CHITSAUKO 20
‘Kukura Uye Kukunda’ Pasinei Nekupikiswa
Aporo naPauro vakabatsira sei kuti mashoko akanaka arambe achikunda?
1, 2. (a) Ndezvipi zvakasangana naPauro nevaaifamba navo muEfeso? (b) Tichakurukurei muchitsauko chino?
MIGWAGWA yemuEfeso iri kuita kutinhira nevanhu vari kumhanya vachiita zhowezhowe. Mhomho yevanhu haichadzoreki! Varume vaviri pavanhu vari kufamba naPauro vatobatwa nemhomho iyi uye vari kuzvuzvurudzwa. Mugwagwa muhombe une zvitoro unosara usina vanhu, vanhu vachidirana vakananga kunhandare hombe yemutambo inokwana vanhu vangasvika 25 000. Vakawanda havatombozivi kuti vaunganirei, asi chavari kungoziva ndechekuti zvine chekuita netemberi uye namwarikadzi wavo wavanoda zvikuru Atemisi wavasingadi kuti abatwe-batwe. Saka vanoramba vachingodaidzira kuti: “Atemisi wevaEfeso mukuru!”—Mab. 19:34.
2 Tiri kuonazve Satani achiedza kushandisa mhirizhonga kuti amise kupararira kwemashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Tinoziva hedu kuti Satani haashandisi mhirizhonga chete. Muchitsauko chino, tichakurukura nzira dzinoverengeka dzakashandiswa naSatani kuti avhiringidze basa uye kubatana kwevaKristu ivavo vekutanga. Chinotokosha ndechekuti tichaona kuti nzira dzake dzese dzakakundikana nekuti “shoko raJehovha rakaramba richikura zvine simba uye richikunda.” (Mab. 19:20) Chii chakaita kuti vaKristu ivavo vakunde? Zvikonzero zvacho ndizvo zvinoitawo kuti isu tikunde mazuva ano. Tinoziva hedu kuti ari kukunda ndiJehovha, kwete isu. Asi sezvaingoita vaKristu ivavo vekutanga, isu tinofanirawo kuita pedu. Jehovha anotibatsira nemweya wake kuti tive sezvaanoda kuti tibudirire muushumiri. Ngatitangei nekuongorora zvakaitwa naAporo.
‘Ainyatsoziva Magwaro’ (Mabasa 18:24-28)
3, 4. Akwira naPrisira vakaona kuti Aporo aipotsa papi, uye vakabva vaita sei?
3 Pauro paaienda kuEfeso ari parwendo rwake rechitatu rweumishinari, mumwe muJudha ainzi Aporo akasvika muguta racho. Aibva kuguta rakakurumbira reArekizandriya, kuIjipiti. Aporo aiva nyanzvi pazvinhu zvakawanda. Aitaura zvinonwisa mvura. Kuwedzera ipapo, akanga “achinyatsoziva Magwaro.” Uye “aipisa nemweya.” Semunhu aishingaira, Aporo aitaura neushingi pamberi pevaJudha musinagogi.—Mab. 18:24, 25.
4 Akwira naPrisira vakanzwa Aporo achitaura. Vanofanira kunge vakafara chaizvo pavaimunzwa “achitaura nekudzidzisa zvakarurama pamusoro paJesu.” Zvaaitaura nezvaJesu zvakanga zvakarurama. Asi vakazoona kuti pane chimwe chinhu chinokosha chaaipotsa pakudzidzisa kwake. “Aingoziva rubhabhatidzo rwaJohani chete.” Mhuri iyi yakanga yakaderera, uye yaiita basa repasi rekugadzira matende haina kuzeza kutaura naAporo nekuti munhu aigona kutaura kana kuti akanga akadzidza. “Vakamutora vakamutsanangurira nzira yaMwari zvakanyatsorurama.” (Mab. 18:25, 26) Saka akaita sei paakaudzwa, nekudzidza kwaakanga akaita uye unyanzvi hwaaiva nahwo? Akaratidza kuzvininipisa, chinova chinhu chinokosha kuti muKristu wese avavarire kuva nacho.
