Indekisi Yemifananidzo
Iri Kuratidza Mapeji Ainowanika
Kavha Pauro, Tabhita, Gariyo, Ruka, mupurisa wepatemberi aine vaapostora, muSadhusi, Pauro achiendeswa kuKesariya, uye vanhu vari kuparidza nemota ine gudzanzwi negiramafoni.
Peji 1 Pauro akasungwa necheni aina Ruka mungarava inotakura zvinhu iri kuenda kuRoma.
Peji 2, 3 Hama J. E. Barr naHamaT. Jaracz veDare Rinotungamirira vakamira pamepu yenyika.
Peji 11 Jesu ari kupa vaapostora 11 nevamwe vateveri vake basa rekuparidza vari mugomo reGarireya.
Peji 14 Jesu anokwira kudenga. Vaapostora vakamutarisa.
Peji 20 PaPendekosti vadzidzi vanotanga kutaura nevanhu vashanya mumitauro yavo.
Peji 36 Vaapostora vakamira pamberi paKayafasi ari kudya marasha. Mapurisa epatemberi akamirira kutumwa neSanihedrini kuti avasunge.
Peji 44 Pazasi: Pashure peHondo Yenyika II, dare rekuEast German rakati Zvapupu zvaJehovha zvine mhosva yekushanda sevasori veAmerica.—Pepanhau reNeue Berliner Illustrierte, October 3, 1950.
Peji 46 Stefani akamira pamberi peSanihedrini. VaSadhusi vari nechekumashure uye vaFarisi vari nechekumberi.
Peji 54 Petro akaisa maoko ake pamudzidzi mutsva; Simoni akabata chihomwe chemari.
Peji 75 Petro nevamwe vaari kufamba navo vachipinda mumba maKoniriyasi. Koniriyasi akapfeka nguo dzinoratidza chinzvimbo chake muuto.
Peji 83 Petro ari kutungamirirwa nengirozi; paNhare yaAntonia ndipo panofungidzirwa kuti ndipo pakanga pakasungirwa Petro.
Peji 84 Pazasi: Vanhu vari kuita mhirizhonga pedyo neMontreal, kuQuebec, muna 1945.—Pepanhau reWeekend Magazine, July 1956.
Peji 91 Pauro naBhanabhasi vachibudiswa muAndiyoki yekuPisidhiya. Rusvingo rwuri kuoneka nechekumashure runofanira kunge rwuchangovakwa.
Peji 94 Pauro naBhanabhasi vachiramba kunamatwa nevanhu vemuRistra. Zvibayiro zvaiwanzopiwa paine zvinhu zvinoyevedza pachiitwa mheremhere vanhu vachiridza zviridzwa.
Peji 100 Pamusoro: Sirasi naJudhasi vachikurudzira ungano kuAndiyoki yekuSiriya. (Mab. 15:30-32) Pazasi: Mutariri wedunhu achipa hurukuro muungano kuUganda.
Peji 107 Ungano yemuJerusarema iri kupindira pamba pehama.
Peji 124 Pauro naTimoti vachienda vari mungarava inotakura zvinhu. Imba yepachiteshi iri kuoneka nechekure.
Peji 139 Pauro naSirasi vachitiza mhomho yevanhu yakashatirwa.
Peji 155 Gariyo anotsiura vanhu vari kupomera Pauro. Akapfeka nguo chena ine mupendero wepepuru zvichiratidza kuti munhu ane chinzvimbo.
Peji 158 Dhemetriyo achitaura nevapfuri vesirivha kuEfeso. Tutemberi twaAtemisi turi kutengeswa.
Peji 171 Pauro nevamwe vake vari mungarava. Chivakwa chepamahombekombe chiri kuoneka nechekumashure.
Peji 180 Pazasi: Kurambidzwa kwemabhuku edu muCanada kuma1940, Chapupu chechidiki ari kuendesa mabhuku pachivande.
Peji 182 Pauro ari kubvuma zvaaudzwa nevakuru. Ruka naTimoti vakagara nechekumashure vaine mupiro wakabviswa nehama wavauya nawo.
Peji 190 Muzukuru waPauro ari kutaura naKraudhiyo Risiyasi muNhare yeAntonia, kungava ndiko kwakanga kwakaiswa Pauro semusungwa. Temberi yaHerodhi iri kuoneka nechekumashure.
Peji 206 Pauro achinyengeterera vanhu vanhu vaari kufamba navo vaneta.
Peji 222 Pauro ari musungwa akasunganidzwa nemusoja ari kumuchengeta, achitarisa gura reRoma.