Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHOKISI REKUDZIDZISA 14A

Zvatinodzidza Patemberi Yakaonekwa naEzekieri

Zvatinodzidza Patemberi Yakaonekwa naEzekieri

Kunamata Kwakachena Kunokwidziridzwa Uye Kunodzivirirwa

Temberi yemuchiratidzo iri panzvimbo yakakwirira, “pagomo refu refu” (1). Isuwo tinokwidziridza kunamata kwakachena, tichikuisa panzvimbo yekutanga muupenyu hwedu here?

Rusvingo rwaipoteredza temberi (2), iyo iri nechepakati penzvimbo yakakura (3), runotiyeuchidza kuti hatifaniri kusiya chero chii zvacho chichisvibisa kunamata kwatinoita Jehovha. Kana zvinhu “zvinoshandiswa neveruzhinji” zvichifanira kuva kure nekunamata kwakachena, ko kuzoti tsika dzisina kuchena neunzenza? MuKristu anofanira kutambira kure nazvo!—Ezek. 42:20.

Makomborero Asingaperi

Rwizi rwunoyerera ruchibva patemberi, rwopedzisira rwava kufashukira rwuchiunza upenyu uye rwuchiita kuti nyika ibereke (4). Makomborero aya achatsanangurwa muChitsauko 19 chebhuku rino.

Zvinotarisirwa naJehovha Kuvanamati Vake Vese Zvakafanana

Magedhi marefu refu ekunze (5) nemagedhi emukati (9) anotiyeuchidza mitemo yakakwirira yekuzvibata inotarisirwa naJehovha kuvanhu vese vanoda kunamata kwakachena. Ona kuti gedhi rekunze neremukati akaenzana. Izvi zvakakodzera, nekuti mitemo yaJehovha kuvashumiri vake vese yakafanana, pasinei nechinzvimbo chavainacho kana kuti basa ravanoita.

Kudya Patafura yaJehovha

Dzimba dzekudyira (8) dzinotiyeuchidza kuti kare vanhu vaigona kudyawo zvibayiro zvavaiuya nazvo kutemberi, vachitoita sevari kudya naJehovha. Izvi zvakasiyana nezvinoitika mutemberi yemweya matinoshumira Mwari tiri, nekuti pane “chibayiro . . . chimwe chete” chakatopiwa kare. (VaH. 10:12) Asi tinopa zvibayiro zvedu zvekurumbidza.—VaH. 13:15.

Vimbiso yaMwari Isingakundikani

Unogona kuomerwa nekunzwisisa zvese zvakayerwa muchiratidzo. Asi zvinotidzidzisa chimwe chinhu chinokosha: Zvinoita kuti tive nechokwadi chekuti chinangwa chaJehovha chekudzorera kunamata kwakachena chichatoti chizadziswe, kungofanana nekuyerwa nemazvo kwakaitwa temberi. Kunyange zvazvo Ezekieri asingatauri kuti akaona vanhu muchiratidzo chake, akanyora nezvekutsiura kwakaita Jehovha vapristi, machinda, nevamwewo vanhu. Vashumiri vaMwari vese vanofanira kutsigira mitemo yake yakarurama.