5, 6. Chii chakaita kuti Aporo ashandisike mumaoko aJehovha, uye tinodzidzei paari?
5 Kubvuma kwakaita Aporo kubatsirwa naAkwira naPrisira, kwakatomuvandudza semushumiri waJehovha. Akapfuurira nerwendo rwake akananga kuAkaya, “akabatsira chaizvo” vatendi vaiva ikoko. Akabudirirawo chaizvo paaiparidzira vaJudha vaiva munharaunda iyoyo vaiita nharo kuti Jesu akanga asiri iye Mesiya akanga ataurwa kuti aizouya. Ruka anoti: “Akanyatsoratidza pamberi pevanhu vese uye zvine simba kuti vaJudha vakanga vakarasika, achivaratidza kubva muMagwaro kuti Jesu ndiye Kristu.” (Mab. 18:27, 28) Aporo akabatsira ungano zvechokwadi! Tingatoti mumwe wevanhu vakaita kuti “shoko raJehovha” rirambe richikunda. Tingadzidzei pane zvakaitwa naAporo?
6 Kuzvininipisa kunokosha zvikuru kumuKristu. Mumwe nemumwe wedu ane chipo chake, zvingava zvinhu zvaakazvarwa achikwanisa kuita, zvaakadzidzira, kana kuti ruzivo rwaainarwo. Asi kuzvininipisa kunofanira kuva chinhu chikuru patiri kupfuura zvipo zvatiinazvo. Kana zvisina kudaro zvipo zvese zvatiinazvo zvinenge zvisina zvazvinobatsira. Zvinenge zvava nyore kuti tive vanhu vanozvikudza. (1 VaK. 4:7; Jak. 4:6) Kana tichizvininipisa zvechokwadi, tichaedza kuona vamwe sevakuru kwatiri. (VaF. 2:3) Hatizoomesi musoro patinenge tichiudzwa patinofanira kugadzirisa kana kuramba kudzidziswa nevamwe. Hatizorambi kusiya nzira yataimboita nayo zvinhu kana tichinge taudzwa kuti izvozvo hazvichaenderani nezvatiri kutungamirirwa nemweya mutsvene kuti tiite. Kana tichizvininipisa, ticharamba tichishandiswa naJehovha neMwanakomana wake.—Ruka 1:51, 52.
7. Pauro naAporo vakaratidza sei kuti vaizvininipisa?
7 Kuzvininipisa kunobatsirawo kuti tisakwikwidzana nevamwe. Ungafungidzira here kuti Satani aida zvakadini kuita kuti vaKristu vekutanga ivavo vaite tumapoka? Unofunga kuti angadai akafara zvakadini dai hama dzaishingaira zvikuru dzakadai saAporo nemuapostora Pauro dzakaedza kukwikwidzana, zvichida mumwe achiedza kuti afarirwe nevamwe muungano kupfuura mumwe! Zvaiva nyore kuti vadaro. Vamwe vaKristu vekuKorinde vakanga vatanga kuti, “Ini ndiri waPauro,” vamwe vachiti, “Ini ndiri waAporo.” Pauro naAporo vaikurudzira mweya iwoyo here? Kwete! Uye Pauro akaratidza kuzvininipisa nekubvuma kuti Aporo akanga aitawo basa rake uye akatomupawo mamwe mabasa ekuwedzera. Iyewo Aporo akaita zvese zvaaiudzwa naPauro. (1 VaK. 1:10-12; 3:6, 9; Tito 3:12, 13) Uku ndiko kushandira pamwe kunokurudzira kwatinofanira kutevedzerawo mazuva ano!
