Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 2

“Mwari Akafarira” Zvipo Zvavo

“Mwari Akafarira” Zvipo Zvavo

VAHEBHERU 11:4

ZVATICHADZIDZA: Nhoroondo yeurongwa hwaJehovha hwekunamata kwakachena

1-3. (a) Mibvunzo ipi yatichakurukura? (b) Tichakurukura zvinhu zvipi zvina zvinodiwa kuti kunamata kunzi kwakachena? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.)

ABHERI ari kunyatsoongorora makwai ake. Achengeta zvipfuwo zvake izvi kubvira pazvakaberekwa. Iye zvino, anosarudza mamwe, oauraya, oapa sechipo kuna Mwari. Jehovha achagamuchira kunamata uku kwemunhu ane chivi here?

2 Muapostora Pauro akafemerwa kunyora nezvaAbheri achiti: “Mwari akafarira zvipo zvake.” Asi Jehovha akaramba chibayiro chaKaini. (Verenga VaHebheru 11:4.) Izvi zvinoita kuti tive nemibvunzo yatichada kukurukura. Nei Mwari akagamuchira kunamata kwaAbheri asi asina kugamuchira kwaKaini? Tinodzidzei pane zvakaitwa naKaini naAbheri, nevamwewo vanotaurwa muchitsauko 11 chaVaHebheru? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzichaita kuti tiwedzere kunzwisisa chinonzi kunamata kwakachena.

3 Patinenge tichikurukura muchidimbu zvinhu zvakaitika kubvira panguva yaAbheri kusvikira panguva yaEzekieri, cherechedza zvinhu zvina zvinodiwa kuti kunamata kwemunhu kugamuchirwe naMwari: Anofanira kunamata iye akakodzera kunamatwa chete, Jehovha. Zvese zvaanopa pakunamata zvinofanira kuva zvakanakisisa. Mapiro aanozviita anofanira kunge achifarirwa naMwari, uye anofanira kumunamata nechinangwa chakanaka.

Nei Mwari Akaramba Kunamata kwaKaini?

4, 5. Chii chakaita kuti Kaini azive kuti chipo chake chaifanira kupiwa Jehovha?

4 Verenga Genesisi 4:2-5. Kaini aiziva kuti Jehovha ndiye ainge akakodzera kupiwa chipo. Kaini aiva nemukana uye nguva yakawanda yekudzidza nezvaJehovha. Iye nemunin’ina wake Abheri vanofanira kunge vaiva nemakore angasvika 100 pavakapa zvipo zvavo. * Vese vari vaviri vakakura vachiziva munda weEdheni, zvimwe vaitoona paki iyoyo yakasvibirira vari nechekure. Vanofanira kunge vaitoona makerubhi achidzivirira paipindwa napo mumunda weEdheni. (Gen. 3:24) Vabereki vevakomana ava vanofanira kunge vakavaudza kuti Jehovha akasika zvinhu zvese zvipenyu uye kuti chakanga chisiri chinangwa chake kuti vanhu vazosvika pakuchembera, zvichizoguma nerufu. (Gen. 1:24-28) Kuziva izvi kunofanira kunge kwakaita kuti Kaini afunge kuti aifanira kupa chipo chake kuna Mwari.

5 Pane zvimwe here zvinogona kunge zvakaita kuti Kaini ape chipo chake? Jehovha akanga ataura ‘nezvemwana’ aizouya, aizopwanya musoro ‘wenyoka’ yainge yanyengera Evha kuita chivi chakakura. (Gen. 3:4-6, 14, 15) Sezvo Kaini aiva dangwe, anogona kunge akafunga kuti ndiye “mwana” ainge avimbiswa. (Gen. 4:1) Uyewo, Jehovha haana kubva arega kutaura nevanhu pashure pekunge vatadza; kunyange pashure pekunge Adhamu atadza, Mwari akataura naye, zvimwe achishandisa ngirozi. (Gen. 3:8-10) Uye Jehovha akataura naKaini pashure pekunge apa chipo chake. (Gen. 4:6) Zviri pachena kuti Kaini aiziva kuti Jehovha akakodzera kunamatwa.

