Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 5

‘Ona Zvinhu Zvakaipa Uye Zvinosemesa Zvavari Kuita’

‘Ona Zvinhu Zvakaipa Uye Zvinosemesa Zvavari Kuita’

EZEKIERI 8:9

ZVATICHADZIDZA: Kusiya kunoita Judha kunamata kwakachena netsika dzakachena

1-3. Jehovha aida kuti Ezekieri aone chii patemberi muJerusarema, uye kuti aite sei? (Ona mufananidzo uri panotangira Chikamu 2.)

SEZVO ari mwana wemupristi, muprofita Ezekieri anonyatsoziva Mutemo waMozisi. Saka anonyatsoziva zvakaita temberi yekuJerusarema uye kunamata kwakachena kunofanira kuitirwa ipapo. (Ezek. 1:3; Mar. 2:7) Asi iye zvino, muna 612 B.C.E., zviri kuitika patemberi yaJehovha zvinovhundutsa chero muJudha upi zvake akatendeka, kusanganisira Ezekieri.

2 Jehovha ari kuda kuti Ezekieri aone zvinhu zvinosemesa zviri kuitwa patemberi uye kuti ataurire “vakuru veJudha” vaainavo mumba make zvinhu izvozvo. (Verenga Ezekieri 8:1-4; Ezek. 11:24, 25; 20:1-3) Achishandisa mweya wake mutsvene, Jehovha anoita kuti Ezekieri anzwe seatakurwa (muchiratidzo) kubva mumba make, muguta reTeri-abhibhi, riri pedyo nerwizi rwaKebhari kuBhabhironi, achiendeswa kuJerusarema iro riri kure nemazana emakiromita, kumavirira. Jehovha anoisa muprofita wake mutemberi, kugedhi rekuchamhembe rechivanze chemukati. Achitangira pano, anoshandisa chiratidzo kutenderera naye mutemberi.

3 Ezekieri anoona zvinhu zvina zvinotyisa zviri kuitwa zvinoratidza kuti panyaya dzekunamata rudzi urwu rwaora. Chii chakaitika pakunamata kwakachena? Uye tingadzidzei pachiratidzo ichi mazuva ano? Ngatibatanei naEzekieri paari kutenderera mutemberi. Asi tisati tadaro, tinofanira kutanga taziva kuti Jehovha anotarisira kuti vanhu vanomunamata vaite sei.

“Ndiri Mwari Anoda Kuzvipira Kwakazara”

4. Jehovha anotarisira kuti vanhu vanomunamata vaite sei?

4 Makore angasvika 900 Ezekieri asati avako, Jehovha akataura zvakajeka kuti anoda kuti vanomunamata vaite sei. Mumurayiro wechipiri paMirayiro Gumi akati kuvaIsraeri: * “Ini, Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari anoda kuzvipira kwakazara.” (Eks. 20:5) Paakataura kuti “kuzvipira kwakazara,” Jehovha akaratidza kuti aisabvumira kuti pave nemumwe mwari anonamatwa. Sezvatakaona muChitsauko 2 chebhuku rino, chekutanga chinodiwa kuti kunamata kunzi kwakachena ndechekuti anonamatwa wacho anofanira kuva Jehovha. Vanhu vanomunamata vanofanira kumuisa panzvimbo yekutanga muupenyu hwavo. (Eks. 20:3) Tingangoti haadi kuti vanomunamata vasvibise kunamata kwechokwadi nekukusanganisa nekwenhema. Muna 1513 B.C.E., vaIsraeri vakapinda musungano yeMutemo vachizvidira. Pavakadaro vakabvuma kunamata Jehovha chete. (Eks. 24:3-8) Jehovha akavimbika kusungano dzake, uye aitarisirawo kuti vanhu vake vave vakavimbikawo kusungano yaakaita navo.—Dheut. 7:9, 10; 2 Sam. 22:26.

5, 6. Nei zvakanga zvakakodzera kuti Jehovha atarisire vaIsraeri kunamata iye chete?

