Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 5

“Tinofanira Kuteerera Mwari Semutongi”

“Tinofanira Kuteerera Mwari Semutongi”

Vaapostora vanorambidzwa kuparidza asi vanotsika madziro uye mapinduriro avakaita anoratidza zvinofanira kuitwa nevaKristu vese vechokwadi

Mabasa 5:12—6:7

1-3. (a) Vaapostora vamisirwei pamberi peSanihedrini, uye vanofanira kusarudza pakati pezvinhu zvipi zviviri? (b) Nei mapinduriro akaita vaapostora pavakarambidzwa kuparidza achikosha kwatiri?

 VATONGI veSanihedrini vari kuita kupupuma nehasha! Vaapostora vaJesu vakamiswa pamberi pedare iri repamusoro. Vaparei? Mupristi mukuru Josefa Kayafasi, uyo anotungamirira dare reSanihedrini, anotaura navo nehasha achiti: “Takanyatsokuudzai kuti murege kuramba muchidzidzisa nezvezita iri.” Akaita kuguta nehasha zvekuti kana zita rekuti Jesu chairo haasi kuda kutomboribudisa mumuromo make. Anoenderera mberi achiti: “Mazadza Jerusarema nekudzidzisa kwenyu, uye muri kuda kuunza ropa remunhu uyu pamusoro pedu.” (Mab. 5:28) Chavo chavari kungoda kuti vaapostora vasiyane nebasa rekuparidza chete.

2 Vaapostora vachabvuma here izvozvo? Vakapiwa basa rekuparidza naJesu, uyo akapiwa simba naMwari. (Mat. 28:18-20) Vaapostora vachabvuma kutyisidzirwa vonyarara here? Kana kuti vachashinga kuramba vachiparidza here? Muchidimbu tongoti vachateerera Mwari here kana kuti vanhu? Muapostora Petro haana kumbozeza kutaura achimiririra vamwe vese. Anotaura asingambotendereri uye akashinga.

3 Mapinduriro akaita vaapostora pavaityisidzirwa nedare reSanihedrini anokosha chaizvo kwatiri sevaKristu vechokwadi. Murayiro wekuparidza mashoko akanaka wavakapiwa wakapiwawo kwatiri. Isuwo tinopikiswa patinoita basa iri ratakapiwa naMwari. (Mat. 10:22) Vanhu vanotipikisa vanogona kuedza kutitadzisa kunyatsoita basa redu kana kutirambidza zvachose. Kana zvikaitika toita sei? Tinogona kubatsirwa tikadzidza zvakaitwa nevaapostora uye zvakanga zvaitika pavakazomiswa pamberi pedare reSanihedrini. a

“Ngirozi yaJehovha Yakavhura Masuo” (Mabasa 5:12-21a)

4, 5. Chii chakaita kuti Kayafasi nevaSadhusi vabatwe negodo?

4 Yeuka kuti pavakatanga kuudzwa kuti varege kuparidza, Petro naJohani vakapindura kuti: “Hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.” (Mab. 4:20) Pavakabva pamberi peSanihedrini musi iwoyo, Petro naJohani nevamwe vaapostora vese vakaramba vachiparidza mutemberi. Vaapostora vakaita zviratidzo zvikuru, zvakadai sekuporesa vairwara uye kudzinga madhimoni. Kunyange mumvuri waPetro waitoporesa! Vakaita izvi vari “muVharanda raSoromoni,” raiva kumabvazuva kwetemberi, kwaiungana vaJudha vakawanda. Vakawanda vakaporeswa vakateerera shoko raMwari. Izvi zvakaita kuti “varume nevakadzi vakawanda vaitenda munaShe” varambe vachiwedzera.—Mab. 5:12-15.

5 Kayafasi nevamwe vake vaSadhusi vakabva “vabatwa negodo” uye vakaita kuti vaapostora vaiswe mujeri. (Mab. 5:17, 18) Chii chakagumbura vaSadhusi? Vaapostora vaidzidzisa kuti Jesu akanga amutswa, asi vaSadhusi vakanga vasingatende kuti kune rumuko. Vaapostora vaiti munhu anoponeswa nekutenda muna Jesu chete, asi vaSadhusi vaitya kuti vanhu vakangotenda muna Jesu vaizozvipinza mumoto nevaRoma. (Joh. 11:48) Ndosaka vaSadhusi vakanga vasingadi kuti vaapostora varambe vachiparidza.