6, 7. Pane chakanga chisina kunaka pachibayiro chaKaini kana pamapiro aakachiita here? Tsanangura.

6 Saka nei Jehovha asina kufarira chipo chaKaini? Chakanga chisina kunyatsonaka here? Bhaibheri haritipi mhinduro. Rinongoti Kaini akauya ‘nezvirimwa zvake.’ MuMutemo waakazopa Mozisi, Jehovha akaratidza kuti aigamuchira zvipo zvakadaro. (Num. 15:8, 9) Uyewo, imbofunga kuti zvinhu zvakanga zvakamira sei panguva yaKaini. Vanhu vaingodya zvirimwa chete. (Gen. 1:29) Uye sezvo ivhu raiva kunze kweEdheni rainge ratukwa naMwari, Kaini ainge ashanda zvakaoma kuti awane chipo ichi. (Gen. 3:17-19) Saka akapa zvekudya zvaimuraramisa zvaainge afondokera kuti awane. Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kufarira chipo chaKaini.

7 Kuti pangava nechakakanganiswa pamapiro aakaita chipo chacho here? Kaini akatadza kuchipa nenzira inogamuchirwa naMwari here? Hatifungi kudaro. Nei tichidaro? Nekuti Jehovha paakaramba chipo chaKaini, haana kutaura kuti pane chainge chakaipa pamapiro aakachiita. Uyewo hapana kana pakatombonyorwa panoratidza kuti Kaini kana Abheri vakapa sei zvipo zvavo. Saka dambudziko raiva papi?

Kaini akanga asina chinangwa chakanaka (Ona ndima  8, 9)

8, 9. (a) Chii chakaita kuti Jehovha asafarira Kaini kana chipo chake? (b) Chii chinokushamisa pane zvatinoudzwa neBhaibheri pamusoro paKaini naAbheri?

8 Mashoko akafemerwa Pauro kunyorera vaHebheru anoratidza kuti Kaini akanga asina chinangwa chakanaka paakapa chipo chake. Kaini akanga asina kutenda. (VaH. 11:4; 1 Joh. 3:11, 12) Ndokusaka Jehovha asina kufarira Kaini wacho pachake, nechibayiro chake. (Gen. 4:5-8) Jehovha ndiBaba vane rudo, saka akaedza kutsiura mwanakomana wake. Asi Kaini akaramba kubatsirwa naJehovha. Mwoyo waKaini wainge wakazara nemabasa enyama—“kuvengana, kupopotedzana, godo.” (VaG. 5:19, 20) Mwoyo wakaipa waKaini wakaita kuti zvimwe zvese zvakanaka zvaaiita pakunamata zvishaye basa. Zvaakaita zvinotidzidzisa kuti kunamata kwakachena hakungogumiri pakuita zvinhu zvinoratidza kuti takazvipira kuna Jehovha.

9 Bhaibheri rinotiudza zvakawanda nezvaKaini—tinonzwa Jehovha achitaura naye, tinoverenga nezvekupindura kwaakaita, uye tinotoziva mazita evana vake uye zvimwe zvinhu zvavakaita. (Gen. 4:17-24) Asi kana ari Abheri, hapana panotaurwa nezvekuti akava nevana uye hapana mashoko aakataura akanyorwa muBhaibheri. Kunyange zvakadaro, achiri kutaura nesu kuburikidza nezvaakaita. Anozviita sei?

