Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 2

‘Makasvibisa Nzvimbo Yangu Tsvene’—Kunamata Kwakachena Kunosvibiswa

‘Makasvibisa Nzvimbo Yangu Tsvene’—Kunamata Kwakachena Kunosvibiswa

EZEKIERI 5:11

ZVATICHADZIDZA: Judha neJerusarema zvinosiya kunamata kwakachena netsika dzakachena

Jehovha aida vaIsraeri uye aivatora ‘sepfuma yake yaanokoshesa.’ (Eks. 19:5) Asi ivo vakamutadzira vachinamata vanamwari venhema mutemberi chaimo, nzvimbo yaidanwa nezita rake! Vakarwadzisa mwoyo waJehovha vakashoresa zita rake. Nei vaIsraeri vakasvika pakuita zvakaipa kudaro? Tingadzidzei pauprofita hwaEzekieri hwekuparadzwa kweJerusarema? Uye tingawana zvidzidzo zvipi pane zvaiitika pakati pevaIsraeri nemarudzi akanga akavakidzana navo?

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHITSAUKO 5

‘Ona Zvinhu Zvakaipa Uye Zvinosemesa Zvavari Kuita’

Ezekieri anoona zvinhu zvinomuvhundutsa zviri kuitwa zvinoratidza kuti vaIsraeri vese vasiya kunamata kwakachena.

CHITSAUKO 6

“Kuguma Kwazosvika Pauri”

Kuenzanisira kweuprofita kwaiita Ezekieri kwairatidza hasha dzaMwari paguta reJerusarema.

CHITSAUKO 7

Marudzi ‘Achaziva Kuti Ndini Jehovha’

Marudzi aishora zita raMwari uye aitambudza kana kuti kusvibisa vanhu vake aisazongosiyiwa asina kurangwa. Zvidzidzo zvipi zvatinowana pane zvakaitika pakati pevaIsraeri nemamwe marudzi?