6. Mazuva ano ndivanaani vanowanzokwenyera kuti vashumiri vaJehovha vatambudzwe, uye nei zvisingafaniri kutishamisa?

6 Kunyange nanhasi, vanhu vanowanzokwenyera kuti vashumiri vaJehovha vapikiswe ndevezvitendero. Vanhu vakadaro vanowanzoedza kufurira hurumende nevanobudisa nhau kuti vamise basa redu rekuparidza. Zvinofanira kutishamisa here izvozvo? Kwete. Patinoparidza tinenge tichifumura chitendero chenhema. Vanhu pavanogamuchira chokwadi vanosunungurwa padzidziso nemaitiro zvinopesana nemagwaro. (Joh. 8:32) Saka zvingatishamisa here kana vatungamiriri vezvitendero vachitivenga uye vachitinzwira godo?

7, 8. Vaapostora vanofanira kunge vakanzwa sei pavakaudzwa zvavaifanira kuita nengirozi, uye mubvunzo upi watinofanira kuzvibvunza?

7 Pavakanga vakagara mujeri vachimirira kutongwa, vaapostora vanogona kunge vaitofunga kuti vakanga vava kuda kuurayiwa nevavengi vavo. (Mat. 24:9) Asi manheru acho, vasingatombotarisira “ngirozi yaJehovha yakavhura masuo ejeri.” b (Mab. 5:19) Ngirozi yacho yakabva yavaudza zvekuita ichiti: “Endai munomira mutemberi, murambe muchitaura nevanhu mashoko ese nezveupenyu uhwu.” (Mab. 5:20) Pavakaudzwa mashoko iwayo zvinofanira kunge zvakaita kuti vaapostora vave nechokwadi chekuti vakanga vachiita zvakarurama. Mashoko engirozi angangodarowo akavasimbisa kuti vasasiya basa ravo chero zvodini. Vaine kutenda kwakasimba neushingi, vaapostora “vakapinda mutemberi kuchingoedza, vakatanga kudzidzisa.”—Mab. 5:21.

8 Mumwe nemumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Dai izvi zvakaitika kwandiri ndaizoramba ndiine kutenda uye ushingi hwakadaro here?’ Zvinotisimbisa kuziva kuti basa rekupa “uchapupu hwakasimba nezveUmambo hwaMwari” rinotungamirirwa uye rinotsigirwa nengirozi.—Mab. 28:23; Zvak. 14:6, 7.

“Tinofanira Kuteerera Mwari Semutongi Panzvimbo Pevanhu” (Mabasa 5:21b-33)

“Saka vakauya navo, vakavamisa pamberi peSanihedrini.”​—Mabasa 5:27

9-11. Vaapostora vakapindura sei pavakanzi neSanihedrini varege kuparidza, uye vaKristu vechokwadi vanozvitevedzera sei?

9 Kayafasi nevamwe vatongi veSanihedrini vakanga vagadzirira kuti varange vaapostora. Dare rakanga risingazivi zvakanga zvaitika kujeri, saka rakatuma mapurisa aro kuti anotora vasungwa. Fungidzira kuti vakashamiswa zvakadii pavakaona vasungwa vasimo asi “jeri rakanyatsokiyiwa,” varindi vakamira pamasuo. (Mab. 5:23) Pasina nguva, mukuru mukuru wetemberi akanzwa kuti vaapostora vakanga vadzoka mutemberi, vachipupura pamusoro paJesu Kristu, zvavakanga vakandirwa mujeri zvacho! Mukuru wacho nevarindi vake vakabva vangoenda kutemberi kunotora vasungwa vacho ndokudzokera navo kuSanihedrini.

10 Sezvambotsanangurwa kwatangira chitsauko chino, vatungamiriri vechitendero vakabva vataura navo vakaguta nehasha, vachivarambidza kuparidza. Vaapostora vakapindura sei? Achimiririra vamwe vake, Petro akapindura neushingi kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari semutongi panzvimbo pevanhu.” (Mab. 5:29) Zvakaitwa nevaapostora izvi ndizvo zvaizotevedzerwa nevaKristu vese vaizotevera. Kana vatongi vachirambidza vaKristu kuita zvavanonzi naMwari vaite, kana kuti vachituma vaKristu kuita zvavanorambidzwa naMwari, vaKristu vanobva varega kuvateerera. Saka mazuva ano kana “vane masimba” vakatirambidza kuita basa redu rekupupura, hatimbosiyi basa redu rekuparidza mashoko akanaka ratakapiwa naMwari. (VaR. 13:1) Tinotsvaga nzira dzekungwarira dzekuramba tichipupura nezveUmambo hwaMwari.

