Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 6

“Kuguma Kwazosvika Pauri”

“Kuguma Kwazosvika Pauri”

EZEKIERI 7:3

ZVATICHADZIDZA: Kuzadziswa kwemashoko aJehovha euprofita hwematongerwo aizoitwa Jerusarema

1, 2. (a) Zvinhu zvipi zvisinganzwisisiki zvakaitwa naEzekieri? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.) (b) Zvaakaita zvinorevei?

MASHOKO ekuti Ezekieri ari kuita zvinhu zvisinganzwisisiki anokurumidza kufamba pakati penhapwa dzechiJudha dziri kugara muBhabhironi. Akanga aita vhiki akavhiringidzika uye akangonyarara ari pakati penhapwa, asi akazongosimuka ndokunozvivharira mumba make. Iye zvino, muprofita uyu anobuda panze vavakidzani vake vakatarisa vachishamisika, osimudza chidhinha, ochiisa pamberi pake, otemera pachiri mufananidzo. Apedza kudaro, hapana chaanotaura uye anotanga kuvaka karusvingo.—Ezek. 3:10, 11, 15, 24-26; 4:1, 2.

2 Vanhu vari kumuona achiita izvi, avo vanofanira kunge vawedzera, vanogona kunge vaizvibvunza kuti, ‘Zvese izvi zvinorevei?’ Nekufamba kwenguva nhapwa idzi dzechiJudha dzaizonyatsonzwisisa kuti zvaiitwa naEzekieri izvi zvaimiririra kuratidza kwaizoita Jehovha Mwari hasha dzake. Aizodziratidza pachiitiko chipi? Chiitiko ichocho chaizosiya vaIsraeri vava papi? Vanamati vechokwadi vanodzidzei pachiri mazuva ano?

“Tora Chidhinha . . . Tora Gorosi . . . Tora Bakatwa Rakapinza”

3, 4. (a) Zvinhu zvipi zvitatu zvaizoitika pakuparadzwa kweJerusarema zvakaenzanisirwa naEzekieri? (b) Ezekieri akaenzanisira sei kukombwa kwaizoitwa Jerusarema?

3 Munenge muna 613 B.C.E., Jehovha akaudza Ezekieri kuti aenzanisire zvinhu zvitatu zvaizoitika paizoparadzwa Jerusarema. Zvinhu zvacho ndeizvi: kukombwa kweguta, kutambura kwevagari varo, uye kuparadzwa kweguta nevanhu varo. * Ngatimboongororai zvinhu izvi zvitatu.

4 Kukombwa kweJerusarema. Jehovha akaudza Ezekieri kuti: “Tora chidhinha uchiise pamberi pako. Temerera pachiri mufananidzo weguta, iro Jerusarema. Rikombe.” (Verenga Ezekieri 4:1-3.) Chidhinha chaimiririra guta reJerusarema, uye Ezekieri pachake aimiririra uto reBhabhironi raizoshandiswa naJehovha. Ezekieri akaudzwawo kuti avake karusvingo ounganidza murwi wekukakomba, uye kuti agadzire zvekugumurisa masvingo. Aifanira kuzoisa zvinhu izvi zvakakomberedza chidhinha chacho. Zvinhu izvi zvaimiririra zvombo zvehondo zvaizoshandiswa nevavengi veJerusarema pakurikomba uye pakurirwisa. Kuti aratidze kuti masoja emuvengi aizenge akasimba sesimbi, Ezekieri aifanira kuisa “gango resimbi,” kana kuti ndiro, pakati pake neguta. Akabva ‘atarisa’ guta racho akatsamwa. Zvese izvi zvaiitwa naEzekieri zvaiva “chiratidzo kuimba yaIsraeri” chekuti zvinhu zvavaisambofungira zvakanga zvava kuda kuitika. Jehovha aizoshandisa uto remuvengi kuti rikombe Jerusarema, guta rinokosha revanhu vaMwari, guta rine temberi yaMwari!

