Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHOKISI REKUDZIDZISA 2B

Ezekieri—Upenyu Hwake Uye Makore Aakararama

Ezekieri—Upenyu Hwake Uye Makore Aakararama

Zita rekuti Ezekieri rinoreva kuti “Mwari Anosimbisa.” Kunyange zvazvo uprofita hwake hwakawanda huine mashoko ekuyambira vanhu, kana tichihutarisa hwese zvahwo tinoona kuti hunoenderana nezvinorehwa nezita rake uye hunosimbisa kutenda kwevaya vanoda kunamata Jehovha zvakachena.

VAPROFITA VAKARARAMA PANGUVA YAKE

  • JEREMIYA,

    aiva wemumhuri yevapristi, uye nguva yake yakawanda akashumira ari muJerusarema (647-580 B.C.E.)

  • HURIDHA

    akashumira mazuva akawanikwa bhuku reMutemo mutemberi munenge muna 642 B.C.E.

  • DHANIERI,

    aiva wedzinza reumambo hweJudha, akaendeswa kuBhabhironi muna 617 B.C.E.

  • HABHAKUKI

    anofanira kunge akashumira muJudha makore ekutanga ekutonga kwaJehoyakimu

  • OBHADHIYA

    akaprofita nezvemutongo wakapiwa kunyika yeEdhomu, zvimwe panguva yakaparadzwa Jerusarema

VAKAPROFITA RIINI? (Makore ese ndeekumaB.C.E.)

ZVIITIKO ZVINOKOSHA MUUPENYU HWAEZEKIERI (Makore ese ndeekumaB.C.E.)

  1. c.643: Anozvarwa

  2. 617: Anotapwa oendeswa kuBhabhironi

  3. 613: Anotanga kuprofita; anoona Jehovha muchiratidzo

  4. 612: Anoona chiratidzo chevanhu vari kuitira kunamata kwenhema patemberi

  5. 611: Anotanga kushoropodza Jerusarema

  6. 609: Mudzimai wake anofa uye kukombwa kwekupedzisira kweJerusarema kunotanga

  7. 607: Anoudzwa kuti Jerusarema raparadzwa

  8. 593: Anoona chiratidzo chetemberi

  9. 591: Anotaura nezvekupinda kwaNebhukadhinezari muIjipiti nechisimba; anopedza kunyora

MADZIMAMBO EJUDHA NEBHABHIRONI

  1. 659-629: Josiya anosimudzira kunamata kwakachena asi anofa achirwisana naFarao Neko

  2. 628: Mambo akaipa Jehoahazi anotonga kwemwedzi mitatu, otapwa naFarao Neko

  3. 628-618: Jehoyakimu ndimambo akaipa uye anotonga ari pasi paFarao Neko

  4. 625: Nebhukadhinezari anokunda uto revaIjipiti

  5. 620: Nebhukadhinezari anopinda nechisimba muJudha kekutanga, ogadza Jehoyakimu kuti atonge muJerusarema ari pasi pake

  6. 618: Jehoyakimu anopandukira Nebhukadhinezari asi anenge anozofa vaBhabhironi pavanopinda kechipiri muNyika Yakapikirwa

  7. 617: Jehoyakini, uyo anozivikanwawo saJekoniya, ndimambo akaipa anotonga kwemwedzi mitatu ozozviisa mumaoko aNebhukadhinezari

  8. 617-607: Mambo akaipa Zedhekiya, uyo aiva mbwende, anotanga kutonga ari pasi paNebhukadhinezari

  9. 609: Zedhekiya anopandukira Nebhukadhinezari, uye Nebhukadhinezari anobva apinda muJudha nechisimba kechitatu

  10. 607: Nebhukadhinezari anoparadza Jerusarema, otora Zedhekiya, omuita bofu, oenda naye kuBhabhironi