11 Hazvitishamisi kuti mapinduriro akaita vaapostora ava neushingi akaita kuti vatongi ava vaite kufashaira nehasha “zvekuti vaida kuvauraya.” (Mab. 5:33) Vaapostora vaya vakanga vaine ushingi uye vaishingaira vainyatsoona kuti rufu rwatarisana navo. Asi Jehovha akazovabatsira neimwe nzira inoshamisa!

“Hamukwanisi Kuvaparadza” (Mabasa 5:34-42)

12, 13. (a) Gamarieri akapa vamwe vake mudare zano rekutii, uye vakabva vaita sei? (b) Jehovha anogona kupindira sei panotambudzwa vanhu vake mazuva ano, asi tine chokwadi nei kana akabvumira kuti titambure ‘nekuti tiri kuita zvakarurama’?

12 Gamarieri, “mudzidzisi weMutemo airemekedzwa nevanhu vese,” akabva asimuka kuti ataure. c Murume uyu aiziva Mutemo anofanira kunge airemekedzwa nevamwe vake, nekuti akabva atanga kutungamirira zvaiitwa mudare racho, ndokutaura kuti vaapostora “vacho vambobudiswa panze.” (Mab. 5:34) Gamarieri akatanga ataurira dare zvakanga zvamboitika kuvanhu vaipanduka vakazongoparara pakafa mutungamiri wavo, ndokuzokurudzira dare kuti vasakurumidzira zvinhu, vambomira kuti vaone zvaizoitika kuvaapostora sezvo mutungamiriri wavo Jesu akanga achangofa. Gamarieri akavayambira achishandisa mashoko avanonzwisisa achiti: “Musapindira munyaya dzevarume ava; siyanai navo. Nekuti kana izvi zviri zvirongwa zvevanhu kana kuti riri basa revanhu, zvichaparara; asi kana zvichibva kuna Mwari, hamukwanisi kuvaparadza. Mukadaro munogona kunge mava kutorwisana naMwari.” (Mab. 5:38, 39) Vatongi vacho vakateerera zvaakataura. Kunyange zvakadaro, vakaita kuti vaapostora varohwe ndokuvaudza kuti “varege kutaura pamusoro pezita raJesu.”—Mab. 5:40.

13 Kunyange mazuva ano, Jehovha anogona kuita kuti vamwe vanhu vakakurumbira sezvakanga zvakaita Gamarieri vapindire vachimiririra vanhu vake. (Zvir. 21:1) Jehovha anogona kushandisa mweya wake kuita kuti vatungamiriri vane simba, vatongi vedzimhosva, kana kuti vanhu vanogadza mitemo, vaite zvinoenderana nezvaanoda. (Neh. 2:4-8) Asi kana akabvumira kuti titambure ‘nekuti tiri kuita zvakarurama,’ tine chokwadi nezvinhu zviviri. (1 Pet. 3:14) Chekutanga, Mwari anogona kutipa simba rekutsungirira. (1 VaK. 10:13) Chechipiri, vanopikisa havakwanisi kumisa basa raMwari.—Isa. 54:17.

14, 15. (a) Vaapostora vakaita sei pavakarohwa, uye nei vakaita saizvozvo? (b) Rondedzera zvakaitika kune imwe hama zvinoratidza kuti vanhu vaJehovha vanotsungirira vachifara.

14 Kurohwa kwakaitwa vaapostora kwakaita kuti vadzokere shure kana kuti vanete here? Kana! “Vakabva pamberi peSanihedrini vachifara.” (Mab. 5:41) “Vachifara”? Vakanga vasingafare havo nekuti varohwa. Vaifara nekuti vaiziva kuti vaitambudzirwa kuti vakanga vakaperera kuna Jehovha uye vaitsika makatsika naJesu.—Mat. 5:11, 12.

15 Isuwo tinotsungirira tichifara sezvaingoita hama dzedu idzodzo patinotambudzirwa mashoko akanaka. (1 Pet. 4:12-14) Hakusi kuti tinonakidzwa patinobatwa zvakaipa kana kuti patinoiswa mumajeri. Asi tinofara patinoramba takaperera. Ndozvakaitika kuna Henryk Dornik, uyo akatsungirira achibatwa zveutsinye nehurumende dzinodzvinyirira kwemakore akawanda. Anoyeuka kuti muna August 1944, hurumende yakamuendesa kumusasa wevasungwa pamwe chete nedzimwe hama. Vaivatambudza vacho vakati: “Vanhu ava hativagoni pakunamata kwavo. Vanotofara kana vachitambudzwa.” Hama Dornik vanoti: “Kunyange zvazvo ndakanga ndisiri kuda kufa, chaindifadza ndechekuti ndaitambura ndiine ushingi uye ndichikoshesa kuvimbika kwangu kuna Jehovha.”—Jak. 1:2-4.