5. Tsanangura kuti Ezekieri akaenzanisira sei zvaizoitika kuvagari vemuJerusarema.

5 Kutambura kwevagari vemuJerusarema. Jehovha akaudza Ezekieri kuti: “Tora gorosi, bhari, bhinzi, nyemba, mapfunde, nesipereti [imwe mhando yegorosi] . . . wozvibikisa chingwa,” uye “zuva rega rega uchayera zvekudya zvinorema mashekeri 20.” Jehovha akazotaura chikonzero chacho achiti: “Ndiri kuita kuti zvekudya zvipere.” (Ezek. 4:9-16) Apa Ezekieri akanga asiri kumiririra uto reBhabhironi asi vagari vemuJerusarema. Zvaiitwa nemuprofita izvi zvairatidza kuti panguva yaizokombwa guta, zvekudya zvaizoenda zvichipera. Pazvaizoitika, chingwa chaizobikwa nemusanganiswa wezvinhu zvisingawanzosanganiswa pakubika chingwa, zvichiratidza kuti vanhu vaizongodya chero zvavaizowana. Nzara yacho yaizoruma vanhu zvakadini? Achiita seari kutaura kuvagari vemuJerusarema, Ezekieri akati: “Vanababa vari pakati pako vachadya vanakomana vavo, uye vanakomana vachadya vanababa vavo.” Vakawanda vaizotambura nekuda ‘kwemiseve inouraya yenzara,’ uye vanhu ‘vaizoonda.’—Ezek. 4:17; 5:10, 16.

6. (a) Ezekieri aimiririra mativi api maviri panguva imwe chete? (b) Murayiro waMwari wekuti Ezekieri ‘ayere bvudzi uye arikamure-kamure’ unoratidzei?

6 Kuparadzwa kweJerusarema nevanhu varo. Panguva ino, pakuenzanisira uku kweuprofita, Ezekieri aimiririra mativi maviri panguva imwe chete. Divi rekutanga ari kuratidza zvaizoitwa naJehovha. Jehovha akamuudza kuti: “Tora bakatwa rakapinza urishandise sechisvo chekugeresa.” (Verenga Ezekieri 5:1, 2.) Ruoko rwaEzekieri rwainge rwakabata bakatwa rwaimiririra kutonga kwaJehovha achishandisa uto reBhabhironi. Divi rechipiri, Ezekieri ari kuenzanisira zvinhu zvaizoitika kuvaJudha. Jehovha akati kwaari: “Gera musoro wako nendebvu dzako.” Kugera kwakaita Ezekieri musoro wake kwairatidza kurwiswa uye kutsvairwa kwaizoitwa vaJudha. Uyewo mashoko aakaudzwa ekuti “tora bvudzi racho woriyera pachikero uchiriisa muzvikamu zvikamu,” aireva kuti Jehovha aizozadzisa mutongo wake waakapa Jerusarema, nemazvo uye zvakarongeka, kwete zvachero.

7. Nei Jehovha akaudza Ezekieri kuti akamure bvudzi rake kuti rive zvikamu zvitatu uye kuti aite nechikamu chimwe nechimwe zvakasiyana nezvaaiita nezvimwe?

 7 Nei Jehovha akaudza Ezekieri kuti akamure bvudzi raakanga aveura, kuti rive zvikamu zvitatu, uye kuti aite nechikamu chimwe nechimwe zvakasiyana nezvaaita nezvimwe? (Verenga Ezekieri 5:7-12.) Ezekieri akapisira chimwe chikamu chacho “muguta” achiratidza vanhu vakanga vakatarisa kuti vamwe vagari vemuJerusarema vaizofira muguta racho. Akashandisa bakatwa kudimbura-dimbura chimwe chikamu chebvudzi racho “kumativi ese eguta” achiratidza kuti vamwe vagari vemo vaizourayirwa kunze kweguta. Akaparadzira chikamu chekupedzisira chebvudzi racho kuti chitorwe nemhepo achiratidza kuti vamwezve vagari vemo vaizoparadzirwa kunyika dzakasiyana-siyana, asi “bakatwa” raizovadzingirira. Saka kwese kwavaizoenda, vaisazova nerugare.

8. (a) Nei kuenzanisira kwakaitwa naEzekieri kwaiti ipei vanhu tariro? (b) Mashoko euprofita ekuti pave nerimwe “bvudzi shoma” raisara akazadziswa sei?

