CHITSAUKO 1
“Endai Munoita Kuti Vanhu . . . Vave Vadzidzi”
Zvakaita bhuku raMabasa Evaapostora uye kupindirana kwarinoita nezviri kuitika mazuva ano
1-6. Rondedzera zvakaitika zvinoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoparidza mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana.
REBECCA, chimwe Chapupu chaJehovha chekuGhana, aigara achiparidza kuchikoro zvekuti aitoiona sendima yake. Aigara nemabhuku anotsanangura Bhaibheri mubhegi rake rekuchikoro. Aitsvaga mikana yekuparidzira vamwe vana vechikoro panguva yekuzorora. Rebecca akatanga kudzidzisa Bhaibheri vamwe vana vechikoro.
2 Pachitsuwa cheMadagascar chiri pedyo nemahombekombe eAfrica nechekumabvazuva, mapiyona maviri aigara achifamba muzuva makiromita 25 kuti asvike kune mimwe misha iri kwayo yega. Vaidzidzisa Bhaibheri vanhu vakati wandei mumisha iyoyo.
3 Zvapupu zvekuParaguay pamwe chete nevamwe vakazvipira vaibva kune dzimwe nyika 15, vakabatana pamwe chete kuti vavake chikepe kuti vakwanise kusvika vanhu vanogara muzasi merwizi rwaParaguay nerwaParaná. Chikepe chacho chinokwana vanhu vanosvika 12. Vaparidzi veUmambo vanoshingaira vaishandisa chikepe ichi kusvika kunzvimbo dzakanga dzisingasvikike nyore.
4 Tokwira nechekuchamhembe kweAmerica, Zvapupu zvekuAlaska zvinoparidzira vanhu vanenge vachishanya kubva kune dzimwe nyika. Pakunenge kwava kudziya zvikepe zvaiuya nevashanyi vemarudzi akasiyana-siyana, uye Zvapupu zvaibva zvanomira pachiteshi chezvikepe zvakabata mabhuku anotsanangura Bhaibheri emitauro yakasiyana-siyana. Munharaunda imwe chete iyoyo, ndege dzinokosha chaizvo pakusvitsa mashoko akanaka kumisha iri kwayo yega, zvekuti misha yakadai seyeAleut, Athabascan, Tsimshian, neTlingit inokwanisa kusvikwa nemashoko akanaka.
5 KuTexas, U.S.A., Larry aiparidzira mumusha unochengeterwa vakwegura maaigara, inova ndima yakasiyana nedzimwe. Kunyange zvazvo aigara ari pawiricheya pamusana pekukuvara kwaakaita mutsaona, Larry aigara achitsvaga mikana yekuparidza. Aiudza vamwe mashoko eUmambo, anosanganisira tariro iri muBhaibheri yekuti kana Umambo hwava kutonga achakwanisa kufambazve.—Isa. 35:5, 6.
6 Zvimwe Zvapupu kuMyanmar, zvaifamba rwendo rwemazuva matatu nechikepe kubva kuMandalay vachienda kugungano. Nechido chekuparidza mashoko akanaka, vaitakura mabhuku anotsanangura Bhaibheri kuti vazopa vamwe vanenge vakwira chikepe ichocho. Pese paimira chikepe muguta kana kuti mumisha, vaikurumidza kuburuka kuti vaparidzire vanhu vanogara imomo. Paibva pakwirawo vamwe vanhu muchikepe imomo, vobva vava “ndima itsva” yaizoparidzirwa nevaparidzi veUmambo pavaidzokera muchikepe.
7. Vanamati vaJehovha vanoshandisa nzira dzipi kupupurira pamusoro peUmambo hwaMwari, uye chinangwa chavo ndechei?
7 Pasi rese, hama nehanzvadzi dziri kushingaira kupa “uchapupu hwakasimba nezveUmambo hwaMwari,” sezvaiita hama nehanzvadzi dzataurwa mundima dzapfuura. (Mab. 28:23) Vanoparidzira vanhu padzimba dzavo, mumigwagwa, vanovanyorera tsamba kana kuvafonera. Vangave mumabhazi, kana kuti mumapaki vachifamba zvavo, kana kuti panguva yekumbozorora kumabasa, vanogara vachitsvaga mikana yekupa uchapupu pamusoro peUmambo hwaMwari. Nzira dzinoshandiswa dzinogona kusiyana-siyana, asi chinangwa ndichocho chekuparidza mashoko akanaka kwese kunowanika vanhu.—Mat. 10:11.
