Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHOKISI REKUDZIDZISA 4A

“Ndakatarisa Zvisikwa Zvacho Zvipenyu”

“Ndakatarisa Zvisikwa Zvacho Zvipenyu”

Ezekieri anofanira kunge akamboona zvivezwa zvakakura zvemikono yemombe neshumba zvine mapapiro nemisoro yevanhu, zvakamiswa padzimba dzemadzimambo nepatemberi dzavanamwari zvichinzi zvinochengetedza nzvimbo idzi. Zvivezwa zvakadaro zvakanga zvakazara muAsiriya nemuBhabhironi. Anofanira kunge aishamiswawo sezvaingoita vamwe vese pavaizvitarisa, sezvo zvimwe zvacho zvainge zvakareba mamita angasvika 6. Asi kunyange zvazvo izvi zvaionekwa sezvine simba, aingova matombo akavezwa asina upenyu.

Asi zvisikwa zvina zvakaonekwa naEzekieri muchiratidzo zvaiva “zvisikwa zvipenyu.” Uyu musiyano wakakura chaizvo! Ezekieri akashamiswa nezvaakaona zvekuti akataura mashoko ekuti “zvisikwa zvipenyu” ka11 mumashoko ake ekusuma uprofita hwake. (Ezek. 1:5-22) Kuona chiratidzo chezvisikwa zvipenyu zvina zvaifamba pamwe chete zviri pasi pechigaro chaMwari cheumambo kunofanira kunge kwakanyatsobatsira Ezekieri kuona kuti Jehovha ndiye anotungamirira zvinhu zvese zvakasikwa. Mazuva ano, chiratidzo ichi chinonyatsotibatsira kuona ukuru hwaJehovha uye simba rake uye kushamisa kweuchangamire hwake.—1 Mak. 29:11.