Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHOKISI REKUDZIDZISA 19B

Tumvura Twuri Kusinina Twunova Mafashamo!

Tumvura Twuri Kusinina Twunova Mafashamo!

Ezekieri anotevedza mvura iri kuyerera ichibva paimba yaJehovha uye inopedzisira yava rwizi ruri kufashukira angoti pfuurei makiromita maviri! Mumahombekombe erwizi rwacho anoona miti inoyevedza ine michero inopa utano uye ine mashizha anorapa. Zvese izvi zvinorevei?

Rwizi Rwunounza Makomborero

MUNGUVA YEVAISRAERI: VaJudha pavakangodzokera kumusha kwavo, makomborero akayerera kwavari pavaishanda kuti vadzorere kunamata kwakachena patemberi

MAZUVA ANO: Muna 1919 kunamata kwakachena kwakadzorerwa, zvichiita kuti vashumiri vaMwari vakatendeka vawane makomborero akawanda pakunamata avanga vasati vambowana

MUNE RAMANGWANA: Pashure peAmagedhoni, Jehovha achakomborera vanhu vake pane zvekunamata uye achaita kuti vave neupenyu hwakanaka

Mvura Inopa Upenyu

MUNGUVA YEVAISRAERI: Jehovha akakomborera chaizvo vanhu vake vanoteerera achivaita kuti vabudirire pakunamata, kunyange pavaiwedzera kuwanda

MAZUVA ANO: MuParadhiso yemweya iri kuramba ichikura, vanhu vakawanda vari kubatsirwa nemakomborero aJehovha ari kuramba achiwedzera kufashukira imomo uye vari kuitwa vapenyu pakunamata

MUNE RAMANGWANA: Mamiriyoni evanhu vachamutswa achabatana nevanhu vachapona paAmagedhoni, uye makomborero aJehovha achange akawanda zvekuvakwanira vese

Miti Yemichero Ine Mashizha Anorapa

MUNGUVA YEVAISRAERI: Jehovha akapa vanhu vake zvekudya zvinosimbisa pakunamata pavakadzorerwa kunyika yavo; akaitawo kuti vasiye zvinhu zvakanga zvava nemakore zvichivarwarisa pakunamata

MAZUVA ANO: Zvekudya zvakawanda zvinosimbisa pakunamata zviri kubatsira vanhu kuti vasarwara kana kuziya nenzara pakunamata sezviri kuitika kune vakawanda munyika

MUNE RAMANGWANA: Kristu nevamwe vaachatonga navo 144 000 vachabatsira vanhu vanoteerera kuti vasava nechivi uye vave neutano hwakanaka nekusingaperi!