Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfupiso Yezvakagadziridzwa

Pfupiso Yezvakagadziridzwa

Mumakore apfuura, pane zvakawanda zvakabudiswa muNharireyomurindi zvaigadziridza manzwisisiro atinoita humwe uprofita hwaEzekieri. Bhuku rino, Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena!, rine zvimwe zvakagadziridzwa pamanzwisisiro atinoita uprofita uhwu. Chimboedza kuona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera.

Chii chinomiririrwa nezviso zvina zvezvisikwa zvipenyu?

Manzwisisiro ataiita kare: Chiso chimwe nechimwe chezvisikwa zvipenyu kana kuti makerubhi, chinomiririra chimwe chezvinhu zvina zvinonyanya kuoneka paunhu hwaJehovha.

Zvakagadziridzwa: Kunyange zvazvo chiso chimwe nechimwe chezvisikwa zvipenyu chichimiririra chimwe chezvinhu zvina zvinonyanya kuratidzwa naJehovha paunhu hwake, zviso zvacho zvina zviri zvese pamwe chete zvinomiririra zvese zvakaita Jehovha. Uyewo, zviso zvacho zvina zvinotiratidza ukuru husingaenzaniswi hwesimba raJehovha uye kubwinya kwake.

Chakaita kuti zvichinjwe: MuShoko raMwari, zvinhu pazvinowanzotaurwa zviri zvina zvinenge zvichimiririra kukwana kwechinhu kana kuti chinhu chinobatanidza zvinhu zvese. Saka zviso zvacho zvina pazvinoratidzwa zviri zvese, hazvingomiririri rudo rwaJehovha, uchenjeri hwake, simba rake uye kutonga zvakarurama kwaanoita, asi zvese zvaari. Uyewo, chiso chimwe nechimwe ndechechisikwa chinokudzwa uye chine simba. Kunyange zvakadaro, zvisikwa izvi zvine simba, izvo zvinomiririrwa nezviso zvina zviri pakerubhi rimwe nerimwe, zviri nechepazasi pechigaro cheumambo chaJehovha. Izvi zvinoratidza kuti Jehovha ndiye Mutongi Mukuru ari pamusoro pezvinhu zvese.

Ndiani anomiririrwa nemurume ane nyanga yeingi yemunyori?

Manzwisisiro ataiita kare: Murume ane nyanga yeingi anomiririra vakazodzwa vachiri pasi pano. Pavanenge vachiita basa rekuparidza nerekuita kuti vanhu vave vadzidzi, vakazodzwa vari kutoisa chiratidzo chekufananidzira pahuma dzevaya vanozova ‘muboka guru.’—Zvak. 7:9.

Zvakagadziridzwa: Murume ane nyanga yeingi yemunyori anomiririra Jesu Kristu. Achaisa chiratidzo paboka guru chinoita kuti vanzi makwai panguva ‘yekutambudzika kukuru.’—Mat. 24:21.

Chakaita kuti zvichinjwe: Jehovha akapa Mwanakomana wake basa rekutonga vanhu. (Joh. 5:22, 23) Maererano naMateu 25:31-33, Jesu ndiye achapa mutongo wekupedzisira achiparadzanisa “makwai” ‘nembudzi.’

Mukoma nemunin’ina vaiva pfambi, Ohora naOhoribha, vanomiririra chiKristu chenhema nezvikamu zvacho zviviri zvinoti chechi yeRoma, nemachechi akabuda mairi here?

Manzwisisiro ataiita kare: Mukoma wacho, Ohora (Samariya, guta guru reIsraeri), anomiririra chechi yeRoma; Munin’ina wacho, Ohoribha (Jerusarema, guta guru reJudha), anomirira machechi akabuda muchechi yeRoma.

Zvakagadziridzwa: Mukoma nemunin’na ava vaiva pfambi havamiririri chikamu chipi nechipi chechiKristu chenhema. Asi kuvapo kwavo kunotidzidzisa kuti Jehovha anorwadziwa sei kana vanhu vake vaimbova vakavimbika vakaita upombwe hwekunamata. Jehovha anorwadziwawo paanoona chitendero chese chenhema.

Chakaita kuti zvichinjwe: MuMagwaro, hapana panoratidza kuti Ohora naOhoribha vanomiririra chiKristu chenhema. Umambo hweIsraeri nehweJudha hwaifananidzwa nemadzimai aJehovha akatendeka, asi chiKristu chenhema hachina kumbobvira chaita semudzimai waJehovha. Uyewo, kufananidzwa kunoitwa vanhu vaMwari vasina kutendeka nepfambi muzvitsauko 16 ne23 zvaEzekieri, kunopa tariro yekuti vaizochinja vodzoka kuna Jehovha. Asi sezvo chiKristu chenhema chiri muBhabhironi Guru, hachina tariro yakadaro.

Jerusarema rakapanduka rinomiririra chiKristu chenhema here?

Manzwisisiro ataiita kare: Jerusarema rakapanduka rinomiririra chiKristu chenhema. Saka kuparadzwa kweJerusarema kwaifananidzira kuparadzwa kuchaitwa chiKristu chenhema.

Zvakagadziridzwa: Zvinhu zvaiitika muJerusarema rakapanduka zvakadai sekunamata zvidhori, neuori hwakanga hwakazara zvinotiyeuchidza nezvezviri kuitika muchiKristu chenhema asi hatichati Jerusarema rinomiririra chiKristu chenhema.

Chakaita kuti zvichinjwe: Hapana panonyatsotaurwa neMagwaro zvakajeka kuti Jerusarema rinomiririra chiKristu chenhema. ChiKristu chenhema hachina kumbobvira chanamata Mwari zvakachena sezvakamboitwa neJerusarema. Uye Jehovha akamboregerera Jerusarema, asi chiKristu chenhema hachina kana tariro yekuregererwa naJehovha.