5 Zvakanga zvakakodzera here kuti Jehovha ati vaIsraeri vanamate iye chete? Hongu zvakanga zvakakodzera! Ndiye Mwari Wemasimbaose, Changamire wezvinhu zvese, uye Mupi neMutsigiri weupenyu. (Pis. 36:9; Mab. 17:28) Jehovha ndiyezve aiva Mununuri wevaIsraeri. Paakavapa Mirayiro Gumi akavayeuchidza kuti: “Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa munyika yeIjipiti, muimba yeuranda.” (Eks. 20:2) Zviri pachena kuti Jehovha ndiye ega akanga akakodzera kuva pamwoyo yevaIsraeri.

6 Jehovha haachinji. (Mar. 3:6) Haasati ambochinja panyaya yekuda kuti anamatwe iye ega. Saka chimbofungidzira kuti anofanira kunge akanzwa sei paaiona zvaava kuratidza Ezekieri muchiratidzo iye zvino.

Zvekutanga Zvaakaratidzwa: Chiratidzo Chegodo

7. (a) VaJudha vakapanduka vaiitei pagedhi rekuchamhembe retemberi, uye izvi zvakaita kuti Jehovha anzwe sei? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.) (b) Jehovha paanonzi akanzwa godo zvinorevei? (Ona mashoko emuzasi 2.)

7 Verenga Ezekieri 8:5, 6. Ezekieri anofanira kunge akavhunduka nezvaakaona! Pagedhi rekuchamhembe retemberi, vaJudha vakapanduka vakanga vachinamata chiratidzo chegodo, kana kuti chifananidzo. Zvimwe iri raiva danda dzvene raimiririra Ashera, mwarikadzi wenhema aionekwa nevaKenani semudzimai waBhaari. Pasinei nekuti chiratidzo ichi chaimiririra mwari upi, vaIsraeri ivavo vakaputsa sungano yavakaita naJehovha. Zvavakaita izvi, zvekunamata chidhori, panzvimbo pekunamata Jehovha, anova ndiye chete ane kodzero yekunamatwa, zvakaita kuti ave negodo uye zvakamushatirisa. * (Dheut. 32:16; Ezek. 5:13) Chimbofunga izvi: Kwemakore anopfuura 400, nzvimbo tsvene yetemberi yaizivikanwa kuti inomiririra kuvapo kwaJehovha. (1 Madz. 8:10-13) Asi kunamata kwavakanga vava kuita zvidhori mutemberi chaimo, kwakanga kwava kuita kuti Jehovha ‘aende kure chaizvo nenzvimbo yake tsvene.’

8. Tinodzidzei pachiratidzo chegodo chakaonekwa naEzekieri?

8 Chiratidzo chegodo chakaonekwa naEzekieri chinotidzidzisei mazuva ano? Kusiya kunamata kwakachena kwakaitwa neJudha kunotiyeuchidza nezvemachechi anozviti ndeechiKristu. Mumachechi aya makazara kunamata zvidhori, izvo zvinoita kuti kuzvipira kwese kwavanoti vakaita kuna Mwari kushaye basa. Sezvo Jehovha asingachinji, tine chokwadi kuti machechi aya ari kumutsamwisa sezvakangoitwa neJudha yakanga yapanduka. (Jak. 1:17) Zviri pachena kuti Jehovha ari kure nechiKristu ichi chenhema!

9, 10. Iyambiro ipi yatinowana pane zvaiitwa nevanhu vainamata zvidhori patemberi?

9 Iyambiro ipi yatinowana pavanhu ivavo vainamata zvidhori patemberi? Kana tichida kuzvipira kuna Jehovha zvakazara, tinofanira ‘kutiza kunamata zvidhori.’ (1 VaK. 10:14) Tinogona kufunga kuti, ‘Handifi ndakashandisa zvifananidzo kana kuti zviratidzo pakunamata kwandinoita Jehovha!’ Asi kunamata zvidhori kunoitwa nenzira dzakasiyana-siyana, dzimwe dziri pachena dzimwe dzisiri. Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti: “Kunamata chidhori kunogona kureva chero chii zvacho chaunoisa pekutanga muupenyu hwako panzvimbo pekunamata Mwari, chingava chinhu chaunokoshesa kana chinzvimbo.” Saka kunamata zvidhori kunogona kusanganisira kuunganidza zvinhu, mari, kuda bonde, zvinovaraidza, kana chimwe chinhu chipi zvacho chinova panzvimbo yekutanga muupenyu hwedu chichitibvisa pakuzvipira kuna Jehovha zvakazara uye zvakamukodzera. (Mat. 6:19-21, 24; VaEf. 5:5; VaK. 3:5) Tinofanira kungwarira kuti tisanamata zvidhori nenzira chero ipi zvayo nekuti Jehovha ane kodzero yekuti timunamate nemwoyo wese!—1 Joh. 5:21.

