Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHOKISI REKUDZIDZISA 9D

Uprofita Hwekutapwa Nekudzorerwa Kwevanhu vaMwari

Uprofita Hwekutapwa Nekudzorerwa Kwevanhu vaMwari

Uprofita hwakawanda hwekutapwa kwevaJudha vachiendeswa kuBhabhironi hwakazozadziswa kechipiri uye pamwero mukuru, ungano yechiKristu payakatapwa neBhabhironi Guru. Imboona zvimwe zvacho zvakazadziswa.

1. YAMBIRO

2. UTAPWA

3. KUDZORERWA KWEKUNAMATA KWAKACHENA

KUZADZISWA KWEKUTANGA

Gore ra607 B.C.E. Risati Rasvika—Isaya, Jeremiya, naEzekieri vakayambira vanhu vaMwari; asi vanhu vakaramba vachipanduka

607 B.C.E.—Jerusarema rinoparadzwa; vanhu vaMwari vanotapwa voendeswa kuBhabhironi

537 B.C.E. Zvichienda Mberi—Nhapwa dzakatendeka dzinodzokera kuJerusarema, dzovakazve temberi, dzotangazve kunamata kwakachena

KUZADZISWA KUKURU

Pakatanga chiKristu—Jesu, Pauro, naJohani vakayambira ungano, asi vanhu vakaramba vachipanduka

100 C.E. Zvichienda Mberi—VaKristu vechokwadi vanotapwa neBhabhironi Guru

1919 C.E. Zvichienda Mberi—Vachitungamirirwa naJesu, mambo akagadzwa naMwari, vakazodzwa vakatendeka vakasunugurwa muutapwa hwekunamata uye vakatangazve kunamata kwakachena