8, 9. (a) Nei tingati kubudirira kuri kuita basa rekuparidza Umambo chishamiso zvechokwadi? (b) Mubvunzo upi watinova nawo, uye nei tichifanira kutsvaga mhinduro yawo?
8 Ko iwe mudikani ari kuverenga bhuku rino, uri mumwe wevazivisi veUmambo vakawanda vari kushingaira munyika dzinopfuura 235 here? Kana zvakadaro, uri pakati pevanhu vari kuita basa riri kuwedzera zvinoshamisa! Kubudirira kuri kuita basa iri munyika yese chishamiso zvechokwadi. Pasinei nematambudziko akakura nezvipingamupinyi, zvakadai sekurambidzwa nehurumende kana kutotambudzwa zviri pachena, Zvapupu zvaJehovha zviri kupa uchapupu hwakasimba nezveUmambo hwaMwari kuvanhu vemarudzi ese.
9 Asi mubvunzo ndewekuti: Nei pasina kana chinhu chimwe chete chiri kukwanisa kumisa basa iri, kunyange kurwisa kwaSatani pachake? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, ngatidzokerei kumakore akatanga chiKristu. Tinotofanira kudaro nekuti basa iri ratiri kuita isu Zvapupu zvaJehovha rakatanga kare ikako.
Vakapiwa Basa Raizosvika Kure
10. Jesu akanga akazvipira kubasa ripi, uye aiziva kutii nezvaro?
10 Jesu Kristu, anova ndiye muvambi weungano yechiKristu, akanga akazvipira kubasa rekuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari zvekuti ndiro raitova basa rake. Akambotsanangura kuti: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari mune mamwe maguta, nekuti ndizvo zvandakatumwa kuzoita.” (Ruka 4:43) Jesu aiziva kuti basa raakanga achitanga akanga asingazoripedzi ega. Paakanga ava pedyo nekufa, akataura kuti mashoko eUmambo aizoparidzwa “kumarudzi ese.” (Mako 13:10) Asi raizoitwa sei basa iroro, uye navanaani?
11. Jesu akapa vadzidzi vake basa ripi rinokosha, uye vaizotsigirwa sei pakuriita?
11 Pashure pekumutswa kwake, Jesu akazviratidza kuvadzidzi vake achibva avapa basa iri rinokosha: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba nereMwanakomana neremweya mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurayirai. Uye yeukai kuti ndichange ndiinemi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mat. 28:19, 20) Mashoko ekuti “ndichange ndiinemi” anoratidza kuti Jesu aizotsigira vadzidzi vake pabasa rekuparidza uye rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. Vaizoda rutsigiro rwakadaro nekuti Jesu akanga avaudza kuti ‘vaizovengwa nemarudzi ese.’ (Mat. 24:9) Vadzidzi vaizivawo kuti pane rumwe rutsigiro rwavaizowana. Ava pedyo kukwira kudenga, Jesu akavaudza kuti vaizopiwa simba remweya mutsvene kuti vave zvapupu zvake “kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.”—Mab. 1:8.
12. Mibvunzo ipi inokosha inomuka, uye nei zvichikosha kuti tizive mhinduro dzacho?
12 Tinobva tava nemimwe mibvunzo inokosha: Vaapostora vaJesu uye vamwe vadzidzi vakaita basa ravo nemwoyo wese here? Vanhu ava vaiva vashomanana vakapupurira zvakasimba nezveUmambo hwaMwari kunyange pavaitambudzwa here? Vaiwana rutsigiro runobva kudenga kusanganisira mweya mutsvene here? Mibvunzo iyi nemimwe yakadaro inopindurwa mubhuku reBhaibheri raMabasa. Zvinokosha kuti tizive mhinduro dzacho. Nei tichidaro? Jesu akavimbisa kuti basa raakapa vadzidzi vake raizoenderera mberi “kusvikira pakuguma kwenyika.” Saka basa iri nderevaKristu vese vechokwadi, kusanganisira isu tiri kurarama munguva ino yemugumo. Ndosaka tichifarira zvikuru nhoroondo yebasa redu iri mubhuku raMabasa.