8 Asi kuenzanisira kwakaitwa naEzekieri kwaiti ipei vanhu tariro. Jehovha akaudza muprofita Ezekieri zvekuita nerimwe bvudzi raakanga aveura achiti: “Torawo rimwe bvudzi shoma woriputira munguo yako.” (Ezek. 5:3) Zvaakaudzwa izvi zvairatidza kuti vamwe vaJudha vashoma vaizopararira pakati pemamwe marudzi vaizosiyiwa vari vapenyu. Rimwe “bvudzi shoma” raimiririra dzimwe nhapwa dzaizodzokera kuJerusarema pashure pemakore 70 dziri muBhabhironi. (Ezek. 6:8, 9; 11:17) Mashoko aya euprofita akazadziswa here? Hongu. Pashure pemakore akati kuti vaJudha vabuda muBhabhironi mavainge vakatapwa, muprofita Hagai akataura kuti vamwe vaJudha vakanga vakapararira vakadzokera kuJerusarema. Kwaiva ‘nevaya vainge vakwegura, vakaona imba yekare,’ temberi yaSoromoni. (Ezra 3:12; Hag. 2:1-3) Jehovha akava nechokwadi chekuti kunamata kwakachena kwachengetedzwa, sezvaainge avimbisa. Tichazodzidza zvakawanda nezvekudzorerwa kwekunamata kwakachena muChitsauko 9 chebhuku rino.—Ezek. 11:17-20.

Uprofita Uhwu Hunotiudzei Nezvezviitiko Zviri Mberi?

9, 10. Kuenzanisira kweuprofita kwaEzekieri kunotiyeuchidza nezvezviitiko zvipi zvikuru zvakataurwa kuti zvichaitika mune ramangwana redu?

9 Zviitiko zvakaenzanisirwa naEzekieri zvinotiyeuchidza nezvezviitiko zvinokosha zviri mberi zvakagara zvataurwa neShoko raMwari. Zvimwe zvacho ndezvipi? Sezvakaitika kuguta reJerusarema, Jehovha achashandisa hurumende dzevanhu kuti dziite zvinhu zvisingatarisirwe, kuparadza masangano ese ezvitendero zvenhema panyika. (Zvak. 17:16-18) Sezvakanga zvakangoitawo kuparadzwa kweJerusarema, uko kwaiva “dambudziko rakasiyana nemamwe,” “kutambudzika kukuru” uko kunosanganisira hondo yeAmagedhoni, kuchava chinhu ‘chisati chamboitika kubvira pakutanga.’—Ezek. 5:9; 7:5; Mat. 24:21.

10 Shoko raMwari rinoratidza kuti vamwe vatsigiri vechitendero chenhema vachapona pachaparadzwa masangano ezvitendero. Nekutya, vanhu ivavo vachabatana nevamwe vakasiyana-siyana vanenge vachitsvaga kwekuhwanda. (Zek. 13:4-6; Zvak. 6:15-17) Izvi zvinotiyeuchidza zvakaitika kuvagari vemuJerusarema vakapona parakaparadzwa, vakaita sevapararira “mumhepo.” Sezvataona  mundima ya7, kunyange zvazvo vakamborarama kwekanguva, Jehovha akavhomora “bakatwa rekuvadzingirira.” (Ezek. 5:2) Ndizvo zvichaitikawo kuvanhu vaya vanenge vachiita sevapona vomhanyira kunohwanda; pasinei nekwavanenge vahwanda havazokwanisi kunzvenga bakatwa raJehovha. PaAmagedhoni, vachaurayiwa pamwe chete nevamwe vese vakaita sembudzi.—Ezek. 7:4; Mat. 25:33, 41, 46; Zvak. 19:15, 18.

11, 12. (a) Kunzwisisa kwatava kuita uprofita hwaEzekieri hwekukombwa kweJerusarema kunoita kuti tione sei ushumiri mazuva ano? (b) Basa redu rekuparidza, neshoko ratinoparidza zvinogona kuzochinja sei?

