Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHOKISI REKUDZIDZISA 13A

Temberi Dzakasiyana, Zvidzidzo Zvakasiyana

Temberi Dzakasiyana, Zvidzidzo Zvakasiyana

Temberi Yakaratidzwa Ezekieri:

  • Inotsanangurwa naEzekieri kuvaJudha vainge vakatapwa kuBhabhironi

  • Ine atari inopisirwa zvibayiro zvakawanda

  • Inoratidza zvinhu zvakarurama zvinotarisirwa naJehovha pakumunamata

  • Chatinonyanya kudzidza pairi kudzorerwa kwekunamata kwakachena kwakatanga muna 1919

Temberi Huru Yemweya:

  • Inotsanangurwa naPauro kuvaKristu vechiHebheru

  • Ine atari pakapirwa chibayiro chimwe chete, “kamwe chete zvikabva zvakwana” (VaH. 10:10)

  • Inoratidza zvinhu zvemweya zvaimiririrwa netebhenekeri netemberi; urongwa hwaJehovha hwekunamata kwakachena hunovapo pachishandiswa chibayiro cherudzikinuro chaKristu

  • Chatinonyanya kudzidza pairi ibasa rakaitwa naKristu seMupristi Mukuru anopfuura vamwe vese kubva muna 29 kusvika muna 33 C.E.