Abheri Akaratidza Chinonzi Kunamata Kwakachena

10. Abheri akaratidza sei chinonzi kunamata kwakachena?

10 Abheri akapa Jehovha chipo chake, achiziva kuti ndiye ega akakodzera kunamatwa. Akapa chipo chakanakisisa nekuti akasarudza “mamwe makwai ake akatanga kuberekwa.” Kunyange zvazvo nyaya yacho isingatauri kana akabayira makwai acho paatari, zviri pachena kuti mapiro aakaita chipo chake akagamuchirwa naMwari. Asi chikuru chatinoona pachipo chaAbheri, chatichiri kungodzidza pachiri kunyange zvazvo papfuura makore 6 000, chinangwa chaakapira chipo chake. Kutenda muna Mwari uye kuda mitemo yaJehovha yakarurama ndizvo zvakaita kuti ape chipo chake. Tinozviziva sei?

Abheri akaratidza zvinhu zvikuru zvina zvinodiwa kuti kunamata kunzi kwakachena (Ona ndima 10)

11. Nei Jesu akati Abheri aiva munhu akarurama?

11 Kutanga, chimbofunga zvakataurwa naJesu nezvaAbheri. Jesu ainyatsoziva Abheri nekuti aiva kudenga Abheri paakararama pano panyika. Jesu aiona zvese zvaiitwa nemwanakomana uyu waAdhamu. (Zvir. 8:22, 30, 31; Joh. 8:58; VaK. 1:15, 16) Saka Jesu paakati Abheri aiva munhu akarurama, aitaura zvinhu zvaakazvionera nemaziso ake. (Mat. 23:35) Munhu akarurama ndeuya anobvuma kuti Jehovha ndiye ane kodzero yekutaura kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi. Asi haangogumiri ipapo, anoratidzawo nematauriro ake uye nezvaanoita kuti anoteerera mitemo yaMwari. (Enzanisa naRuka 1:5, 6.) Zvinotora nguva kuti munhu azosvika pakuzivikanwa semunhu akarurama. Saka kunyange paakanga asati apa chipo chake kuna Mwari, Abheri anofanira kunge aizivikanwa semunhu aiteerera mitemo yaJehovha. Zvinofanira kunge zvakanga zvisiri nyore. Mukoma wake Kaini, haanganzi munhu aiva muenzaniso wekutevedzera nekuti aiva nemwoyo wakaipa. (1 Joh. 3:12) Amai vaAbheri vainge varamba kuteerera murayiro waMwari uye baba vake vainge vapandukira Jehovha, vachida kuzvisarudzira zvakanaka nezvakaipa. (Gen. 2:16, 17; 3:6) Zvechokwadi Abheri akaratidza ushingi paakasarudza kuita zvakasiyana nezvaiitwa nevanhu vemumhuri make!

12. Ndechipi chinhu chikuru chaisiyanisa Kaini naAbheri?

12 Chechipiri, ona kuti muapostora Pauro akaratidza sei kuti kutenda kunobatana nekururama. Akanyora kuti, “Nekutenda, Abheri akapa Mwari chibayiro chaikosha kupfuura chaKaini, uye nekutenda ikoko akapupurirwa kuti akanga akarurama.” (VaH. 11:4) Pauro akaratidza kuti chinangwa chaAbheri chekunamata Jehovha chainge chakasiyana nechaKaini, pakuti Abheri airatidza nemararamiro ake kuti aitenda muna Jehovha uye aiva nechokwadi chekuti zvese zvinoitwa naJehovha zvakarurama.

13. Tinodzidzei pane zvakaitwa naAbheri?

13 Zvakaitwa naAbheri zvinotidzidzisa kuti munhu haakwanisi kunamata zvakachena kunze kwekunge aine mwoyo une vavariro dzakachena, kureva mwoyo une kutenda kwakasimba muna Jehovha uye unobvuma mitemo yake yakarurama. Uyewo, tinodzidza kuti kunamata kwakachena hakuratidzwi nekungoita chinhu chimwe chete chinoratidza kuzvipira kuna Mwari asi kunoratidzwa nezvese zvatinoita muupenyu.