Chiratidzo chebani rizere nemapfupa akaoma chakazadziswa sei?

Manzwisisiro ataiita kare: Muna 1918 vakazodzwa vakatambudzwa uye vakatapwa neBhabhironi Guru, zvikaita kuti vaite sevaurayiwa, pavakaita sevamira kuita basa ravo. Utapwa ihwohwo hwenguva pfupi hwakapera muna 1919 pavakaita sevamutswa naJehovha kuti vatangezve basa rekuparidza Umambo.

Zvakagadziridzwa: Kutapwa kwevanhu vaMwari kunofananidzwa nerufu kwakatora nguva yakareba chaizvo, uye kwakatanga gore ra1918 risati ratombosvika. Kwakatanga kumakore ekuma100 C.E. kukapera muna 1919 C.E. uye kunoenderana nenguva refu yekukura kwembeu yakataurwa naJesu mumufananidzo wake wegorosi nemasora.

Chakaita kuti zvichinjwe: Utapwa hwevaIsraeri hwakatora nguva refu, kutangira muna 740 B.C.E. kusvikira muna 537 B.C.E. Uprofita hwaEzekieri hunoti mapfupa acho akanga “akaoma” kana kuti akanga “akaoma chaizvo,” kuratidza kuti vaya vaimiririrwa nemapfupa iwayo vakanga vava nenguva refu chaizvo vafa. Uye kumutswa kwemapfupa acho kunotsanangurwa sekwaizoitika zvishoma nezvishoma, zvichitora nguva yakareba.

Kubatanidzwa kwetutanda twuviri kunorevei?

Manzwisisiro ataiita kare: Pashure penguva pfupi vakaparadzana, pairwiwa Hondo Yenyika I, vakazodzwa vakatendeka vakanga vachiri panyika vakabatanazve muna 1919.

Zvakagadziridzwa: Uprofita hwacho hunoratidza kuti Jehovha achaita kuti vashumiri vake vabatane kuva vamwe. Pashure pegore ra1919, uye nekufamba kwaiita nguva, boka rairamba richikura revaya vaiva netariro yekurarama panyika rakabatana nevakazodzwa vakanga vachiri panyika. Mapoka acho maviri ari kunamata Jehovha akabatana sevanhu vamwe.

Chakaita kuti zvichinjwe: Uprofita hwacho hautauri kuti katanda kamwe chete kakatanga katyorwa kuti twuve tuviri ndokuzobatanidzwazve. Saka uprofita hwacho hautauri kuti boka rimwe chete raizopatsanurwa, mapoka acho ozobatanidzwazve. Asi hunorondedzera kubatanidzwa kwaizoitwa mapoka maviri akatosiyana.

Gogi weMagogi Ndiani?

Manzwisisiro ataiita kare: Gogi weMagogi izita reuprofita raSatani pashure pekunge adzingwa kudenga.

Zvakagadziridzwa: Gogi weMagogi anomiririra nyika dzichabatana kuti dzirwise vanamati vakachena pakutambudzika kukuru.

Chakaita kuti zvichinjwe: Zvinotaurwa muuprofita nezvaGogi, zvakadai sekuti aizopiwa sezvekudya zveshiri dzinodya nyama uye kuti aizopiwa nzvimbo yemakuva panyika, zvinoratidza kuti Gogi haasi chisikwa chemweya. Uyewo, kurwisa kuchaita Gogi vanhu vaMwari kwakafanana nekurwiswa kuchaitwa vanhu vaMwari nenyika dzepasi rese kunotaurwa mubhuku raDhanieri neraZvakazarurwa.—Dhan. 11:40, 44, 45; Zvak. 17:14; 19:19.

Ezekieri akaona temberi huru yemweya here yakazotsanangurwa nemuapostora Pauro?

Manzwisisiro ataiita kare: Temberi yakaonekwa naEzekieri muchiratidzo yakafanana netemberi yemweya yakatsanangurwa nemuapostora Pauro.

Zvakagadziridzwa: Ezekieri haana kuona temberi yemweya yakatanga kuvapo muna 29 C.E., asi akaona chiratidzo chekuti kunamata kwakachena kunotaurwa muMutemo waMozisi kwaizodzorerwa sei pashure peutapwa. Tsanangudzo yetemberi yemweya yakanyorwa nezvayo naPauro achifemerwa, inonyanya kutaura nezvebasa rakaitwa naJesu, Mupristi Mukuru anopfuura vese, kubvira muna 29 C.E. kusvika muna 33 C.E. Chiratidzo chetemberi yaEzekieri, icho chisingambotauri nezvemupristi mukuru, chinonyanya kusimbisa nyaya yekudzorerwa kwekunamata kwakachena kwakatanga muna 1919 C.E. Saka hatitsvagi kuti kanhu kamwe nekamwe kanotaurwa muchiratidzo chaEzekieri chetemberi kane zvakanomiririra. Asi tinofanira kunyanya kuisa pfungwa pakuti chiratidzo chaEzekieri chinotidzidzisei nezvezvinotarisirwa naJehovha pakunamata kwakachena.

Chakaita kuti zvichinjwe: Pane zvinhu zvinokosha zvinosiyanisa chiratidzo chaEzekieri chetemberi netemberi yemweya. Semuenzaniso, patemberi yakaonekwa naEzekieri paiva nezvibayiro zvemhuka zvakawanda asi patemberi yemweya pakangopiwa chibayiro chimwe chete, “kamwe chete zvikabva zvakwana.” (VaH. 9:11, 12) Mazana emakore Kristu asati auya panyika, nguva yakanga isati yasvika yekuti Jehovha abudise chokwadi chakadzama nezvetemberi yemweya.