Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHOKISI REKUDZIDZISA 7B

Mashoko Anonyanya Kushandiswa Mubhuku raEzekieri

Mashoko Anonyanya Kushandiswa Mubhuku raEzekieri

“Mwanakomana Wemunhu”

ANOWANIKA KANOPFUURA KA90

Ezekieri anodanwa achinzi “mwanakomana wemunhu” kanopfuura ka90. (Ezek. 2:1) Paanoita izvi, Jehovha anenge achimuyeuchidza kuti kunyange zvazvo akapiwa basa rinokosha, angoriwo munhu wenyama. Sezvineiwo, mumabhuku eBhaibheri anotaura nezveupenyu hwaJesu, Jesu anonzi “mwanakomana wemunhu” kanenge ka80, kuratidza kuti akava munhu chaiye, kwete ngirozi yakanga yakapfeka muviri wenyama.—Mat. 8:20.

‘. . . Vachaziva Kuti Ndini Jehovha’

ANOWANIKA KANOPFUURA KA50

Kanopfuura ka50, Ezekieri akanyora mashoko aMwari ekuti vanhu ‘vachaziva kuti ndini Jehovha,’ achiratidza kuti Jehovha chete ndiye akakodzera kugamuchira kunamata kwakachena.—Ezek. 6:7.

“Changamire Ishe Jehovha”

ANOWANIKA KA217

Mashoko ekuti “Changamire Ishe Jehovha” anowanika ka217, zvichiratidza kukosha kunoita zita raMwari uye kuti zvisikwa zvese zviri pasi pake.—Ezek. 2:4.