Vamwe Varume Vakatevedzera Abheri

14. Nei Jehovha akagamuchira zvipo zvakapiwa naNoa, Abrahamu, naJakobho?

14 Abheri ndiye munhu wekutanga pashure pekunge vanhu vatadza akanamata Jehovha zvakachena, asi haasi iye wekupedzisira. Muapostora Pauro akataura nezvevamwe vainamata Jehovha zvakanaka, vakadai saNoa, Abrahamu, naJakobho. (Verenga VaHebheru 11:7, 8, 17-21.) Mumwe nemumwe wavo akambopa Jehovha chibayiro, uye Mwari akafarira zvipo zvavo. Nei akazvifarira? Nekuti varume ava havana kungogumira pakupa zvibayiro chete, asi mumwe nemumwe wavo akaratidza kuti aiita zvese zvinodiwa kuti munhu anzi ari kunamata zvakachena. Ngatimboongororai zvavakaita.

Paakapa zvibayiro Noa akaratidza zvakajeka kuti ndiani anofanira kunamatwa (Ona ndima 15, 16)

15, 16. Noa akaita sei zvinhu zvina zvinodiwa pakunamata kwakachena?

15 Pakazvarwa Noa, Adhamu ainge ava nemakore 126 chete afa; asi Noa akakurira munyika yainge yakazara kunamata kwenhema. * (Gen. 6:11) Pamhuri dzese dzakararama Mafashamo asati auya, Noa nemhuri yake chete ndivo vainamata Jehovha zvakanaka. (2 Pet. 2:5) Pashure pekunge Noa apona paMafashamo, akanzwa achida kuvakira Jehovha atari, inova ndiyo yekutanga inotaurwa muBhaibheri, ndokubayira zvibayiro pairi. Paakaita izvi, Noa akaratidza mhuri yake nevamwe vanhu vese vaizovako kuti Jehovha ndiye chete akakodzera kunamatwa. Pamhuka dzese dzaaigona kupa sezvibayiro, Noa akasarudza “dzimwe mhuka pamhuka dzese dzakachena, nepazvisikwa zvese zvinobhururuka zvakachena.” (Gen. 8:20) Idzi ndidzo dzainge dzakanakisisa nekuti Jehovha pachake ndiye ainge ataura kuti dzakachena.—Gen. 7:2.

16 Noa akapisira zvibayiro izvi paatari yaainge avaka. Mapiro aya aakaita zvibayiro izvi aigamuchirwa naMwari here? Hongu. Nyaya yacho inoti Jehovha akafadzwa nekunhuhwirira kwezvibayiro zvacho akakomborera Noa nevanakomana vake. (Gen. 8:21; 9:1) Asi, chinangwa chaiva naNoa paakapa zvibayiro izvi ndicho chinhu chikuru chakaita kuti Jehovha azvigamuchire. Apa Noa akaratidzazve kuti aiva nekutenda kwakasimba muna Jehovha uye aiva nechokwadi chekuti zvese zvinoitwa naJehovha zvakarurama. Noa akaramba achiteerera Jehovha nekutsigira mitemo yake, ndokusaka Bhaibheri richiti “akafamba naMwari wechokwadi.” Nanhasi tinoziva Noa semunhu ainge akarurama nekuda kwezvaakaita.—Gen. 6:9; Ezek. 14:14; VaH. 11:7.

17, 18. Abrahamu akaita sei zvinhu zvina zvinodiwa pakunamata kwakachena?

17 Abrahamu ainge akapoteredzwa nevanhu vainamata vanamwari venhema. Muguta reUri maaigara maiva netemberi yakakura chaizvo yamwari wemwedzi ainzi Nanna. * Kunyange baba vaAbrahamu pachake vaitombonamatawo vanamwari venhema. (Josh. 24:2) Asi Abrahamu akasarudza kunamata Jehovha. Anofanira kunge akadzidziswa nezvaMwari wechokwadi naShemu, mumwe wevanakomana vaNoa. Abrahamu naShemu vakararama panguva imwe chete kwemakore 150.