11 Kunzwisisa kwatinoita uprofita uhwu kunofanira kuita kuti tione sei basa redu rekuparidza uye nguva yasara yekuti tiriite? Kunoita kuti tiite zvese zvatinogona iye zvino pakubatsira vanhu kuti vave vashumiri vaJehovha. Nechikonzero chei? Tasarirwa nenguva shoma yekuti ‘tiite kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi.’ (Mat. 28:19, 20; Ezek. 33:14-16) “Shamhu,” (hurumende dzenyika), paichatanga kurova chitendero chenhema, tinenge tisisaparidze mashoko ekuponeswa kwevanhu. (Ezek. 7:10) Panyaya yekuzivisa mashoko akanaka, tichaita ‘sembeveve,’ sezvakangoita Ezekieri paakava mbeveve, kana kuti paakambomira kuparidza panguva yaaiita ushumiri hwake. (Ezek. 3:26, 27; 33:21, 22) Pashure pekuparadzwa kwechitendero chenhema, vanhu vachaita sevari ‘kutsvaga chiratidzo kumuprofita,’ asi hapana mashoko avachapiwa ekuti vangapona sei. (Ezek. 7:26) Nguva yekuti vawane mashoko iwayo uye yekuti vave vadzidzi vaKristu inenge yatopfuura.

Panyaya yekuzivisa mashoko akanaka, tichaita ‘sembeveve’

12 Asi basa redu sevaparidzi harisi kuzomira. Nei tichidaro? Panguva yekutambudzika kukuru, tinogona kutanga kuzivisa mashoko ekutongwa kwevanhu, uye mashoko acho anenge akafanana nedambudziko rechimvuramabwe. Mashoko iwayo achanyatsoratidza kuti nyika ino yakaipa yava kuguma.—Zvak. 16:21.

‘Tarisai, Kuguma Kuri Kuuya!’

13. Nei Jehovha akaudza Ezekieri kuti arare nedivi rake rekuruboshwe, ozorara nedivi rake rekurudyi?

13 Ezekieri haana kugumira pakutaura nezvekuti Jerusarema raizoparadzwa sei, asi akaenzanisirawo kuti zvaizoitika riini. Ezekieri akaudzwa naJehovha kuti arare nedivi rekuruboshwe kwemazuva 390 uye nerutivi rwekurudyi kwemazuva 40. Zuva rimwe nerimwe raimiririra gore. (Verenga Ezekieri 4:4-6; Num. 14:34) Kuenzanisira uku, zvimwe kwaaingoita kwemaawa pazuva, kwairatidza gore chairo raizoparadzwa Jerusarema. Makore 390 ekutadza kwevaIsraeri anofanira kunge akatanga mugore ra997 B.C.E., gore rakapatsanurwa umambo hwemadzinza 12 kuva umambo huviri. (1 Madz. 12:12-20) Makore 40 ekutadza kweJudha anofanira kunge akatanga muna 647 B.C.E., gore rakapiwa Jeremiya basa rekuva muprofita kuti ayambire umambo hweJudha nemashoko ainyatsoratidza pachena kuti hwaizoparadzwa. (Jer. 1:1, 2, 17-19; 19:3, 4) Saka nguva dzacho mbiri dzaizoguma mugore ra607 B.C.E., gore rakaparadzwa Jerusarema sezvakagara zvataurwa naJehovha. *

Ezekieri akaratidza sei gore chairo raizoparadzwa Jerusarema? (Ona mufananidzo 13)

14. (a) Ezekieri akaratidza sei kuti aiva nechivimbo chekuti Jehovha aizoita zvaakavimbisa panguva yacho chaiyo? (b) Chii chaizoitika Jerusarema rava kuda kuparadzwa?

14 Ezekieri paakapiwa uprofita hwemazuva 390 nemazuva 40, anogona kunge asina kunzwisisa gore chairo raizoparadzwa Jerusarema. Asi gore rekuparadzwa kwacho paraiswedera, aiyambira ayambirazve vaJudha kuti mutongo waJehovha wakanga uchiuya. Aizivisa kuti: “Kuguma kwazosvika pauri.” (Verenga Ezekieri 7:3, 5-10.) Ezekieri akanga aine chokwadi chakazara chekuti Jehovha aizoita zvaakavimbisa panguva yacho chaiyo. (Isa. 46:10) Muprofita wacho akataurawo zvaizoitika Jerusarema rava kuda kuparadzwa achiti: “Pachauya dambudziko pamusoro pedambudziko.” Zviitiko izvozvo zvaizoita kuti pave nenyonganyonga pamagariro evanhu, panyaya dzekunamata, uye pautongi hwacho.—Ezek. 7:11-13, 25-27.