Tinoparidza “paimba neimba” sezvaingoitawo vaapostora

16. Vaapostora vakaratidza sei kuti vaiva nechido chakakura chekupa uchapupu hwakasimba, uye tinotevedzera sei zvaiitwa nevaapostora pakuparidza?

16 Vaapostora pavakangosunungurwa vakabva vatotanga kuparidza. Vakaramba kutyisidzirwa saka vakaenderera mberi “vachidzidzisa nekuzivisa mashoko akanaka pamusoro paKristu Jesu mazuva ese, mutemberi uye paimba neimba.” d (Mab. 5:42) Hapana chaitadzisa vaparidzi ava vaishingaira kuramba vachipa uchapupu hwakasimba. Cherechedza kuti vakatotanga kuparidzira vanhu kudzimba dzavo sezvavakanga vaudzwa naJesu Kristu kuti vaite. (Mat. 10:7, 11-14) Zvinofanira kunge zviri izvo zvakaita kuti vazozadza Jerusarema nekudzidzisa kwavo. Mazuva ano Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwawo nekutevedzera zvaiitwa nevaapostora pakuparidza. Patinoparidza paimba neimba tinenge tichiratidza kuti tinoda kupa uchapupu hwakasimba nekupa munhu wese mukana wekunzwa mashoko akanaka. Jehovha ari kukomborera ushumiri hwedu hwepaimba neimba here? Hongu! Mazuva ano ekupedzisira mamiriyoni evanhu akateerera mashoko eUmambo, uye vakawanda vakatanga kuanzwa vachiparidzirwa paimba neimba.

Varume Vakakodzera Kuita ‘Basa Rinofanira Kuitwa’ (Mabasa 6:1-6)

17-19. Inyaya ipi yaigona kuparadzanisa vanhu yakamuka muungano, uye vaapostora vakaigadzirisa sei?

17 Ungano iya itsva yakatanga kutarisana nerimwe dambudziko raigona kuiparadza asi raisabva kuvanhu vekunze. Raiva rei iroro? Vakawanda vevadzidzi vaibhabhatidzwa vaiva vanhu vakanga vashanya kuJerusarema uye vaida kumboramba vachiwedzera kudzidza nezvechiKristu vasati vadzokera kumusha. Vadzidzi vemuJerusarema vakabvisa mari yemupiro kuti ibatsire pakutenga zvekudya nezvimwe zvaidiwa nevaenzi ava. (Mab. 2:44-46; 4:34-37) Pakabva pamuka imwe nyaya yaigona kukanganisa ungano. “Paigoverwa vanhu zvekudya zuva nezuva” chirikadzi dzaitaura chiGiriki “dzakanga dzichidarikwa.” (Mab. 6:1) Asi chirikadzi dzaitaura chiHebheru dzaiwaniswa zvadzaida. Kureva kuti dambudziko rakanga riripo raiva rekusarurana. Nyaya iyoyo ndiyo imwe yenyaya inogona kuparadzanisa vanhu.

18 Vaapostora, avo vaishanda sedare rinotungamirira reungano iyoyo yakanga ichikura, vakaona kuti zvakanga zvisingaiti kuti ‘vasiye shoko raMwari vachipa vanhu zvekudya.’ (Mab. 6:2) Kuti vapedze nyaya, vakaita kuti vadzidzi vatsvage varume vanomwe, “vazere nemweya neuchenjeri,” vovagadza kuti vaite ‘basa iri raifanira kuitwa.’ (Mab. 6:3) Paidiwa varume vakanyatsokodzera nekuti basa racho rinogona kunge raisava rekungopa vanhu zvekudya chete asi raisanganisirawo kubata mari, kutenga zvaidiwa, uye kunyora pasi zvese zvaiitwa. Varume vese vakasarudzwa vaiva nemazita echiGiriki, izvo zvingava zvakaita kuti chirikadzi dziya dzechiGiriki dzakanga dzagumbuka dzivimbe navo. Pashure pekunyatsoongorora vanhu vakanga varumbidzwa ava, vaapostora vakanyengetera vakagadza varume ivavo vanomwe kuti vaite ‘basa iri raifanira kuitwa.’ e

19 Zvinoreva here kuti varume ava vakanga vasisatarisirwe kuparidza mashoko akanaka nekuti vakanga vakapiwa basa rekupa vanhu zvekudya? Kwete! Pavarume vakasarudzwa paiva naStefani, uyo akazoratidza kuti aiva murume akashinga uye aipa uchapupu hune simba. (Mab. 6:8-10) Firipi aivawo mumwe wavo uye anonzi “muevhangeri.” (Mab. 21:8) Saka zvinoratidza kuti varume vacho vese vari vanomwe vakaramba vari vaparidzi veUmambo vanoshingaira.