18 Muupenyu hwake hwese, Abrahamu akapa zvibayiro zvakawanda. Asi pese paaipa zvibayiro izvi aizvipa kuna Jehovha achiratidza kuti ndiye ega akakodzera kunamatwa. (Gen. 12:8; 13:18; 15:8-10) Abrahamu ainge akagadzirira kupa Jehovha chibayiro chakanakisisa here? Akanyatsoratidza pachena kuti ainge akagadzirira kuita izvi paakazvipira kupa mwanakomana wake waaida Isaka sechibayiro. Apa Jehovha akataura mapiro aifanira kuita Abrahamu chibayiro chacho. (Gen. 22:1, 2) Uye Abrahamu ainge azvipira kuteerera zvese zvaaizoudzwa naJehovha. Jehovha ndiye akatozomumisa kuti arege kuuraya mwanakomana wake. (Gen. 22:9-12) Jehovha akagamuchira kunamata kwaAbrahamu nekuti aizviita aine chinangwa chakanaka. Pauro akanyora kuti, “Abrahamu akatenda muna Jehovha, uye akanzi akarurama.”—VaR. 4:3.

Jakobho akaratidza muenzaniso waizofanira kutevedzerwa nemhuri yake (Ona ndima  19, 20)

19, 20. Jakobho akaita sei zvinhu zvina zvinodiwa pakunamata kwakachena?

19 Jakobho akaita makore akawanda eupenyu hwake ari muKenani, nyika yakanga yavimbiswa naJehovha kuti aizoipa Abrahamu nevana vake. (Gen. 17:1, 8) Munyika iyi, manamatiro aiita vanhu ainge akaora zvekuti Jehovha akati nyika yacho ‘yaizorutsa vagari vayo.’ (Revh. 18:24, 25) Paakanga ava nemakore 77, Jakobho akabuda muKenani, akanoroora, ndokuzodzoka ava nemhuri yakakura. (Gen. 28:1, 2; 33:18) Zvisinei vamwe vaiva mumhuri yake, vainge vakakanganiswa nekunamata kwenhema. Kunyange zvakadaro, Jehovha paakamuudza kuti aende kuBheteri kunovaka atari, Jakobho haana kumbofunga kaviri. Akatanga audza mhuri yake kuti: “Rasai vanamwari vekune dzimwe nyika vari pakati penyu, muzvichenese.” Akabva anyatsotevedzera zvese zvaainge arayirwa kuti aite.—Gen. 35:1-7.

20 Jakobho akavaka atari dzakati kuti muNyika Yakapikirwa, uye pese ipapo aishumira Jehovha, Mwari akakodzera kunamatwa. (Gen. 35:14; 46:1) Kunaka kwezvibayiro zvaaipa, manamatiro aaiita Mwari, uye chinangwa chaaizviitira zvakaita kuti asvike pakunzi neBhaibheri aiva munhu “asina chaanopomerwa,” mashoko anoreva munhu anofarirwa naMwari. (Gen. 25:27) Upenyu hwake hwese Jakobho akaratidza muenzaniso waizofanira kutevedzerwa nevazukuru vake vese, rudzi rwevaIsraeri.—Gen. 35:9-12.

21. Tinodzidzei nezvekunamata kwakachena kuna Noa, Abrahamu, naJakobho?

21 Tinodzidzei nezvekunamata kwakachena kubva kuna Noa, Abrahamu, naJakobho? Isuwo takafanana navo pakuti takapoteredzwa nevanhu, zvichida vemumhuri chaimo, vanogona kutitadzisa kuzvipira zvakazara kuna Jehovha. Kuti tikwanise kukunda muedzo uyu, tinofanira kuva nekutenda kwakasimba muna Jehovha uye kuva nechokwadi chekuti mitemo yake yese yakatinakira. Tinoratidza kutenda kwakadaro nekuteerera Jehovha uye nekushandisa nguva, simba, nezvinhu zvedu pakumushumira. (Mat. 22:37-40; 1 VaK. 10:31) Zvinokurudzira chaizvo kuziva kuti patinonamata Jehovha nemwoyo wedu wese, nenzira yaanoda, uye nechinangwa chakanaka, tinobva tava vanhu vakarurama kwaari!—Verenga Jakobho 2:18-24.

