BHOKISI REKUDZIDZISA 13A
Temberi Dzakasiyana, Zvidzidzo Zvakasiyana
Temberi Yakaratidzwa Ezekieri:
-
Inotsanangurwa naEzekieri kuvaJudha vainge vakatapwa kuBhabhironi
-
Ine atari inopisirwa zvibayiro zvakawanda
-
Inoratidza zvinhu zvakarurama zvinotarisirwa naJehovha pakumunamata
-
Chatinonyanya kudzidza pairi kudzorerwa kwekunamata kwakachena kwakatanga muna 1919
Temberi Huru Yemweya:
-
Inotsanangurwa naPauro kuvaKristu vechiHebheru
-
Ine atari pakapirwa chibayiro chimwe chete, “kamwe chete zvikabva zvakwana” (VaH. 10:10)
-
Inoratidza zvinhu zvemweya zvaimiririrwa netebhenekeri netemberi; urongwa hwaJehovha hwekunamata kwakachena hunovapo pachishandiswa chibayiro cherudzikinuro chaKristu
-
Chatinonyanya kudzidza pairi ibasa rakaitwa naKristu seMupristi Mukuru anopfuura vamwe vese kubva muna 29 kusvika muna 33 C.E.