Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHOKISI REKUDZIDZISA 16A

Jerusarema Rinomiririra chiKristu Chenhema Here?

Jerusarema Rinomiririra chiKristu Chenhema Here?

Kare, mabhuku edu aiti Jerusarema rakapanduka rinomiririra chiKristu chenhema. Ichokwadi kuti zvinhu zvaiitika muJerusarema risina kutendeka, kusanganisira kunamata zvidhori neuori hwakanga hwazara, zvinotiyeuchidza nezvezviri kuitika muchiKristu chenhema. Asi makore achangopfuura, mabhuku edu, kusanganisira rauri kutoverenga, haachatauri kuti chimwe chinhu chiri muuprofita chinomiririra chimwe kunze kwekunge Bhaibheri richiratidza zvakajeka kuti ndizvo zvazviri. Pane zviri muMagwaro zvinonyatsoratidza kuti Jerusarema rinomiririra chiKristu chenhema here? Aiwa.

Ona zvimwe zvikonzero zvacho: Jerusarema raimbova muzinda wekunamata kwakachena; pava paya vagari varo vakazopanduka. Asi chiKristu chenhema hachina kumbobvira chanamata Mwari zvakachena. Kubvira chichitanga mumakore ekuma300 C.E. chiKristu chenhema chagara chichingodzidzisa zvinhu zvenhema.

Uyewo, pashure pekunge vaBhabhironi vaparadza Jerusarema, Jehovha akazofarirazve guta iri ndokuriita muzinda wekunamata kwakachena. Asi chiKristu chenhema hachina kumbobvira chafarirwa naMwari, uye kana changoparadzwa pakutambudzika kukuru, hachizombofi chakavapo zvakare.

Tichifunga zvatataura izvi, tingati kudii? Patinenge tichiongorora uprofita hwakazadziswa paJerusarema risina kutendeka, tinogona kuti, ‘Izvi zvinotiyeuchidza zvinhu zvatinoona zvichiitika muchiKristu chenhema mazuva ano.’ Asi hapana zviri muMagwaro zvinganyatsoita kuti titi Jerusarema rinomiririra chiKristu chenhema.