Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHOKISI REKUDZIDZISA 1B

Mamiriro Akaita Bhuku raEzekieri

Mamiriro Akaita Bhuku raEzekieri

Bhuku raEzekieri rinogona kupatsanurwa sezvinotevera:

ZVITSAUKO 1 KUSVIKA 3

Muna 613 B.C.E., paaigara pakati pevaJudha vainge vakatapwa muBhabhironi, Ezekieri anoona Jehovha muzviratidzo, uye anopiwa basa rekuprofita kuvaJudha vaigara pedyo nerwizi rwaKebhari.

ZVITSAUKO 4 KUSVIKA 24

Kubvira mugore ra613 kusvika muna 609 B.C.E., Ezekieri anonyanya kuprofita nezvekutongwa kweJerusarema nevanhu varo vakapanduka uye vainamata zvidhori.

ZVITSAUKO 25 KUSVIKA 32

Kubvira muna 609 B.C.E., pakakombwa Jerusarema kekupedzisira nevaBhabhironi, Ezekieri anosiya kutaura nezvekutongwa kweJerusarema otanga kutaura nezvekutongwa kwemarudzi evavengi vakapoteredza Jerusarema anoti vaAmoni, vaEdhomu, vaIjipiti, vaMoabhi, vaFiristiya, vaSidhoni, uye vaTire.

ZVITSAUKO 33 KUSVIKA 48

Kutanga muna 606 B.C.E., vaJudha pavainge vatapwa muBhabhironi, kure chaizvo neJerusarema netemberi yaro izvo zvainge zvangova matongo, Ezekieri anotanga kutaura mashoko anopa tariro ekudzorerwa kwekunamata kwakachena kwaJehovha Mwari.

Saka bhuku raEzekieri rakarongwa maererano nenguva yaiitika zvinhu uyewo maererano nenyaya yaitaurwa. Uprofita hune chekuita nekuparadzwa kweJerusarema netemberi yaro hunotanga kutaurwa pasati pataurwa nezveuprofita hwakawanda hwekudzorerwa kwekunamata kwakachena. Izvi zvine musoro nekuti nyaya yekudzorerwa kwekunamata kwakachena yaitofanira kutaurwa kunamatwa kwaiitwa patemberi kwamira.

Uyewo, Ezekieri akataura mashoko emutongo kunyika dzevavengi dzainge dzakapoteredza Jerusarema (zvitsauko 25 kusvika 32) pashure pemutongo wakapiwa Jerusarema, ndokuzopedzisira neuprofita hwekudzorerwa kwekunamata kwakachena. Achitaura nezvemashoko aEzekieri emutongo kunyika idzi, mumwe muongorori akati: “Mashoko aya akanyatsokodzera nekuti anoratidza kuchinja kwakaita Mwari kubva pakuratidza hasha dzake achienda pakunoratidza vanhu vake tsitsi, nekuti kurangwa kwevavengi vavo kwaitova pakati pezvimwe zvakaitwa naMwari pakununura vanhu vake.”

Chitsauko 1, ndima 18