Zvakaita Bhuku raMabasa
13, 14. (a) Ndiani akanyora bhuku raMabasa, uye akawana sei mashoko aainyora? (b) Bhuku raMabasa rinotaura nezvei?
13 Ndiani akanyora bhuku raMabasa? Bhuku racho pacharo haritauri kuti ndiani akarinyora, asi mashoko aro ekutanga anoratidza kuti munhu akarinyora ndiye akanyora Evhangeri yaRuka. (Ruka 1:1-4; Mab. 1:1, 2) Saka kubvira kare, Ruka uyo aiva “chiremba anodiwa” uye munyori wezvakaitika kare, agara achizivikanwa semunyori webhuku raMabasa. (VaK. 4:14) Bhuku racho rinotaura zvakaitika mumakore anenge 28, kubvira pakakwira Jesu kudenga muna 33 C.E. kusvikira pakasungwa muapostora Pauro muRoma munenge muna 61 C.E. Ruka anochinja kubva pakunyora achiti “vaka-” otanga kunyora achiti “taka-” paairondedzera dzimwe nyaya, izvo zvinoratidza kuti aivapo zvinhu zvacho pazvaiitika. (Mab. 16:8-10; 20:5; 27:1) Ruka akanga akangwarira pakutsvakurudza zvekuti akawana mashoko akavimbika kubva kuna Pauro, Bhanabhasi, Firipi nevamwe vanotaurwa munhoroondo yacho.
14 Bhuku raMabasa rinotaura nezvei? MuEvhangeri yake, Ruka anonyora nezvezvinhu zvakaitwa uye zvakataurwa naJesu. Asi mubhuku raMabasa, anonyora zvakataurwa uye zvakaitwa nevateveri vaJesu. Saka bhuku iri rinonyanya kutaura nezvevanhu vakaita basa rinoshamisa, kunyange zvazvo vazhinji vavo vaionekwa ‘sevanhu vasina kudzidza, uye sevanhuwo zvavo.’ (Mab. 4:13) Muchidimbu, nhoroondo iyi yakafemerwa inotiudza matangiro akaita ungano yechiKristu uye makuriro ayakazoita. Bhuku iri rinoratidza kuti vaKristu vekutanga vaiparidza sei uye kuti vaiona sei basa iroro. (Mab. 4:31; 5:42) Rinorondedzera kushanda kunoita mweya mutsvene pakuparidzwa kwemashoko akanaka. (Mab. 8:29, 39, 40; 13:1-3; 16:6; 18:24, 25) Bhuku iri rinobatanawo nedingindira reBhaibheri rese rekutsveneswa kwezita raMwari achishandisa Umambo hwake hunotungamirwa naKristu uye kubudirira kwebasa rekuparidza mashoko eUmambo pasinei nekupikiswa zvinotyisa.—Mab. 8:12; 19:8; 28:30, 31.
15. Kuongorora bhuku raMabasa kuchatibatsira sei?
15 Zvechokwadi kuongorora bhuku reBhaibheri raMabasa kunonakidza uye kunosimbisa kutenda! Kana tikafungisisa ushingi uye kushingaira kwaiita vateveri vaKristu vekutanga tinobva tavawo nechido chekutevedzera kutenda kwavo. Tinenge tava kunyatsokwanisa kuita basa redu tichiteerera murayiro watakapiwa wekuti, “endai munoita kuti vanhu . . . vave vadzidzi.” Bhuku rauri kuverenga iye zvino rakagadzirirwa kukubatsira kuti unyatsoongorora bhuku raMabasa.