‘Akavanyengetedza Nekuvabatsira Kunzwisisa Pamusoro peUmambo hwaMwari’ (Mabasa 18:23; 19:1-10)
8. Pauro akadzokera kuEfeso nenzira ipi, uye akazviitirei?
8 Pauro akanga avimbisa kuti aizodzoka kuEfeso, uye ndozvaakaita. a (Mab. 18:20, 21) Asi cherechedza madzokero aakaita. Takapedzisira kutaura nezvake ari kuAndiyoki, yekuSiriya. Kuti asvike kuEfeso, aigona kungoita rwendo rupfupi-pfupi rwekuenda kuSerukiya, okwira chikepe akananga kuEfeso. Pane kudaro, “akapfuura nemugwagwa waipinda mukati menyika,” waitoita kuti atenderere. Mabasa 18:23 ne19:1, inoratidza kuti rwendo rwaPauro rwunogona kunge rwakasvika makiromita 1 600! Nei Pauro akasarudza nzira iyoyo yaitenderera yakaoma kufamba? Nekuti chinangwa chake chaiva chekuti afambe “achisimbisa vadzidzi vese.” (Mab. 18:23) Rwendo rwake rwechitatu rwaizenge rwakaoma sezvakanga zvakangoita nzendo dzake mbiri dzakapfuura, asi aikuona sekushandira zviripo. Mazuva ano vatariri vematunhu nemadzimai avo vanoratidzawo kuzvipira kwakadaro. Tinovatenda zvikuru nekuzvipira kwavanoita, handizvo here?
9. Nei vamwe vadzidzi vaifanira kubhabhatidzwa zvakare, uye tinodzidzei pane zvavakaita?
9 Achingosvika kuEfeso, Pauro akawana vadzidzi vaJohani Mubhabhatidzi vangasvika gumi nevaviri. Vakanga vabhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwaJohani rwakanga rusisashandi. Uye vanenge vakanga vasingazivi zvakawanda nezvemweya mutsvene. Pauro akavabatsira kugadziridza manzwisisiro avo, uye vakaratidza kuzvininipisa uye chido chekudzidza sezvakaitwa naAporo. Pavakanga vabhabhatidzwa muzita raJesu, vakagamuchira mweya mutsvene uye vakanga vava kukwanisa kuita zvimwe zvishamiso. Saka zviri pachena kuti kufambirana nezvinenge zvichidzidziswa nesangano raJehovha riri kufambira mberi kunounza makomborero.—Mab. 19:1-7.
10. Nei Pauro akabva musinagogi achienda kuimba yechikoro, uye tinodzidzei pane zvaakaita?
10 Pane zvimwezve zvatinodzidza nezvekufambira mberi zvakazoitika. Pauro akaparidza neushingi musinagogi kwemwedzi mitatu. Kunyange zvazvo akanga “achikurukura nevanhu achivanyengetedza nekuvabatsira kunzwisisa pamusoro peUmambo hwaMwari,” vamwe vakaomesa musoro uye vakatotanga kumupikisa zvakasimba. Pane kutambisa nguva pavanhu vakanga “vachitaura zvakaipa pamusoro peNzira Iyi,” Pauro akaronga kunotaura ari muimba yechikoro. (Mab. 19:8, 9) Vaya vaida kufambira mberi pakunamata vaifanira kumutevera kuimba iyoyo vachibva kusinagogi. Isuwo tinogona kutevedzera Pauro nekurega kuramba tichitaura nasaimba asingadi kuteerera kana kuti ari kuda kungoita nharo dzisina basa. Kuchiine vanhu vakawanda vakaita semakwai vanoda havo kunzwa shoko redu rinokurudzira!
11, 12. (a) Pauro akaratidza sei kuti aishingaira uye aichinja zvinoenderana nevanhu vaari kuparidzira? (b) Zvapupu zvaJehovha zvinoedza sei kutevedzera zvaiitwa naPauro?
11 Pauro angangodaro aitaura zuva nezuva ari muimba iyoyo yechikoro kubva nenguva dza11:00 mangwanani kusvika na4:00 masikati. (Mab. 19:9) Angangodaro aisarudza nguva iyoyo nekuti kunyange zvazvo yaipisa, ndiyo nguva yaimbomira vanhu kuita mabasa avo kuti vazorore nekudya. Dai kuri kuti Pauro akatevedzera purogiramu yakadaro kwemakore maviri akazara, angadai akaita maawa anopfuura 3 000 achidzidzisa. b Pauro aishingaira zvechokwadi uye aichinja zvinoenderana nemamiriro ezvinhu. Ichi ndicho chimwe chikonzero nei shoko raJehovha rakaramba richikura uye richikunda. Akachinja purogiramu yake kuitira kuti ushumiri hwake huenderane nevanhu vemaaigara. Nezvaakaita izvi, “vese vaigara munharaunda yeEzhiya vakanzwa shoko raShe, vaJudha nevaGiriki.” (Mab. 19:10) Akapa uchapupu hwakasimba chaizvo!
