Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHOKISI REKUDZIDZISA 16B

Kuchema Nekugomera, Kuisa Chiratidzo, Kuputsa—Zvichaitika Riini Uye Zvichaitika Sei?

Kuchema Nekugomera, Kuisa Chiratidzo, Kuputsa—Zvichaitika Riini Uye Zvichaitika Sei?

Chiratidzo chakanyorwa muchitsauko 9 chaEzekieri chichazadziswawo mazuva ano. Kunzwisisa kuti zvinhu zvichaitika sei kunogona kutibatsira kuti tive nechivimbo patiri kutarisana nekuguma kwenyika ino

“Kuchema nekugomera”

ZVICHAITIKA RIINI: Mumazuva ekupedzisira, kutambudzika kukuru kusati kwatanga

ZVICHAITIKA SEI: Vanhu vane mwoyo yakarurama vanoratidza nemashoko nezviito kuti vanovenga uipi hwenyika ino. Vanhu vakadaro vanoteerera mashoko ari kuparidzwa, vanoramba vachipfeka unhu hwakaita sehwaKristu, vanobhabhatidzwa vachiratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha, uye vanoramba vakavimbika vachitsigira hama dzaKristu

“Kuisa chiratidzo”

ZVICHAITIKA RIINI: Pakutambudzika kukuru

ZVICHAITIKA SEI: Murume ane nyanga yeingi yemunyori anomiririra Jesu Kristu paachauya seMutongi wemarudzi ese. Veboka guru vachaiswa chiratidzo chinoita kuti vanzi makwai, vopona paAmagedhoni

“Kuputsa”

ZVICHAITIKA RIINI: PaAmagedhoni

ZVICHAITIKA SEI: Jesu Kristu neuto rake rekudenga, iro richasanganisira ngirozi nevaachatonga navo 144 000, vachaparadza zvachose nyika ino yakaipa vonunura vanamati vakachena kuti vapinde munyika itsva yakarurama