) Asi pachazopera makore 1 000, vanhu vese vanenge vava kunamata Jehovha vakabatana, semhuri imwe chete ine rudo. Nyika inenge yava Paradhiso ine runyararo.

22 Nei Jehovha achazosunungura mhandu idzi, Satani nemadhimoni ake, achivadzosa munyika yaanenge achenesa? Nekuti vanhu vakawanda vanenge vari vapenyu pachapera makore ane chiuru vanenge vasina kumbobvira vaedzwa kuvimbika kwavo sevanamati vakatendeka vaJehovha. Vakawanda vakanga vafa vasina kumboziva Jehovha vachibva vazomutswa muParadhiso. Jehovha anenge avapa upenyu nezvimwe zvavanoda kuti vararame, uye avadzidzisawo nezvake. Vakanga vararama vasina munhu anovafurira kuita zvakaipa. Vanhu vese vavairarama navo vaida Jehovha uye vaimushumira. Satani anogona kupomera ava vanenge vamutswa mhosva yaakapomera Jobho; anogona kuti vari kungoshumira Mwari nekuti anovachengeta uye ari kuvakomborera. (Job. 1:9, 10) Saka Jehovha asati anyora mazita edu zvachose mubhuku reupenyu, achatipa mukana wekuti tinyatsoratidza zvakakwana kuti takavimbika kwaari saBaba vedu uye kuti tinobvuma utongi hwake.—Zvak. 20:12, 15.

23. Munhu mumwe nemumwe achafanira kuita chisarudzo panyaya ipi?

23 Satani achapiwa nguva diki yekuti amboedza kutsausa vanhu pakushumira Mwari. Achashandisa muedzo wakaita sei? Pamwe munhu mumwe nemumwe achatarisana nenyaya yakafanana neyakasangana naAdhamu naEvha, yekusarudza kuti otsigira utongi hwaMwari here, achimunamata nekumuteerera kana kuti otsigira Satani.

24. Nei vanhu vachapanduka vachinzi Gogi naMagogi?

24 Verenga Zvakazarurwa 20:7-10. Sezvineiwo, vaya vachapanduka panopera makore 1 000 vanonzi Gogi naMagogi. Maitiro avo akangofanana neevapanduki vaya vakaprofitwa naEzekieri kuti vaizorwisa vanhu vaMwari panguva yekutambudzika kukuru. Boka iroro revanhu, “Gogi wenyika yeMagogi,” raizoumbwa nenyika kana kuti marudzi akasiyana-siyana aipikisa utongi hwaJehovha. (Ezek. 38:2) Vaya vanopanduka panopera makore ane chiuru ekutonga kwaKristu vanonziwo “marudzi.” Kushandiswa kwakaitwa shoko iri kune zvakunotiudza. Nei tichidaro? Nekuti Kristu paachatonga kwemakore 1 000 achabvisa miganhu yenyika; vanhu vese vanenge vava pasi pehurumende imwe chete, Umambo hwaMwari. Tinenge tabatana kuva rudzi rumwe chete. Uprofita uhwu pahunodana vapanduki ava kuti Gogi naMagogi uye pahunovati “marudzi,” hunenge huchiratidza kuti Satani achabudirira pakuita kuti vamwe vanhu vaMwari vaite mapoka. Hapana kana mumwe wavo achamanikidzwa kutsigira Satani. Sezvo vanenge vava vanhu vasina chivi, munhu mumwe nemumwe achazvisarudzira ega zvaanoda.

Vese vanopanduka vanonzi Gogi naMagogi (Ona ndima 24)

25, 26. Vanhu vakawanda sei vachabatana naSatani, uye vachaitwa sei?

25 Vangani vachabatana naSatani? Vanonzi vachange vakawanda “sejecha regungwa.” Mashoko aya haarevi zvawo kuti ruzhinji rwevanhu ruchapanduka. Tinozviziva sei? Chimbofunga zvakavimbiswa Abrahamu. Jehovha akaudza Abrahamu kuti vana vake vaizoita “sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa.” (Gen. 22:17, 18) Asi nhamba yevana vake yakazosvika 144 001. (VaG. 3:16, 29) Kunyange zvazvo iyi iri nhamba yakakura, idiki chaizvo kana tichiienzanisa nenhamba yevanhu vari pasi rese. Ndizvowo nenhamba yevachabatana naSatani; inenge yakakura, asi runenge rusiri ruzhinji rwevanhu. Vapanduki ava havazokwanisi kuparadza vashumiri vaJehovha vakavimbika.

