Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHOKISI REKUDZIDZISA 20A

Kugovewa Kwenyika Yacho

Kugovewa Kwenyika Yacho

Tsanangudzo yemiganhu yakanyatsoyerwa nemazvo yakapa vaIsraeri vaiva kuutapwa chivimbo chekuti vaizodzokera kunyika yavo yavaida zvikuru. Zvidzidzo zvipi zvatinogona kuwana pachiratidzo ichi mazuva ano? Ona zvinhu zviviri zvatinodzidza pachiratidzo chacho:

Kuwana kwemunhu wese nzvimbo yake uye kuva nebasa rinokosha

Mumwe nemumwe wenhapwa dzaizodzoka aizowana nhaka muNyika Yakapikirwa. Zvakadaro zviri kuitikawo mazuva ano muparadhiso yemweya; vashumiri vese vaJehovha vane nzvimbo mairi. Pasinei nekuti tinoita basa rei musangano raJehovha, tese zvedu tine nzvimbo yedu uye tine basa rinokosha muparadhiso yemweya. Jehovha anokoshesa vashumiri vake vese zvakaenzana.

Migove yakaenzana

Muchiratidzo chaEzekieri, nharaunda yega yega yemuNyika Yakapikirwa yaiita kuti vagari vemo vave nemikana yakaenzana yekuwana makomborero enyika iyi. Ndizvowo zviri kuitika mazuva ano; Jehovha anopa vashumiri vake vese mikana yakaenzana yekuwana makomborero emuparadhiso yemweya.