10 Zvinhu zvakatanga kuratidzwa Ezekieri naJehovha zvaiva “zvinhu zvisingaiti uye zvinosemesa.” Asi Jehovha anoudza muprofita wake akatendeka kuti: “Uchaona zvinhu zvinosemesa zvakatoipa kupfuura ipapo.” Pangava nezvimwe zvakashata kupfuura kunamatwa kuri kuitwa chiratidzo ichocho chegodo mutemberi here?

Zvechipiri Zvaakaratidzwa: Vakuru 70 Vari Kupa Zvinonhuhwirira Kuna Vanamwari Venhema

11. Ezekieri akaonei zvakamurwadza paakapinda muchivanze chemukati chetemberi pedyo neatari?

11 Verenga Ezekieri 8:7-12. Ezekieri anoboora pamadziro opinda muchivanze chemukati chetemberi pedyo neatari, uye anorwadziwa paanoona kumadziro kwakatemerwa “mifananidzo yemarudzi ese yezvinhu zvinokambaira nemhuka dzinosemesa, nezvidhori zvese zvinosemesa.” * Mifananidzo iyoyo yakatemerwa kumadziro yaimiririra vanamwari venhema. Ezekieri akatozonyanya kurwadziwa nezvaakazoona zvichiitika: “Vakuru 70 veimba yaIsraeri” vakanga vakamira “murima” vachipisira rusenzi kuna vanamwari venhema. MuMutemo, kupisa rusenzi inonhuwirira kwaimiririra minyengetero yaiteererwa naMwari yaipiwa nevanhu vakatendeka. (Pis. 141:2) Asi rusenzi iri kupiwa nevakuru ivavo 70 kuna vanamwari venhema yaisava tsvene uye yaitonhuhwira Jehovha. Minyengetero yavo yaiita seiri kunhuhwira Jehovha ichitomusembura. (Zvir. 15:8) Vakuru ivavo vaizvinyepera vachiti: “Jehovha haasi kutiona.” Asi Jehovha aivaona, uye akatoratidza Ezekieri zvavaiita mutemberi make!

Jehovha anoona zvinhu zvese zvinosemesa zvinoitwa “murima” (Ona ndima  11)

12. Nei tichifanira kuramba takatendeka kunyange “murima,” uye ndivanaani vanofanira kuva pamberi pakuita izvozvo?

12 Tinodzidzei panyaya yaEzekieri yevakuru veIsraeri 70 vaipisira rusenzi kuna vanamwari venhema? Kuti minyengetero yedu inzwiwe naMwari, uye kuti kunamata kwedu kuve kwakachena kwaari, tinofanira kuva vakatendeka kunyange patinenge tiri “murima.” (Zvir. 15:29) Tinofanira kuyeuka kuti Jehovha anoona zvese uye anogara akatitarisa. Kana tichitenda kuti Jehovha ariko, hatiiti chero chii zvacho pachivande chatinoziva kuti chinomugumbura. (VaH. 4:13) Vanotofanira kuva pamberi pakuratidza muenzaniso wakanaka wemararamiro echiKristu, vakuru veungano. (1 Pet. 5:2, 3) Vanhu vemuungano vane kodzero yekutarisira kuti mukuru anomira pamberi pavo uye anovatungamirira pakunamata ararame achitevedzera zvinotaurwa neBhaibheri kunyange “murima,” kureva paanenge asingaonekwi nevamwe.—Pis. 101:2, 3.