20. Vanhu vaMwari vanotevedzera sei zvaiitwa nevaapostora?

20 Vanhu vaJehovha mazuva ano vanongotevedzerawo zvaiitwa nevaapostora. Varume vanorumbidzwa kuti vaite basa reungano vanofanira kuratidza kuti mweya waMwari uri kushanda mavari uye vane uchenjeri hwaMwari. Dare Rinotungamirira rinoita kuti varume vanokodzera maererano nezvinotaurwa neMagwaro vagadzwe kuti vashumire sevakuru kana kuti vashumiri veungano. f (1 Tim. 3:1-9, 12, 13) Vaya vanenge vaonekwa kuti vakakodzera vanogona kunzi vakagadzwa nemweya mutsvene. Varume ava vanoshanda nesimba vanoita mabasa akasiyana-siyana anenge achifanira kuitwa. Vakuru vanogona kutungamirira basa rekubatsira vanhu vakwegura vanenge vachifanira kubatsirwa. (Jak. 1:27) Vamwe vakuru vari mumabasa ane chekuita nekuvakwa kweDzimba dzeUmambo, kuronga magungano, uye vamwe vari mumakomiti ekukurukura nezvipatara. Vashumiri veungano vanoita mabasa akawanda asingasanganisiri kufudza nekudzidzisa. Varume vese ivavo vanofanira kuita mabasa eungano uye esangano asi vachiwana nguva yekuita basa ravakapiwa naMwari rekuparidza mashoko akanaka eUmambo.—1 VaK. 9:16.

‘Shoko raMwari Rakaramba Richipararira’ (Mabasa 6:7)

21, 22. Chii chinoratidza kuti Jehovha akakomborera ungano yakanga ichangotangwa?

21 Ichitsigirwa naJehovha, ungano yakanga ichangotangwa yakakurira matambudziko aigona kuiparadza aibva kunze uye aiva mukati. Zvainyatsooneka kuti vaikomborerwa naJehovha nekuti tinoudzwa kuti: “Shoko raMwari [rakaramba] richipararira, uye vadzidzi vakaramba vachiwedzera zvikuru muJerusarema; uye vapristi vakawanda vakatanga kuva vatendi.” (Mab. 6:7) Apa hapasiripo pega panotaurwa nezvekubudirira kwaiita ungano mubhuku raMabasa. (Mab. 9:31; 12:24; 16:5; 19:20; 28:31) Kunyange nesuwo nhasi, handizvo here kuti tinofara patinonzwa nezvekubudirira kuri kuita basa rekuparidza Umambo mune dzimwe nyika?

22 Vatungamiriri vaya vezvitendero vakanga vakashatirwa vakanga vasiri kuzokanda mapfumo pasi. Kutambudzwa kwevaKristu kwakanga kwava kutoda kuwedzera. Stefani akazotambudzwa zvinorwadza sezvatichaona muchitsauko chinotevera.

a Ona bhokisi rakanzi “ Sanihedrini, Dare Repamusoro revaJudha”.

b Ngirozi dzinotaurwa ka20 mubhuku raMabasa uye aka ndiko kekutanga. Pana Mabasa 1:10, ngirozi dzinotaurwa dzichinzi ‘varume vakapfeka nguo chena.’

d Ona bhokisi rakanzi “ Kuparidza ‘Paimba Neimba’”.

e Varume ava vanofanira kunge vakanga vakakodzera kushanda sevakuru nekuti basa iri ravaifanira kuita rakanga rakakura. Asi Magwaro haaratidzi kuti ndepapi chaipo pakatanga kugadzwa vakuru kana kuti vatariri muungano yechiKristu.

f Pakatanga chiKristu pane varume vakakodzera vaipiwa masimba ekugadza vakuru. (Mab. 14:23; 1 Tim. 5:22; Tito 1:5) Mazuva ano Dare Rinotungamirira rinogadza vatariri vematunhu, avo vanozoitawo basa rekugadza vakuru nevashumiri veungano.