Jerusarema parainge rakakombwa raiita ‘semudziyo wekubikira’ uri “pamoto” (Ona ndima 15)

15. Mashoko api pauprofita hwaEzekieri akatanga kuzadziswa kubvira muna 609 B.C.E.?

15 Makore mashomanana Ezekieri aprofita nezvekuparadzwa kweJerusarema, uprofita hwacho hwakatanga kuzadziswa. Muna 609 B.C.E., Ezekieri akaudzwa kuti Jerusarema rakanga ratanga kurwiswa. Pazvakaitika, bhosvo rakaridzwa kuti vanhu vauye kuzodzivirira guta ravo, asi sezvakanga zvambotaurwa naEzekieri, ‘hapana akaenda kunorwa.’ (Ezek. 7:14) Vagari vemuJerusarema havana kuungana kuti varwe nevaBhabhironi. Vamwe vaJudha vanogona kunge vakafunga kuti Jehovha aizovarwira. Akanga ambozviita vaAsiriya pavaida kurwisa Jerusarema, ngirozi yaJehovha ikaparadza mauto avo akawanda. (2 Madz. 19:32) Asi rwendo rwuno hapana ngirozi yakauya kuzobatsira. Pasina nguva, guta racho rainge rakakombwa rakanga rava kunge “mudziyo wekubikira” wakaiswa “pamoto,” uye vagari vemo vakanga voita kunge “nhindi dzenyama” dziri kubikwa. (Ezek. 24:1-10) Pashure pemwedzi 18 rakakombwa uye vanhu vachitambura, Jerusarema rakaparadzwa.

“Zviunganidzirei Pfuma Kudenga”

16. Tingaratidza sei kuti tinovimba kuti Jehovha anoita zvinhu panguva chaiyo?

16 Tinodzidzei pachikamu ichi cheuprofita hwaEzekieri? Chine zvachingatibatsira here pashoko ratinoparidza muushumiri uye pakusagamuchirwa kwaringaitwa nevanhu vatinoparidzira? Jehovha akatosarudza nguva yekuparadza chitendero chenhema, iyo yatova pedyo, uye paachazviita acharatidzazve kuti anoita zvinhu panguva chaiyo. (2 Pet. 3:9, 10; Zvak. 7:1-3) Hatizivi zuva racho chairo. Asi kungofanana naEzekieri, tinoramba tichiita basa ratakaudzwa rekuramba tichiyambira vanhu nemashoko ekuti: “Kuguma kwazosvika pauri.” Nei tichifanira kutaura shoko iroro taritaurazve? Chikonzero chacho chakafanana nechaiita kuti Ezekieri arambe achiparidza. * Vanhu vakawanda vaaizivisa uprofita hwaMwari hwekuparadzwa kweJerusarema vaisazvibvuma. (Ezek. 12:27, 28) Asi nekufamba kwenguva vamwe vaJudha vainge vakatapwa kuBhabhironi vakaratidza kuti vaiva nemwoyo yakarurama, uye vakadzokera kunyika yavo. (Isa. 49:8) Ndizvowo zviri kuitika mazuva ano; vanhu vakawanda vanoramba kuti nyika ino ichaguma. (2 Pet. 3:3, 4) Kunyange zvakadaro, kusvikira nguva yekuti vanhu vagamuchire mashoko aMwari yapera, tinoda kubatsira vakavimbika kuti vawane mugwagwa unoenda kuupenyu.—Mat. 7:13, 14; 2 VaK. 6:2.