Zvechitatu Zvaakaratidzwa: “Vakadzi . . . Vachichema Mwari Anonzi Tamuzi”

13. Ezekieri akaona vakadzi vakapanduka vachiitei parimwe remagedhi etemberi?

13 Verenga Ezekieri 8:13, 14. Pashure pekuratidza Ezekieri zvinhu zviviri zvinosemesa zvakanga zvichiitwa, Jehovha akaudzazve Ezekieri kuti: “Uchaona zvimwe zvinhu zvinosemesa zvakatonyanya kuipa zvavari kuita.” Saka muprofita Ezekieri akazoonei? “Kusuo regedhi rekuchamhembe reimba yaJehovha,” akaona “vakadzi vakanga vakagara, vachichema mwari anonzi Tamuzi.” Tamuzi, mwari wekuMesopotamiya, uyo anonzi Dhumuzi muzvinyorwa zvekare zvekuBhabhironi, anofungidzirwa kuti aiva murume wamwarikadzi wekubereka ainzi Ishtari. * Kunenge kuti kuchema kwaiita vakadzi vechiIsraeri kwainge kwakabatana netsika yechitendero ine chekuita nekufa kwaTamuzi. Kuchema kwavaiita Tamuzi mutemberi yaJehovha, kwaitova kuchengeta tsika yechihedheni pamuzinda wekunamata kwakachena. Asi kuita tsika yechitendero chenhema mutemberi yaMwari hakuchinji tsika yacho kuti ive tsvene. Kuna Jehovha, zvaiitwa nevakadzi ava vainge vapanduka zvaiva “zvinhu zvinosemesa”!

14. Tinodzidzei pamaonero akaita Jehovha zvaiitwa nevakadzi vakapanduka?

14 Tinodzidzei pamaonero aiita Jehovha zvaiitwa nevakadzi ivavo? Kuti kunamata kwedu kurambe kwakachena, hatifaniri kutombokusanganisa netsika dzechihedheni. Saka tinofanira kusiyana nemhemberero dzakatangira muchitendero chechihedheni. Asi matangiro akaita mhemberero ane basa here? Ehe ane basa! Mazuva ano, dzimwe tsika dzinoitwa nevanhu dzakabatana nemhemberero dzakadai seKrisimasi neIsita dzinogona kuita sedzakanaka. Asi hatifaniri kukanganwa kuti Jehovha akanyatsoona ega matangiro akaita tsika dzechihedheni dzakazopedzisira dzava mhemberero dzavako mazuva ano. Kuna Jehovha, tsika dzechihedheni hadzipedzisire dzanaka nekufamba kwenguva kana kuti nekusanganiswa nekunamata kwakachena.—2 VaK. 6:17; Zvak. 18:2, 4.

Zvechina Zvaakaratidzwa: Varume 25 “Vaipfugamira Zuva”

15, 16. Varume 25 vaiitei muchivanze chemukati chetemberi, uye nei zvavaiita zvakagumbura Jehovha zvikuru?

15 Verenga Ezekieri 8:15-18. Jehovha anosuma zvaava kuda kupedzisira kuratidza Ezekieri nemashoko aakanga ambotaura ekuti: “Uchaona zvimwe zvinhu zvinosemesa zvakatoipa kupfuura izvi.” Pamwe muprofita wacho akatozvibvunza kuti: ‘Pangava nezvimwe zvakaipa kupfuura zvandatoona here?’ Iye zvino Ezekieri akanga ava muchivanze chemukati chetemberi. Ari imomo, nechepamusuo wetemberi, anoona varume 25 vakakotama vachinamata “zuva kumabvazuva.” Varume ivavo vakagumbura Jehovha zvakapfurikidza. Nei tichidaro?

16 Edza kufungidzira mamiriro azvakanga zvakaita: Temberi yaMwari yakavakwa musuo wayo wakatarisa kumabvazuva. Vanhu vaipinda mutemberi kuzonamata vainge vakatarisa kumavirira, vakafuratira zuva riri kubuda kumabvazuva. Asi varume 25 ava vari muchiratidzo vakanga “vakafuratira temberi” vakatarisa kumabvazuva kuti vanamate zuva. Pavaiita izvozvo vaifuratira Jehovha, nekuti temberi yaiva “imba yaJehovha.” (1 Madz. 8:10-13) Varume ivavo 25 vakanga vapanduka. Vakapira makotsi avo kuna Jehovha uye vakatyora murayiro wakanyorwa pana Dheuteronomi 4:15-19. Uku ndiko kunonzi kugumbura Mwari mumwe chete akakodzera kunamatwa!

Jehovha ane kodzero yekuti vanhu vanomunamata vazvipire kwaari zvakazara

17, 18. (a) Chidzidzo chipi chatinowana panyaya yevanhu vainamata zuva mutemberi? (b) Kupanduka kwakaita vaIsraeri kwakakanganisa chii uye zvakaitika sei?