12 Zvapupu zvaJehovha mazuva ano zvinoratidzawo kuti zvinoshingaira uye zvinochinja maererano nezvinenge zviripo. Tinoedza kuenda kwese kunowanika vanhu, panguva yavanowanikwa. Tinoparidzira mumigwagwa, mumisika uye munzvimbo dzinopakwa motokari. Tinogona kuparidzira vanhu nefoni kana netsamba. Uye tinoedza kuita basa repaimba neimba panguva dzatinoziva kuti vanhu vanogona kuwanika vari pamba.
Mabasa 19:11-22)
‘Kukura Uye Kukunda’ Pasinei Nemweya Yakaipa (13, 14. (a) Jehovha akapa Pauro simba rekuitei? (b) Vanakomana vaSkevha vakanga vakarasika papi, uye vakawanda vanozviti vaKristu vakafanana navo papi?
13 Ruka anozotiudza kuti Pauro akabatsirwa naJehovha kuita “mabasa anoshamisa esimba.” Kunyange machira nemaepuroni zvaipfekwa naPauro zvaiendeswa kuvanhu vairwara, vobva vapora. Izvi zvaidzingawo mweya yakaipa. c (Mab. 19:11, 12) Kukundwa kwaiitwa Satani kwakafadza vakawanda, asi havasi vese vakabatsirwa nazvo.
14 “Vamwe vaJudha vaifamba vachidzinga madhimoni” vakaedza kutevedzera zvishamiso zvaiitwa naPauro. Vamwe vevaJudha ivavo vakaedza kudzinga madhimoni vachishandisa zita raJesu neraPauro. Ruka anoti vamwe vakaita izvi vanakomana vanomwe vemumwe mutungamiriri wevapristi wechiJudha ainzi Skevha. Dhimoni racho rakavaudza kuti: “Jesu ndinomuziva uye Pauro ndinomuziva; asi imi ndimi vanaani?” Murume wacho akanga akagarwa nedhimoni akabva avasvetukira sechikara, vakaita rumwe rumwe vachitiza vasina kupfeka, vakuvara. (Mab. 19:13-16) Uku kwaiva kukunda ‘kweShoko raJehovha’ kunoshamisa, nekuti kwakanyatsobudisa pachena kuti zvitendero zvenhema hazvina simba serakanga rapiwa Pauro. Kunyange nanhasi kune mamiriyoni evanhu vanofunga kuti kungodana zita raJesu kana kuti kungozviti “vaKristu,” kwakatokwana. Asi Jesu akaratidza kuti vaya vanoita kuda kwaBaba vake chete ndivo vane tariro yeramangwana.—Mat. 7:21-23.
15. Tingatevedzera sei vaEfeso kana taiita kana kuti tiine zvinhu zvine chekuita nechidhimoni?
15 Kunyadziswa kwakaitwa vanakomana vaSkevha kwakaita kuti vanhu vakawanda vatye Mwari, zvikaita kuti vakawanda vave vatendi uye vasiye kuita zvemidzimu. Vanhu vekuEfeso vakanga vakanyura mune zvemashiripiti. Kutsingana uye kushandisa mazango, nemashoko ekupanana munyama ainge akaita zvekunyorwa mumabhuku, zvakanga zvakazara. Pavakaona izvi vaEfeso vakawanda vakauya nemabhuku avo emashiripiti ndokuapisa pamberi pevanhu vese, kunyange zvazvo mabhuku acho aidhura zvikuru. d Ruka anoti: “Saka shoko raJehovha rakaramba richikura zvine simba uye richikunda.” (Mab. 19:17-20) Uku kwaiva kukundwa kunoshamisa kwedzidziso dzenhema nechidhimoni! Zvakaitwa nevanhu ivavo vakatendeka zvinotidzidzisawo mazuva ano. Tinoraramawo munyika yakanyura munyaya dzemadhimoni. Tikangoziva kuti pazvinhu zvatiinazvo pane chimwe chinhu chakabatana nechidhimoni, tinofanira kuchirasa pakarepo sezvakaitwa nevaEfeso! Kunyange zvingareva kurasikirwa nechimwe chinhu, ngatiitei zvese zvatinogona kuti titambire kure nemaitiro akadaro anosemesa.