Kunyange zvavo vakawanda vasingateereri, tinoramba tichitsvaga vane mwoyo yakarurama (Ona ndima 16)

Nei vagari vemuJerusarema “vakakanda sirivha yavo mumigwagwa”? (Ona ndima 17)

17. Zvinhu zvichafamba sei panguva yekutambudzika kukuru?

17 Uprofita hwaEzekieri hunotiyeuchidzawo kuti nguva yekuparadzwa kwemasangano ezvitendero zvenhema paichasvika, vanhu vemumachechi acho havasi ‘kuzoenda kunorwa’ kuti vadzivirire chitendero. Panzvimbo pezvo, pavachaona kuti hapana ari kuvanzwa vachichema vachiti, “Ishe, Ishe,” ‘maoko avo achapera simba,’ uye ‘vachadedera.’ (Ezek. 7:3, 14, 17, 18; Mat. 7:21-23) Ndezvipi zvimwe zvavachaita? (Verenga Ezekieri 7:19-21.) Jehovha anoti: “Vachakanda sirivha yavo mumigwagwa.” Mashoko aya akaudzwa vanhu vemuJerusarema anonyatsoratidza zvichaitikawo panguva yekutambudzika kukuru. Panguva iyoyo vanhu vachaona kuti mari haikwanisi kuvaponesa padambudziko riri kuuya.

18. Tinodzidzei muuprofita hwaEzekieri nezvekuziva zvatinofanira kukoshesa?

18 Uri kuona zvatinodzidza here pachikamu ichi cheuprofita hwaEzekieri? Tinofanira kuziva zvatinofanira kukoshesa. Imbofunga izvi: Vanhu vemuJerusarema vakatozochinja zvavaikoshesa pashure pekunge vaona kuti mugumo wavo neweguta ravo wakanga wasvika, uye kuti pfuma yavo yakanga isingazovaponesi. Vakarasa zvinhu zvavo ndokutanga ‘kutsvaga chiratidzo kumuprofita,’ asi vainge vadya manonoko. (Ezek. 7:26) Isu takasiyana navo pakuti tinonyatsoziva kuti mugumo wenyika ino yakaipa wasvika. Saka kutenda kwatinoita zvakavimbiswa naMwari kwakaita kuti tizive zvekukoshesa muupenyu. Ndokusaka tiri kuzviunganidzira pfuma kudenga, iyo inogara nekusingaperi uye isingazombofi yakakandwa “mumigwagwa.”—Verenga Mateu 6:19-21, 24.

19. Mashoko euprofita hwaEzekieri anotibatsira sei mazuva ano?

19 Muchidimbu, tinobatsirwa sei neuprofita hwaEzekieri hwekuparadzwa kweJerusarema? Hunotiyeuchidza kuti tasarirwa nenguva shoma yekuti tibatsire vamwe kuva vashumiri vaMwari. Saka tinoita basa rekuita vadzidzi tichiziva kuti nguva yapera. Tinofara chaizvo vanhu vane mwoyo yakarurama pavanotanga kunamata Baba vedu, Jehovha. Asiwo, kune vaya vasingasviki pakutora danho iri, tinoramba tichivayambira nemashoko aEzekieri aakaudza vanhu vemunguva yaakararama achiti: ‘Kuguma kwazosvika pamuri.’ (Ezek. 3:19, 21; 7:3) Ticharambawo tichivimba naJehovha uye tichikoshesa kunamata kwakachena kupfuura zvimwe zvese muupenyu.—Pis. 52:7, 8; Zvir. 11:28; Mat. 6:33.

^ ndima 3 Ezekieri anofanira kunge akaenzanisira zviratidzo zvese izvi vanhu vakatarisa. Nei tichidaro? Nekuti zvimwe zvacho zvaakaita zvakadai sekubika chingwa nekutakura mukwende, zvinhu zvaakaudzwa naJehovha kuti aite vaIsraeri “vakatarisa.”Ezek. 4:12; 12:7.

^ ndima 13 Kubvumira kwakaita Jehovha kuti Jerusarema riparadzwe, kwakanga kusiri kungoranga madzinza maviri aJudha chete, asiwo madzinza gumi evaIsraeri. (Jer. 11:17; Ezek. 9:9, 10) Ona bhuku raInsight on the Scriptures, Vol. 1, peji 462, pamusoro wakanzi, “Chronology—From 997 B.C.E. to Desolation of Jerusalem.”

^ ndima 16 Cherechedza kuti mumavhesi matatu chete, pana Ezekieri 7:5-7, Jehovha anotaura kanokwana ka6 nezvekuuya.