Rudzi Rwakazvipira Kunamata Zvakachena

22-24. Mutemo wakaratidza sei kuti vaIsraeri vaifanira kunamata ani, kuti vaifanira kupa zvipo zvakaita sei, uye kuti vaifanira kumunamata sei?

22 Jehovha akapa vazukuru vaJakobho bumbiro reMutemo, kuti vazive mararamiro avaifanira kuita. Kuteerera Jehovha kwaizoita kuti vave ‘pfuma yake yaanokoshesa’ uye “rudzi rutsvene.” (Eks. 19:5, 6) Cherechedza kuti Mutemo unosimbisa sei zvinhu zvina zvinodiwa pakunamata kwakachena.

23 Jehovha akanyatsoratidza kuti ndiani akakodzera kunamatwa nevaIsraeri. Akati: “Usava nevamwe vanamwari kunze kwangu.” (Eks. 20:3-5) Zvibayiro zvavaimupa zvaifanira kunge zvakanakisisa. Semuenzaniso, zvibayiro zvemhuka zvaifanira kunge zviine utano, zvisina pakaremara. (Revh. 1:3; Dheut. 15:21; enzanisa naMaraki 1:6-8.) VaRevhi vaipiwa zvipo kubva pane zvainge zvapiwa Jehovha, asi ivowo pachavo vaizopawo mipiro yavo. Zvavaipa zvaifanira kubva ‘pane zvakanakisisa zvezvipo zvavaipiwa.’ (Num. 18:29) Panyaya yemanamatiro avaifanira kuita, vaIsraeri vakaudzwa kuti vaifanira kupa chii, vachizviitira kupi, uye mapiro avaifanira kuzviita kuna Jehovha. Vakapiwa mitemo yaipfuura 600 yaitaura kuti vaifanira kurarama sei, uye vakaudzwa kuti: “Munofanira kungwarira kuti muite zvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu. Musatsaukira kurudyi kana kuruboshwe.”—Dheut. 5:32.

24 Asi vaIsraeri vaigona kupa zvibayiro zvavo chero kwavada here? Aiwa. Jehovha akaudza vanhu vake kuti vavake tebhenekeri, iyo yakazova muzinda wekunamata kwakachena. (Eks. 40:1-3, 29, 34) Panguva iyoyo, kuti vaIsraeri vape mipiro yaigamuchirwa naMwari, vaifanira kuuya nayo kutebhenekeri. *Dheut. 12:17, 18.

25. Panyaya yekupa zvibayiro, chii chainyanya kukosha? Tsanangura.

25 Asi chaitonyanya kukosha chinangwa chemuIsraeri paaipa chipo chake! Aifanira kuzviita zvichibva pakuda Jehovha nemitemo yake zvakadzama. (Verenga Dheuteronomi 6:4-6.) VaIsraeri pavainamata Jehovha zvemasiyandaita, Jehovha aisagamuchira zvipo zvavo. (Isa. 1:10-13) Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akaratidza kuti haabatwi kumeso nevanhu vanonyepera kuzvipira kwaari paakati: “Vanhu ava . . . vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure chaizvo neni.”—Isa. 29:13.