17 Tinodzidzei panyaya yevanhu ivavo vainamata zuva? Kana tichida kuti kunamata kwedu kurambe kwakachena, tinofanira kuvhenekerwa naJehovha kuti tinzwisise chokwadi. Yeuka kuti “Jehovha Mwari izuva,” uye Shoko rake “chiedza” panzira yedu. (Pis. 84:11; 119:105) Achishandisa Shoko rake nemabhuku anotsanangura Bhaibheri anobudiswa nesangano rake, anovhenekera mwoyo yedu nepfungwa dzedu achitipa uchenjeri hwekurarama upenyu hunogutsa iye zvino neupenyu husingaperi mune ramangwana. Asi kana tikatsvaga kutungamirirwa neuchenjeri hwenyika ino, tinenge tichitofuratira Jehovha. Tikadaro tingamugumbura chaizvo uye tingarwadzisa mwoyo wake. Hatingambodi kurwadzisa Mwari wedu zvakadaro! Chiratidzo chaEzekieri chinotiyambirawo kuti tisambowadzana nevanhu vakatsauka pakutenda, avo vanofuratira Jehovha.—Zvir. 11:9.

18 Kusvika patasvika iye zvino, Ezekieri aona zvinhu zvina zvinovhundutsa zvaiitwa nevaJudha vakapanduka pavainamata zvidhori, zvichiratidza kuti vakanga vaora panyaya dzekunamata. Kusiya kwakaita vaIsraeri kunamata kwakachena kwakakanganisa ushamwari hwavo naMwari. Asi kunamata kusina kuchena kunofambiranawo netsika dzisina kuchena. Saka hazvitishamisi kuona kuti vaIsraeri pavakapanduka ndokutanga kuita tsika dzakashata, zvakakanganisa ushamwari hwavo naJehovha uye kugarisana kwavo zvakanaka. Ngatichionai kuti muprofita Ezekieri, achifemerwa naJehovha, anorondedzera sei kuipa kwakanga kwaita tsika dzevaJudha vakapanduka.

Tsika Dzisina Kuchena—“Une Vanhu . . . Vanoita Zvinhu Zvakafumuka”

19. Ezekieri akatsanangura sei kuparara kwakanga kwaita tsika dzevanhu vakanga vakaita sungano naJehovha?

19 Verenga Ezekieri 22:3-12. Tsika dzevaIsraeri dzakanga dzaora zvichitangira kuvatongi vacho. ‘Machinda,’ kana kuti vatungamiriri, vaishandisa simba ravo kudeura ropa risina mhosva. Zviri pachena kuti vanhu vaitevedzera vatungamiriri vavo pakusaremekedza Mutemo waMwari. Mumhuri, vana ‘vaizvidza’ vabereki, uye makunakuna ainge ava kungoitwa kwese kwese. Munyika mavo, vaIsraeri vaibiridzira vatorwa uye vaibata nherera nechirikadzi zvisina kunaka. Vaiita upombwe nemadzimai evavakidzani vavo. Vanhu vakanga vava nemakaro asingadzoreki nekuti vakanga vava kuita zvechiokomuhomwe, kutorerana zvinhu nechisimba, uye kuita zvechimbadzo. Zvinofanira kunge zvakarwadza Jehovha kuona vanhu vaakaita sungano navo vachisiya Mutemo wake nemaune uye vachitadza kuona rudo rwakaita kuti avape Mutemo iwoyo! Tsika dzavo dzakaora dzakaita kuti Jehovha arwadziwe zvikuru. Akaudza Ezekieri kuti ataurire vanhu ava kuti: ‘Mandikanganwa zvachose.’