Bhuku Rinotibatsira Kudzidza Bhaibheri
16. Bhuku rino richatibatsira pazvinhu zvipi zvitatu?
16 Chinangwa chikuru chebhuku rino ndechei? Bhuku iri richatibatsira pazvinhu zvitatu zvinoti: (1) kusimbisa chivimbo chedu chekuti Jehovha ari kutsigira basa rekuparidza Umambo uye rekuita kuti vanhu vave vadzidzi achishandisa mweya wake mutsvene, (2) kutipa chido chekushingaira muushumiri tichitevedzera muenzaniso wevateveri vaKristu vekutanga, uye (3) kuwedzera kuremekedza kwatinoita sangano raJehovha uye vaya vari kutungamirira ungano nebasa rekuparidza.
17, 18. Bhuku rino rakarongwa sei, uye zvii zviri mariri zvichakubatsira paunenge uchidzidza Bhaibheri?
17 Bhuku rino rakarongwa sei? Uchaona kuti bhuku rino rine zvikamu 8 zvinenge zvichitsanangura bhuku raMabasa. Chinangwa chezvitsauko zviri muzvikamu izvi hachisi chekutsanangura vhesi imwe neimwe yebhuku raMabasa, asi ndechekuti tiwane zvidzidzo kubva pazviitiko zvinorondedzerwa mubhuku iroro reBhaibheri uye kutibatsira kuona kuti tingazvishandisa sei muupenyu hwedu. Panotangira chitsauko chimwe nechimwe pane mashoko anotsanangura pfungwa huru yechitsauko chacho uye pane rugwaro runoratidza chikamu chebhuku raMabasa chichakurukurwa.
18 Pane zvimwe zviri mubhuku rino zvichakubatsira paunenge uchidzidza Bhaibheri uri wega. Mune mifananidzo yakanaka inoratidza zviitiko zvinofadza zviri mubhuku raMabasa ichakubatsira kufungisisa nhoroondo yacho yeBhaibheri woita seuri kuona zvaiitika. Zvitsauko zvakawanda zvine mabhokisi anobatsira anenge aine mashoko ekuwedzera. Mamwe mabhokisi anenge achitaura nezvemumwe munhu anenge aine zvaakaita zvakakodzera kuti timutevedzere. Mamwe anotaura zvakawanda nezvenzvimbo, zviitiko, tsika, kana kuti vamwe vanhu vanotaurwa muna Mabasa.
19. Mibvunzo ipi yatinofanira kupota tichizvibvunza?
19 Bhuku rino rinogona kukubatsira kuti unyatsozviongorora. Pasinei nekuti wava nenguva yakadii uri muparidzi weUmambo, zvakanaka kuti upote uchimbomira uchizviongorora kuti chii chauri kukoshesa muupenyu hwako uye kuti unoona sei ushumiri. (2 VaK. 13:5) Zvibvunze kuti: ‘Ndichiri kuita ushumiri hwangu ndichiziva kuti nguva yapera here? (1 VaK. 7:29-31) Ndiri kushingaira kuparidza mashoko akanaka uye ndichizviita nechivimbo here? (1 VaT. 1:5, 6) Ndiri kuita zvese zvandinogona mubasa rekuparidzira vanhu nekuvadzidzisa here?’—VaK. 3:23.
20, 21. Nei tichifanira kuita basa redu tichiziva kuti nguva yapera, uye tinofanira kuva nechido chekuramba tichiitei?
20 Ngatigarei tichiyeuka kuti basa ratakapiwa rekuparidza uye rekuita kuti vanhu vave vadzidzi rinokosha zvikuru. Nguva yekuita basa racho iri kuramba ichipera nekupfuura kwezuva rimwe nerimwe. Mugumo wenyika ino uri kuswedera nekukurumidza. Upenyu hwevanhu vakawanda huri pangozi zvahusati hwamboita. Hatizivi kuti kuchiine vangani vane chido chekuwana upenyu husingaperi. (Mab. 13:48) Isu ndisu tinofanira kubatsira vanhu vakadaro nguva isati yavaperera.—1 Tim. 4:16.
21 Saka zvinokosha kuti titevedzere zvaiitwa nevazivisi veUmambo vepanguva yakatanga chiKristu. Pauchadzidza bhuku rino, dai ukawedzera kuva neushingi uye kushingaira pakuparidza. Uye dai chido chako chekuti urambe uchipa “uchapupu hwakasimba nezveUmambo hwaMwari” chikawedzera kusimba.—Mab. 28:23.