Kunamata Kwaiitwa Patemberi

26. Pakutanga, temberi yakavakwa naSoromoni yaishanda sei pakunamata kwakachena?

26 VaIsraeri pavakanga vava nemazana emakore vapinda muNyika Yakapikirwa, Mambo Soromoni akavaka temberi yainge yakakura uye yairatidzika zvakanaka kupfuura tebhenekeri nekure, kuti ive muzinda wekunamata kwakachena. (1 Madz. 7:51; 2 Mak. 3:1, 6, 7) Pakutanga, vaiziva kuti Jehovha ndiye chete akakodzera kugamuchira zvibayiro zvavo patemberi iyi. Soromoni nevanhu vaaitonga vakapa zvibayiro zvakawanda zvakanakisisa uye mapiro avaiita aienderana neMutemo waMwari. (1 Madz. 8:63) Asi, ukoshi hwechivakwa ichi nekuwanda kwezvibayiro zvaipiwa ipapo handizvo zvaiita kuti Jehovha agamuchire kunamata kwacho. Chainyanya kukosha chinangwa chevanhu vaipa zvipo izvi. Soromoni akasimbisa izvozvo pakakumikidzwa temberi. Akati: “Mwoyo yenyu ngainyatsozvipira kuna Jehovha Mwari wedu nekufamba mumirau yake uye nekuchengeta mirayiro yake sezvazvakaita nhasi.”—1 Madz. 8:57-61.

27. Madzimambo evaIsraeri nevanhu vaaitonga vakaitei, uye izvozvo zvakaita kuti Jehovha aitei?

27 Chinorwadza ndechekuti vaIsraeri havana kuramba vachiteerera mashoko euchenjeri akataurwa namambo. Vakakundikana kuita chimwe chezvinhu zviya zvina kana kuti zvese zvinodiwa kuti kunamata kunzi kwakachena. Madzimambo evaIsraeri nevanhu vaaitonga vakarega mwoyo yavo ichishatiswa, vakarasa kutenda kwavo muna Jehovha, uye vakasiya mitemo yake yakarurama. Nguva nenguva Jehovha aivaratidza rudo nekuvatumira vaprofita kuti vavaruramise uye vavayambire nezvezvaizoitika kwavari nekuda kwemabasa avo. (Jer. 7:13-15, 23-26) Mumwe wevaprofita ivavo ndiEzekieri, murume akanga akatendeka. Akararama panguva yakanga yakaoma zvikuru panyaya dzekunamata kwakachena.

Ezekieri Anoona Kunamata Kwakachena Kuchisvibiswa

28, 29. Chii chatinoziva nezvaEzekieri? (Ona bhokisi rakanzi “Ezekieri—Upenyu Hwake Uye Makore Aakararama.”)

28 Ezekieri ainyatsoziva nezvekunamata kwaiitwa patemberi yakavakwa naSoromoni. Baba vake vaiva mupristi saka vaiitawo jana ravo rekushumira patemberi. (Ezek. 1:3) Ezekieri anofanira kunge akanakidzwa neudiki hwake. Zviri pachena kuti baba vake vakamudzidzisa nezvaJehovha uye nezveMutemo. Makore aakazvarwa ndiwo akatowanikwa, “bhuku reMutemo” mutemberi. * Mambo akanaka Josiya, uyo aitonga panguva iyoyo, akabatwa neshungu chaizvo paakaverengerwa bhuku reMutemo zvekuti akawedzera kushanda nesimba kuti asimudzire kunamata kwakachena.—2 Madz. 22:8-13.

Zviri pachena kuti baba vaEzekieri vakamudzidzisa nezvaJehovha uye Mutemo (Ona ndima 28)

29 Ezekieri akaita zvinhu zvese zvina zvinodiwa kuti kunamata kunzi kwakachena, sezvakaitwa nevarume vakatendeka vakararama asati avapo. Patinoongorora bhuku raEzekieri, tinoona kuti akashumira Jehovha chete, akaramba achimupa zvakanakisisa pakumushumira, aiteerera zvaaiudzwa naJehovha uye aizviita nenzira yaidiwa naJehovha. Ezekieri akaita zvese izvi nekuti aiva nekutenda kunobva pamwoyo. Vanhu vakawanda vakararama panguva yake vakanga vasina kutenda kwakadaro. Ezekieri akanga akura achinzwa uprofita hwaJeremiya, uyo akatanga kuprofita muna 647 B.C.E., achishingaira kuyambira vanhu nezvemutongo waJehovha waizouya.

30. (a) Uprofita hwakanyorwa naEzekieri hunoratidzei? (b) Chii chinonzi uprofita, uye tinofanira kunzwisisa sei uprofita hwaEzekieri? (Ona bhokisi rakanzi “Kunzwisisa Uprofita hwaEzekieri.”)

30 Mashoko akafemerwa akanyorwa naEzekieri anoratidza kuti vanhu vaMwari vakanga vatsauka zvakadini pakumushumira. (Verenga Ezekieri 8:6.) Jehovha paakatanga kuranga Judha, Ezekieri akanga ari pakati pevanhu vakatapwa vakaendwa navo kuBhabhironi. (2 Madz. 24:11-17) Asi kutapwa kwaEzekieri kwakanga kusingarevi kuti ari kurangwa. Jehovha ane basa raaida kumupa pakati pevanhu vake vaiva muutapwa. Zviratidzo zvinoshamisa neuprofita hwakanyorwa naEzekieri zvinoratidza kuti kunamata kwakachena kwaizodzorerwa sei muJerusarema. Asi hazvingogumiri ipapo. Zvinotibatsirawo kunzwisisa kuti kunamata kwakachena kuchadzorerwa sei zvakazara kuitira vaya vanoda Jehovha.

31. Bhuku rino richatibatsira sei?

31 Muzvikamu zvinotevera zvebhuku rino, tichati ratidzwei zvakaita kudenga kunogara Jehovha, tichaona kuti kunamata kwakachena kwakasvibiswa zvakadini, tichadzidza kuti Jehovha anoita sei kuti kunamata kwakachena kudzorerwe uye kuti anodzivirira sei vanhu vake, uye tichaona zvichaitika mune ramangwana, munhu wese paachange ava kunamata Jehovha. Muchitsauko chinotevera, tichakurukura nezvechiratidzo chekutanga chakanyorwa naEzekieri. Chichatibatsira kuita kuti tiite setiri kuona Jehovha nechikamu chekudenga chesangano rake, chichisimbisa kuti nei iye ega akakodzera kunamatwa.

^ ndima 4 Abheri anofanira kunge akaberekwa nguva pfupi Adhamu naEvha vabudiswa muEdheni. (Gen. 4:1, 2) Genesisi 4:25 inoti Mwari akaita kuti Seti ‘atsive Abheri.’ Adhamu aiva nemakore 130 paakabereka Seti, pashure pekunge Abheri apondwa. (Gen. 5:3) Saka Abheri anofanira kunge aiva nemakore 100, paakaurayiwa naKaini.

^ ndima 15 Genesisi 4:26 inoti panguva yaInoshi, muzukuru waAdhamu, “vanhu vakatanga kudana zita raJehovha.” Asi kudana kwavaiita zita raJehovha kwaisava kumuremekedza. Vanogona kunge vaidana zvidhori zvavo nezita rake.

^ ndima 17 Nanna, mwari wechirume, aizivikanwawo nezita rekuti Sin. Temberi dzakawanda neatari dzaiva muguta iri dzainge dzakavakirwa iye, kunyange zvazvo vagari vemuUri vainamata vanamwari vakawanda.

^ ndima 24 Pashure pekunge Areka tsvene yabviswa mutebhenekeri, kunenge kuti Jehovha akanga ava kugamuchira zvibayiro zvaipirwa kune dzimwe nzvimbo.—1 Sam. 4:3, 11; 7:7-9; 10:8; 11:14, 15; 16:4, 5; 1 Mak. 21:26-30.

^ ndima 28 Ezekieri anenge aiva nemakore 30 paakatanga kuprofita mugore ra613 B.C.E. Saka anofanira kunge akaberekwa muna 643 B.C.E. (Ezek. 1:1) Josiya akatanga kutonga muna 659 B.C.E., uye bhuku reMutemo, zvichida rekutangatanga racho, rakawanikwa gore rechi18 rekutonga kwake rava kusvika, kana kuti pakati pa642 na641 B.C.E.