ChiKristu chenhema chiri kuita kuti nyika irambe ichinyura mumhirizhonga netsika dzakaora (Ona ndima 20)

20. Nei mashoko aEzekieri nezvekuparara kwetsika dzevaJudha achikosha kwatiri mazuva ano?

20 Mashoko aEzekieri aakataura nezvetsika dzisina kuchena dzevaJudha anotibatsira sei? Kuparara kwetsika dzevaJudha kunotiyeuchidza nezvekuparara kwaita tsika mazuva ano. Vatongi vari kushandisa simba ravo zvisina kunaka vachidzvinyirira vanhu. Vatungamiriri vezvitendero, kunyanya vafundisi vemachechi anozviti ndeechiKristu, vari kunamatira nyika dzinenge dzichinorwisana dzichiuraya mamiriyoni evanhu. Vafundisi vanorerutsa mitemo yakajeka uye yakachena inotaurwa neBhaibheri nezvebonde. Izvi zviri kuita kuti tsika dzevanhu vari munyika dzirambe dzichiparara. Saka Jehovha haangambotadza kuudza machechi anozviti ndeechiKristu zvaakamboudza vaJudha vainge vapanduka kuti: ‘Mandikanganwa zvachose.’

21. Tingadzidzei pakuora kwetsika dzevaJudha?

21 Sevanhu vaJehovha, tinodzidzei pakuora kwetsika dzevaJudha? Kana tichida kuti kunamata kwedu kugamuchirwe naJehovha, tinofanira kuva netsika dzakachena pazvese zvatinoita. Izvi hazvisi nyore munyika ino izere netsika dzakaora. (2 Tim. 3:1-5) Asi tinoziva kuti Jehovha anoona sei tsika dzese dzakaora. (1 VaK. 6:9, 10) Tinoteerera zvinotaurwa naJehovha panyaya yetsika nekuti tinomuda uye tinoda mitemo yake. (Pis. 119:97; 1 Joh. 5:3) Kana tikava netsika dzisina kuchena tinenge tichiratidza kuti hatidi Mwari wedu mutsvene uye akachena. Hatimbodi kuita chero chii zvacho chingaita kuti Jehovha azotiudza kuti: ‘Mandikanganwa zvachose.’

22. (a) Kudzidza nezvekufumurwa kwakaitwa vaJudha naJehovha kwakupa chido chekuita sei? (b) Chii chichakurukurwa muchitsauko chinotevera?

22 Tawana zvidzidzo zvinokosha patanga tichiongorora kufumura kwakaita Jehovha vaJudha vakanga vaora panyaya dzekunamata uye patsika. Chido chedu chekuzvipira kuna Jehovha zvakazara, izvo zvakanyatsomukodzera, chasimbiswa zvechokwadi. Kuti tidaro, tinofanira kungwarira kunamata zvidhori kwese zvako uye tinofanira kuramba tiine tsika dzakachena. Asi Jehovha akazoita sei nevanhu vake vainge vasina kutendeka? Apedza kuratidza Ezekieri zvainge zvichiitika patemberi, Jehovha akaudza muprofita wake pachena kuti: “Ndicharatidza hasha dzangu.” (Ezek. 8:17, 18) Tinoda kuziva kuti Jehovha akazopa vaJudha vainge vasina kutendeka mutongo upi, nekuti achapawo nyika ino yakaipa mutongo wakadaro. Muchitsauko chinotevera tichadzidza kuti mitongo yaJehovha yaakapa Judha yakazadziswa sei.

^ ndima 4 Mubhuku raEzekieri, shoko rekuti “Israeri” rinowanzoshandiswa richitaura vagari vemuJudha neJerusarema.—Ezek. 12:19, 22; 18:2; 21:2, 3.

^ ndima 7 Kushandiswa kwakaitwa shoko rekuti “godo” kunoratidza kuti nyaya yekusiya Jehovha tichinamata mumwe mwari haisi nyaya diki. Tinogona kufunga nezvekushatirwa kunoita murume pamusana pegodo kana mudzimai wake akaita upombwe. (Zvir. 6:34) Sezvinoitwa nemurume akadaro, Jehovha akatsamwa vanhu vaakaita sungano navo pavakaratidza kuti havana kutendeka vachinamata zvidhori. Rimwe bhuku rinoti: “Godo raMwari . . . rinobva pakuva kwake mutsvene. Nekuti iye chete ndiye Mutsvene . . . , haadi kuti kuve nemumwe anokwikwidzana naye.”—Eks. 34:14.

^ ndima 11 Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “zvidhori zvinosemesa” rinogona kunge rakabatana neshoko rechiHebheru rekuti “ndove” uye rinoshandiswa pakushora.

^ ndima 13 Vamwe vanoti Tamuzi rimwe zita raNimurodhi asi hapana uchapupu hunotsigira pfungwa iyoyo.