26 Vaya vanenge vapanduka vachabva vangotsvairwa. Vachaparadzwa pamwe chete naSatani nemadhimoni ake, vasina kana tariro yerumuko. Chichangosara chichiyeukwa nezvavo nekusingaperi, kuparadzwa kwavakaitwa nekuda kwekutadza kwavo kusarudza zvakanaka.—Zvak. 20:10.

27-29. Vaya vanokunda muedzo wekupedzisira vachawanei?

27 Asi vaya vanenge vakunda muedzo wekupedzisira vachanyorwa mazita avo zvachose “mubhuku reupenyu.” (Zvak. 20:15) Zvadaro, vabatana semhuri imwe chete, vanakomana nevanasikana vaJehovha vakavimbika vachamupa rukudzo rwakamukodzera vachimunamata.

28 Chimbofunga nezveramangwana iroro. Uchava nebasa rinogutsa uye shamwari dzechokwadi. Iwe nehama dzako neshamwari hamuzombotamburi zvakare. Uchamira pamberi paJehovha usisina chivi, pasina munhu ari kukumiririra. Munhu wese achava neushamwari naJehovha, ushamwari husina chinohukanganisa. Uye chinotonyanya kukosha ndechekuti vese vari kudenga nepanyika, vachange vava kunyatsonamata zvakachena. Apa kunamata kwakachena kunenge kwazodzorerwa zvakakwana!

Paunenge usisina chivi, uchamira pamberi paJehovha pasina munhu ari kukumiririra (Ona ndima 28)

29 Uchange uripo here pachaitika zvinhu izvi? Unogona kuvapo kana ukaramba uchishandisa zvidzidzo zvitatu zvikuru zviri mubhuku raEzekieri zvinoti: Kuzvipira zvakazara kuna Jehovha, kuramba takabatana pakunamata kusina kusvibiswa, uye kuratidza kuti tinoda vamwe. Uprofita hwaEzekieri hunotipa chimwe chidzidzo chinokosha chekupedzisira. Ndechipi ichocho?

Imbofungidzira mufaro uchavako zvisikwa zvese zvekudenga nepanyika pazvinenge zvabatana pakunamata kwakachena (Ona ndima 27-29)

“Ziva Kuti Ndini Jehovha”

30, 31. Mashoko ekuti “vachaziva kuti ndini Jehovha” acharevei (a) kuvavengi vaMwari? (b) kuvanhu vaMwari?

30 Mubhuku rese raEzekieri, mashoko ekuti “vachaziva kuti ndini Jehovha” anodzokororwa adzokororwazve. (Ezek. 6:10; 39:28) Kuvavengi vaMwari, mashoko aya achareva hondo uye rufu. Kuziva kwacho kunenge kusiri kuya kwekungobvuma kuti Mwari ariko. Pavachaziva zvinorehwa nezita rake guru, kuti Mwari “Anoita Kuti Zviitike,” panenge pasisina pekubuda napo. “Jehovha wemauto” achava “murwi ane simba,” uye achavarwisa. (1 Sam. 17:45; Eks. 15:3) Vachanzwisisa chokwadi chinokosha nezvaJehovha chekuti hapana chinomutadzisa kuzadzisa chinangwa chake, asi panenge pasisina zvekuita.

31 Kuvanhu vaMwari, mashoko ekuti “vachaziva kuti ndini Jehovha” achareva rugare uye upenyu. Jehovha achaita kuti tive vanakomana nevanasikana vanonyatsomutevedzera zvakakwana, chinova ndicho chaiva chinangwa chake. (Gen. 1:26) Iye zvino Jehovha anotova Baba vedu uye Mufudzi anotidzivirira. Kwasara nguva pfupi kuti ave Mambo anokunda vavengi vedu achitidzivirira. Patiri kumirira zuva iroro, mashoko aEzekieri ngaarambe ari pamwoyo yedu. Ngatiratidzei nemashoko edu nezviito kuti tinoziva kuti Jehovha ndiani, uye kuti ndiMwari akaita sei. Kana tikadaro, panguva icharegedzerwa mhepo dzekuparadza pakutambudzika kukuru, hatizotyi. Tichatosimudza misoro yedu, tichiziva kuti kununurwa kwedu kunenge kwava pedyo. (Ruka 21:28) Patiri kumirira izvi, ngatibatsirei vanhu kwese kwese kuti vazive uye vade Mwari mumwe chete akakodzera kunamatwa, ane zita guru kupfuura mamwe mazita ese, Jehovha.—Ezek. 28:26.

^ ndima 5 Nhamba yezvitsauko iri kureva zvitsauko zvemubhuku rino kwete zvemubhuku reBhaibheri raEzekieri.