“Kwakaita Bongozozo Chairo” (Mabasa 19:23-41)
16, 17. (a) Tsanangura kuti Dhemetriyo akaita sei kuti pave nenyonganyonga muEfeso. (b) VaEfeso vakaratidza sei kuti vaipfuura mwero panyaya yechitendero chavo?
16 Iye zvino tinosvika pane imwe nzira inoshandiswa naSatani yakataurwa naRuka paakanyora kuti “kwakaita bongozozo chairo pamusoro peNzira Iyi.” Uku kwakanga kusiri kuwedzeredza. e (Mab. 19:23) Nyaya yacho yakatangwa naDhemetriyo. Akafurira vanhu vaaishanda navo basa reumhizha achitanga nekuvayeuchidza kukosha kwebasa ravo rekutengesa zvidhori raivawanisa mari. Akazovaudzawo kuti mashoko aiparidzwa naPauro aikanganisa bhizimisi ravo, nekuti vaKristu vakanga vasinganamati zvidhori. Achiziva kuti vanhu vaaitaura navo vainzwa sei nezvenyika yavo uye kunamata kwavo, akavaudza kuti mwarikadzi wavo wavaida Atemisi netemberi yake yakanga yakakurumbira zvaizoonekwa ‘sezvisina basa.’—Mab. 19:24-27.
17 Mashoko aDhemetriyo akaita kuti zvaaida zviitike. Vapfuri vesirivha vakatanga kushevedzera kuti “Atemisi wevaEfeso mukuru,” uye guta rese yakanga yangova nyonganyonga, sezvarondedzerwa patangira chitsauko chino. f Pauro semunhu akanga akajaira kuzvipira, aida kupinda munhandare imomo kuti ataure nevanhu, asi vamwe vadzidzi vakamurambidza vachiti aizokuvadzwa. Mumwe murume ainzi Arekizanda akamira pamberi pevanhu achida kuedza kutaura. Sezvo aiva muJudha, angangodaro aida kuedza kuvatsanangurira kuti vaJudha vakanga vakasiyana nevaKristu. Hapana aizombomunzwa nezvaiitwa nevanhu. Pavakaziva kuti aiva muJudha, vese vakatanga kushevedzera pamwe chete kuti, “Atemisi wevaEfeso mukuru,” kwemaawa angasvika maviri. Nyaya yekupfuura mwero panyaya dzezvitendero haina kuchinja kusvikira nanhasi. Kuchiine vanhu vanoshingairira zvitendero zvavo zvekusvika pakusafunga zvachose.—Mab. 19:28-34.
18, 19. (a) Munyori wezvaiitika muguta akanyararidza sei mhirizhonga yaiitika muEfeso? (b) Vanhu vaJehovha vanombotsigirwa sei nevanhu venyika vane zvinzvimbo, uye isuwo tingaitei kuti izvozvo zviitike?
18 Munyori wezvaiitika muguta akazokwanisa kunyararidza vanhu. Munyori uyu aiva nepfungwa dzakadzikama, akaudza vanhu ivavo kuti chiKristu chakanga chisingakanganisi temberi yavo namwarikadzi wavo, uye kuti Pauro nevamwe vake vakanga vasina kutadzira temberi yaAtemisi, ndokuzovayeuchidza kuti pane nzira yepamutemo yaishandiswa kugadzirisa nyaya dzakadaro kana dzaitika. Chimwe chinoratidza kuti aiva munhu werudzii ndechekuti akavayeuchidza kuti vaigona kusungwa nemutemo weRoma nemhaka yekuunganidza vanhu zvisiri pamutemo vachiita nyonganyonga. Akabva audza vanhu kuti vaparare. Mashoko aya ane musoro uye anoratidza uchenjeri akaita kuti mhomho iya yanga ichiviruka idzikame pasina nguva.—Mab. 19:35-41.
19 Aka kakanga kasiri kekutanga kuti munhu ane chinzvimbo anonzwisisa ataure achitsigira vateveri vaJesu, uye kakanga kasiri kekupedzisira. Muapostora Johani akatogara aratidzwa kuti mumazuva ekupedzisira, vanhu kana kuti masangano anonzwisisa, ayo anofananidzirwa nenyika, aizomedza mafashamo ekutambudzwa kwevateveri vaJesu. (Zvak. 12:15, 16) Izvozvo zviri kuitika zvechokwadi. Vatongi vanoda havo kuita basa ravo nemazvo vanowanzotsigira kodzero dzeZvapupu zvaJehovha dzekuungana kuti zvinamate uye zviparidzire vamwe mashoko akanaka. Tinoziva kuti nzira yatinozvibata nayo inogona kubatsirawo pakupiwa kwatinoitwa mitongo yakadaro. Kuzvibata kwaPauro kunogona kunge kuri iko kwakaita kuti vakuru vemuEfeso vamuremekedze, saka vakamuchengetedza paakanga ava kuda kukuvadzwa. (Mab. 19:31) Nesuwo kuzvibata kwedu uye kuva vanhu vanoremekedza vamwe ngakuite kuti vaya vatinosangana navo vationewo zvakanaka. Pamwe zvinogona kutozobatsira vamwe vanhu zvatisingatombozivi.
20. (a) Unonzwa sei nekukunda kwaiita shoko raJehovha makore akatanga chiKristu uye kukunda kwariri kuita mazuva ano? (b) Uchaitawo sei pakubatsira pakukunda kuri kuita Jehovha mazuva ano?
20 Zvanga zvichinakidza kuona kuti “shoko raJehovha rakaramba richikura zvine simba uye richikunda” sei panguva yevaKristu vekutanga. Zvinotifadzawo kuona Jehovha achiita saizvozvo mazuva ano. Haungafariwo here kuziva kuti une zvimwe zvaunogona kuita kuti kukunda ikoko kuitike, kunyange zvikava zvidiki hazvo? Saka dzidza pane zvatakurukura. Ramba uchizvininipisa, fambirana nesangano raJehovha riri kufambira mberi, ramba uchishanda nesimba, ramba chidhimoni, uye ita zvese zvaunogona kuti upe uchapupu hwakasimba nekuzvibata zvakanaka uye zvine ruremekedzo.
a Ona bhokisi rakanzi “ Efeso, Guta Guru reEzhiya”.
b Pauro akanyorawo 1 VaKorinde ari kuEfeso.
c Aya angangodaro ari machira aisungirirwa naPauro mumusoro kuti dikita risayerera richipinda mumaziso. Uye Pauro anogona kunge aitanga aita basa rake rekugadzira matende asati atanga kuparidza nekuti panotaurwa nezvemaepuroni ake.—Mab. 20:34, 35.
d Ruka anoti mabhuku acho aiva neukoshi hwemasirivha 50 000. Kana aireva dhinari, zvinoreva kuti munhu aizoshanda mazuva 50 000, kana kuti makore 137, kuti awane mari iyoyo, achishanda mazuva ese pavhiki.
e Vamwe vanoti Pauro aireva chiitiko ichi paakaudza vaKorinde kuti “takanga tisina chokwadi kana taizopona.” (2 VaK. 1:8) Asi anogona kunge aitotaura chimwe chiitiko chakanga chakatoipa kupfuura ipapo. Pauro paakanyora kuti “ndakarwa nezvikara muEfeso,” anogona kunge aitaura nezvekukandwa munhandare mune mhuka dzinotyisa, kana kuti aireva vanhu vaimupikisa. (1 VaK. 15:32) Zvese zvinogona kunge zvakaitika.
f Masangano akadaro emubatanidzwa wevashandi akanga aine simba chaizvo. Papfuura makore zana muEfeso makazoita nyonganyonga yakaita saiyoyo yakonzerwa nevabiki vechingwa.