Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHOKISI REKUDZIDZISA 2A

Kunzwisisa Uprofita hwaEzekieri

Kunzwisisa Uprofita hwaEzekieri

TSANANGUDZO—CHII CHINONZI UPROFITA?

MuBhaibheri, shoko rechiHebheru rechiito rekuti na·vaʼʹ, rinoshandurwa kuti “profita,” rinowanzoreva kutaura mashoko akafemerwa, mashoko emutongo, mashoko ekudzidzisa, kana kutaura murayiro waMwari. Rinogona kurevawo kutaura mashoko anobva kuna Mwari ezvinhu zvichaitika. Uprofita hwaEzekieri hune zvese izvozvo.—Ezek. 3:10, 11; 11:4-8; 14:6, 7; 37:9, 10; 38:1-4.

AKAHUPIWA SEI NAMWARI?

  • ZVIRATIDZO

  • MIENZANISO

  • KUEDZESERA

Mubhuku raEzekieri mune zviratidzo, mienzaniso, mifananidzo, uye mashoko euprofita aaiita zvekuedzesera zvaizoitika.

KUZADZISWA KWAHWO

Humwe uprofita hwaEzekieri haungozadziswi kamwe chete. Semuenzaniso, uprofita hune chekuita nekudzorerwa kwekunamata kwakachena hwakazadziswa zvishoma pakadzokera vanhu vaMwari kuNyika Yakapikirwa. Asi sezvatichakurukura muChitsauko 9 chebhuku rino, hwakawanda hweuprofita ihwohwo huri kuzadziswa iye zvino uye huchazadziswa zvakare mune ramangwana.

Kare pataiongorora uprofita hwaEzekieri, taiti vamwe vanhu vanotaurwa mahuri vane zvavanofananidzira uye zvimwe zvinhu zvine zvazvinofananidzirawo. Asi bhuku rino haritauri kuti mumwe munhu, chimwe chinhu, kana imwe nzvimbo, ine zvainofananidzira mazuva ano kunze kwekunge paine zvakanyorwa muMagwaro zvinonyatsoratidza izvozvo pachena. * Pane kudaro, richataura nezvekuzadziswa kukuru kweuprofita hwaEzekieri. Richaongororawo zvidzidzo zvatinogona kuwana pamashoko aEzekieri, uye zvatinodzidzawo pane vamwe vanhu, nzvimbo, uye zvimwe zvinhu zvaakataura.

^ ndima 12 Kuti uwane mamwe mashoko nezvenyaya yekuti chinhu chimwe nechimwe chinotaurwa mune humwe uprofita chine zvachinomiririra, ona, Nharireyomurindi, March 15, 2015, mapeji 9-11, ndima 7-12; uye “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi,” mapeji 17-18 eNharireyomurindi imwe chete iyoyo.