Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHOKISI REKUDZIDZISA 15A

Mukoma Nemunin’ina Pfambi

Mukoma Nemunin’ina Pfambi

Muchitsauko 23 chaEzekieri, tinoona vanhu vaMwari vachitsoropodzwa chaizvo nemhaka yekusatendeka kwavo. Chitsauko ichi chine zvakawanda zvachakafanana nechitsauko 16. Chine mufananidzo wepfambi sezvakangoitawo chitsauko 16. Jerusarema rinonzi ndiro munin’ina uye Samariya rinonzi ndiro mukoma. Zvitsauko zvacho zvese zvinoratidza kuti munin’ina akasvika sei pakutevedzera upfambi hwemukoma wake ndokutozomupfuura pakuita zvakaipa neupombwe. Muchitsauko 23, Jehovha anovapa mazita: Mukoma wacho anomuti Ohora, achimiririra Samariya, guta guru muumambo hwemadzinza gumi evaIsraeri; munin’ina anomuti Ohoribha, achimiririra Jerusarema, guta guru reJudha. *Ezek. 23:1-4.

Pane zvimwezve zvakafanana muzvitsauko izvi zviviri. Zvakanyanya kufanana ndeizvi: Pfambi idzi dzinotanga dzakaita semadzimai aJehovha asi dzozomusiya. Uyewo pane tariro yekuti vaigona kuchinja. Chitsauko 23 hachinyatsotauri zvakajeka nezvetariro yekuti vaizochinja, voponeswa, asi zvinoenderana nezvinotaurwa naJehovha muchitsauko 16 kuti: “Ndichagumisa mabasa ako akafumuka neupfambi hwako.”—Ezek. 16:16, 20, 21, 37, 38, 41, 42; 23:4, 11, 22, 23, 27, 37.

Pfambi Idzi Dzinomiririra chiKristu Chenhema Here?

Kare mabhuku edu aiti Ohora naOhoribha vanomiririra chiKristu chenhema nezvikamu zvacho zviviri zvinoti chechi yeRoma, nemachechi akabuda mairi. Asi kunyengetera uye kutsvakurudza kwakaita kuti pave nemimwe mibvunzo yaida kuongororwa. Machechi anozviti ndeechiKristu akambobvira aonekwa semudzimai waJehovha here? Akamboita sungano naye here? Zviri pachena kuti haana. ChiKristu chenhema chakanga chisati chatombovako pakaitwa “sungano itsva” naIsraeri waMwari, Jesu ari murevereri wayo; uye machechi aya haana kumbobvira avawo murudzi irworwo rwevaKristu vakazodzwa. (Jer. 31:31; Ruka 22:20) ChiKristu chenhema chakatozotanga vaapostora vava nemakore akawanda vafa. Chakatanga mumakore ekuma300 C.E. sesangano rakapanduka rinoumbwa nevaKristu vekunyepedzera vakaita ‘semasora’ akaprofitwa nezvawo naJesu mumufananidzo wake wegorosi nemasora.—Mat. 13:24-30.

Mumwe musiyano ndeuyu: Jehovha akapa vanhu vasina kutendeka vemuJerusarema neSamariya tariro yekuchinja, voponeswa. (Ezek. 16:41, 42, 53-55) Asi Bhaibheri rinopawo chiKristu chenhema tariro yakadaro here? Aiwa! Hachina kana tariro kungofananawo nezvimwe zvitendero zvese zviri muBhabhironi Guru.

Saka Ohora naOhoribha havamiririri chiKristu chenhema. Asi Ohora naOhoribha vanotibatsira kunzwisisa chimwe chinhu chinokosha: Tinodzidza kuti Jehovha anonzwa sei nezvevaya vanonyepedzera kumiririra zita rake dzvene uye vasingatevedzeri mitemo yake yezvaanotarisira pakunamata kwakachena. Machechi echiKristu chenhema ane mhosva yakakura panyaya iyi nekuti anoti anomiririra Mwari anotaurwa muBhaibheri. Chinotowedzera mhosva yawo ndechekuti anoti anotungamirirwa naJesu Kristu, Mwanakomana waJehovha waanoda. Asi machechi aya anozoratidza kuti ichi hachisi chokwadi paanodzidzisa kuti Jesu ndemumwe mwari ari paUtatu uye paasingateereri murayiro wake wakajeka wekuti ‘musava venyika.’ (Joh. 15:19) Kuramba kwaanoita achinamata zvidhori nezviratidzo zvenyika kunoratidza pachena kuti machechi aya chikamu ‘chepfambi huru.’ (Zvak. 17:1) Hapana mubvunzo kuti machechi aya anofanirawo kupiwa mutongo uchapiwa zvitendero zvese zvenhema zvabatanidzwa!

^ ndima 3 Mazita aya ane zvaanoreva. Ohora zvinoreva kuti “Tende [Rekunamatira] Remukadzi Uyu.” Pamwe izvi zvaiva nechekuita nezvakaitwa neSamariya zvekuzvigadzirira nzvimbo dzavo dzekunamatira panzvimbo pekuenda kutemberi yaJehovha kuJerusarema. Ukuwo, zita rekuti Ohoribha rinoreva kuti “Tende Rangu [Rekunamatira] Riri Maari.” MuJerusarema ndimo maiva neimba yaJehovha yekunamatira.