Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira

Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira

Kunemi Munoda Jehovha:

Raiva gore ra1971. Vanhu vakapinda Gungano Reruwa raiti “Zita raMwari” vakafara zvekufara zviya pavakagamuchira mabhuku matsva akati wandei. Vamwe vakati mabhuku aya akauya “vanhu vasingambofungiri.” Imwe hama ichitaura nezverimwe remabhuku akabudiswa yakati: “Hatisati tambowana bhuku rakanaka kudaro rinotiratidza zvichaitika mune ramangwana!” Hama iyi yaitaura nezvebhuku ripi? Yaitaura nezvebhuku rinonzi “The Nations Shall Know That I Am Jehovah”—How? (“Marudzi Achaziva Kuti Ndini Jehovha”—Sei?) Nei vanhu vakanyanya kufarira bhuku iri? Nekuti raipa tsanangudzo dzakagadziridzwa dzeuprofita hwemubhuku reBhaibheri raEzekieri, uprofita hunotaura nezveramangwana revanhu vese.

Kubvira pakabudiswa bhuku iri, nhamba yevanhu vaMwari yawedzera kubva pamiriyoni nehafu kuenda pavanhu vanopfuura mamiriyoni 8. (Isa. 60:22) Mamiriyoni aya evanhu vaJehovha anotaura mitauro inopfuura 900. (Zek. 8:23) Vakawanda havana kumbobvira vawana mukana wekudzidza bhuku rinonyatsotsanangura uprofita hwakafemerwa hwakanyorwa nemuprofita Ezekieri.

Uyewo, mumakore akazotevera gore ra1971, kunzwisisa kwedu chokwadi cheBhaibheri chakawanda kwakawedzera zvikuru sezvo chiedza chiri kuramba chichijeka. (Zvir. 4:18) Muna 1985 takatanga kunzwisisa kuti nei “mamwe makwai” achinzi akarurama seshamwari dzaMwari. (Joh. 10:16; VaR. 5:18; Jak. 2:23) Kwozotiwo muna 1995 takatanga kunzwisisa kuti kutongwa ‘kwemakwai nembudzi’ kuchaitika ‘pakutambudzika kukuru’ kuri kuuya. (Mat. 24:21; 25:31, 32) Kunzwisisa zvakajeka nyaya dzese idzi kwakachinja manzwisisiro atinoitawo bhuku raEzekieri.

“Mwanakomana wemunhu, nyatsotarisa, nyatsoteerera, uye pfungwa dzako ngadzive pane zvese zvandichakuratidza, nekuti ndizvo zvawaunzirwa pano.”​—EZEKIERI 40:4

Mumakore achangobva kupfuura, chiedza chakaramba chichijeka. Chimbofunga zvidzidzo zvatakawana mumifananidzo yaJesu. Iye zvino zvakawanda zvezvidzidzo zvacho zvanyatsojeka mumwoyo nepfungwa dzedu. Yakati wandei yemifananidzo iyi ndeyezvinhu zvichaitika pakutambudzika kukuru kwava pedyo. Uye takawedzerawo kunzwisisa humwe uprofita hwebhuku raEzekieri. Humwe uprofita hwacho hune chekuita naGogi weMagogi (zvitsauko 38 ne 39), basa remurume ane nyanga yeingi yemunyori (chitsauko 9), bani rine mapfupa akaoma, uye zvinomiririrwa nekubatanidzwa kwetutanda twuviri (chitsauko 37). Zvese izvi zvinogadziridza zvakanga zviri mubhuku riya rinonzi “The Nations Shall Know That I Am Jehovah”—How?

Ndokusaka vanhu vaJehovha vakawanda vaibvunza kuti, “Tichawana riini bhuku rine tsanangudzo dzinoenderana nemanzwisisiro atava kuita uprofita hwaEzekieri?” Rino ndiro bhuku racho. Paunenge uchiverenga zvitsauko 22 zvebhuku rino, Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena!, pamwe chete nekufungisisa mifananidzo yakanaka irimo, uchashamiswa nekutsvakurudza kukuru kwakaitwa painyorwa bhuku iri. Takanyengetera chaizvo tichidzamisa pfungwa, kuti tinzwisise kuti nei Jehovha akatipa bhuku reBhaibheri rinofadza zvikuru raEzekieri. Takafungisisa nezvemibvunzo yakadai seiyi: Zvidzidzo zvipi zviri mubhuku iri zvakabatsira vanhu vakararama mumazuva aEzekieri uye zviri kutibatsirawo mazuva ano? Uprofita hupi hunotaura nezvezviitiko zvichiri mberi? Pane zvinomiririrwa nevanhu kana kuti zvimwe zvinhu zviri muuprofita hwaEzekieri here? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzinoita kuti tinyatsonzwisisa bhuku iri zvatisati tamboita.

Paunoverenga bhuku raEzekieri kubva kwarinotangira kusvikira kwarinoperera, haungambotadze kushamiswa nechikamu chekudenga chesangano raJehovha. Hapana mubvunzo kuti unoshamiswawo nekukwirira kwakaita zvinotarisirwa naJehovha kuti vashumiri vake vaite, vari kudenga nevari panyika vanoda kumushumira sezvaanoda. Bhuku rino richakubatsira kuti uwedzere kunzwisisa zvatakatoitirwa naJehovha uye zvaachatiitira munguva pfupi iri kuuya. Uchaona kuti bhuku rino rese zvaro rinosimbisa zvinhu zviviri. Chekutanga: Kuti tifadze Jehovha, tinofanira kumuziva uye kubvuma kuti ndiye Changamire wezvese. Chechipiri: Tinofanira kunamata Jehovha nenzira yaanoda, tichiita kuti upenyu hwedu huenderane nemitemo yake yakakwirira.

Chido chedu ndechekuti bhuku rino rikusimbise kuti ude kushumira Jehovha nenzira inokudza zita rake guru uye dzvene. Uyewo, ngarikukurudzire kuramba uchitarisira nguva iri kuuya, pachaziva marudzi ese kuti ndiye Jehovha.—Ezek. 36:23; 38:23.

Baba vedu, Jehovha, ngavakukomborere pazvese zvauchaita kuti usvike pakunzwisisa bhuku raakafemera muprofita Ezekieri kuti anyore.

Hama dzenyu,

Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha